Suo Rakazaruka rokuZvitsuwa zveSan Blas
NDEGE ine injini mbiri yakatenderera pamusoro pomugwagwa muduku wokumhara mumhenderekedzo yegungwa. Muchairi akazivisa kuti mugwagwa wakanga wafashamirwa uye hakusati kwaizova kwakakotsekana kumhara. Asi achiita mumwe mutoo, iye akasarudza kumharisa ndege. Sezvo ndege yakarova pasi, iyo yakafamba pamugwagwa usina tara, ichikwidza mvura mumhepo. Apo iyo pakupedzisira yakamira, takatura mafemo. Funganyo yedu yakava mufaro apo takaona shamwari dzedu dzakatimirira.
Idzo dzakanga dzabva kuchitsuwa cheUstupu, inenge maira imwe kubva pamhenderekedzo yegungwa. Ndichimwe cheZvitsuwa zveSan Blas, rudungwe rwetuzvitsuwa 350 twuri mumhenderekedzo yegungwa yokuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kwePanama kusvikira kumuganhu weColombia. Izvi zvitsuwa zvinogarwa namaIndia akaberekerwamo anenge 50 000 orudzi rweKuna. Takanga tauya nebasa.
Musangano neSahilas
San Blas icomarca, kana kuti chikamu chendima, cheRepublic of Panama. Chitsuwa chimwe nechimwe chinotongwa neSahilas yacho imene, rudzi rwakati rwedare romunzvimbomo rakaumbwa nemitezorume yakura yenzanga. Vamiriri vanobva muSahilas vanoumba mutumbi unonzi Caciques, uyo unotonga pacomarca yose.
Chibviro cha 1969, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichiparidzira mashoko akanaka oUmambo muSan Blas, uye vanhu vanenge 50 zvino vanopinda misangano yedu. (Mateo 24:14) Zvisinei, zviremera zvomunzvimbomo zvakatinyima mvumo yokuparidzira pazvimwe zvezvitsuwa. Misi ichangobva kupfuura iyi, Sahilas yeUstupu, chitsuwa chine vanhu vazhinjisa chechipiri muboka, yakakumbira musangano neZvapupu zvaJehovha nokuda kwokusarudza kutipa zivikanwo yapamutemo kana kuti kwete. Kunoratidzika kuti Jehovha ari ‘kuzarura suo’ nokuda kwedu.—1 VaKorinte 16:9.
Pamusangano wokutanga, itiro hanya huru yezviremera zvomunzvimbomo yakava pachena. Ivo vakaonesa kuti makanga muchitova namarudzidziso mana munzanga macho—Katurike, Baptist, Church of God, uye Mormon. Rumwe norumwe rwaiwawa rune chivako chechechi chikuru, zvimwe zvacho zviri mumugariro wokuregwa. Nenzvimbo isingawaniki kwazvo pachitsuwa, vakuru vakuru vaizofanira kuva vanongwarira pamusoro pokupinza rimwe boka rorudzidziso.
Kupfurikidza nomuturikiri, takatsanangura kuti munyika dzinopfuura 200 kupota nyika, Zvapupu zvaJehovha zvakagovera kugarikano yenzanga kupfurikidza nemipimo yetsika yakakwirira yazvinochengeta. Takapikira vakuru vakuru kuti misangano zvino yaizoitirwa mumisha yeZvapupu zvomunzvimbomo, uye kana kukafanira kuva kuri madikanwa kuvaka nzvimbo chaiyo yemisangano, haisati yaizova isingashandiswi nokuti misangano yedu inosanopindwa.
Pashure peinenge kurukurirano yeawa imwe, vakuru vakuru vakasarudza kupa nhau yacho pamusangano unotevera weSahilas, wakaitwa gare gare muvhiki. Taizofanira kumiririra mhinduro.
Shanyo kuChitsuwa cheDog
Panzvimbo pokungomirira, takasarudza kushanyira Achutupu, kana kuti Chitsuwa cheDog, tine shoko roUmambo. Igwa redu, rakanzi La Torre del Vigia (Nharireyomurindi), rakapendwa zvakajeka nependi tsvuku neyebhuruu uye rakaiswa injini yokunze. Igwa racho rakasiana zvikuru namamwe macayucos akawanda, kana kuti mwadiya, inosungirwa papuranga. Kufamba kwamaminiti 45 nomumakungwa ana mafungu akati kwakatisvitsa kuAchutupu.
Achutupu chitsuwa chaicho chiduku chomurutivi runopisa rwapasi, chine michindwe inovheya nemhenderekedzo dzegungwa dzine jecha. Asi nechiverengero chavagari vemo vanenge 2 000, chakaratidzika kuva chakati wandisei vanhu. Mitsara yedzimba dzavagari vemo yakanga iri munzvimbo iri yose, yakaparadzaniswa bedzi nenzira nhete, dzisina kukurwa. Dzimba dzose dzakanga dzakafanana. Madziro, akaitwa namasengere akasungirirwa pamapazu matete emiti, akareba anenge mafiti mashanu bedzi uye akaiswa pamusoro denga refu, gobvu ramashizha omuchindwe. Mukati, makanga muchingova nenzvimbo imwe chete yemhuri yose. Makanga musina mawindo, asi nzvimbo dzapakati pamasengere dzakabvumira chiedza chakakwana nemhepo kupinda.
Tisati tashanyira misha neshoko redu reBhaibheri, takasarudza kutevera tsika yomunzvimbomo yokushanyira madzishe omusha kundowana mvumo yavo. Naizvozvo takananga kuhoro yenzanga, chivako chikuru chiri pakati petaundi.
Mukati mehoro makanga mune rima, asi apo meso edu akajaira, taigona kuona mitsara yamabheji emiti akaiswa akapoteredza nzvimbo isina chinhu pakati. Mifananidzo yeSahilas inokosha yomunguva yakapfuura yakanga iri munzvimbo iri yose. Nemhaka yerima, mifananidzo, uye runyararo, nzvimbo yacho yakanga yakafanana nomukati mechechi. Pakati paiyoyi yose pakanga pane varume vashanu, vamwe vakatsenhama muzvigaro, vamwe vakagara pamabhenji. Sezviri pachena, ivo vakanga vari madzishe omusha.
Achitaura mumutauro womunzvimbomo, Bolivar, mumwe weZvapupu uyo akanga auya nesu tichibva Ustupu, akatsanangura donzo reshanyo yedu. Nokukurumidza, takagamuchirwa noushamwari uye mvumo yakapiwa yokuti tishanyire vagari vomumusha.
Imba Neimba muAchutupu
MaIndia eKuna vanhu vanofara, vano ushamwari. Sezvatakafamba mumigwagwa, vana vaimhanyira kwatiri, vachidanidzira kuti “Mergui! Mergui!” kureva kuti “vokumwe.” Ivo vaida kubata maoko edu. Kwakanga kune varume vashomanene, uye takaudzwa kuti vazhinjisa vavo vakanga vaenda kundotarisira minda yavo miduku panyika huru.
Taikokwa kupinda mukati pamusha uri wose. Mudzimai womumba aitigarisa pazvigaro zvemiti zvinorema, zvakavezwa namaoko, uye vasara vemhuri vaiungana vakakomba kuti vasanoteerera. Tisati taenda, taipiwa zvokunwa zvakagadzirwa nekoko, kofi, kana kuti michero yomunzvimbomo. Ikoku kwaiteverwa negirazi remvura yokuchenesa mukanwa medu. Mukuwirirana netsika yomunzvimbomo, kwakanga kwakafanira zvikuru kupfira mvura pauriri. Takakurumidza kudzidza kunwa shomanene nguva imwe neimwe, tichiyeuka kuti kwakanga kune misha yakawanda yokushanyira.
Paimba imwe, takaona mifananidzo yemiti yakavezwa inenge 50 youkuru hwakasiana-siana yakarongwa murutivi mesuo. Bolivar akatsanangura kuti iyoyi yakanga iri yokudzivisa midzimu yakaipa. Apo mukadzi akauya kusuo ndokutiudza kuti murume wake akanga achirwara, takanzwisisa chikonzero nei mifananidzo yaivapo, nokuti chirwere chinowanzonzi chinoparirwa namadhemoni.
Pashure pokunge takokwa kupinda mukati, takaona murume akarara pachigaro. Akanga akarembera patambo pamusoro pake akanga ari madhazeni euta huduku hwakasungirirwa miseve ine miromo mitsvuku yakanangidzirwa pamurume anorwara. Iyoyi yaifungidzirwa kutyisa midzimu yakaipa. Pauriri pakanga pane matende akatenderera anoverengeka ane mifananidzo miduku, zvikwepa zvefodya, uye bhinzi dzekoko dziri kutsva zvishoma nezvishoma. Idzodzi dzaifungidzirwa kunyaradza midzimu. Bolivar akaedza kunyaradza mhuri kupfurikidza nokuvaudza pamusoro pechipikirwa chaMwari chokuparadza chirwere chose, uye ivo vakagamuchira mabhuku eBhaibheri. Zvakare, pakanga pane zvinwiwa zvegamuchidzanwa negirazi remvura.
Zvipfeko Zvakaisvonaka zveKuna
Zviono zvechienzi pazvitsuwa zvacho zvipfeko zvakaisvonaka zvamaIndia eKuna. Kunyange zvazvo varume vachiwanzopfeka zvipfeko zvokuMadokero nhasi, vakadzi vachiri kuda mupfekero wavo wamagamuchidzanwa wechari tsvuku, bhurauzi rina maoko mapfupi, uye rokwe rakadzika kusvikira kumabvi. Rutivi rwapamusoro rwebhurauzi runowanzova rune ruvara rwakajeka. Chikamu chapakati chinozivikanwa semola, icho vashanyi vanowanzotenga ndokushandisa sechishongo chamadziro. Icho marabhi ejira rakaisvonaka rezvitaira zvegamuchidzanwa zveshiri, hove, uye mhuka. Rokwe rinongova zvaro chidimbu chine makona mana chejira risina kujeka rine mapatani akajeka, rinopeterwa pamuviri ndokukwinyirwa muchiuno. Vakadzi vazhinjisa veKuna vane vhudzi pfupi, kunyange zvazvo vamwe vavasikana vaduku vasina kuroorwa vachiita kuti vhudzi ravo rirebe.
Vakadzi vanoratidzika kuva vanofarikanya kupfeka zvishongo zvakawanda. Mhete dzendarama, zvuma, makoza, uye mhete dzomumhino zvakakurumbira zvikuru. Kazhinji kazhinji zvinhu zvose zvemhuri, izvo zvingasvika kuzviuru zvamadhora, zvinopfekwa navakadzi nouyu mutoo. Zvechienziwo, zvisungo zvavo zvamakumbo namaoko. Izvozvi zvinoitwa nezvuma zviduku zveoranji, yero, uye mamwe mavara uye zvingafara kuvambira pamainji maviri kusvikira kumatanhatu. Vakadzi vanotungira zvuma patambo refu uye ipapo vanoimonera zvakasimba pamakumbo namaoko avo. Zvitaira zvouchenjeri zvinoitwa kupfurikidza nokukaya ruvara rwezvuma patambo. Zvisungo zvacho zvinosungwa zvakasimba kuti zvigogona kupfekwa kwemwedzi inoverengeka panguva pasina kubviswa kunyange nokuda kwokugeza. Kupedza zvipfeko zvavo zvakaisvonaka nezvishongo, mutsetse mutema wakakwira unopendwa kana kuti unoiswa uchidzika nepakati pehuma nemhino, uchiguma pamuromo wapamusoro.
Shanyo yedu inofadza kuAchutupu yaifanira kupfupikiswa, sezvataifanira kudzokera kuUstupu munguva nokuda kwomusangano weSahilas. Panomira ngarava, vanhu vazhinji vakanga vakamirira kuwana mabhuku eBhaibheri kwatiri. Takafara kusiya ataiva nawo anavo.
Basa Rinopedzwa!
Shure muUstupu, horo yenzanga yakanga yakazadzwa namazana avanhu aidisa kuziva kana Zvapupu zvaJehovha zvaizozivikanwa pamutemo kana kuti kwete. Isu taidisawo. Sezvo zvinoitika zvakafambira mberi, sachigaro akatanga nhau yokubvumira Zvapupu zvaJehovha kushanda sorudzidziso pachitsuwa. Apo iye akakumbira vateereri kutaura mirangariro yavo, kurova kwemwoyo yedu kwakakurumidza. Vanhu vaviri bedzi vakaramba; voruzhinji vaida.
Pakupedzisira, musangano wakavhota kupa mvumo yapamutemo yokuti tiite misangano nokuparidza pasuo nesuo nokuita kuti chisarudzo chacho chinyorwe muzvinyorwa zvavo. Nokudaro, Zvapupu zvaJehovha zvakava rudzidziso rwokutanga pachitsuwa kuva nemvumo yakanyorwa yokushanda. Mamwe ose anongova bedzi nezvibvumirano zvamashoko. Takafara nokuonga sei nokuda kworukundo irworwu!
Kunokarirwa kuti ichi chisarudzo chichazarura suo rokuti mashoko akanaka oUmambo aparidzirwe muzvitsuwa zvose zveSan Blas. Pane chikonzero chiri chose chokurangarira sezvakaita wezvamapisarema paakati: “Jehovha amene ava mambo! Pasi ngarifare. Zvitsuwa zvakawanda ngazvifare.”—Pisarema 97:1, NW.
[Mepu iri papeji 28]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
PANAMA
Panama City
San Blas Islands
Gulf of Panama
Caribbean Sea
COLOMBIA