Zvikonzero Zvokuwedzera Zvokuonga
VANHU vaIsraeri wakare vakanga vane zvikonzero zvakawanda kupfuura vamwe zvokuratidzira kuonga kuMusiki. Neiko tichigona kutaura ikoku?
Eya, kufanana navamwe vanhu vose, vaIsraeri vakanga vane chikonzero chokuonga nokuda kwezvinhu zvose zvakaisvonaka nezvinoshamisa zvakasikwa naMwari. Asi ivo vakanga vane chikonzero chakawedzerwa chokutenda nemhaka yokuti Wamasimba ose akanga avasarudza kuva vanhu vake chaivo ndokuvatarisira zvikuru. (Amosi 3:1, 2) Rangarira zvimwe zvezvikonzero zvavo zvakatanhamara zvokuonga.
Kupona Kuviri Murufu
Vabereki vose vechiIsraeri vanofanira kuva vakatenda sei pausiku hwaNisani 14, 1513 P.N.V.! Pausiku ihwohwo hunokosha, ngirozi yaMwari yakaunza rufu ku“matangwe ose avanhu panyika yeEgipita, navana vose vemhongora dzezvipfuwo.” Asi iyo yakapfuura dzimba dzavaIsraeri apo ropa remhuka dzePaseka rakanga rasaswa pamagwatidziro nezvivivo. Kunyarara kwakavhiringidzwa “nokuchema kukuru paEgipita, nokuti kwakanga kusina imba musina wakafa.” Bva, mhuri iri yose yechiIsraeri yakanga ichine dangwe rayo rinokosha benyu nerakasimba.—Eksodho 12:12, 21-24, 30.
Isiri nguva refu pashure paikoko, kuonga kunofanira kuva kwakabuda mumwoyo yavaIsraeri sezvakapupurira kupindira kwenenji kwaJehovha apo ivo vakaratidzika kuva vasungwa mumusungo pamhenderekedzo dzeGungwa Dzvuku, hondo yaFarao weEgipita ichironda. Kutanga, ivo vakaona shongwe yegore iyo yakanga ichivatungamirira ichienda shure kwavo, ichinonotsa varondi nenzira inobudirira. Ipapo vaIsraeri vakaona Mosesi achitambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye vakatarira nokushamiswa sezvo Mwari akaparira mhepo yokumabvazuva ine simba kuvhuvhuta usiku hwose, ichiparadzanisa mvura nokuchinja makadzika-dzika megungwa kuva nyika yakaoma. VaIsraeri vaida kurudziro duku yokukurumidza kupfuura noumu mumukoto woumwari wokupona nawo wakagoverwa nenzira youmwari.
Zvino, kunyanguvezvo, chisakiso chitsva cheshamisiko! VaEgipita vakadirana makadzika megungwa, vane chivimbo chokusvikira vaIsraeri. Asi tarira! Apo vaEgipita vose vakanga vava mumukana une masvingo emvura, mavhiri akavamba kubva pangoro dzavo, uye nokukurumidza kwakava nenyongano. Ipapo, vaIsraeri vose vava paimwe mhenderekedzo zvakakotsekana, Jehovha akaudza zvakare Mosesi kutambanudza ruoko rwake, “gungwa rikadzokera kwakare kwoedza.” Muuyo wacho? Hakuna kunyange mumwe weuto rehondo rinokosheswa raFarao anodada asina kunyura, kana mutongi anodada amene. (Eksodho 14:19-28; Pisarema 136:15) Iwe unogona here kufungidzira kuti vakaonga sei kuna Jehovha vaIsraeri vakanunurwa?
Mitoo Yokurwa Nayo Inoshamisa yaMwari
Kunyange zvazvo vaionga nokuda kwokununurwa kwavo muEgipita nokupfuura kwavo kusingakanganwiki nomuGungwa Dzvuku, vaIsraeri vaifanira kutarisana nezvinoitika zvakawanda zvinotambudza vasati vasvika kuNyika Yakapikirwa. Asi chinoitika chimwe nechimwe mukati mokufamba kwavo kwamakore 40 murenje chinofanira kuva chaiita chikonzero chokuwedzera chokuonga chaiko kuna Jehovha.
Pakupedzisira, vaIsraeri vakayambuka Rwizi rwaJoridhani uye vakanga vava munyika iyo Mwari akanga avapa. Ivo vakakurumidza kupupurira muenzaniso wemitoo yokurwa nayo inoshamisa yaJehovha nokuda kwavo. Seiko? Chokwadi, kupfurikidza nokutapwa kunoshamisa nokuparadzwa kweguta rokutanga reKanani ravakasangana naro—Jeriko! (Joshua, ganhuro 6) Unyanzvi hwakarairwa naMwari hwokupoterera Jeriko vakatakura areka yesungano hwaiva hwechienzi sei! Kwamazuva matanhatu anotevedzana, ivo vakapoterera rusvingo kamwe zuva rimwe nerimwe. Pazuva rechinomwe, ivo vakapoterera rusvingo kanomwe. Apo vaprista vakaridza hwamanda dzavo, vaIsraeri vakazadza mhepo “nokudanidzira kukuru,” uye “rusvingo ndokukoromoka chose”! (Jos 6 Ndima 20) Imba yaRakabhi bedzi nechikamu chorusvingo chaiva pasi payo zvakaramba zvimire. Rusvingo rweiri guta rwakaratidzika kuva rwusingakoromoki rwakanga rwakoromoka pasina kudikanwa kwokuti Joshua neuto rake vakandire museve mumwe! Zvirokwazvo, chinoitika ichocho paJeriko chakanga chiri chikonzero chakatanhamara chokuwedzera chokuonga kuna Mwari.
Pane imwe nhambo, kwakanga kune imwe ratidzirwo yakatanhamara yemitoo yokurwa nayo inoshamisa yaJehovha. Apo vanhu veGibheoni vakaita rugare navaIsraeri, madzimambo mashanu avaAmori akazivisa hondo pavaGibheoni. Joshua akavayamura, uye ruoko rune nenji rwaJehovha rwakaratidzwa rwaratidzwazve muhondo yakatevera. Mwari akanyonganisa vaAmori, uye “vakati vachitiza pamberi paIsraeri, vari pamatenusirwa anoburukira Bheti-horoni, Jehovha akakanda pamusoro pavo mabwe makuru akanga achibva kudenga, kusvikira Azeka, vakafa.” Vakawanda vakasangana norufu rwakaparirwa nezvimvuramabwe izvozvo kupfuura avo vakaurawa navaIsraeri nomunondo.—Joshua 10:1-11.
“Pamberi pavaIsraeri,” Joshua ipapo akataura kuna Jehovha ndokuti: “Iwe zuva mira pamusoro peGibheoni, newe mwedzi pamupata weAjaroni.” Muuyo wacho? Nhauro yacho inoti: “Zuva rikamira, nomwedzi ukamira ukarambirapo, kusvikira rudzi rwatsiva vavengi varwo.”—Joshua 10:12, 13.
Ndizvinoitika zvinoshamisa zvakadini! Uye ndizvimwei zvikonzero zvakatanhamara zvokuonga zvavanhu vaJehovha!
Kuonga Kwaiva Kwenguva Pfupi
Pashure peratidzirwo imwe neimwe yepindiro yaJehovha, vaIsraeri vaizadzwa nokuonga. Sezvingabvira, muIsraeri mumwe nomumwe akataura mumwoyo make kuti haasati aizotongokanganwa zvinhu zvaakanga aona. Bva, kuonga kwakadaro kwakagara kwenguva pfupi isingadaviriki. Nguva nenguva, vaIsraeri vakaratidzira chimiro chokusaonga. Nokudaro, Mwari “akavaisa muruoko rwavahedheni; vakavavenga ndivo vaivabata.”—Pisarema 106:41.
Bva, Jehovha akaratidza mudzimu wake wokushivirira wokukanganwira apo vaIsraeri vakapinda munhamo dzakakomba, vakapfidza chakaipa chavo nenzira yokusaonga, uye vakadana kwaari nokuda kwebetsero. “Kunyange zvakadaro wakatarira kutambudzika kwavo; panguva yaakanzwa kuchema kwavo; akarangarira sungano yake nokuda kwavo, akazvidemba nokuda kwokuwanda kwengoni dzake.” (Pisarema 106:44, 45) Nguva nenguva, Mwari wavo anokanganwira akavasunungura muvadzvinyiriri ndokuvadzorera munyasha dzake.
Pasinei zvapo nomwoyo murefu waMwari nokutumira atumirazve kwake vaporofita kuzogadziridza kufunga kwavo, vaIsraeri vakabvumikisa kuva vakaoma mutsipa. Pakupedzisira, shiviriro yaJehovha yakapera, uye akabvumira rudzi rwaJudha kukurirwa navaBhabhironi muna 607 P.N.V. Avo vasina kuurawa namauto aMambo Nebhukadnezari vakatapwa kuBhabhironi.
Mugumo une ngwavaira zvakadini nokuda kwokusaonga kunodzokororwa nokusavimbika kuna Mwari! Uye uku kwakaitika pasinei zvapo nezvikonzero zvakawanda zvokuva vanoonga.
MaKristu nhasi angadzivisa sei kuita chikanganiso chimwe chetecho chokukundikana kuratidza kuonga nokuda kweizvo zvose Jehovha Mwari akaaitira, kunze kwamabasa ake kurudzi rwomunhu rwose zvarwo? Tinosiya ikoko nokuda kwerangariro munyaya inotevera.