RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 10/1 pp. 20-25
  • Upenyu Hwedu Hunotusa Savafundisi muAfrica

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Upenyu Hwedu Hunotusa Savafundisi muAfrica
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mushandi Wapapurazi weAmerica Anodzidza Zvokwadi
  • Kushanda Takananga Nharidzano Yebasa Roufundisi
  • Kubva kuGilead Tichienda kuAfrica
  • Upenyu Hunotusa Musango
  • Kuenda Kwedu Kudenga reAfrica
  • Vafundisi Vanokurumidzisa Kukura Munyika Yose
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kusimbiswa Noukama Hwedu Hwomunyika Yose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Jehovha Akandidzidzisa Kuita Kuda Kwake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 10/1 pp. 20-25

Upenyu Hwedu Hunotusa Savafundisi muAfrica

Yakataurwa naJohn Miles

NZVIMBO yacho inzvimbo munochengeterwa mhuka kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweZimbabwe. Mudzimai wangu, Val, neni tiri kuchaira takananga kuVictoria Falls yakakurumbira. Aiwa, hatisi vashanyi. Tiri vafundisi uye takatumwa kuno kuzoshanda pakati paVatema vomunzvimbomo. Sezvatinotenderera kona, apo, yakamira parutivi pomugwagwa, inzou huru. Ndinodzima injini uye ndinozendamira kunze napawindo kuti nditore pikicha. Ndava kutora imwe apo Val anoridza mhere:

“Iri kutiuira!”

Nokukurumidza ndinomutsa injini, asi iyo inodzima. Haiwa mugariro wakaoma zvakadini! Nzou inogumisa kudenha kwayo uye inosimudza makumbo kuti ititsike. Munguva chaimo injini inomukazve uye tinokonera musango. Sezvineiwo, hapana mabwe kana kuti miti yokudzivisa kupukunyuka kwedu. Tinosarudza kupa VaJumbo nzira ndokupfuurira nenzira yakasiana.

Imwe nzvimbo. Nguva ino tiri mugomo roumambo reLesotho, kumaodzanyemba kweAfrica. Masikati eSvondo mudzimbahwe, Maseru. Tiri kudzokera kumusha pashure pokufarikanya kuungana kwechiKristu navatendi biyedu vomunzvimbomo. Kamwe kamwe, tinodenhwa namakororo maduku maviri. Rimwe rinondirova nechibhakera uye rimwe rinosvetukira pamusana pangu. Ndinoribvisa, uye iro rinotendeukira kuna Val, richibata bhegi rake. Val anodanidzira zvinonzwika, kuti: “Jehovha! Jehovha! Jehovha!” Kamwe kamwe, murume wacho anorega bhegi rake uye achipaparika anodzoka. Anondirova nezvibhakera anodzokawo—zvibhakera zvake zvichirova mhepo. Tinopfuurira kukurumidza, tichinyaradzwa zvikuru nokusangana navatendi biyedu panomira bhazi.—Zvirevo 18:10.

Chimwe nechimwe chezvinoitika zviri pamusoro apa chakagara maminiti mashomanene bedzi, asi zviri pakati peyeuko dzakawanda dzisingakanganwiki dzamakore edu 32 apfuura savafundisi muAfrica. Takasvika kuno seiko? Neiko takava vafundisi? Hwave huri upenyu hunotusa here?

Mushandi Wapapurazi weAmerica Anodzidza Zvokwadi

Kwose kwakatanga muna 1939 apo ini ndakasangana naVal Jensen muYakima, Washington, U.S.A. Panguva iyoyo, ndaishanda papurazi uye Val aishanda somuchengeti wemba. Iye aiwanzotaura kwandiri pamusoro peBhaibheri. Chinhu chimwe chakandiorora yakanga iri tsananguro yake yokuti hero haisi nzvimbo inopisa. (Muparidzi 9:5, 10; Mabasa 2:31; Zvakazarurwa 20:13, 14) Kunyange zvazvo ndakanga ndisingaendi kuchechi, ndaiziva izvo vakuru vorudzidziso vaidzidzisa pamusoro pehero, uye izvo Val akandiratidza muBhaibheri zvakanzwika kuva zvine mufungo zvikuru.

Baba vaVal naamai vakanga vava Zvapupu zvaJehovha muna 1932. Val akatangawo kufunda Bhaibheri, uye akabhapatidzwa muna September 1935. Pashure pokunge tava vakarovedzana, Val akandikoka kuti tiende kumisangano kuHoro yoUmambo. Ndakabvuma uye ndakafarikanya songanirano navanhu vandakasangana navoko, ndiko kuti, panguva ipi kana ipi apo kurima kwaindibvumira nguva yokuenda. Upenyu hwapapurazi hwaingova hwokutanga muupenyu hwangu. Pashoma napashoma, kunyanguvezvo, ndakavamba kurangarira misangano zvakakomba zvikuru, uye Zvapupu zvomunzvimbomo zvakandikoka kugoverana mukuparidzira paimba neimba. Kuita ikoku mutaundi romumusha mangu kwakaratidzika somuedzo mukurusa kwandiri. Asi ndakaukunda.

Zvinhu zviviri zvisingakanganwiki zvakaitika muna 1941. Muna March, ndakabhapatidzwa sechapupu chakazvitsaurira chaJehovha, uye gare gare Val neni takaroorana. Ipapo, muna October 1942, takatanga mubasa rokuparidzira renguva yakazara samapiona muNorth Dakota yokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva.

Hatisati tichizotongokanganwa chakaitika gore rakatevera racho. Chakanga chiri chinoitika chinokosha munhau yeZvapupu zvaJehovha. Pana February 1, 1943, kurovedza vafundisi kwakavamba nokuda kwekirasi yokutanga yainzi panguva iyeyo Watchtower Bible College of Gilead. Mwedzi miviri gare gare takapinda “Danidzo Yokuchiito” gungano muAberdeen, South Dakota. Zvikomborero zvebasa roufundisi munyika dzokumwe zvakarondedzerwa, uye chishuvo chokupinda Gilead ndokuva vafundisi chakanyandurwa mumwoyo yedu.

Kushanda Takananga Nharidzano Yebasa Roufundisi

Makore mapfumbamwe aifanira kupfuura tisati tawana nharidzano yedu. Mukati menguva iyoyo, takava namamwe maropafadzo akaisvonaka ebasa, pamwe chete nemhinganidzo. Pashure pokupayona kwegore rimwe nehafu muNorth Dakota, takakumbira ndima yamapiona muMissouri. Ikoku kwakabvumwa, uye takagadzikana muguta reRolla. Ndima yedu yaibatanidza Nyika yose yePhelps umo makanga muchingova neChapupu chimwe bedzi chinoshingaira. Takapedzeramo makore matatu anofarikanywa uye takagoverana mukutangwa kweungano.

Ipapo takatarisana nechinetso chakaderedza tariro dzedu dzokuva vafundisi. Mari yedu yakapera. Kuronga kusina kutsarukana nokushaiwa kutenda kwokuti Jehovha aizogovera zvakatiparira kurega kupayona. Yakanga iri vavariro yedu kuti ikoku kunofanira kuva kwemwedzi mishomanene bedzi, asi rakanga riri gore nehafu tisati tatanga kupayona zvakare. Nguva ino takanga takatsunga kusadzokorora zvikanganiso zvedu zvakapfuura. Mugove wedu mutsva wakanga uri neungano mutaundi reReardan muNyika yokumabvazuva kweWashington. Basa renguva isina kuzara rakanga rakaoma kuwana, naizvozvo taidikanirwa kuvimba zvikuru naJehovha kugovera zvinodikanwa zvedu zvezuva nezuva.—Mateo 6:11, 33.

Ndima yedu yaibatanidza mataundi maduku anoverengeka munzvimbomo. Rimwe zuva taifanira kuita rwendo rwokuenda tichidzokera rwamakiromita 130 kuzoshanyira vanhu neshoko roUmambo. Takanga tisina mafuta akakwana asi hatina kurega ikoku kuchitimisa. Tichibuda mutaundi, takamira papositi hofisi, uye chii chamunofunga kuti takawana? Ipapo, yakanga yakatimirira yakanga iri tsamba yakabva kuhama yangu yokunyama yakanga ichangobva kutanga kufunda Bhaibheri neZvapupu. Yaiva necheki yemari yakakwana kuzadza tangi redu neimwe. “Takanga tichizopa ichi chipo kuBoys Town,” ivo vakanyora kudaro, “asi takasarudza kuti maiida zvikuru kupfuura Baba Flanagan.” Vakanga vakarurama sei!

