Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Jehovha Akakomborera Chimiro Chavo Chakasimba Nokuda Kwomutemo Wake
MUIMWE nyika yeMiddle East, mumwe baba akanga achigadzira tayi raponja parutivi rwomugwagwa apo motokari yakarova mwanakomana wake ane makore mana okukura ibvei yotiza. Mwana akuvadzwa ari pamadya amai, baba akananga kuchipatara chiri pedyosa kuzongopangidzirwa bedzi kuchimwe chipatara chiri kure namamaira 16. Chiremba akasarudza kuti mukomana aibuda ropa mukati uye kuti aida kuvhiiwa uye kuisirwa ropa. Vamwe vanachiremba vasere vakabvuma. Vachiziva mutemo waMwari unorwisana nokuisirwa ropa, vabereki vakaramba. “Munongova namaminiti mashanu bedzi okusarudza kana kuti zvimwe hatisati tichizobata mwana wenyu kunyange kana mukabvuma kuisirwa ropa pashure,” akatyisidzira kudaro chiremba. Munguvayo, dumbu romwana rakapfuurira kuzvimba uye rakanga rosvika pamugariro une ngozi.
Hama yokunyama yababa wacho, yakanga isiri muzvokwadi, yakaisa dzvinyiriro pana baba yokubvumidza kuisirwa ropa. Iye akatoti: “Ndapota rangarira uyu mukomana kwete sowako asi sowangu. Sezvo hana yako iri kukutambudza, ndichatakura mutoro wacho, kubatanidza ndyiko yechipatara, kupa mwana ropa rinodikanwa. Uyu ndiye mwanakomana wako bedzi.” Dzvinyiriro yacho yakanga yakaoma kutsungirira, asi vabereki vakanga vakatsiga muchisarudzo chavo.
Ivo vakatora mukomana ndokuenda, vachitsvaka chipatara chakati, asi vakarasika. Sezvineiwo ivo vakaona chiratidzo chechimwe chipatara, uye ivo vakaenda kwachiri, kunyange zvazvo chakanga chisiri chavakanga vachitsvaka. Pashure pokuona mukomana, chiremba akati: “Kuzvimba kwedumbu romwana kungava kana kuti kungasava chiratidzo chokubuda ropa mukati. Regai mukomana arare, uye mangwana tichaita kuongorora kuri madikanwa kuti tiwane.” Kuongorora kwakaratidza kuti kwakanga kusina kubuda ropa, asi kuzvimba kwaiva nemhaka yetsaona. Pakanga pasina kudikanwa kwokuvhiya. Kutaura idi, chiremba akataura kuti kuvhiya kungagona kuva kwaiva nengozi zvikuru. “Tinoonga Jehovha,” vakadaro vabereki, “nokuda kwekotsekano yomwanakomana wedu uye nokuda kwokutitungamirira kuchipatara chakarurama nokuna chiremba akarurama.”
Makore gumi gare gare, chii chakava muuyo wouyu mugariro? Baba anorondedzera, kuti: “Hama yangu yokunyama iyo yakaisa dzvinyiriro pandiri muchipatara yakasvika pakunzwisisa chimiro chedu ndokuona nhungamiro yaJehovha muchinoitika ichi. Ikoku kwakanyandura fariro yake muzvokwadi, iyo iye akagamuchira, uye iye zvino akabhapatidzwa uye anobatira somukuru muungano. Mudzimai wake navana vari kubatira Jehovha nokushingaira pamwe naye. Dzimwe hama dzangu mbiri dziri muzvokwadiwo nemhuri dzavo, uye mumwe wavo ari kubatira somubatiri anoshumira. Baba vangu namai vakabhapatidzwa misi ichangobva kupfuura iyi pasinei zvapo noukweguru hwavo. Naizvozvo, kunyange zvazvo chakanga chiri chinoitika chinotyisa nokuda kwomudzimai wangu neni, nemhaka yacho mitezo 30 yemhuri yangu yakagamuchira zvokwadi; vamwe vakatobhapatidzwa uye vari kubatira savakuru navabatiri vanoshumiri. Vamwe vari panzira yavo yokurubhapatidzo. Mwanakomana wangu, zvino ane makore 14 okukura, muparidzi akagwinya, anoshingaira, uye anotarira mberi kurubhapatidzo. Mudzimai wangu neni tinoonga sei kuna Jehovha nokuda kwokutibetsera kuita chisarudzo chakarurama chiri mutsinhirano nomutemo wake wakataurwa uri muna Mabasa 15:29”!
[Mufananidzo uri papeji 27]
“Rambai muchirega zvinhu zvakabairwa kuzvidhori neropa”