“Zviratidzei Mumene Kuva Vanoonga”
“Rugare rwaKristu ngarudzore mumwoyo yenyu . . . Uye zviratidzei mumene kuva vanoonga.”—VAKOROSE 3:15, NW.
1. MaKristu anofanira kungwarirei muiyi nyika isingaongi?
ZANA rino ramakore ranetseka rechi 20 razosvika pamwero apo vanhu vazhinji vakakanganwa nzira yokuonga nayo. Mashoko okuonga okuti “ndapota” uye “ndinokuongai” anonzwiwa zvishoma zvikuru negore rimwe nerimwe rinopfuura. Kusaonga kwazova rutivi “rwomweya,” mudzimu woudyire uyo unodzora vanhu venyika ino. (VaEfeso 2:1, 2) Kunyange zvazvo maKristu “asiri rutivi rwenyika,” anofanira kurarama mairi chero bedzi tsika yazvino yezvinhu iripo. (Johane 17:11, 16, NW) Naizvozvo, anofanira kungwarira kuti uyu mudzimu wokusaonga hautapukiri paari, uchiparira kuonga kwawo kuderera.
2. (a) Ndedzipi dziri nzira umo vabatiri vaJehovha vangaratidzira namo kuonga kwaari? (b) Chii chinodikanwa kupfuura kuonga nomuromo?
2 Kutenda runako rwaMwari kungaratidzirwa kazhinji kazhinji mukurukurirano navatendi biyedu. MaKristu akazvitsaurira mazhinjisa zvimwe anoonga Baba wavo vokudenga, Jehovha, nokuda kworunako rwake kanoverengeka pazuva, achiita saizvozvo mumunyengetero womunhu oga. Kuonga kunoratidzirwawo muminyengetero yeungano napakuimba nziyo dzoUmambo pamisangano yechiKristu. Chokwadika, kuri nyore zvikuru kuratidzira kuonga mumashoko. Muapostora Pauro, zvisinei, akakurudzira hama dzake dzapaKorose kusangotaura chete kuti vaionga asiwo kuratidza kana kuti kuratidzirira kuonga muupenyu hwadzo hwezuva nezuva. Iye akanyora, achiti: “Rugare rwaKristu ngarudzore mumwoyo yenyu, nokuti imi, kutaura idi, makadanirwa kwarwuri mumuviri mumwe. Uye zviratidzei mumene kuva vanoonga.”—VaKorose 3:15, NW.
Chisakiso Chikuru Chokuonga
3. Neiko tose zvedu tichifanira kuva vanoonga kuna Mwari?
3 Munhu ari wose mupenyu ane chisakiso chikuru chokuonga. Chikonzero chikurusa ndiko kufarikanywa kwoupenyu humene, nokuti chinhu chiri chose chatinacho kana kuti chatingaronga kamwe kamwe chichava chisina maturo kana tikarasikirwa noupenyu hwedu. Wezvamapisarema Dhavhidhi akakurudzira vanhu vose kuyeuka kuti “kwamuri [Jehovha Mwari] ndiko kune tsime roupenyu.” (Pisarema 36:9) Uye muapostora Pauro akayeuchidza varume veAtene nezvezvokwadi imwe cheteyo isingagumi pakutaura paAreopago. (Mabasa 17:28) Hungu, kungova mupenyu chete chisakiso chikuru chokuonga. Uye kutenda kwedu kunokura patinoyeuka mano Mwari akatipa—pfungwa dzokuravidza, dzokubata, dzokunhuwidza, dzokuona, uye dzokunzwa—kuti tigogona kufarikanya upenyu nezvakaisvonaka zvechisiko chakatipoteredza.
4. Chii chichatitaviridza pakurerutsa zvikomborero zvoupenyu?
4 Bva, vazhinji vanorerutsa izvi zvinhu zvakanaka. Panongova apo bedzi vanonyimwa mano, zvakadai sechiono kana kuti kunzwa, apo vanhu vazhinji vanoziva zvikomborero zvavakakundikana kutenda pavakanga vane utano hwakanaka. MaKristu akazvitsaurira nguva dzose anodikanirwa kungwarira kusapinda mukushaiwa kutenda kwakafanana. Iwo anofanira kushanda zvakaoma kuchengeta chimiro chimwe chetecho chokuonga seicho chakaratidzirwa newezvamapisarema uyo akati: “Jehovha Mwari wangu, mabasa enyu, anoshamisa, amakaita, mazhinji, nemifungo yenyu kwatiri; hapana ungaenzaniswa nemi. Kana ndikada kuzvidudzira nokuzvireva, hazvingaverengwi nokuwanda kwazvo.”—Pisarema 40:5.