Zvinoitika zvakafanana neizvi zvakasimbisa uzvokwadi hwechipikirwa chaJesu, chinoti: “Tsvakai nguva dzose umambo [hwaMwari], uye izvi zvinhu [zvinodikanwa zvokunyama] zvichawedzerwa kwamuri.” (Ruka 12:31) Iyi yakanga iri rovedzo inokosha iyo yaizotibetsera kupfuurira mukutarisana nezvimwe zvinetso.

Imwe nguva yechando, taingova nomugove muduku bedzi wamarasha. Taizobvumira here mugariro wacho kuchinja kutsunga kwedu kwokuramba tichipayona? Takaisa nhau yacho kuna Jehovha mumunyengetero ndokuenda kundorara. Panguva yechitanhatu mangwanani akatevera acho, suo redu rakagogodzwa! Yakanga iri hama nomudzimai wayo avo, vachidzokera parwendo rwokuhama dzokunyama, vakanga vasarudza kutishanyira. Takabatidza mwoto, takaisa chidimbu chokupedzisira chamarasha ndokugadzira kofi. Tichifarikanya songanirano yavo, hama yacho yakabvunza kamwe kamwe kuti, “Mune marasha here?” Val neni takatarisana ndokutanga kuseka. Marasha chakanga chiri chinhu chimwe taida nokukurumidza. Ivo vakatipa madhora gumi namasere namasendi makumi mashanu, ayo mumazuva iwayo aibhadhara inenge hafu yetani yamarasha.

Pane imwe nhambo gungano redunhu rakanga rodokusvika, uye taingova namadhora mapfumbamwe namasendi makumi maviri namashanu bedzi. Uyewo, kubhadharwa kweraisenzi kwemotokari yedu kwakanga kuchizokurumidza kusvika pashure pegungano. Takasarudza kuisa zvinhu zvokutanga pakutanga ndokupinda gungano. Kuonga kumudzimu worupo wehama, takadzokera kumugove wedu tine $27,75. Raisenzi yakaita $26,82!

Takafarikanya basa redu roupiona kumabvazuva kweWashington, uye chiverengero chakati chemhuri chataifunda nacho Bhaibheri chakava zvapupu zvakavimbika zvaJehovha. Pashure pamakore maviri mumugove iwowo, zvisinei, ndakagamuchira tsamba yakabva kuWatch Tower Society ichitaura kuti ndakanga ndarumbidzwa kubatira somushumiri anofambira, ndiko kuti, munhu anoshanyira ndokukurudzira ungano dzeZvapupu zvaJehovha mudunhu. “Kana ukagadzwa, uchagamuchira here uyu mugove?” Sosaiti yakabvunza kudaro, ichiwedzera, kuti: “Tapota zivisa nokukurumidza.” Kusiri madikanwa kutaura, mhinduro yangu yakanga iri hungu. Kutanga muna January 1951, takapedzera gore rimwe nehafu mudunhu guru raifukidza hafu yokumadokero kweNorth Dakota nehafu yokumabvazuva kweMontana.

Mukati meiyi nhambo, takagamuchira imwe shamisiko—kokero yokupinda kirasi yechi 19 yeGilead! Ko chishuvo chedu chaizozadzikwa here pakupedzisira? Maiwe, imwe tsamba yakatevera ichiti kirasi yacho yakanga yazadzwa nehama dzakabva kudzimwe nyika. Ikoko kwakanga kuri chidziviso, asi hatina kusiiwa! Mwedzi mishomanene gare gare, takagamuchira kokero yokukirasi yechi 20 matakagamuchirwa muna September 1952.

Kubva kuGilead Tichienda kuAfrica

Takaonga sei runako rwaJehovha mukutiunganidzira pamwe chete navadzidzi vanopfuura zana rimwe vakabva kumativi akawanda apasi—Australia, New Zealand, India, Thailand, Philippines, Scandinavia, England, Egypt, uye Central Europe! Ikoku kwakatibetsera kuona tambanuko kwairi Jehovha akanga achiita kuti shoko roUmambo riparidzirwe.—Mateo 24:14.

Nguva tiri paGilead yakakurumidza kupfuura, uye takapedza kufunda muna February 1953. Pamwe chete navamwe vana, takagoverwa kuNorthern Rhodesia (zvino Zambia) muAfrica. Sosaiti, kunyanguvezvo, nomutsa yakatibvumidza kugara muUnited States nokuda kwekokorodzano yamarudzi ose yaizofanira kuitirwa muYankee Stadium gare gare gore iroro muna July. Mukati memwedzi yapamberi pekokorodzano uye kwenguva yakati pashure pezvo, ndakabatira somutariri wedunhu mumabvazuva eOklahoma.

Muna November 1953, Val neni, pamwe chete navamwe vafundisi vatanhatu, takakwira ngarava inotakura zvinhu yaienda Africa. Takasvika paDurban, South Africa, ndokuenda kuchamhembe nechitima tichienda kuSouthern Rhodesia (zvino Zimbabwe). Muno vaviri vakatisiya kuti vatore migove yavo muSalisbury (zvino Harare), apo vasara vedu takapfuurira kuKitwe, Northern Rhodesia.

Val neni takagoverwa kutaundi romugodhi reMufulira uko kwakanga kune mhuri shomanene dzinofarira asi kusina ungano. Jehovha akakomborera basa redu rokuparidzira paimba neimba. Takatanga fundo dzeBhaibheri dzakawanda, uye nokukurumidza chiverengero chakati chavanhu vanofarira chakavamba kupinda misangano yechiKristu. Pashure pemwedzi inoverengeka takadanwa kuzozadza nzvimbo dzakanga dzisina vanhu kuhofisi yebazu yeWatch Tower Society muLuanshya. Gare gare, takapiwa mumwe mugove wokubatira savafundisi muLusaka. Tiri ikoko, ndakabatira panguva nenguva somutariri wedunhu nokuda kwechiverengero chiduku cheungano dzaitaura chiNgezi.

Upenyu Hunotusa Musango

Ipapo, muna 1960, takachinjirwa kuSouthern Rhodesia uko ndakagoverwa kubatira somutariri weruwa pakati pehama dzavatema. Murutivi, ikoku kwakabatanidza kushanyira ungano nokutarisira magungano edunhu nekokorodzano dzeruwa. Zhinjisa dzeidzi ungano dzaiva mumaruwa, naizvozvo taifanira kudzidza kugara musango. Tainzwa kuti kana hama dzedu dzaigona kugara musango, isu taigonawo.

Hofisi yebazu yeWatch Tower Society yakatishongedzera nemotokari ine tani imwe nehafu. Shure kwakanga kwakafukidzwa nerata namasuo maviri okukwidza zvinhu. Mawindo apakati pemberi nevhani akanga akakura zvakakwana kupinda napo, uye akanga akafukidzwa namaketani epurasitiki. Zvinhu zvedu zvomumba zvaiva mubhedha wakasungirirwamo nemetiresi yefoam-rubber. Taiva namakabati ebhokisi nechitofu cheparafini. Taivawo neodhiropu inotakurika netende.

Nokukurumidza pashure pokutanga mugove wedu murutivi rwokumadokera rwenyika yacho, ndakarumwa nekapuka kasingazivikanwi. Kwakaparira gumbo rangu kuzvimba ndokuunza fivha. Kuipisa zvinhu, mugariro wokunze wakashata uye kwakavamba kunaya zvikuru. Ndaidikitira zvikuru kwazvo zvokuti magumbeza aifanira kuchinjwa kazhinji kazhinji. Panenge pakati pousiku, Val akasarudza kuti ndinofanira kuona chiremba. Iye akachaira akananga kumugwagwa mukuru, asi motokari yakajomba mumadhaka. Muuyo bedzi wenhamburiko dzaVal dzokuisaidzirira mberi kana kuti shure wakanga uri kundizunungusa. Apo iye akapwiswa kuti pakanga pasina chimwe chinhuzve chaaigona kuita, akazviputira amene mugumbeza rakaoma rokupedzisira ndokundikumbanira muvhani mvura ichiri kunaya zvikuru.

Mangwanani akaunza nyaradzo. Ndakanga ndichinzwa zviri nani, mvura yakanga yamira, uye hama dzakasvika kuzogadzirira gungano dzakasaidzira motokari yedu kuti ibude mumadhaka. MuBulawayo dzimwe hama dzine mutsa dzakandiendesa kuchipatara, uye pashure pokurapwa ndakakwanisa kudzoka ndokupfuurira negadziriro dzegungano.

Makanga muri mukati meiyi nhambo, tichifamba pakati peungano, apo takasangana nenzou. Takasanganawo nezvisikwa zviduku zvakawanda. Vamwe vavashanyiri vedu vetende, kunze kwenhunzi noumhutu, akanga ari masvesve enguva yokukohwa. Munguva pfupi zvikuru, iwaya aigona kuita mwena muchipfeko chipi nechipi kana kuti jira rakanga rasiiwa riri pasi. Marudzi akasiana-siana amagwenjere namabuve izvo zvakatishanyira zvakanga zvisingakuvadzi, asi nyamafungu akapinda akakurumidza kubudiswa. Uye zvinyaride zvakanga zvisingadikanwiwo. Val anorondedzera kuruma kwazvo sokunzwa sokunge chipikiri chitsvuku charovererwa mauri nesando. Iye anofanira kuziva. Akarumwa kana!

Zvichida zvinhu izvozvi zvinoita kuti upenyu hwomusango hunzwike sohusingatongotusi, asi hatina kuhurangarira nenzira iyoyo. Kwatiri, hwakanga huri upenyu hwokunze, hwokushingaira, hwakanaka, uye zvikomborero zvomudzimu zvakakunda nokure zvinofadza zvipi nezvipi zvokunyama.

Nguva dzose kwakanga kuchisimbisa kutenda kuona nhamburiko inoitwa nehama dzomumaruwa kupinda misangano. Imwe ungano yakanga yakaumbwa namapoka maviri anogara akaparadzana namakiromita 23 aibatanidzwa nenzira chete. “Horo yoUmambo” yavo, yaiva pakati pamapoka, yakanga iri muti mukuru nokuda kwomumvuri namabwe nokuda kwokugarira. Hama dzaibva kuboka rimwe nerimwe dzaifamba makiromita 11,5 kuenda chete kuzopinda misangano yavo kaviri pavhiki. Tinoyeukawo vaviri vakwegura vaifamba makiromita 120 vane masutukezi avo namagumbeza kuti vapinde gungano redunhu. Iyi inongova chete mienzaniso miviri yokuti hama dzaVatema dzinonzwisisa sei zano ro‘kusarega kuungana kwavo vamene pamwe chete.’—VaHebheru 10:25.

Mudzimwe nharaunda vagari vomunzvimbomo vainyumwira vavariro yedu, vamwe kunyange kushatirirwa kugara kwedu munzvimbo mavo. Pane imwe nhambo, ndakamisa tende yedu pedyo nenzvimbo yegungano munzvimbo yakapoteredzwa nouswa hurefu. Pashure pokunge rusando rwegungano rwaguma uye tava tarara kwamaawa akati, ndakamutswa nemheremhere kunze. Nokushandisa tochi rangu, ndakagona kuona chimiro chomumwe munhu akamira seri kwomuti muduku.

“Unodei?” Ndakadanidzira. “Neiko uri kuhwanda seri kwomuti iwowo?”

“Sh-h-h hama,” yakauya mhinduro, “tanzwa vanhu vari kutaura kuti vaizopisa uswa huno. Naizvozvo takaronga vachengeti venyu mukati mousiku.”

Ivo vakanga vasina kutiudza nezvengozi yacho kuti varege kudzongonyedza kurara kwedu. Bva ivo vaidisa kurasikirwa nokurara kwavo kuti vatidzivirire! Apo gungano rakapera pamasikati eSvondo, vakaronga kuti motokari imwe ifambe pamberi pedu uye imwe shure kwedu kutozosvikira tabuda munharaunda ine ngozi.

Kwakanga kuchitusawo kuona ukoshi uhwo idzi hama dzinozvininipisa dzinoisa paBhaibheri. Imwe ungano yatakabatira yaiva munharaunda umo vagari vomumusha vairima nzungu. Mukati mevhiki, takachinjana mabhuku namaBhaibheri namabhokisi enzungu dzisina kumenywa. Apo shanyo yedu yakaguma, takarodha zvinhu zvedu, mabhuku, uye nzungu ndokuenda kunzvimbo yegungano rinotevera. Nokukurumidza pashure pokubva munharaunda yacho, takakumbirwa kumira nemhaka yokuti mumwe munhu akanga achiedza kutibata. Takamira ndokumirira. Akabvumikisa kuva mukadzi akura zvikuru akatakura bhokisi renzungu pamusoro pake. Panguva yaakatisvikira, akanga aneta kwazvo zvokuti akawira pasi uye aitofanira kugarapo kutozosvikira ogona kufema zvakare. Hungu, akanga achida Bhaibheri! Taitofanira kuburutsa chinenge chinhu chiri chose, asi wakanga uri mufarwa kugutsa chishuvo chake. Rimwe Bhaibheri mumaoko ane rudo—uye rimwe bhokisi renzungu muvhani medu!

Kwakanga kuchishamisawo kuona kuti Jehovha akamutsa sei vatariri vamatunhu vokushanyira ungano dzakawanda musango reAfrica. Panguva iyoyo kwakanga kwakaomera Sosaiti kuwana hama dzakakwaniriswa dzakanga dzisina misengwa yemhuri. Naizvozvo kwakanga kusiri kwechienzi kuti mutariri anofambira aende paungano neungano, zvimwe nebhazi kana kuti akatasva bhasikoro, nomudzimai wake navana vaviri kana kuti vatatu, masutukesi, magumbeza, uye mabhuku. Idzi hama nemhuri dzadzo dzakashanda zvakaoma chaizvoizvo nenzira yokusanyunyuta kubatira ungano. Yakanga iri ropafadzo huru kubatira navo.

Muma 1970 hondo yavagari vemo yakavamba kuparira hama zvinetso, uye chirevo chokusatora rutivi chakanga chichiedza zvikuru kuvimbika kwavazhinji vadzo. (Johane 15:19) Sosaiti yakakufunga kuva kwakanakisisa kuchinja mugove wangu kuti ndirege kuipisa mugariro nokuda kwehama zvisiri madikanwa. Naizvozvo, muna 1972, ndakadanwa kuzobatira pahofisi yebazu muSalisbury. Ikoku kwakandipa banza rokubetsera nokuvakwa kwehofisi itsva. Pane imwe nguva gare gare ndakagoverwa somutariri wedunhu weungano dzinotaura chiNgezi dzakapararira zvikuru. Ikoku kwakada kufamba muZimbabwe mose. Mudzimwe nharaunda mugariro waiva nengozi kwazvo zvokuti taifanira kufamba mukonivhoyi dzakarongwa nehurumende ndokurindwa nehondo yaiva netsigiro yendege neherikoputa.

Kuenda Kwedu Kudenga reAfrica

Ipapo kwakasvika imwe chinjo huru yomugove. Taifanira kubatira muMaseru, dzimbahwe reLesotho. Iyi inyika ina makomo, pane dzimwe nguva inonzi denga reAfrica, uye iyo ine nzvimbo dzakawanda dzezviono zvakanaka.

Kunyange zvazvo tichionga ndokufarikanya zvokuona, ikoko kwakanga kusati kuri donzo redu mukuuya muno. Tiri muno kuzobetsera kuwana “zvinhu zvinodikanwa” zvinotaurwa nezvazvo pana Hagai 2:7 (NW). Iyi inyika duku ine chiverengero chavagari vemo vane mirioni imwe nehafu bedzi. Patakasvika muna 1979, Zvapupu 571, paavhareji, zvakanga zvichigoverana mukuparidzira “aya mashoko akanaka oumambo” mwedzi mumwe nomumwe. (Mateo 24:14, NW) Ungano yomuMaseru yakakura kusvikira papfundo apo iyo yaifanira kukamuraniswa kuva mbiri. Misi ichangobva kupfuura iyi zvikuru, muna April 1988, takafadzwa zvikuru nokusvitsa chiverengero chitsva chavazivisi voUmambo 1 078.

Munguvayi, basa rinopfuurira kufambira mberi mumigove yedu yekare youfundisi yeZambia neZimbabwe. Patakatanga kusvika muAfrica makore 35 apfuura, makanga mune hwerengedzo yavazivisi voUmambo 36 836 munyika mbiri idzodzo. Nhasi, chiverengero chacho i 82 229. Ropafadzo yokugoverana munzira duku muidzi wedzero yave iri tuso inoshamisa kwatiri.

“Ravirai muone kuti Jehovha akanaka,” akanyora kudaro wezvamapisarema Dhavhidhi. (Pisarema 34:8, NW) “Kuravira” kwedu basa roufundisi kwakatipwisa nezvouzvokwadi hwaaya mashoko. Kutaura idi, chibviro cha 1942 apo takatanga mubasa renguva yakazara pamwe chete, upenyu hwedu hwakazadzwa nezvikomborero sezvatakawana runako rukuru rwaJehovha. Kuchine basa rakawanda rokuita. Tinoonga sei kuna Jehovha kuti tichine mwero wakati wesimba noutano zvokushandisa mubasa rake!

[Mufananidzo uri papeji 24]

John Miles nomudzimai wake, Val

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe