Mifananidzo Yorudzidziso—Unoirangarira Sei?
MUNA 1888 makanga mune kufashama kukuru muCanton, China. Mvura inopfuurira yakaparadza zvirimwa. Nokupererwa nezano rose varimi vakanyengetera kuna mwari wavo Lung-wong kuti amise dzvotsvotsvo racho, asi pasina maturo. Vashatiriswa nokusakendenga kwamwari wavo, ivo vakapinza mutorongo mufananidzo wake kwamazuva mashanu! Makore akati pamberi pezvi, mwari mumwe cheteyu akanga afuratira minyengetero yavo yokugumisa kusanaya kwemvura. Ivo vakasunga nengetani mufananidzo wake panze mukupisa kukuru.
Muna 1893 kusanaya kwakarova Sicily. Kufora kworudzidziso, makenduru akabatidzwa muchechi, uye minyengetero kumifananidzo zvose zvakakundikana kunaisa mvura. Varasikirwa neshiviriro, varimi vakabvisira mifananidzo zvipfeko zvayo, vakarinza zviso zvemimwe kurusvingo, uye vakatonyudza mimwe mumadziva amabhiza! MuLicata, “Musande” Angelo akabviswa, akasungwa nengetani, akanyombwa, uye akatyisidzirwa kusungirirwa. MuPalermo, Italy, “Musande” Joseph akaiswa mubindu rakaoma kuti amirire mvura.
Izvi zvinoitika, zvinorondedzerwa mubhuku rinonzi The Golden Bough, rakanyorwa naSir James George Frazer, zvine revo dzinovhiringidza. Izvo zvinoratidzira kuti vose vari vaviri vanoti maKristu navasiri maKristu vanoratidzika kuva vane mirangariro yakafanana yemifananidzo yorudzidziso. Muzvinoitika zvose zviri zviviri, vanamati vaishandisa mifananidzo yavo somutoo wokuonana nawo no“musande” kana kuti mwari. Uye nenzira inofadza, vose vari vaviri vakaedza kukurudzira “vasande” kana kuti vamwari vavo vanononoka kuchiito kupfurikidza nokuita pavari migariro isingafadzi iyo vanamati vavo vakanga vachitambura!
Nhasi, kunyanguvezvo, vazhinji vanoshandisa mifananidzo yorudzidziso vaizorangarira zviito zvakadaro sezvokunyanyisa, zvichida kunyange zvinosetsa. Ivo vaizotaura kuti nokuda kwavo mifananidzo inongova zvayo zvinhu zvokuremekedza—kwete zvokunamata. Ivo vangatotaura kuti mifananidzo, zvipiyaniso, uye mifananidzo yakanyorwa yorudzidziso iyamuro dzakafanira mukunamata Mwari. Zvichida iwe unonzwa nenzira imwe cheteyo. Asi mubvunzo ndouyu: Mwari anonzwa sei pamusoro paikoku? Kungagona kudaro here kuti kuremekedzwa kwomufananidzo kunoguma chaizvoizvo nokuunamata? Kunobvira here kuti miitiro yakadaro inopa zvomenemene ngozi dzakavanzwa?