5. Pasinei zvapo nezvikomborero zvokuwedzera zvaIsraeri zvakabva kuna Jehovha, inzirai inonyadzisa yavakaronda?
5 Pisaremarechi 106 rinopa kupetwa kwokudetembedza kwamabasa makuru Jehovha akaitira vanhu vake, Israeri. Kubata kwaMwari navo kwakanga kuri muwedzero kurunako nezvikomborero zvenguva dzose zvoupenyu izvo iye anopa rudzi rwose rwomunhu. Pasinei zvapo neidzi betsero, zvisinei, wezvamapisarema anoonesa kuti vaIsraeri havana kupfuurira kuratidza kutenda nokuda kwezvikomborero zvavo zvechienzi. Pis. 106Ndima 13 inoti: “Vakachimbidzika kukanganwa mabasa ake; havana kurindira zano rake.” Aiwa, kwakanga kusiri kupfuura kwenguva uko kwakaderedza pashoma napashoma kuonga kwavo, zvokuti makumi amakore gare gare ivo vakanga vasati vachayeuka izvo Mwari akanga avaitira. Panzvimbo pezvo, ivo vakakanganwa nokukurumidza—mukati mamavhiki amanenji akatanhamara aJehovha nokuda kwavo paGungwa Dzvuku. (Eksodho 16:1-3) Nenzira inosuruvarisa, zvinoitika zvomunguva yemberi zvakaratidza kuti kusaonga kwakava muitiro wenguva dzose muupenyu hwavo.
Nzira Yokuratidza Nayo Kuonga
6. Neiko chinodikanwa chokupa chegumi chakanga chisiri nhamo?
6 Muudzame, Jehovha akaonesa nzira nhatu dzakananga umo vaIsraeri vaifanira kuratidza kutenda kwechokwadi nokuda kworunako rwake. Imwe yakanga iri kuchengeta chinodikanwa chokupa chegumi kupfurikidza nokupa Jehovha chegumi chezvirimwa zvose nezvipfuwo. (Revhitiko 27:30-32) Ikoku kwaisazova nhamo, nokuti Mwari aiva nomutoro nokuda kwezuva, ivhu rinobereka, mvura, uye nenji rokukura. Naizvozvo, kupa chegumi kuvaprista panzvimbo tsvene yaJehovha kwakanga kuri ratidzirwo inoshanda yokuonga kuna Jehovha amene.
7. (a) Musianoi mukuru waiva pakati pokupa chegumi nokupa mipiro kuna Jehovha? (b) Ikoku kwakabvumirei vaIsraeri kuzivisa pamusoro pavo vamene?
7 Chimwe chinodikanwa kwakanga kuri kupiwa kwemipiro kuna Mwari umo chitsama chaisarudzwa nechimiro chomwoyo chomuIsraeri mumwe nomumwe. Nepo kwakanga kusina chitsama chakagadzwa chakataurwa, mipiro yaifanira kuva yezvibereko zvokutanga—zvokutanga zvoupfu, zvewaini, uye zvemakushe amakwai. (Numeri 15:17-21; Dheuteronomio 18:4) Uyezve, Jehovha akaraira kuti vanhu vake ‘vaisafanira kupa nokuzengurira’ uye vaifanira kupa “zvokutanga zvezvitsva zvomunda.” (Eksodho 22:29; 23:19) Uku kwakapa vaIsraeri mabanza okuratidza kutenda kwavo kuna Jehovha nenzira inooneka. Ivo vaigona kuzivisa ukuru hwokuonga kwavo kupfurikidza nechitsama chemipiro. Ko ivo vaizopa sumbu rimwe chete ramazambiringa here? Kana kuti ko mwoyo une rupo waizovasunda kupa dengu rose rakazara here? Nokudaro, munhu mumwe nomumwe kana kuti mhuri vaigona kuratidzira kuonga pasina manikidziro.
8. (a) Ibetseroi mbiri dzakagovera gadziriro yokuunganidza? (b) Rupo nokuonga zvaigona sei kuratidzirwa navose vaibatanidzwa mugadziriro yokuunganidza?
8 Nzira yakananga yechitatu yokuratidza nayo kuonga yaiva pamusoro pegadziriro yaMwari yokuunganidza. Panguva yokucheka, zvikamu zvaifanira kusiiwa zvisina kukohwiwa nokuda kwavanoshaiwa. Ikoku hakuna kungodzidzisa bedzi ngoni nokurangarira varombo asi kwakaitawo kuti kuve nechokwadi chokuti ivo havana kupfuurira kurarama nezvipo zvinoshatisa zvaisada nhamburiko yavo. (Revhitiko 19:9, 10) Kuti chaizvo ndizvakawanda sei zvaifanira kusiiwa nokuda kwavanoshaiwa hakuna kutaurwa. Asi kudai varimi vechiIsraeri vakaratidza mudzimu worupo kupfurikidza nokusiya zvakawanda mumucheto weminda yavo uye nokudaro vachiratidza ngoni kuvarombo, vaizova vachirumbidza Mwari. (Zvirevo 14:31) Kwaisiirwa kwavari kusarudza kusiya nharaunda nhete kana kuti yakafara isina kukohwiwa. Asi Mwari akapa nhungamiro dzakasimba kurupo kupfurikidza nokuraidza kuti zvisote zvipi nezvipi zvinofuratirwa mumunda nomuchero upi noupi unosiiwa pamuti kana kuti muzambiringa zvinofanira kuva zvavaunganidzi. (Dheuteronomio 24:19-22) Uyewo, vaunganidzi vaigona kuratidzira kuonga kwavo vamene kuna Jehovha nokuda kweiyi gadziriro kupfurikidza nokupa chegumi chezvinounganidzwa zvavo panzvimbo yake yokunamatira.
Rupo Rwomwoyo
9. Neiko avo vairatidzira chimiro choudyire vaizvikuvadza vamene zvomenemene?
9 Kudai vaIsraeri vaipa mipiro yorupo, chikomborero chaJehovha chaizova padzimba dzavo. (Enzanisa naEzekieri 44:30; Maraki 3:10.) Pasinei zvapo nemikohwe yakawanda, zvisinei, ivo kazhinji kazhinji vaikundikana kupa mipiro. Ipapo Mwari aishandisa zviyeuchidzo kupfurikidza namadzimambo kana kuti vaporofita kumutsazve kuonga kwavo. Zvomenemene, vaIsraeri vane udyire ndivo vaishaiwa, nokuti Jehovha aisagona kukomborera avo vainyima mipiro yaiva nechokuita nokunamatwa kwake kana kuti nokuda kwavarombo.
10. (a) Ndeipi yaiva miuyo inofadza yezviyeuchidzo zvaMambo Hezekia pamusoro pokuonga? (b) Ko iyi migariro yakagara here?
10 Pane imwe nhambo, zviyeuchidzo zvaMambo Hezekia zvakaguma nokuchengeta kunofadza kwamazuva 14 muJerusarema. Vanhu vakasimbaradzwa mumudzimu. Kutanga, ivo vakaparadza zvinhu zvose zvokunamata zvidhori uye ipapo “vakatanga kuita mirwi pamusoro pemirwi. . . . Zvino Hezekia namachinda, vakati vasvika nokuona mirwi, vakaonga Jehovha navanhu vake vaIsraeri.” (2 Makoronike 30:1, 21-23; 31:1, 6-8) Nenzira inosuruvarisa, kunyanguvezvo, pashure pokumutsidzira kwakadaro kwapanhambo nenhambo, vanhu vaidzokerazve mukusaonga. Pakupedzisira, shiviriro yaMwari yakapera, uye iye akabvumira vanhu vake kutapwa kuBhabhironi. Guta ravo netembere yakaisvonaka zvakaparadzwa. (2 Makoronike 36:17-21) Gare gare, pashure pokudzorerwa, migariro yakavazve yakakomba kwazvo zvokuti Jehovha akafananidzira kunyima kwavaJudha nokumubira, kumutorera!—Maraki 3:8.
11. Inheyoi inodzidzwa munhau yaIsraeri inogona kubetsera maKristu ari kurarama panguva ino?
11 Inheyoi inogona kudzidzwa munhau yechienzi yavaIsraeri? Iyi: Chero bedzi kuonga kwakaramba kwakasimba mumwoyo yavo, ivo vakaratidzira nomufaro ikoku kupfurikidza nokupa “mirwi pamusoro pemirwi” kuna Jehovha. Asi apo kuonga kwakakanganwiwa kana kuti kwakaderera, kupa zvokunyama kwomufaro kwakadokumira. Ko chimiro chakashata chakadaro chingagona kuratidzirwa namaKristu akazvitsaurira nhasi here? Hungu, nemhaka yokuti kusakwana kwohunhu kuchinesu. Tinofara sei kuti Mwari akanyora kubata kwake naIsraeri kuitira kuti isu, tinorarama pamugumo wetsika ino yezvinhu, tigogona kudzidza ndokubetserwa nako!—VaRoma 15:4; 1 VaKorinte 10:11.
12. (a) Vanhu vaJehovha nhasi vari mumugariro sei wakafanana nouyo wavaIsraeri? (b) Mibvunzoi yatinodikanirwa kubvunza?
12 Kufanana navaIsraeri, vanhu vaJehovha nhasi vane zvikonzero zvakawanda zvokuonga. Isuwo tiri vagamuchiri vezvikomborero zvakawanda kupfuura izvo zvinofarikanywa navanhu biyedu. Kutaura idi, tinoziva zvakawanda kwazvo pamusoro pamadonzo aJehovha kupfuura zvakaita vanhu vaIsraeri. Isu takadzidza kuti Mwari akabaira nokudisa sei Mwanakomana wake, uye tinoziva nezvezvikomborero izvo ikoku kuchaunza kuavo vane tendero youmwari. Uye nhasi takaropafadzwa kuva muparadhiso yomudzimu, nokuti chibviro cha 1919, Jehovha akaita mugariro womudzimu wakaisvonaka nokuda kwavanhu vake. Hungu, Zvapupu zvaJehovha zvine zvikonzero zvakawanda zvakawedzerwa zvokuonga. Naizvozvo tinofanira kubvunza, kuti: Kuonga kwedu kuna Mwari kukuru sei? Uye tinogona sei kuzviratidza timene kuva vanoonga muzana rino ramakore rechi 20?
Mienzaniso Yomuzuva Razvino Uno
13, 14. Kunyange zvazvo maKristu asiri pasi poMutemo waMosesi, ko wirirano ipi neipi inogona kuitwa here nokuda kwawo kubva mumutemo wokupa chegumi?
13 MaKristu haasi muMutemo waMosesi uyo wakaratidzira nzira yokuratidzira nayo kuonga kuna Mwari. (VaGaratia 3:24, 25) “Chibairo” chedu cherumbidzo kuna Jehovha ndicho “chibereko chemiromo inoita ziviso yapachena kuzita rake.” (VaHebheru 13:15, NW) Iyi, ipapoka, ndiyo nzira huru iyo maKristu akazvitsaurira anogona kuratidza nayo kuonga kuna Mwari. Asi fanano dzinofadza dzingatorwa mumitemo pamusoro pokupa chegumi, mipiro, uye kuunganidza.
14 Kupa chegumi kwaireva kupa chitsama chaicho chegumi—uye kwakanga kusina chisarudzo pamusoro paichochi. Nenzira yakafanana, nhasi kune mirairo chaiyo iri pavose vavabatiri vaJehovha, uyewo isina zvisarudzo. Tinofanira kusangana pamwe chete nguva dzose, uye tinofanira kuparidzira pachena mashoko akanaka oUmambo hwaJehovha ndokubetsera vamwe kuva vadzidzi vaKristu.—VaHebheru 10:24, 25; Mateo 24:14; 28:19, 20.
15. Zviratidziroi zvomwoyo ine rupo munguva dzazvino uno zvinowirirana neizvo zvakaziviswa negadziriro dzemipiro nokuunganidza muna Israeri wakare?
15 Yeukawo, gadziriro dzemipiro nedzokuunganidza. Zvitsama chaizvo zvakanga zvisina kurairwa. Nenzira yakafanana, Magwaro haatauri chitsama chaicho chenguva chokuti mumwe nomumwe weZvapupu zvaJehovha apedzere mubasa rinoyera. Chitsama chenguva chinopiwa kukufunda Shoko raMwari nokuparidzira kuvamwe chinosiirwa kusundo yomwoyo ine rupo, isina udyire. Nenzira yakafanana, ukuru hwemipiro yezvinhu zvokufambisirwa mberi kwefariro dzoUmambo hunosiirwa mwoyo womumwe nomumwe kuti uraire. Ukuru hwokuonga huchasarudza kana mumwe wavabatiri vaMwari nhasi achapinza “mirwi pamusoro pemirwi” kana kuti zvakakwana chete kurarama. (2 Makoronike 31:6) Somuchinoitika chaIsraeri, zvisinei, kana kuratidza kwomunhu kuonga kwake kwaiva kukuru, zvikomborero zvinogamuchirwa kuna Mwari zvaivawo zvikuru.
Nzira Dzokuratidza Nadzo Kuonga
16-18. Munzirai chaidzo umo maKristu akazvitsaurira anogona kuzviratidza amene kuva anoonga?
16 Imwe yenzira dzakananga zvikurusa dzokuratidzira nadzo kuonga kuna Jehovha iri kupfurikidza nokupinda muushumiri hwenguva yakazara. Ko kuonga kwako kukuru zvakakwana zvokuti mwoyo wako unova nechishuvo ichocho here? Kwakasanocherechedzwa kuti piona anobudirira anofanira kutanga kuda kuva nechishuvo chokubatira uye ipapo migariro yakarurama. Apo kuonga kunenge kwakasimba, chishuvo chinosunda chokubatira Mwari zvizere zvikuru chinokura mumwoyo unotenda. Ndiko kunzwa kwaunoita here? Kunyange kana migariro yako yazvino ichidzivisa kugoverana kwako muushumiri hwenguva yakazara, ikoku hakudikanirwi kupedza mudzimu woupiona. Unogona kupa tsigiro yomwoyo wose nekurudziro kumapiona.
17 Kana iwe usingakwanisi kupayona zvino, ungagona here kuva piona webetsero panguva nenguva? Kune nguva chaidzo gore rimwe nerimwe apo ungano yechiKristu inokurudzira nhamburiko inopfuura yenguva dzose mubasa rokuparidzira. Mwedzi yomuzhezha, somuenzaniso, yakakodzera vazhinji, uye muna October mune mubato wokuwedzera pamusoro penhimbe yokugovera kuzvinyoresa. Pamusoro penguva yakawedzerwa yebasa rinoyera, nheyo ndeyechokwadi yokuti kuonga kunobereka kupa kworupo.
18 Imwe nzira chaiyo yokuratidza nayo kuonga iri kupfurikidza nokutsigira gadziriro youmwari yokuvaka iri kuitika kupota pasi. Munyika dzakawanda, Horo dzoUmambo itsva dziri kuvakwa, uye horo dziripo dziri kukudzwa nemhaka yokuwandisa. Horo itsva dzeGungano dziri kuvakwa, uye wedzero dziri kuwedzerwa kuMisha yeBheteri namafekitari. Inzira inoshanda zvakadini yokuratidzira nayo kuonga kuna Jehovha—kushanda kwedu kana kuti mari kuti titarisire idzi gadziriro dzokuvaka!
Muenzaniso Wakaisvonaka Wechirikadzi Inoshaiwa
19. Chii chinokuorora zvikurusa pamusoro pechirikadzi inoshaiwa yaiva patembere?
19 Muenzaniso weBhaibheri unosanozivikanwa wokuratidza kuonga kupfurikidza nokupa zvokunyama norupo ndiuya wechirikadzi yakarondedzerwa naJesu. (Ruka 21:1-4) Iye anofanira kuva akaziva kuti mari dzake mbiri dzoukoshi huduku hwakadaro dzaizoita musiano muduku pamusoro pegarikano yokunyama yetembere naavo vaibatiramo. Asi iye haana kutarira tembere navaprista vaibatirapo ndokufunga kwaari amene, kuti: ‘Ivo vanorarama zviri nani zvikuru kupfuura zvandinoita uye vane chivako chiri nani kupfuura musha wangu muduku.’ Chokwadi, tembere yakanga yakanaka zvikuru kwazvo uye yakaisvonaka. “Yakanga yakashongedzwa namabwe akanaka nezvipo.” (Ruka 21:5) Asi ikoko hakuna kudzivisa chirikadzi kupa mupiro. Iye aida kuzviratidza amene kuva anoonga kuna Jehovha, kwete kuvanhu vaibatira patembere.
20. Isu tingaratidzira sei chimiro chimwe chetecho chakaisvonaka seicho chakaratidzwa nechirikadzi murombo?
20 Vanhu vaJehovha nhasi vanodzidza muuyu muenzaniso. Kufanana nechirikadzi inoshaiwa, ivo vanoziva kuti mipiro yavo, mikuru kana kuti miduku, inopiwa kuna Mwari. Uye ivo vanonyaradzwa nokuziva kuti sangano rapasi raJehovha rakarongwa zvakadaro zvokuti hakuna munhu anogona kuwana mhindu mune zvemari. Nzvimbo dzeSosaiti dzinovakwa ndokushandiswa kuti dzishongedzere vashandi vanoshanda zvakaoma kuti vawane muuyo mukurusa mukubudiswa kwakanaka kwamaBhaibheri nebetsero dzeBhaibheri nemokubatira fariro dzoUmambo. Ikoku musiano unoshamisa nokushandiswa kusakafanira kwemari dzinopiwa kwakashumwa misi ichangobva kupfuura iyi pamusoro pavaevhangeri vomuterevhizheni.
Zviyeuchidzo Kukuonga Zvinobetsera
21, 22. Muuyoi uyo zviyeuchidzo zvomutsa zvokuzviratidza timene kuva vanoonga zvinofanira kunyandura mumwoyo yedu?
21 VaIsraeri vaida zviyeuchidzo zvenguva dzose zvebasa ravo kuna Jehovha, zvikurukuru nezvokudikanwa kwokuratidzira mudzimu wokuonga. Kazhinji kazhinji, apo izvi zvinhu zvakaunzwa kungwariro yavo, kuonga kwainyandurwazve mumwoyo yavo, uye ikoku kwakaguma naanopfuura mashoko kuratidzira kutenda kwavo kwokuonga. Ivo vakanga vachidisa kupa “mirwi pamusoro pemirwi” yezvirimwa kuna Jehovha kuti zvishandiswe paimba yake yokunamatira.
22 Naizvozvo avo va“Israeri waMwari” womuzuva razvino ne“boka guru” reshamwari dzavo nguva dzose ngavanzwe nenzira imwe cheteyo. (VaGaratia 6:16; Zvakazarurwa 7:9, NW) Mwoyo yavo inotenda ngaivasunde kupa “mirwi pamusoro pemirwi” yerumbidzo kuna Jehovha. Ipapo ivo vanogona kuti zvirokwazvo: “Tiri kuzviratidzira timene kuva vanoonga kuna Mwari wedu ane rupo naane rudo, Jehovha.”
Unoyeuka Here?
◻ Neiko maKristu achida nguva dzose kunzvera ukuru hwokuonga kwawo?
◻ Neiko vanhu vaJehovha nguva dzose vakava nechisakiso chomuraudzo chokuonga?
◻ Munzirai chaidzo maigona kuratidza namo vaIsraeri kuonga kwavo kuna Jehovha?
◻ Kufanana navaIsraeri, ndizvinhui chaizvo zvatinogona kuita kuratidzira kuonga kwedu?
◻ Chii chatinogona kudzidza kuchirikadzi inoshaiwa yaiva patembere?
[Mufananidzo uri papeji 7]
VaIsraeri vakaratidza kuonga kupfurikidza nokupa zvegumi nezvibereko zvokutanga uye kupfurikidza nokuita gadziriro yokuti varombo vaunganidze muminda yavo
[Mufananidzo uri papeji 8]
Wezvamapisarema akaonga Jehovha nokuda kwamabasa Ake anoshamisa nemifungo kuvanhu Vake
[Mifananidzo iri papeji 10]
Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinoratidza kuonga kupfurikidza nokugoverana mubasa romumunda negadziriro dzokuvaka dzoushe, pamwe chete nokupa zvipo zvokunyama