RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 7/1 p. 13
  • Perero Murambidzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Perero Murambidzo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anokomborera Zvikuru Vaya VAnorambira Panzira Yake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Ramba Uchinamata Jehovha Basa Redu Parinorambidzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Mwari Haakanganwi “Rudo Rwamakaratidza nokuda kweZita Rake”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 7/1 p. 13

Vazivisi Voumambo Vanoshuma

Perero Murambidzo

KWAMAKORE 11 basa rokuparidzira muimwe nyika yeSoutheast Asia rave riri murambidzo yehurumende yapamutemo. Mumakore achangobva kupfuura aya, zvisinei, hama dzakava nechikonzero chokudavira kuti vanhu vane mutoro vari muhurumende vangada kusunungura mugariro wacho. Rambidzo inoratidzika kuva yakasundwa nepesvedzero yakasimba yamarudzidziso echiKristudhomu ari muhurumende.

Padzimwe nguva hama dzainzvereseswa, kusungwa, uye bvunzurudzo yakakomba. Avo vanoshandira masangano ehurumende vakatyisidzirwa nokuderedzwa kana kuti kurega basa kwokumanikidzirwa kana vasingakumbaniri Bato rezvamatongerwe enyika rehurumende. Rimwe boka ravaparidzi rakarohwa zvakakomba.

Zvapupu zvakabvisirwawo maruramiro apamutemo, zvakadai samabasa amatare ehurumende namaruramiro okuitisa mariro. (Zviremera zvinogadza mufundisi kuti aite ikoku.) Mudzimwe nzvimbo, kunyange kunyoreswa kweroorano kunonyimwa Zvapupu!

Bva, avo vanotarisira basa ikoko vanoshuma, kuti: “Nenzira isingachinji, uko hama dzinotarisana nenhau yacho noushingi, dzichipa uchapupu nokuremekedza kunobva muBhaibheri, bvunzurudzo pakupedzisira dzinomira uye kutarisiswa kunoderera, kuchigonesa hama kupfuuridzira nenzira inobudirira basa rokuparidzira nokuita kwavadzidzi.”—Mateo 28:19, 20.

Somuenzaniso, imwe hanzvadzi ichibvunzurudzwa yakabvunzwa kwatinowana zita rokuti Jehovha. Noushingi iye akazarura Bhaibheri rake kuna Eksodho 15:3, apo zita racho rinooneka. Mubvunzurudzi, mutungamiriri wehondo, akatevera muBhaibheri, achiti: “Hungu, zvamazvirokwazvo. Riri muBhaibheri.” Ipapo, achitendeukira kumufundisi uyo akanga achitorawo mubvunzurudzo yacho, iye akabvunza kuti: “Neiko musingazivisi vanhu pamusoro pezita racho?” Mufundisi akapindura zvisingagutsi, kuti: “Haiwa, hungu, zita racho riri muTestamende Yekare. Asi nemhaka yokuti nyika ino haina ukama hwoushamwari neIsraeri, hatishandisi zita racho.” Hanzvadzi yakakurumidza kusunungurwa!

Achiita chimwe chinhu pamusoro pokubaira zanhi kwakabva kumunhu “anofarira,” mapurisa akarambidza yokutanga yekokorodzano nhatu dzoruwa usiku hwapamberi paapo yaifanira kuvamba! Zvisinei, vanhu vane ndangariro dzakanaka vanoverengeka vari muchipurisa vakabetsera kumisa bvunzurudzo dzakatevera. Nokusatya, hama dzakava nedzimwe kokorodzano mbiri.

Pasinei zvapo nechishoro chakasimba chorudzidziso munyika ino, muchine avo vanoda kururama. Mumwe mushandirwi, somuenzaniso, aona ruvimbo rwehama kunheyo dzadzo nechitendero, akatokudziridza chivimbo chikuru muhama. Idzo dzinopiwa mutoro mukuru pabasa.

Zvinhu zvakafanana zvinoitika kuvana vechikoro. Vadzidzisi vane mwoyo wakatendeseka vanovayemura nokuda kwechimiro chavo chakasimba chinotaurwa nokuda kwechitendero chavo.

Kunyange zvazvo mugariro mumunda wave uchisununguka nokuda kwehama, chechi dzichiri kupfuuridzira kunetsa kwadzo uye dzinoedza mutoo uri wose unobvira kumisa basa rokupupurira. Pane dzimwe nguva dzinoedza kukuvadza mumuviri avo vari kufunda Bhaibheri neZvapupu. Zvisinei, vanofarira vachiri kudirana kusangano raJehovha. Chinoitika chimwe ndichiya chambuya ava namakore ari muma 70. Pashure pokunge rimwe ramaziso ake ravhiiwa, akataura chishuvo chake chokuita upiona hwebetsero. Nemhaka yezera rake, iye pakutanga akanzwa kuti chinodikanwa chamaawa 60 chakanga chakanyanya kumukurira, pashure pokukuedza, akawana kuti aigona kukuita. Kutaura idi, mumazuva gumi okutanga, iye akaisa maawa 38 mubasa romumunda; agovera mabhuku maviri, mabhukwana matatu, uye magazini maviri mundima yakaoma; uye akatanga fundo dzeBhaibheri mbiri. Iye akafara!

Kubatanidza chinhu chiri chose, mugariro webasa romumunda munyika macho wakanaka zvikuru. Zvikurukuru pashure pesarudzo yavose, hama dzakakwanisa kuita mativi akasiana-siana okupupurira. Ikoku zvirokwazvo kwakakurumidzisa basa. Muparidzi wenguva dzose anokwanisa kuva nefundo dzeBhaibheri nomwe kusvikira kugumi. Kare, vanasaimba vaibvunzisisa zvikuru pamusoro pokuti taiva vanaani, kwatakabva, uye zvichingodaro. Zvino hama hadzitongofaniri kuzvisuma dzimene. Vanhu vane nzara yezvokudya zvomudzimu zvinogutsa. Munda wagadzirira chaizvoizvo kucheka.—Mateo 9:37, 38.

Zvirokwazvo, hama dziri muiyi nyika dzakachengeta perero mumuedzo, misi ichangobva kupfuura iyi dzichifarikanya wedzero ye 7 muzana muvaparidzi! Idzo dzinotora chimiro chimwe chetecho chakatora wezvamapisarema Dhavhidhi paakati: “Kana ndirini, ndichafamba muperero yangu.”—Pisarema 26:11, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe