RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 5/15 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mashoko Akafanana
  • Vanhu Vose Vakanaka Vanoenda Kudenga Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • VaKristu Vose Vakatendeka Vanoenda Kudenga Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Kudenga Kwakamboita Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 5/15 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

◼ Chii chakaita Jesu “kugadzirira nzvimbo” mudenga vateveri vake?

Chinguvana asati atanga Chirairo chaShe, Jesu akaudza vaapostora vake vakatendeka kuti iye aifanira kuenda. Iye akareva, chokwadika, kuti pashure pokunge afa gare gare zuva iroro, aifanira kuenda kudenga. Petro akapindura kupfurikidza nokukumbira kubvumirwa kumutevera. Ipapo Jesu akati: “Mwoyo yenyu irege kumanikidzwa; tendai kuna Mwari, mutendewo kwandiri. Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai kusaiva kudaro, ndingadai ndaikuudzai; nokuti ndinoenda kundokugadzirirai pokugara. Kana ndaenda kundokugadzirirai pokugara, ndinozouyazve, ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemi mugovapowo.”—Johane 14:1-3.

I“nzvimbo dzokugara” dzakadini dzaida kugadzirirwa vaapostora? Vamwe vashanduri veBhaibheri vakashandura Johane 14:2 munzira inokarakadza kuti Jesu akanga achitaura pamusoro pokuda kwavaapostora “nzvimbo dzokuzorora” vachienda kudenga kana kuti kuwana kwavo kamuri dzakasiana-siana mudenga. Bva, W. E. Vine anotaura pamusoro peshoko rechiGiriki rinobatanidzwa, kuti: “Hapana chinhu chiri mushoko racho chinoratidzira kamuri dzakaparadzana muDenga; uyewo harikarakadzi nzvimbo dzokuzorora dzechinguvana munzira.” Shoko racho rinoreva zvaro nzvimbo yokugara. Naizvozvo Jesu akanga achipikira nzvimbo dzokugara mumatenga omudzimu kwaakanga achienda kuzova naBaba vake.—VaEfeso 1:20; 1 Petro 1:4; 3:21, 22.

Asi Jesu aizogadzirira nzvimbo dzokugara dzakadaro vateveri vake vakavimbika munzirai? Pashure pokufa rufu rwechibairo, Jesu akaenda kudenga kundopa pamberi paMwari ukoshi hwoupenyu hwake hweropa. Ihwohwu hwaizotanga kubetsera avo vaizodanwa kuva vadyi venhaka pamwe chete voupenyu hwokudenga. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakaitwa namaoko, inofananidza iyo iri chaiyo, asi wakapinda kudenga kumene, kuti zvino azviise pamberi paMwari nokuda kwedu.” (VaHebheru 9:12, 24-28; VaRoma 6:5; 8:17) Naizvozvo apo Jesu akaudza vaapostora kuti akanga achienda kuzova“gadzirira nzvimbo,” iye zvamazvirokwazvo aizova achirangarira ‘kuoneka [kwake] pamberi paMwari nokuda’ kwavo. Ivo kana kuti vamwe vanhu vaigona kumutevera kudenga pashure bedzi pokunge aita izvozvo.—VaFiripi 3:20, 21.

Ko Jesu aifanira kuita zvimwe zvinhu kuti avagadzirire nzvimbo here? Pashure penguva yakati, iye aizogamuchira simba roumambo uye aizorwisana naSatani, achimubudisa namadhemoni ake mudenga. (Zvakazarurwa 12:7-9) Ikoku kwaizoitika pamberi pokutanga kworumuko rwokudenga rwavaapostora navamwe vakazodzwa vakavata murufu. (1 VaTesaronika 4:14-17) Kana tsinhiro yaJesu pamusoro po‘kugadzirira nzvimbo’ vateveri vake yakabatanidza kubudisa kwake Satani mudenga, hatigoni kutaura.

Uyezve, hatizivi kana Jesu aiva nemimwe migove yaiva nechokuita nokugadzirira nzvimbo mudenga maKristu akazodzwa. Bva, tinogona zvedu kuva nechokwadi chokuti Jesu akagadzirira nzira vateveri vake vakazodzwa kupfurikidza nokupa kuna Mwari ukoshi hwe“ropa [rake] rinokosha.” (1 Petro 1:19) Pahwaro hweropa iroro, sungano itsva yakatangwa pakati paJehovha Mwari namaKristu akazodzwa nomudzimu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe