Kuongerei?
TARIRA pabutiro rapamberi ramagazini ino. Zvirokwazvo, iro rinotiyeuchidza kuti kune zvinhu zvakawanda zvakaisvonaka zvokutsiva ushati netsvina zvinoonwa munzvimbo iri yose.
Ko iwe unoonga zvinhu zvakanaka here? Funga pamusoro pomuraraungu nomubatanidzwa wawo wamavara akajeka, akaisvonaka pashure perima redutu. Fungidzira bopomo duku. Kana kuti edza kuisa muchiono mhuka dziri kutamba navaduku vadzo. Fungidzira ruva romubindu rakaisvonaka kana kuti gorosi yakawanda. Hungu, izvi zviono zvinozivikanwa navose kuvanhu vazhinji. Asi izvo zvine muuyoi pauri?
Hachitani Kurerutswa
Kazhinji kazhinji, kana chimwe chinhu chichiwanwa kazhinji kazhinji zvikuru, chinova chenhando zvikuru—uye kuri nyore zvikuru kuchirerutsa. Uku kukundikana kungaratidzika kuva kunooneka zvikuru muzana ramakore rechi 20 rinokurumidza kufamba. Asi kusawana nguva yokufungisisa kana kuti yokuverenga zvikomborero nezvikonzero zvokuonga nguva dzose kwave kuri imwe yekundikano dzorudzi rwomunhu rusina kukwana.
Pane rumwe rutivi, wezvamapisarema Dhavhidhi, achifuridzirwa, aiwanzotaura kuonga murwiyo. Aya mashoko akataurwa kuna Mwari muimwe yenziyo dzaDhavhidhi muenzaniso mukuru wokuonga:
“Kana ndichicherechedza denga renyu rose, iro basa reminwe yenyu,
Mwedzi nenyeredzi zvamakarongedza;
Munhu chinyiko, zvamunomufunga?
Nomwanakomana womunhu zvamunomusha-nyira?
Makamubatisa ushe hwamabasa amaoko enyu;
Makaisa zvose pasi petsoka dzake.
Makwai ose nedzombe,
Nemhuka dzesango;
Neshiri dzokudenga, nehove dzegungwa,
Izvo zvose zvinofamba nenzira dzegungwa.
Haiwa Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!”—Pisarema 8:3, 4, 6-9.
Kuonga Kunogona Kukurira Rusuruvaro
Kuonga kwowezvamapisarema nokuda kwezvinhu zvakaisvonaka kwakabetsera kutsiva rusuruvaro rwupi norwupi rwakaunzwa nezviono zvisingafadzi kana kuti migariro inotambudza. Iwewo unogona kuva nechinoitika chimwe chetecho. Seiko? Kupfurikidza nokuvavarira kunzwisisa zvizere zvikuru zvinhu zvinofadza zvakawanda zvakatipoteredza. Neiyi nzira, iwe unogona kuwedzera mufarwa wako nouyo waavo vakakupoteredza.
Naizvozvo kuregerereiko kuita kuti zviono zvezuva riri rose zvorunako neshamisiko zvisunde kuonga kwechokwadi kuMusiki wedu ane rupo? Rangarira zvino zvikonzero zvokuwedzera zvokuonga.