RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 9/1 pp. 19-23
  • Kushandira Pamwe Samapiona Kwoupenyu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushandira Pamwe Samapiona Kwoupenyu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuonana Kwapakutanga
  • Kupupurira Muruwa
  • Kupayona Ndima Itsva
  • KuTarshishi Kana Kuti Ninevhe Here?
  • Kupupurira Mukati Mokudenha
  • Kuwana “Makwai” muWales
  • Vaipfeka Triangle Yepepuru
    Zvakaitika
  • Jehovha Anokwevera Vanozvininipisa Kuchokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Chinhu Chakanakisisa Chokuita Noupenyu Hwangu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • “Kutanga Kutsvaka Umambo”
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 9/1 pp. 19-23

Kushandira Pamwe Samapiona Kwoupenyu

Mukamuri rakatsvinda nerakashongedzerwa zvakafanira muCardiff, Wales, Fundo yeBhuku yeUngano ichangobva kupera. Muitisi wefundo anoonga hanzvadzi mbiri mapiona, Maud Clark naMary Grant, zvino vava namakore ari muma 90, nokuda kwomutsa wavo uye anovakurudzira kutaura pamusoro pezvinoitika zvomunguva yakapfuura . . .

Maud: Zvino ava makore 65 chibviro chaapo Mary neni takatanga kusangana ndokutanga kupayona pamwe chete.

Mary: Hungu, makanga muri muna 1923, pausiku hunotonhora, hune sinou hwaJanuary! Unoyeuka here, Maud? Ndakakutora zvakananga kubva pachiteshi cherarwe cheMuch Wenlock tichienda kumba kwangu. Takava nezvokudya zvokudya, uye ipapo takafunda Tabernacle Shadows pamwe chete. Mangwanani akatevera acho takatanga rwendo takatasva mabhasikoro edu kundoparidzira kuvarimi veShropshire.

Kuonana Kwapakutanga

Maud: Chokwadika, takanga takagadzirira nokuda kwaikoku. Unoona, tose tiri vaviri takange tave tichipayona kwenguva yakati. Kunyange apo ndakanga ndiri musikana muduku, Shoko raMwari nguva dzose raindifadza. Chokwadi, ndinogona kuyeuka ndichitaura nomusoro mapisarema manomwe kuchechi kuti ndigowana Bhaibheri rapachena! Makanga muri muna 1908, apo ndakanga ndine makore 11, apo mukoma wangu mukurusa akarava bhuku rinonzi The Divine Plan of the Ages ndokusiya chechi yataipinda, achiva Mudzidzi weBhaibheri. Zvokwadi dzeBhaibheri dzakava musoro wekurukurirano dzedu pamusha. Asi apo Baba vangu vakafa, ndakavamba kushamisika kuti, ‘Vakafa vari kupi?’

Mufaro wakadini kuwana mhinduro pandakaenda kundoona The Photo-Drama of Creation, yakaratidzirwa mutaundi romumusha medu reSheffield! Mumifananidzo iyoyo inofamba, yakawiriraniswa namarekodhi egiramufomu, ndakaona kuchiratidzirwa kumutswa kwomwanakomana womukadzi weShunemi. Hungu, ndakadzidza kuti vakafa havazivi chinhu kutozosvikira vamutswa.—2 Madzimambo 4:32-37.

Ndakakurumidza kubuda muChechi yeAnglican ndokutanga rataidana kuti basa rechechi, ndichigovera mabhuku eBhaibheri munharaunda imwe cheteyo zvikuru chaimo mandaizivikanwa nokuda kwokuparadzira magazini echechi. Ndakaratidzira tsauriro yangu kuna Jehovha muna August 1918 pagungano muguta rapedyopo reLeeds.

Pashure pokupedza nguva dzinofadza dzezororo nehanzvadzi mbiri macolporteur muDerbyshire, ndakasarudza kuita basa roupiona basa roupenyu hwangu. Muna August 1922, ndakatanga mugove wangu wokutanga: Biggleswade muBedfordshire.

Mumwe wamacolporteur akati kwandiri: “Kana ukagona kupfuurira kwemwedzi mitanhatu yokutanga, zvichakunakira.” Mwedzi yokutanga iyoyo yakanga isiri nyore. Ndakava netsaona pabhasikoro rangu. Ipapo mufambidzani wangu piona wokutanga akadzokera kumusha. Asi ndakatsunga kupfuurira, naizvozvo ndakanyorera Sosaiti ndichikumbira mukutsirani. Uye Jehovha akandipa Mary!

Mary, wakatsigira zvokwadi pakuvamba kupfuura zvandakaita, hauna here?

Mary: Hungu, Maud. Panguva yacho takanga tichigara muCardiff, South Wales. Pandakanga ndava namakore 16, ambuya vangu vakandikumbira kurava bhuku rinonzi The Divine Plan of the Ages, iro ivo vakanga vawana pamusangano wavose wakarongwa naVadzidzi veBhaibheri. Nguva dzose ndakanga ndada kunzwisisa Bhaibheri ndokuva mufundisi pandaizokura. Sezvandakarava iyi vhoriyamu, ndakaziva kuti ndakanga ndawana zvokwadi.

Ndakavamba kupinda misangano yaVadzidzi veBhaibheri, pasinei zvapo nokusatendera kukuru kwaamai vangu. Unoona, vabereki vangu vakanga vakapfuma, uye sezvavakanga vasingandibvumiri kushanda, ndakawana migariro pamusha kuva inoganhurira zvikuru. Kunyanguvezvo, ndakakwanisa kuwana zvakanga zvasara zveyamuro yefundo yeBhaibheri. Apo amai vangu vakakuwana, vakapisa mabhuku acho nokushatirwa ndokundiudza kuti ndakanga ndiri muduku zvikuru zvokusagona kuziva pamusoro pezvinhu zvakadaro. Kuti ndiatsive ndaitofanira kuverevedza mabhuku acho mumusha mangu rimwe nerimwe, pashure peshanyo dzamangwanani-ngwanani kumusha kwomumwe waVadzidzi veBhaibheri waiva kure namakiromita 3. Ndaisirava iwawa nokudisa vasara vose vemhuri vasati vamuka, ndichiavanza mukamba komubindu mukati mezuva.

Muna 1913, pandakanga ndava namakore 17, ndakaenda kuLondon nokuda kwezororo rokuona zvinhu. Nomufaro, ikoku kwakaitika panguva imwe cheteyo neshanyo yakaitwa naHama Russell kugungano rakaitwa paKingsway Hall. Ipapo ndakaratidzira chishuvo changu chokubhapatidzwa. Hanzvadzi colporteur iyo yaishanda muCardiff yakasvika Hama Russell kuzomubvunza kana aifunga kuti ndakanga ndiri muduku zvikuru. Iye akandibvunza kuti ndakanga ndakura zvakadini ndokundibvunza kuona kana ndainzwisisa Magwaro nokuwana kana ndakanga ndatsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha. Somuuyo, ndakapfeka rokwe dema refu ndokukumbanira vamwe nokuda kworuombeko paLondon Tabernacle. Ndinoyeuka zvakanaka kwazvo mashoko atakaimba sezvatakabuda mumvura:

“Ndavingwa naKristu

ndokumutswa nayewo,

Chii chiripo chandisarira kuti ndiite?

Kungorega chete

kurwa negakava,

Kungofamba chete muupenyu hutsva.”

Pashure paikoko, imwe hama yakandisvika ndokuti: “Iwe unofanira kuva wokupedzisira wevane 144 000 kupinda; unongova bedzi nenguva pfupi yasara yokuita kuti kudanwa kwako nokusarudzwa kuve kwechokwadi.” Yakadaro yakanga iri mifungo yavazhinji vairangarira gore raisvika, 1914, nekariro huru. Nokuda kwangu, kunyanguvezvo, iyi yakabvumikisa kuva nguva yokuedza sezvandakatsungirira chishoro chikuru pamusha. Ndaipinda misangano kazhinji sezvandaigona. Muna 1916, ndakafarikanya ropafadzo yokubatira somurindirikadzi pakuratidzirwa kweThe Photo-Drama of Creation muCardiff. Pashure pokupedza rovedzo yangu yomukoti muManchester, ndakatanga basa renguva yakazara roupiona muna 1922.

Kupupurira Muruwa

Maud: Shure panguva iyeyo taifanira chaizvoizvo kutanga kuita zvinhu. Taiudza munhu ari wose kuti takanga takabatikana mubasa rechiKristu. Vanhu mumazuva iwayo vakanga vari varavi. Taigovera The Harp of God nenhevedzano yeStudies in the Scriptures. Chokwadika, taida bhokisi guru zvikuru mokutakurira aya mabhuku. Rangu rakanga rakakura kwazvo zvokuti pandakasvika papurazi riri roga rimwe zuva, mudzimai womurimi akafunga kuti ndakanga ndiri hama yokunyama yauya ichibva Canada kuzoshanyira. Takaseka sei!

Sezvo kupayona hwakanga huri upenyu hwedu, taiwana chokurarama nacho chedu mubasa rokuparadzira mabhuku aiva neshoko roUmambo. Taishandisa pfuma yedu nokungwarira ndokurarama nenzira yorutsuta, tichitsinhanisa mabhuku nebhata nezvimwe zvirimwa zvapapurazi nokunhonga mbatatisi, maswede, uye makabichi zvaidonha mungoro dzapapurazi mumigwagwa yakashata, ine guruva. Takava nyanzvi mukunama matai akapera mweya amabhasikoro edu, uye takava nyanzvi dzakanaka dzokusona, tichisona mbatya dzedu timene.

Sezvo hama dzaibatira savakurukuri vanofambira dzaikurukura hurukuro dzeBhaibheri mumataundi, Mary neni taitevera shure kwavo kuzodzokorora pafariro kuparidzira kwavo kwakatanga. Mapoka maduku avanofarira akamuka muShrewsbury namamwe mataundi. Uye taikarira sei magungano! Ndinofunga kuti kokorodzano yeLondon ya 1926 yakanga yakatanhamara. Ipapo takafarikanya ropafadzo yakawedzerwa yokuparadzira bhukwana rinonzi The Standard for the People mumigwagwa yedzimbahwe. Ipapo manyemwe edu akakura sezvatakarava zvaiva mukati metsamba yakabva kuSosaiti. Yakanga iri chinjo yomugove nokuda kwedu: Northern Ireland.

Kupayona Ndima Itsva

Takasvika muCounty Antrim, Northern Ireland, kuzopayona pakati pavanhu vakakamuraniswa mune zvorudzidziso. Takatanga kugara paGreenisland. Kwakanga kwakatota nokutonhora, uye takanga tisina mwoto kwamavhiki nemhaka yokuramba kushanda kwavashandi vomumarasha muEngland. Ndinogona kuzvifananidza zvino, takagara takapfeka mabhachi edu namagirovhisi mumadekwana, tichiedza kufunda tichidedera nokutonhora. Ipapo zhizha rakauya, uye takaonga sei Jehovha nokuda kweropafadzo yokushanda mumhoteredzo yakaisvonaka yemipata yeAntrim. Vanhu vaiteerera zvakanaka kushoko roUmambo. Haiwa, hungu, ivo vaiwanzoita nharo, asi vaiva nomutsa. “Pindai,” ivo vaidaro, uye vaiisa ketero pamwoto kuti ivire, uye kurukurirano dzedu dzaipfuurira.

Mary: Sezvo zvino takanga tava vasikana vana mapiona pamwe chete mumugove wedu, takanamatira kurudungwe rwakazara rwoubati ushe hwoumwari rwemisangano. Mangwanani mamwe namamwe taikurukura Rugwaro ndokurava “Chisarudzo Changu chaMangwanani,” icho chaiti, murutivi, ‘Zuva nezuva ndichayeuka ndiri paChigaro cheNyasha Dzokudenga fariro dzose dzebasa rokucheka, zvikurukuru goverano iyo ini ndimene ndinoropafadzwa kufarikanya mubasa iroro, navashandi biyangu vanodiwa vapaBheteri nomunzvimbo iri yose.’ Chitatu usiku taiva nomusangano wedu woMunyengetero, Rumbidzo, uye Chipupuriro. MaSvondo taifunda Nharireyomurindi pamwe chete, uye taiungana takapoteredza chokuimbisa chiduku chaiwanzowanika mumisha yavanhu kuti tiimbe muHymns of the Millennial Dawn, zvakadai:

“Usatongofunge kuti rukundo rwawanwa,

Kana kuti kugara wakasununguka

Basa rako rakaoma harisati richizopedzwa

Kusvikira wawana korona yako.”

Maud: Yakanga iri chinjo yakadini patakagoverwa basa chairo rakazaruka—takava “mapiona edzimba dzavamabhizimisi.” Taizombogona sei kupupurira kuvamabhizimisi, mamanija amabhangi, uye vakafanana? Zvivako zvikuru izvozvo zvomuBelfast zvakaratidzika kuva zvinotyisa. Asi takayeuka VaFiripi 4:13, inoti: “Ndingaita zvose naiye unondipa simba.” Uye taisafunga nezvokuramba mugove wedu. Ndizvinoitika zvakaisvonaka zvakadini zvatakava nazvo tichitaura navarume ivavo nokugovera mabhuku akawanda kwavari! Pakasvika 1931 takanga tapedza dzimba dzavamabhizimisi uye takanga tapedza makore mashanu tiri muNorthern Ireland. Takashamisika kuti mugove wedu unotevera waizova kupi. Kukushamiswa kwedu dzakanga dziri dzimba dzavamabhizimisi dzeDublin.

KuTarshishi Kana Kuti Ninevhe Here?

Tinofanira kubvuma kuti, pakutanga, takanzwa saJona, uyo akagoverwa kundoparidzira kuNinevhe ndokunanga panzvimbo pezvo kuTarshishi. Tingadai takada zvedu mugove wakasiana. Takakurumidza kuziva kuti tinofanira kuvimba sei naJehovha. Bva, kwakanga kuchityisa sei kumira paNelson’s Pillar muDublin ndokuona migwagwa yakazara navaprista namanani, varume vanobvisa ngowani dzavo navakadzi vanoita chipiyaniso mukukudzwa kwe‘Mhandara yakakomborerwa.’ Panguva iyoyo muDublin maiva naVadzidzi veBhaibheri vana chete.

Takakwanisa kuwana kamuri nemhuri yeRoma Katurike. Chokwadika, taitofanira kuvanza mabhuku edu pasi pomubhedha, nokuti muprista aiita shanyo dzenguva dzose kuimba yacho. Rimwe zuva mumwe murume webhizimisi weDublin akashanyira imba yedu, achiti: ‘Imi makasiya mabhuku kubhangi rangu.’ Akafadzwa kwazvo nawo zvokuti akaenda kushopo iri yose kuzoona kana vaitengesa mabhuku aJudge Rutherford. Iye ipapo akanyorera New York uye akapiwa kero yedu. Iye akaronga pati yeshamwari dzake dzose kuti adziudze pamusoro peizvo akanga adzidza.

Gare gare gore iroro, takapinda kokorodzano muLiverpool, England, kwatakaziva nezvezita redu itsva, Zvapupu zvaJehovha. Pakudzokera kwedu kuDublin, takagoverana munhimbe yokuparadzira bhukwana rinonzi The Kingdom, the Hope of the World, iro raiva nechisarudzo chekokorodzano. Takaita shanyo padzimba dzose dzamamonk, maconvent, uye dzimba dzavamabhizimisi, tichipa makopi apachena akabhukwana kacho. Ose akagamuchirwa!

Mary: Rimwe zuva takaona igwa richidzika nerwizi raLiffey, uye ikoku kwakatipa pfungwa yokupupurira kuvakwiri vengarava munogara ngarava. Patakaedza kupinda munharaunda yomunogara ngarava, yakanga yakadzivirirwa nomupurisa, uyo akabvunza chatakanga tichiita. Pakumuratidza mabhuku, iye akati, “Pfuurirai.” Takawana makaputeni engarava anoverengeka akabva kudzimwe nyika aiziva nezveZvapupu. Apo tinohwirudzura zvinoitika izvozvo, tinoshamiswa nenzira iyo Jehovha akatitarisira nayo sezvo mumwe nomumwe aipinda ari oga mungarava.

Kupupurira Mukati Mokudenha

Maud: Muna 1939 apo hondo yakatanga, takadzokera kuLiverpool ndokukumbanira mamwe mapiona 20 aigara pamusha papiona. Isu zvino takararama mudenho dzomumhepo nokubhomba ndokupupurira papi kana papi apo vanhu vaiteerera. Isu kazhinji kazhinji taizviwana timene tichiisa marekodhi pamagiramafomu edu, tichikurukura shoko roUmambo, uye ipapo kumhanya tichidzokera kumusha wapiona, kana kuti kumhanya nokukurumidza tichibva pauvando humwe hwedenho yomumhepo tichienda kuhunotevera. Munhambo iyi yose, hatina kutyiswa, nokuti takanga tichiita basa raShe.

Nguva dzakawanda sezvataidzika nemigwagwa, vanhu vaitituka nemhaka yechimiro chokusatora rutivi icho Zvapupu zvakachengeta mukati meiyi nguva yerwisano. Ndinoyeuka kuti pane imwe imba rimwe jaya rakateerera marekodhi ndokubvuma fundo yeBhaibheri yenguva dzose. Chitambudzo chakamuka. Iye akanga achangobva kuzvipira kukumbanira British Navy. Iye akanyora tsamba kuzviremera achitaura chimiro chake chokusatora rutivi ndokugamuchira mhinduro yokuhesvurwa chose chose mubasa rehondo. Iye gare gare akatikumbanira mubasa renguva yakazara.

Mary: Handisati ndichizotongokanganwa mazuva iwayo ehondo, Maud. Unoyeuka here chakaitika patakatamira kuKnutsford muCheshire muna 1942? Mumwe mukadzi akadanidzira kwatiri kuti, ‘Chii chamuri kuita nokuda kwenhamburiko yehondo?’ Tisati tagona kupindura, mupfuuri akapindura kuti, ‘Ari kuita basa ratisina ushingi hwokuita.’ Mumwe mukweguru akapindira achiti, ‘Vari kuita basa rakanaka.’

Maud: Zvamazvirokwazvo, basa refundo dzeBhaibheri rakanga riri chinhu chikuru. Ndakava nechinoitika chakaisvonaka pandakashanyira purazi ndokusangana nomukadzi akandiudza kuti mukomana wake muduku akanga aurawa mutsaona yomumugwagwa. Ndakamugovera bhukwana raHope for the Dead ndokutanga fundo yeBhaibheri. Pashure pefundo nomwe chete, uyu mukadzi akavamba kundiperekedza mubasa rokupupurira. Mwedzi mishomanene gare gare murume wake akagamuchira zvokwadi, uye mukati mamakore maviri ava varoorani vakatengesa purazi ravo ndokuvamba kupayona. Mwanasikana wavo gare gare akavakumbanira mubasa renguva yakazara, uye zvino iye nomurume wake vanobatira muBheteri yeLondon.

Pagungano reLeicester ra 1941, Hama Schroeder akazivisa kuti mapiona chaiwo aifanira kugamuchira mvumiro duku yemari kuabetsera nezvinodikanwa zvoupenyu. Kwamakore anodokusvika 20, Jehovha akanga akomborera basa redu rokugovera mabhuku uye neiyi nzira akatigovera chataida. Jehovha haana kutongotiodza mwoyo. Takabvumikisa kuti “hapana shoko rimwe pazvose zvakanaka zvaakatipikira rakakona.”—1 Madzimambo 8:56.

Kuwana “Makwai” muWales

Gore ra 1954 rakatiwana tiri muMilford Haven, Wales. Pasinei zvapo nechishoro chavakuru vorudzidziso, takaparidzira ndokuwana vakafanana namakwai vakagamuchira. Takaronga ivava kuva boka ndokuvaratidza nzira yokuitisa nayo misangano ndokupa tsinhiro pfupi, dzine revo. Yakanga iri nguva inofadza sei kuona vanomwe vachibhapatidzwa mudhibhi ramakwai rakazadzwa nemvura inodziya yakatakurirwa mumagaba omukaka!

Muguta romumupata reWelsh reAbercynon, shanyo yepakamirirwa magazini yakaunza miuyo yakanaka. Kunyange zvazvo mukadzi aigamuchira nguva dzose makopi amagazini akati, “Handidaviri zvamuri kundiudza,” iye akabvuma kurava magazini acho. Pashanyo yapashure, ndakawana murume akabatikana nokunyerenyeta imba. Pashure pekurukurirano youshamwari, gadziriro dzakaitwa dzokutanga fundo yeBhaibheri vhiki rinotevera racho. Takava shamwari dzavanakomana vatatu avo vakauya kuzokumbanira mufundo. Pakupedzisira, amai navanakomana vavo vakatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha uye vakabhapatidzwa. Kusvika pamusi umo, mitezo 35 yemhuri iyoyo yakagamuchira zvokwadi, vamwe vachibatira samapiona ebetsero, enguva dzose, kana kuti chaiwo, uye vamwe savakuru.

Zvino hezvo tiri muCardiff, tichirangarira zvakaitika zvomunguva yakapfuura pamusoro poupenyu hwedu. Hatina kuzvidemba. Jehovha akagovera chinodikanwa chedu chiri chose munzira yokunyama. Takava noupenyu hunoshamisa hwokubatira pamwe chete samapiona, uye tichiri kurangarira basa renguva yakazara sepfuma yedu hurusa muupenyu.

Zvino mwoyo yedu inofara nokuona mapiona anowedzera. Uye vaduku vose ivavo vanotora iri basa rinokosha—tinofara sei! Mary neni takapayona pamwe chete kwamakore 65. Upenyu hwedu hwave hwakapfava asi hwakabatikana, hwakaoma asi huchitusa. Tinorumbidza chaizvoizvo kupayona nokuda kwoupenyu.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Maud (kuruboshwe) uye Mary vachiri kuwana pfuma yavo hurusa mubasa renguva yakazara kuna Jehovha

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe