Ivo Vakapwiswa Norudo rwaJehovha
MAFUNGU makuru akanga achirova chikepe chakabatwa mudutu guru mugungwa. Hondo yamazuva 14 nemvura dzinopenga yakanga yasiya vatakurwi navashandi vechikepe vasina tariro, kunze kwomumwe. Iye akanga ane chivimbo chokuti Jehovha aizomudzivirira, sezvo mashoko anonyaradza anoti, “Pauro, usatya” akarira mundangariro make. Mukati mamaawa anokosha anotevera, chikepe chakaguma pasi, kuchibvumidza vose kusvika panyika zvakakotsekana. Zvakare muapostora Pauro aiva nechikonzero chokupwiswa norudo rwaJehovha.—Mabasa 27:20-44.
Ko iwe unopwiswa zvakaenzana norudo rwaMwari here? Fundo yenguva dzose yeShoko raMwari nokushandiswa kweizvo unodzidza kusimbisa vamwe kunokosha. Bva, kuti upwiswe chaizvoizvo norudo rwaJehovha, unofanira zvomenemene kurarama namashoko aJehovha kupfurikidza nokuwana kuita kwake nokuda kwako. Mumwe anopwiswa zvakasimba naikoku ndimumwe mutariri anofambira anoshanda mumakomo marefu eBolivia uyo, kufanana navamwe vazhinji, akawana tarisiro yaJehovha.
“Zvandaishanda kunze kweOruro,” iye anorondedzera, “ndaifanira kushanyira ungano muKami, taundi rine mugodhi riri kure namakiromita 100. Mugwagwa une makomo, unomonereka unosvika urefu hwamamita 4 600 uye unogona kuva une ngozi zvikuru, zvikurukuru pakunonaya. Tembiricha dzinowanzodzika kusvikira ku −10° C. kana kuti pasi.
“Imwe hama, Aníbal, yakanga ichizondiendesa pamudhudhudhu wayo, uye takatanga pa 6:00 a.m., takagadzirira nokuda kwerwendo rwamaawa mashanu. Kuvambira pakutanga kwakanga kuchinaya, uye madhaka akaramba achinama pakati pevhiri nemadhigadhi, kuchitimisa. Taigona kupfuurira bedzi pashure pokubvisa madhaka nokungwarira. Ndakakwira pakeriya shure kwaAníbal, ndakaedza kudzivirira shangu dzangu nomudhebhe asi ndakarega apo zvakatota chose chose.
Ufakazi Hworudo rwaJehovha
“Maawa matanhatu akanga apfuura apo injini yakadzima pamawere, uye takavamba kukunguruka tichidzoka shure. Ndichisvetuka, takaedza nenzira iri yose kubata muchina unorema mudhaka rinotsvedza. Uku kwakabvumikisa kuva kusina maturo, zvisinei, uye mwoyo yedu yakapera simba sezvo mudhudhudhu wakadonhera parutivi pebani rakadzama mamita 90! Takatarira pasi neshungu. Nenzira isingadaviriki, muchina wacho wakanga wamira pakati. Zvisinei, hatisati taizotongokwanisa kuusimudza tisina betsero.
“Maawa akapfuura, asi taiva netariro duku yokuti munhu upi noupi aizofamba nomumugwagwa iwowo womusango. Ipapo mumwe murume ane mbongoro namallama akaoneka. Achiona mugariro wedu wakashata, iye akati mururimi rweQuechua: ‘Hungu, ndine tambo.’ Iye akasungirira tambo dzeganda pambongoro napamudhudhudhu. Ipapo, isu takasimudza tiri pasi apo iye aikurudzira mbongoro kudhonza. Pakupedzisira, pashure pokurova zvikuru mbongoro, takadzokera mumugwagwa, huma dzedu dzatota nedikita. Taigona sei kumubhadhara? Takamugovera bhuku reNhau dzeBhaibheri, uye iye akaororwa kwazvo nebhuku racho zvokuti aida kutsiva mutsa wacho nembatatisi dzomumutoro wake!
“Injini yakamuka, uye takaonga zvikuru kwazvo kuna Jehovha. Pamberi, takafunga nezvokumira, sezvo injini yakavamba kunyarara. Takasvika pashopo iri yoga yekofi. ‘Makananga kupi?’ muridzi akabvunza kudaro. Takamuudza uye takatsanangura chinetso chedu. ‘Ndine spark plug namaturusi zvandichakukweretesai,’ iye akadaro. Hatina kutongogona kudavira nzeve dzedu—iyi yakanga iri nzvimbo apo shamwari, tisingarevi vaenzi chaivoivo, dzinowanzobatwa zvisakafanira. Nespark plug itsva injini yakafamba zvakanaka.
“Zvino kwakanga kwasviba, uye ndakatya, sezvo makumbo angu akanga ava kuoma nokutonhora zvikuru. Ipapo, tichikwira makata makuru, injini yakadzima zvakare. Zvose zviri zviviri kupomba sitata nokusaidzira mudhudhudhu kwamakiromita 3 kwakabvumikisa kuva kusina maturo. Taneta zvokufa, takagara pasi parutivi pomugwagwa. Makumbo angu akanga achisiri akaoma! Asi tose takagumbuka uye tisisazivi chokuita. Takazorora zvishoma uye ipapo takaedza kumutsa injini zvakare. Yaizomuka here?
“Nokushamiswa kwedu injini yakamuka. Zvisinei, iko zvino kwakavamba kunaya, uye pamateru akatevera takamira zvakare. Zvakare takanga takagara parutivi pomugwagwa, nguva ino mumvura iri kunaya. Takazororazve. Nepanikiro takaedza injini zvakare—uye yakamuka! Nokukurumidza takanga togura nzvimbo yakakwirira zvikurusa yerwendo rwedu. Ndakasununguka, ndichifunga kuti kunyange kana injini ikadzima, taigona kudokupinda muKami. Asi pamawere makuru bhureki rakadhimukira muruoko rwaAníbal! Ndichikurumidza kusvetuka ndakabatirira pakeriya yomushure, ndakapinza tsoka dzose dziri mbiri muvhu ndokutsvedza tichidzika negomo. Neiyi nzira ndakakwanisa kuzvimisa timene. Uku kwakaitika pamamwe materu maviri.
Kami—Pakupedzisira
“Yakanga yava 3:00 a.m. apo pakupedzisira takasvika Kami. Takanga tave tichifamba kwamaawa 21. Kuwana hama kwaizova chinetso, sezvo iyi yakanga iri shanyo yangu yokutanga. Takagogodza pamasuo asi taiudzwa, kuti: ‘Endai! Takarara!’ Pashure pokugogodza pamasuo anoverengeka, ndakarangarira kuti chinhu chakanakisisa chokuita kwaizova kuzorora pasi pedenga ndokutsvaka hama mumangwanani. Ndichidonha pasi, ndakavata zvokufa. Pandakamuka, ndakazviwana ndimene ndakapoteredzwa navanhu. Ndakamira, uye mumwe murume ane nzwi rinoshoshoma akauya ndokundimbundira zvikuru. Hungu, ivo vakanga vari hama dzedu! Aníbal akanga adziwana. Handina kugona kutaura sezvo mirangariro yangu yakazara mukati mangu.
“Vasingapambadzi nguva, vakatakura midziyo yedu, kubatanidza mudhudhudhu wakafukidzwa namadhaka, uyo imwe hama yakatakura chaizvoizvo kuyadhi yayo. Vagamuchiri vangu vakanga vari varoorani vanozvininipisa, mudzimai akapfeka pollera chaiyoiyo, siketi yakazara yakakavaniswa. ‘Imi motora mubhedha wedu,’ ivo vakadaro. Handina kuda kuti varare pauriri, zvikurukuru sezvo mudzimai wacho akanga ane pamuviri. Asi ivo vakaomerera.
“Chinhu chinotevera chandakaziva, yakanga yava 8:00 a.m. Mumwe munhu akanga achigogodza pasuo. ‘Hama dzagadzirira nokuda kwebasa,’ ndakaudzwa kudaro. Ndichiona zviso zvadzo zvinokarira zvichipenya nokuonga, ndakanga ndisina chimwe chisarudzo kunze kwokubudisa muviri wangu unorwadza pamubhedha ndokuvamba kushanya. Uye yakanga iri shanyo inofadza zvakadini! Sezvandakaperekedza hama muushumiri hwadzo, idzo dzaingozara bedzi nomufaro nembavarira. Ndakarangarira pamusoro pokuti idzi shanyo dzinokosha sei pasinei zvapo nezvose zvatakanga tapinda mazviri—kufanana ne‘nzizi dzemvura munyika isina mvura.’—Isaya 32:2.
“Zuva rakatevera racho takashanyira mumwe musha umo mufudzi weevangelist akanga atyisidzira kudzongonyedza musangano wedu pandakasvika. Pashure pehurukuro, murume akasimba akandimbundira nechiBoliviaa ndokuti: ‘Hama, iwe une zvokwadi!’ Pashure pezvo, ndakabvunza kuti akanga ari ani. ‘Mufudzi,’ ivo vakadaro.
“Shanyo yokuKami yakakurumidza kupera, uye takanga toenda. Hama dzakanga dzagadzira mudhudhudhu ndokugeza mbatya dzedu dzose dzine madhaka. Apo takadudza murume akatikweretesa maturusi, ivo vakashamiswa, sezvo iye achizivikanwa somunhu anodokuva asingatongobetseri. Pashure pokumbundira kwakawanda nokubatana maoko, takaenda uye nokukurumidza takadzoka kuzoona pamuridzi weshopo yekofi. Pashure pokudzorera chinhu chiri chose, takamubvunza, kuti: ‘Tine mungava wemarii?’ ‘Hapana,’ iye akapindura kudaro. ‘Ndakafara kubetsera!’
“Tadzokera muOruro, maawa mashanu gare gare, takafunga nezvokuti kwakanga kuchikosha sei kusarega uye kuti Jehovha akatitarisira nenzira inoshamisa sei. Aníbal akaororwa zvikuru kwazvo nechinoitika chacho zvokuti iye akati: ‘Ndingapa chinhu chipi nechipi kuti ndidzokere!’ Iye akaita izvozvo chaizvo, achitakura vamwe vatariri vanofambira pamudhudhudhu wake kuenda kuKami nedzimwe nzvimbo. Hungu, taiva nechikonzero chakasimba chokupwiswa zvinotova zvikuru kwazvo norudo rwaJehovha.”—Yakarondedzerwa nomutariri wedunhu Ricardo Hernández.
[Mashoko Omuzasi]
a Kumbundira kwechiBolivia kwakaumbwa nokubata ruoko, kudzvatsvirana pamusana, uye kumwe kubata ruoko.
[Mifananidzo iri papeji 23]
Mugwagwa womugomo unomonereka unosvika kutaundi rine mugodhi reKami
Mugwagwa unopfuura nomumakomo uchienda kuKami
Mbongoro dzinogona kuva dzinobetsera zvikuru munhamo!