Nzwisiso Panhau
Ndivanyakushereketera Kristu Here?
“Vanyakushereketera Evhangeri Mumugwagwa” wakanga uri musoro mukuru uyo wakaoneka muChurch Times, pepanhau reChechi yeEngland. Iro rakanga richizivisa shanyo yegore negore yeChurch Army Roadshow yokunzvimbo dzevaraidzo dzomurutivi rwegungwa dzakasarudzwa muEngland neWales. Zvayakavambwa anopfuura chete makore ane zana rimwe apfuura seboka reChurch yeEngland, Church Army yaifanira kuparidza evhangeri “pakati pavanozvidzwa namatsotsi vedzimba dzakatsvikinyidzana dzine tsvina dzeWestminster.”
Nhasi, vatungamiriri veChurch Army vachiri kuitira hanya kuti “kuparidzira evhangeri kunofanira kupiwa nzvimbo yako yakarurama.” Roadshow yavo ine donzo rokupa evhangeri mu“nzira inofadza kuvanhu vane ruzivo rushoma rwakare rwaMwari, uye vasati vaizomborangarira nezvokuuya kuchinoitika chinoitirwa muchechi kana kuti muhoro yechechi.” “Vanyakushereketera Evhangeri” vakapfeka makositomu muratidziro yomumugwagwa vanokarira kuti “kupengereka kwavo kwakatsaurirwa kuchaita kuti vapfuuri vamire ndokuteerera kwechinguvana,” inodaro Church Times.
Zvisinei, nepo mupfekero wavo wokushereketa, kupengereka, uye mabharunu apachena zvakakwezva vana vazhinji, vakuru vakasiiwa vachishamisika kuti uyu mutoo waiva nechokuita chakadini nokuparidzira evhangeri kwakatangwa naJesu Kristu.
Chokwadi, muapostora Pauro akanyora, achiti: “Takaitwa chinhu chinoshamisa nyika . . . Isu tiri mapenzi nokuda kwaKristu.” (1 VaKorinte 4:9, 10) Asi chii chaakanga achirangarira? Kushereketa kana kuti “kupengereka” kukwezva vapfuuri here? Aiwa. Pauro akanga achienzanisira kuti nyika inorangarira sei maKristu kuva mapenzi, “akaratidzirwa kukunyomba kwavose namanyadzi,” sokutaura kunoita The New International Dictionary of New Testament Theology, nokuda kwokutenda kwavo nedzidziso.
Mukupesana na“Vanyakushereketera Evhangeri” veChurch Army, Jesu akadzidzisa mapoka “somunhu ane chiremera.” Ushumiri hwake hwakanga hwakananga uye husina maminimini. Sezvaakatsanangura, “Handiiti chinhu ndimene, asi ndinoreva izvozvo zvandakadzidziswa naBaba.” Chii chaiva muuyo? “Vazhinji vakatenda kwaari.”—Mateo 7:29, NW; Johane 8:28, 30.
“Mutoro Wehana”
Eugene Stockwell, mutungamiriri weCommission on World Mission and Evangelism of the World Council of Churches, misi ichangobva kupfuura iyi akabvuma rutivi rwokunyengera vakuru vorudzidziso nechechi dzechiKristudhomu vakaita mukati mehondo dzose dziri mbiri. “Mutoro unorema wehana nokuda kwamaKristu kuti hondo mbiri dzenyika huru dzezana rino ramakore dzakatangwa pakati pamarudzi ayo ane magamuchidzanwa enguva refu echiKristu pakati pawo uye ane denho dzehondo dzaiwanzokomborerwa navatungamiriri vechechi dzechiKristu,” iye akaudza kudaro musangano wechechi muWarsaw, Poland.
Stockwell akawedzera, kuti: “Mwari akaziviswa nesimba kwazvo kuva ari parutivi rumwe rwerwisano kana kuti rumwe rwacho. . . . Nenyore kwazvo isu maKristu tinorega kutenda kwedu nokuda kwamasimba masimba edu.” Iye akataura kuti Hondo yeNyika II yakanga iri “hufakazi hukuru hwekundikano yedu sa‘marudzi echiKristu’ yokushandisa kutenda kwedu, kutenda kunotaurwa kazhinji kazhinji kwazvo mumashoko ndokurambwa zviri pachena kwazvo muchiito.”
Asi ko uyu “mutoro unorema wehana” wakabetsera anonzi maKristu navakuru vavo vorudzidziso kudzidza chifundo here? Mukuwirirana neEcumenical Press Service, Mutungamiriri Stockwell akabvuma kuti: “Tinotaura nezvokuda vavengi vedu, uye tinovauraya. Tinotaura nezvokupa rimwe dama, uye tinozvishongedzera timene zvakazara. Tinotaura nezvorugare urwo runopfuura kunzwisisa, uye tinopinda muhondo iyo inopfuura nzwisiso ipi neipi. Tinotaura nezvokutenda muna Mwari uye tinoisa kutenda kwedu kwechokwadi muzvombo zvinoparadza.”
Vakuru vanotsigira hondo vechiKristudhomu navateveri vavo vakafanana nenzira yakajeka na“vanotaura zvisina maturo” vomumazuva omuapostora Pauro. Nezvavo iye akati: “Vanoti, tinoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo.”—Tito 1:10, 16.
Chitambi “Chinoshatirisa”
Pana November 19, 1987, South African Postal Administration yakaronga kubudisa zvitambi zvina zvechirangaridzo pamusoro peBhaibheri. Chimwe chezvitambi chaiva nokutaura kunoti “Shoko raMwari” muchiGiriki uye “Shoko raJehovha” muchiHebheru. Kwakanga kune hwerengedzo yokutsikirirwa kwamakopi 1 750 000 yeichi chitambi.
Zvisinei, chinguvana musi wokubudiswa usati wasvika, positi hofisi dzakagamuchira teregiramu inodziraidza kudzorera mugove wadzo weichi chitambi. Chikonzero chacho? “Nemhaka yokuti chakawanwa kuva chinoshatirisa nenzanga inogamuchirwa yechiJudha,” yakashuma kudaro The Star, rimwe pepanhau reJohannesburg. Iyo yakawedzera, kuti: “Rabhi David Hazdan weJohannesburg akataura kuti zita raMwari rakatsikirirwa zvakazara sezvarakatsikirirwa pachitambi chacho raiwanzochengeterwa nguva chaidzo dzorudzidziso bedzi.”
Vashanduri veBhaibheri vazvino vazhinji vakadzivisa kushandisa zita raJehovha uye vakaritsiva namazita okuremekedza chete, zvakadai sa“Ishe” kana kuti “Mwari” nemhaka yegamuchidzanwa rakafanana rechiJudha. Hakushamisi kuti Jesu akati kuvatungamiriri vorudzidziso vezuva rake: “Makatorera murairo waMwari simba netsika dzenyu”!—Mateo 15:6.