RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 4/1 pp. 28-31
  • Teerero Yakafanira Nguva Dzose Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Teerero Yakafanira Nguva Dzose Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Apo Teerero Inenge Yakafanira
  • Apo Teerero Inenge Isina Kufanira
  • “Edza Kutaura Kwakafuridzirwa”
  • Chisarudzo Chokuchenjera Zvikurusa
  • Chii Chinoreva Kuzviisa Pasi Muroorano?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mhuri Yenyu Inogona Kufara
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • “Musoro Wemukadzi Murume”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Kuteerera Kwoumwari Mumhuri Yakakamukana Mune Zvorudzidziso
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 4/1 pp. 28-31

Teerero Yakafanira Nguva Dzose Here?

“WANDINZWA here?” mai anoshevedzera kuna Johnnie muduku sezvaanobuda napasuo. Aiwa, iye haasi kuongorora kunzwa kwaJohnnie. Iye ari kuva nechokwadi chokuti achamuteerera ndokuva pamusha panguva yakafanira.

Zvamazvirokwazvo, kunzwa nokuteerera zvakasanobatana. Hakushamisi, naizvozvo, kuti mumitauro yapakuvamba yeBhaibheri, mashoko anoratidzira teerero akabatana nokunzwa. Asi ndikuna ani kwatinofanira kupa nzeve yedu inoteerera? Tinofanira kupa teerero kumunhu ari wose anoiraira here? Uye teerero yakafanira nguva dzose here?

Apo Teerero Inenge Yakafanira

Teerero kuMusiki wedu, Jehovha Mwari, yakafanira nguva dzose. SoMuiti wedu naManyuko oupenyu, iye ane maruramiro okutanga kuteerero yezvisikwa zvake. (Pisarema 95:6, 7) SaChangamire Mukurusa, Jehovha anopawo chiremera chake kuvamwe avo vanosvitsa mipimo yake, uye ikoku kunoita kuti teerero yedu kwavari ive yakafanira. Mukurusa pakati pavanhu vakadaro ndiJesu Kristu. Chibviro cha 1914 iye akava Mambo akagadzwa waMwari woUmambo hwokudenga “kuti vanhu vose namarudzi namarimi ose vamushumire.” (Dhanieri 7:13, 14) Kupfuurirazve, soMusoro weungano yechiKristu, Jesu akapa chiremera kuvamwe varimo, kuchiita kuti teerero yedu kuvafudzi vaduku vakadaro ive yakafanira.—VaHebheru 13:17.

Jehovha akagadzawo nhungamiro pamusoro penhau yeteerero mukati meboka remhuri. Vana vanopangirwa ‘kuva vanoteerera vabereki vavo muhumwe naShe,’ uye vadzimai vanoudzwa “kuzviisa pasi pavarume vavo sokunaShe.” (VaEfeso 5:21–6:3, NW) MaKristu anotoyeuchidzwa “kuzviisa pasi nokuteerera hurumende nezviremera savatongi.” (Tito 3:1, NW) Muna ikoku kwose, zvisinei, ko teerero yedu inofanira kuva yachose chose here? Yakafanira nguva dzose here?

Apo Teerero Inenge Isina Kufanira

Chokwadika, kuteerera avo vasina kupiwa chiremera chakabva kuna Jehovha kunogona kuguma nengwavaira. Murume wokutanga, Adhama, “akateerera” inzwi raEvha ndokumukumbanira mukudya pamuti wezivo yechakanaka nechakashata. (Genesi 3:17) Chii chaiva muuyo? “Kupfurikidza nokusateerera kwomunhu mumwe vazhinji vakanzi vatadzi.” (VaRoma 5:19, NW) Muuyo une ngwavaira zvakadini wakabva mukuteerera munhu asina kururama.

Kwakafanira nguva dzose here, zvisinei, kuteerera avo vakapiwa nzvimbo dzomutoro? Kwete kana ivo vakaedza kushandisa chiremera chavo nenzira isiri youmwari. Somuenzaniso, mukuwirirana nenheyo yokuteerera “vatenzi venyu panyama,” taizova vanoteerera vashandirwi vedu. Asi zvakadiniko kana vakadaro vakatiraira kuita chimwe chinhu chinorwisana nemitemo yaMwari wamasimba ose? Icho Pauro akatevera kutaura chinoratidzira nzira yakafanira: “Musingabati kana muchionekwa bedzi, savafadzi vavanhu, asi savaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari nomwoyo wose.” (VaEfeso 6:5, 6) Pane imwe nhambo, Petro navamwe vaapostora vakati: “Tinofanira kuteerera Mwari somubati ushe kupfuura vanhu.”—Mabasa 5:29, NW.

Nheyo imwe cheteyo inoshanda mukati memhuri. Asinganzwisisi zvinodikanwa zvoumwari, mumwe murume angasatendera chishuvo chomudzimai wake chokupinda misangano yechiKristu nguva dzose. Ngatitii iye anoisa dzvinyiriro paari, kunyange kutendeukira kumasimba masimba, sezvo padzimwe nguva kwakaitika, kuti amuregedzese kuenda kumisangano yechiKristu. Chii chaanofanira kuita? Kudai iye akabvuma, angapinza mungozi umudzimu hwake amene, pamwe nouhwo hwemhuri yake, uye kurasikirwa netariro youpenyu husingaperi. Hakungavi kuri nani here kuteerera Jehovha, achiziva kuti hakuna munhu, kwete kunyange murume wake, akapiwa chiremera chokukurira murairo ‘wokusarega kuungana kwedu timene pamwe chete’?—VaHebheru 10:25.

Murume waMiyoko akaramba achiti mari yake yakanga “ichipambadzwa” nokupinda kwake misangano yaakanga asingatenderi. Pakupedzisira, iye akarega kupa mari yepamba, uye Miyoko aifanira kufamba daro reawa imwe achienda kuHoro yoUmambo.

Ko akarega here? Aiwa. Iye akasvika Jehovha mumunyengetero ndokukamuranisa mugariro wake. Achiziva chikonzero chechishoro chomurume wake, Miyoko akasarudza kutora basa rokuendesa mapepanhau. Murume wake akabvuma, chero bedzi aizomupa hafu yomubhadharo wake.

Zvakare, iye akanyengetera kuti kana kukava kuda kwaJehovha, aizova nenzvimbo iri pedyo. Kazhinji kazhinji, kunotora gore kana kuti kupfuura kuwana izvo munhu anoda. Asi, nenzira inoshamisa, mukati memavhiki matanhatu Miyoko akapiwa nzvimbo iri pedyo chaipo nomusha wake. Akurudzirwa nomufungo wokuti Jehovha akanzwa minyengetero yake, iye akashanda kuvambira pa 4:30 kusvikira ku 6:00 mangwanani ari ose. Achiona ikoku, chimiro chomurume wake chakachinja pashoma napashoma, uye akava anobatira pamwe. Kufanana naMiyoko, uyo anobatira sapiona webetsero nguva dzose, akafunga ndokukamuranisa mugariro wake, ndokunyengetera pamusoro pawo uye ipapo kuita chimwe chinhu nenzira yakananga, iwewo uchawana kuti ikoku kuchaguma nechikomborero chaJehovha.

Chokwadika, kungava nezvikonzero chaizvo izvo murume asingatendi angakumbira nokuda kwazvo mudzimai wake kupotsa musangano wechiKristu. Iye angaita saizvozvo pasina vavariro ipi neipi yokusekesa kunamata kwake nebasa kuna Jehovha Mwari. Kunzwisisa nheyo dzinobatanidzwa kuchabetsera mukadzi wechiKristu kusarudza zvakarurama mukuwirirana nomugariro wake wakati.

Kuti endesei zvinhu pamberi, zvakadiniko kudai murume wake akamuudza kusaendesa vana vavo kumisangano yechiKristu? Iye anoziva, chokwadika, kuti kunyange zvazvo murume wake asingagamuchiri umusoro hwechiKristu, iye achiri musoro wemhuri. (1 VaKorinte 11:3) Asika, iye anorangarirawo garikano yomudzimu yavana, pamwe chete nechishuvo chake amene chokuteerera Jehovha. Zvamazvirokwazvo muedzo wokutenda kwake wokurarama mukuwirirana nemisengwa yake muidzi nzvimbo dzose. Kunyengetera kuna Jehovha nokuda kwouchenjeri noungwaru zvirokwazvo kungabetsera. (Jakobho 1:5; VaFiripi 4:6, 7) Kurangarira nenzira yokungwarira pakutaura nomurume wake nokutaura nenyasha, achiratidzira mudzimu wakanyarara nomunyoro, kungabetserawo mukupedza ichi chinetso chacho.—VaKorose 4:6; 1 Petro 3:1-5.

Mumwe mukadzi wechiKristu muYamato, Japan, akatarisana nomugariro wakadaro apo murume wake akamurambidza kuendesa vana vavo vatatu kumisangano. Chii chaaigona kuita? Iye akadzidzisa vana vake nokushingaira pamusha, uye apo ivo vakanga vakura zvakakwana kuita zvisarudzo zvavo, mumwe nomumwe akatsigira Jehovha ndokutanga kupinda misangano. Ashatiriswa, murume akavadzinga vose mumba make.

Mudzimai akawana basa ndokugadzikana kwechinguvana mufurati yeimwe hanzvadzi. Asi haana kuregerera zvinhu ipapo. Iye akadzokera kuzochenesa imba yomurume wake ndokugadzira zvokudya zvake. Pakupedzisira, pashure pomwedzi kana kuti kupfuura, murume akavadzorera ndokurega kuvashora. Ituso yakadini nokuda kwenzira yake yokutendeka!

“Edza Kutaura Kwakafuridzirwa”

Zvakadiniko nechiremera chiri muungano yechiKristu? Sezvo avo vane nzvimbo dzomutoro vakagadzwa nokushanda kwomudzimu mutsvene uye vanovakira zano ravo nepangiro paShoko raMwari, tinogona kuva nechokwadi chokuti kuteerera chiremera chakagadzwa nenzira yakafanira muungano yechiKristu kwakafanira. (Mabasa 20:28; VaHebheru 13:17) Asi hakurevi kuti tinoteerera chiremera chakadaro pasina kupa rangariro yakafanira kuchiri kutaurwa. Neiko?

Muapostora Johane akapa iri zano: “Musatenda kutaura kuri kwose kwakafuridzirwa, asi edzai kutaura kwakafuridzirwa kuti muone kana iko kuchibva kuna Mwari.” (1 Johane 4:1, NW) Uku hakurevi kuti tinofanira kunyumwira chinhu chiri chose vamwe vanotiudza. Panzvimbo pezvo, tinorangarira mashoko aPauro ari pana VaGaratia 1:8, anoti: “Asi kunyange isu, kana mutumwa unobva kudenga, akakuparidzirai imwe evhangeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ngaave wakatukwa.”

Ko mashoko ari pamberi pedu akasiana here neayo takadzidziswa kupfurikidza no“muranda wakatendeka nowakachenjera”? Ko munhu ari kuparadzira shoko iroro ari kutaura kukudza zita raJehovha, kana kuti ari kuedza kuzvikudza amene here? Ko mashoko acho ari mutsinhirano nedzidziso yose yeBhaibheri here? Iyi ndiyo mibvunzo ichatibetsera mu‘kuedza’ chipi kana chipi chinganzwika kuva chinopanikirika. Tinopangirwa kuti “ivai nechokwadi chezvinhu zvose; batisisai chiri chakaisvonaka.”—Mateo 24:45; 1 VaTesaronika 5:21, NW.

Muenzaniso unofadza ndouya woMutongi Gidheoni. Kuti ave nechokwadi chokuti Jehovha akanga achizova naye, Gidheoni akakarakadza muedzo: “Tarirai, ndichaisa dehwe rine mvere paburiro,” iye akadaro kuna Jehovha. “Kana kukava nedova padehwe bedzi, pasi pose pakaoma, ndichaziva kuti munoda kuponesa Israeri noruoko rwangu.” Apo Jehovha akaparira kuti kuitike sezvakakumbirwa chaizvo, Gidheoni aida vimbiso huru: “Zvino padehwe bedzi pave pakaoma, asi pasi pose pave nedova.”—Vatongi 6:37-39.

Ko Gidheoni akanga achinyanyongwarira kana kuti kunyumwira here? Sezviri pachena kwete, nemhaka yokuti Jehovha akagamuchira chikumbiro chake nguva dzose dziri mbiri uye akaita chaizvo sezvakakumbirwa. Gidheoni aida kuva nechokwadi choururami hwenzvimbo yake. Asina shoko rakanyorwa raMwari sezvatakaita, iyoyo yakanga iri nzira inobudirira zvikurusa yokuti Gidheoni “ave nechokwadi.” Zvisinei, apo akangogamuchira bedzi vimbiso, akapa teerero chaiyo kumirairo yakabva kuna Jehovha kunyange zvazvo kurwisa varume 300 neuto romuvengi ravane 135 000 kwaizoratidzira kuva kuzviuraya mumurangariro wavanhu. (Vatongi 7:7; 8:10) Ko isu tinoratidza chimiro chimwe chetecho here kupfurikidza nokunzvera Shoko raMwari nokuda kwokuri kuda kwaJehovha chaizvoizvo uye ipapo kunamatira kwakuri?

Chisarudzo Chokuchenjera Zvikurusa

Jehovha haatikariri kuratidza nhendedzero youpofu. Iye haadi kwatiri rudzi rweteerero urwo murovedzi anowana kuchikara chine tomu kana kuti tyava. Ndokusaka iye akaudza Dhavhidhi, kuti: “Regai kuva sebhiza, kana kuti sehesera, zvisinganzwisisi; zvinofanira kufambiswa norwauro netomu pamakashu azvo.” (Pisarema 32:9) Panzvimbo pezvo, Jehovha akatipa mano okufunga nenzwisiso kuitira kuti, kuchivakirwa panzwisiso, tigogona kusarudza kumuteerera.

MuchiJapan, shoko rokuti kiku (kunzwa) rinobatanidza revo yokusangoteerera bedzi nokuteerera asiwo yokusarudza kana chinhu chakanaka kana kuti chakashata. Apo mumwe munhu anotaura kwatiri, kwakanaka kuteerera neiyi pfungwa zvokuti pakuteerera, tinoita saizvozvo kwete nenhendedzero bedzi asi nechisarudzo. Apo Baba vedu vokudenga, Jehovha Mwari, vanotaura, kungava kupfurikidza neShoko rake, Bhaibheri, kana kuti kupfurikidza nesangano rake rapasi, kunokosha zvikuru kwazvo kuti titetekere ndokuteerera, nokudaro tichibvumikisa kuti tiri vanamati vanoteerera vasingafuratiri chiyeuchidzo chorudo: “Wandinzwa here?”

[Mufananidzo uri papeji 29]

Ndinofanira kuteerera ani?

[Mufananidzo uri papeji 31]

Gidheoni akatsvaka kuda kwaJehovha ndokumuteerera

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe