“Zvinobetsera Senhungamiro Kukurarama Kwezuva Nezuva”
IZVOZVO ndizvo izvo mumwe mukadzi weToronto, Canada, akadana zvinyorwa zveWatch Tower Bible and Tract Society. “Ndinofarikanya kuzvirava uye ndinowana mashoko acho achiraidza zvikuru, achifadza uye kupfuura zvose achibetsera zvikuru senhungamiro kukurarama kwezuva nezuva.”
Iye akawedzera, achiti: “Ini ndakapedza kufunda payunivhesiti, uye ndinofanira kubvuma zvinoshamisa kuti ndakadzidza zvakawanda zvikuru kupfurikidza nezvinyorwa zvenyu kupfuura mumakore angu ose efundo. Ndakafarikanya zvikuru bhuku renyu Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze. Hakuna zvimwe zvinyorwa zvakakwanisa kuva nesimba rakanaka rakadaro paupenyu hwangu sezvakaita zvenyu—izvo zvakandibetsera zvikuru kwazvo; uye nokuda kwaikoku ndinokutendai zvirokwazvo.”
Bhuku radudzwa pamusoro apa Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze, rinopa zvikarakadzo zvakananga zvinobetsera kupedza zvinetso ndokuita kuti roorano ive mufaro uyo Musiki akaita kuti ive. Nokuda kwekopi yako, zadza ndokuposita kopani inotevera pamwe chete nomupiro we$1,60.
Ndapota tumirai, muchiripira mari yokuposita, bhuku rine butiro rakasimba, rine mapeji 192 Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze. Ndinopfigira $1,60.