RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 2/15 pp. 3-4
  • Kukudzwa Kwemifananidzo—Gakava

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukudzwa Kwemifananidzo—Gakava
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vapunzi Vemifananidzo
  • Mifananidzo Inogona Kukuswededza Pedyo Zvikuru Namwari Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Murangariro wechiKristu Wemifananidzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Bhaibheri Rinotii Nezvekunamata Zvifananidzo?
    Dzimwe Nyaya
  • Tinofanira Kunamata Zvifananidzo Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 2/15 pp. 3-4

Kukudzwa Kwemifananidzo—Gakava

KUNE imwe nzvimbo muPoland, mumwe murume odokuva chaizvo akagadzirira nokuda kworwendo rwake. Bva, achiri anofanira kutarisira chimwe chinhu chinokosha. Iye anopfugama pamberi pomufananidzo waJesu, anopa chipiriso, uye anonyengeterera dziviriro mukati mokufamba kwake.

Zviuru zvamakiromita kure, muBangkok, Thailand, unogona kupupurira mutambo wokutanga wenhevedzano yezvinoitika zvegore negore zvechiBuddha, panguva yejenaguru muna May. Mukati momutambo wacho mufananidzo waBuddha unoratidzirwa mukufora mumigwagwa yose.

Unofanira kuziva kuti kukudzwa kwemifananidzo, sokuchangobva kurondedzerwa, kwakapararira. Mabhirioni avanhu anokotama chaizvoizvo pamberi pemifananidzo. Kwamamireniyumu amakore mifananidzo yave ichirangarirwa senzira inokosha yokuswedera nayo pedyo zvikuru naMwari.

Unofungei pamusoro pokushandiswa kwemifananidzo mukunamata? Kukudzwa kwemifananidzo kwakarurama here kana kuti hakuna kururama? Mwari anonzwa sei pamusoro pako? Pane ufakazi hupi nohupi here hwokuti anogamuchira kunamata kwakadaro? Zvichida iwe pachako hauna kutongorangarira zvikuru mibvunzo yakadaro. Bva, kana uchikoshesa kuva noukama naMwari, unofanira kuwana mhinduro kwairi.

Sezvinobvumwa, nokuda kwavakawanda iyi yave isati iri nhau iri nyore kusarudza. Kutaura idi, yave iri nhau yemagakava makuru uye pane dzimwe nguva amasimba masimba kwezviuru zvamakore. Somuenzaniso, shure mugore ra 1513 P.N.V., mutungamiriri wechiHebheru Mosesi akaparadza mufananidzo wendarama wemhuru uye akaita kuti vanhu 3 000 avo vakanga vachiukudza vaurawe nomunondo.—Eksodho, ganhuro 32.

Chishoro chakasimba kukushandisa mifananidzo yorudzidziso chave chisina kuganhurirwa kuvaJudha. Vezvenhau venyika vakare vakachengeta rungano rwaTakhmūrūp, mutongi wePersia uyo anotaurwa kuva akaita nhimbe huru mukurwisana nokukudzwa kwemifananidzo mazana amakore pamberi paMosesi. MuChina mambo wengano wakare anoshumwa kuva akaita kudenha nehondo mukurwisana nezvifananidzo zvavamwari vakasiana-siana. Pashure pokunge mifananidzo yaparadzwa, iye akazvidza soupenzi kukudzwa kwavamwari vanoumbwa nedongo. Gare gare, apo Muhammad akanga achiri mwana, kwaiva navaArab vaishora kushandiswa kwemifananidzo mukunamata. Pesvedzero yavo pana Muhammad yakagovera chimwe chinhu kuchimiro chake pamusoro pokunamata zvidhori mumakore apashure. MuKoran, Muhammad anodzidzisa kuti kunamata zvidhori chivi chisingaregererwi, kuti vanamati vezvidhori havafaniri kunyengetererwa, uye kuti roorano navanamati vezvidhori inorambidzwa.

Kunyange muchiKristudhomu vanhu vorudzidziso vakatanhamara vezana ramakore rechipiri, rechitatu, rechina, uye rechishanu N.V., vakadai saIrenaeus, Origen, Eusebius weKesaria, Epiphanius, uye Augustine, vakashora kushandiswa kwemifananidzo mukunamata. Panenge pakuvamba kwezana ramakore rechina N.V., paElvira, Spain, boka ramabhishopi rakaumba chiverengero chakati chezvisarudzo zvinokosha zvinorwisana nokukudzwa kwemifananidzo. Iri Dare rakakurumbira reElvira rakaguma nokurambidzwa kwemifananidzo mumachechi nokutangwa kwezvirango zvakakomba pavanamati vemifananidzo.

Vapunzi Vemifananidzo

Zvinoitika izvozvi zvakagadzirira nzira rimwe ramagakava makurusa enhau: gakava rokupunza mifananidzo rezana ramakore rechisere nerechipfumbamwe. Mumwe wezvenhau anotaura kuti iri “gakava rakakasharara rakagara kwezana ramakore nehafu, uye rakaparira kutambura kusingatauriki” uye kuti rakanga riri “chimwe chezvisakiso zvapedyo zvokukamukana pakati poumambo hwokuMabvazuva nohwekuMadokero.”

Ichi chiito mukupunza mifananidzo chakabatanidza kubviswa nokuparadzwa kwemifananidzo muEurope yose. Mitemo inoverengeka inorwisana nemifananidzo yakashandiswa kuparadza kushandiswa kwemifananidzo mukunamata. Kukudzwa kwemifananidzo kwakava nhau huru yezvamatongerwe enyika iyo yakakwevera madzimambo navanapapa, vatungamiriri namabhishopi kupinda muhondo chaiyoiyo yorudzidziso.

Uye iyi yakanga iri inopfuura hondo yamashoko. Cyclopedia of Biblical, Theological, and Ecclesiastical Literature, yakanyorwa naMcClintock naStrong, inotaura kuti pashure pokunge Mambo Leo III abudisa murairo unorwisana nokushandiswa kwemifananidzo mumachechi, vanhu “vakasimuka vakawanda mukurwisana nomurairo wacho, uye dzongonyedzo dzamasimba masimba, zvikurukuru paConstantinople,” dzakava chinoitika chezuva nezuva. Bonderano pakati pamauto oumambo navanhu dzakaguma nokupondwa nokuuraiwa kwavazhinji. Vamonk vakatambudzwa nenzira youtsinye. Mazana amakore gare gare, mukati mezana ramakore rechi 16, chiverengero chakati chekakavadzano dzapachena chakaitika muZurich, Switzerland, pamusoro penhau yemifananidzo mumachechi. Somuuyo, murairo wairaira kubviswa kwemifananidzo yose mumachechi wakashandiswa. Vamwe vavandudzi vakacherechedzwa nokuda kwokushurikidza kwavo kukuru uye kazhinji kazhinji kwamasimba masimba kunamatwa kwemifananidzo.

Kunyange nhasi kune mukaha wakafara pakati pavafundisi vazvino uno pamusoro pokushandiswa kwemifananidzo mukunamata. Nyaya inotevera ichakubetsera kuyera kana mifananidzo ichigona chaizvoizvo kubetsera munhu kuswedera pedyo zvikuru naMwari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe