RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w87 12/15 pp. 26-29
  • Jehovha Anovaka Imba

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Anovaka Imba
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Misoro Midiki
  • Kukurira Zvinetso
  • Chivako Chakaisvonaka Munzvimbo Yakaisvonaka
  • Purogiramu Yetsauriro
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
w87 12/15 pp. 26-29

Jehovha Anovaka Imba

CHITANHATU, March 21, 1987, rakanga riri zuva iro vashandi vapadzimbahwe reSouth Africa reWatch Tower Society vasati vachizotongokanganwa. Yakanga iri nguva inokosha. Zvivako zvitsva zvokuRoodekrans zvakatsaurirwa—mugumo wamakore matanhatu ebasa rakaoma. Asi rukudzo runoenda kuna Jehovha. Soromoni akati: “Kana Jehovha asingavaki imba, vavaki vayo vanobata pasina.”—Pisarema 127:1.

Ngatirondei nokupfupikisa kukura kweZvapupu zvaJehovha muSouth Africa. Muna 1902 vanhu vaviri vokutanga vomunzvimbomo vakatanga kufunda zvinyorwa zveSosaiti nokuparidzira kuvamwe. Muna 1910 Will Johnston akarairwa naHama Russell kuzarura hofisi yebazu yomunhu mumwe muDurban. Gore rakatevera racho imwe yeungano dzokutanga dzaVatema yakarongwa muNdwedwe yapedyopo. Mukati megore rinotambudza ra 1914, kokorodzano yokutanga yakaitirwa muDurban, navanopinda 50. Bazu rakatamisirwa kuCape Town muna 1923, uye gore rakatevera racho muchina muduku wokutsikirira wakashandiswa. Bazu rakatamisirwa kunzvimbo huru zvikuru muna 1933, asi pakanga pasina Musha weBheteri.

Kumwezve kutama kunokosha kwakaitika muna 1952, kuenda kuElandsfontein—makiromita 1 500 kuchamhembe kweCape Town uye anenge makiromita 20 kumaodzanyemba kweJohannesburg. Chakanga chiri chokutanga chezvivako muSouth Africa chakarongwa zvomenemene neSosaiti, naizvozvo icho chakabatanidza nzvimbo huru yokutsikirira pamwe chete noMusha weBheteri, kana kuti pokugara. Munguvayi, basa roUmambo rakanga richitanga munyika dzinoverengeka dzaitarisirwa nebazu reSouth Africa. Naizvozvo bazu raida kukudzwa muna 1959, zvakare muna 1971, uye zvakarezve muna 1978. Ipapo pakanga pasina nzvimbo yokumwe kukura panzvimbo iyeyo.

Vaparidzi vaviri vokutanga muSouth Africa vakanga vawedzera kusvikira kuvane 28 000. Yakanga yava nguva yokutsvaka nzvimbo itsva, uko kwakabatanidza kutsvaka kwenguva refu. Pakupedzisira purazi rakaisvonaka ramahekita 87 [maeka 216] rakawanwa kuRoodekrans, makiromita 60 kubva kuElandsfontein. Nhungamiro yaJehovha nebetsero zvaiva pachena zvikuru mukuwanwa nokutengwa kweiyi nzvimbo yakaisvonaka.

Kukurira Zvinetso

Zvisinei, zvinetso zvakakomba zvaifanira kukurirwa. Mutengo wokutanga wakaratidzika kuva muhombe, uye bvumidzo chaidzo dzaidikanwa kuvaka fekitari, hofisi, uye pokugara munharaunda yemanisiparati. Chakaoma chakawedzerwa chakanga chiri kudikanwa kwokuva neZvapupu zvitema izvo zvakanga zviri vashanduri kuti vagarepo. Kwakaratidzika kuva kwenenji kuti idzi mhinganidzo dzakakurirwa sei, kuchipa hufakazi hwokuti Jehovha akanga achivaka imba. Chimwe chinetso chakanga chiri kushaikwa kwakakomba kwenyanzvi. Asi vashandi vanozvipira vakakurumidza kudzidza mabasa akasiana-saina. Ikoku kwakabatanidza hanzvadzi. Mumwe mutariri akati: “Vasikana vaduku vakaisvonaka vasingakodzeri panzvimbo yokuvaka vakava varimi nyanzvi. Handisati ndatongoona kuri nani.”

Basa rokuvaka rakapfuurira zvishomanene pakutanga. Ipapo vazvipiri vakadirana kuRoodekrans—vatema, vachena, Makaradhi, uye maIndia. Hama dzakatobva kudzimwe nyika, zvakadai seNew Zealand neUnited States. Uku kwakanga kuri kwechienzi zvikuru muSouth Africa. “Kwakaisvonaka kuona hama nehanzvadzi vachishandira pamwe chete, marudzi akasiana namadzinza vanobva mumigariro yakasiana,” akadaro mumwe muzvipiri. Vazhinji vakarega mabasa akanaka kana kuti vakatora rivhi refu kuti vabetsere nokuvaka paRoodekrans. Ivo vakabatanidza vanamakanika vane ruzivo rwokuzviwanira, munyori wamapurani ezvivako, injiniya, vadhirowi vamapurani vakakwaniriswa, uye vatariri vokuvaka. Michina inodhura zvikuru yakapiwa kana kuti yakakweretwa.

Zvakadiniko nezvomutengo mukuru wakabatanidzwa? Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha wakaita gadziriro yechikwereti chikuru zvikuru, uye Zvapupu zvomunzvimbomo zvamarudzi ose namazera ose zvakapa norupo. Mumwe musikana wamakore matanhatu akanyora, achiti: “Ndakanga ndichichengetedza iyi mari kuti nditenge chidhori, asi ndiri kuitumira kwamuri. Ndinovimba kuti munogona kupedza Roodekrans neiyi mari. Pandinenge ndakura, ndinodawo kuenda kuRoodekrans ndokushandako.” Mumwe mukomana wechiIndia ane makore mashanu okukura akapa mari yake yokushandisa kutenga tunhu yomumwedzi mitanhatu yakapfuura!

Pakupera kwamavhiki mazana eZvapupu zvokuwedzera aiuya kuzogoverana muiri basa rinokosha. Vamwe vazvipiri vaiuya pahwaro hwezuva nezuva, kazhinji kazhinji vachizvibaira chaizvoizvo nokushandisa nhamburiko huru kuita saizvozvo. Vashanyi vaisava Zvapupu vaidzungudza misoro yavo mukusadavira pakuona tsigiro hombe, yembavarira. Vanhu vazhinji vanogara pedyo vakaororwa zvikuru. Mafemu ezvokutengeserana omunzvimbomo aida bhizimisi paRoodekrans, uye vamiriri vawo vaiwanzotsinhira pamsoro pomugariro worugare nechinzwano.

Chivako Chakaisvonaka Munzvimbo Yakaisvonaka

Makomo ane mabwe parutivi rwokumaodzanyemba rwenzvimbo yokuvaka akatarisa mupata wakaisvonaka norwizi. Kunyange zvazvo nzvimbo yacho iri pedyo nesabhabhu yakaisvonaka, pachine mhuka dzomusango, zvakadai sehanga netsuro. Zvapungu namakava zvinowanzoshanyirawo. Chivako chokugara, chiri mumateru amakomo chakareba mamita 360, ndechezvidhina zvitsvuku. Chine nhurikidzwa nhatu, nezviono zvakaisvonaka. Pakati pane nharaunda yokushandira ine kamuri rokudyira, kicheni, mokusukira mbatya, uye chipatara. Pedyopo pane bhuroko rehofisi nekamuri guru rokutsikirira, iro rakadokukura seareka yaNoa. Iro rine michina yokutsikirira mikuru yamavara mana yeTKS.

Kumadokero kwechivako chokugara kune nharaunda yokurima nebhani guru, iro rakashandiswa sekamuri rokudyira nekicheni mukati mokuvaka. Minda youswa nealfalfa zvinogovera uswa hwemombe dzomukaka. Pane mazana amakwenzi epuroteya pamakomo ari seri pokunogarwa. Mukuwedzera kumiti iripo mirefu yeeucalyptus, miti mitsva yakawanda, mihomba yakaisvonaka yamaruva, uye tsangadzi huru zvakasimwa.

Purogiramu Yetsauriro

Boka ravanenge 4 000 rakaungana munzvimbo yapachena pedyo nechivako chinogarwa nokuda kwetsauriro paChitanhatu masikati, March 21, 1987. Chikuva chechinguvana chakatarisa makomo, kuchipa muuyo weamphitheater. Sachigaro, Hama R. F. Stow, akarava mashoko anotsigira akabva kunyika 17. Rinoorora zvikurusa raiwawa rakabva kuna Maud Johnston, mudzimai womutariri webazu wokutanga muDurban. Pamakore 92 ezera, iye achiri kubatira muBheteri yeAustralia.

P. J. Wentzel, mutariri weBato reBasa, akanga ari mukurukuri wokutanga, uye akapa kupetwa kupfupi kwenhau yebasa roUmambo muSouth Africa. Iye akaenzanisa vaivapo 50 pagungano rokutanga muna 1914 navaivapo vanokwana 99 000 pakokorodzano dza 1986. Tevere, J. R. Kikot, mutariri wefekitari, akarondedzera kutsikirirwa kwamabhuku mumitauro yakawanda nebasa ravashanduri vanopfuura 50. Iye akadudzawo kuti muna 1979 muchina mukuru wokutsikirira weTKS, chipo chakabva kubazu reJapan, wakaiswa, asi iwo wakatsikirira mumavara maviri bedzi. Misi ichangobva kupfuura iyi, mimwe miviri, chipowo chakabva Japan, yakawedzerwa kumichina yokutsikirira. Somuuyo, Nharireyomurindi yaApril 1, 1987, yakatsikirirwa muruvara rwakazara, kumufaro wavose.

C. F. Muller, mutsinhanisi weDare reBazu, akarondedzera kuti Jehovha akabetsera sei kugovera nzvimbo, mari, nyanzvi, uye vashandi vane unyanzvi. Mudzimu waMwari wakaparirawo tsinhirano yakaisvonaka pakati pamarudzi akasiana-siana. Kunyange zvazvo pane imwe nhambo kwakaratidzika kuva kusingabviri kuvaka fekitari munharaunda yokugara uye kuti vatema vagarepo, Jehovha akazarura nzira, naizvozvo iye ndiye akanga ari chaizvoizvo Muvaki Mukuru!

Mukurukuri akatevera akanga ari Carey Barber, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha. Hurukuro yake yakaisvonaka yakanga yakavakirwa pana Isaya 65:17-19, iyo inodeya kutaura kuti vanhu vaJehovha vacha“fara . . . uye kuva vanofara nokusingaperi.” Mukurukuri akatsanangura kuti “kufara” kunoreva “kupururudza” uye ndiko chimiro chikurusa chomufarwa. Iro zvamazvirokwazvo rakanga riri zuva rinofadza zvikuru nokuda kwaavo vaivapo. Hurukuro yetsauriro yakakurukurwa naMilton Henschel, uyewo woMutumbi Unodzora. Iye akapa munyengetero chaiwo kuna Jehovha, achipa kuonga nokuda kwokugovera chivako, icho zvino chakatsaurirwa Kwaari.

Zuva rakatevera racho Zvapupu navanhu vanofarira 28 250 vakaungana muRand Stadium, Johannesburg, umo vakanzwa kupetwa kupfupi kwepurogiramu yokuRoodekrans. Muhurukuro yakaturikirwa muZulu, Henschel akaratidza kuti Zvapupu zvaJehovha, zvichitungamirirwa naJesu naJehovha, zvinokurira sei munzvimbo iri yose uye zvinoparadzira “hwema hwakanaka hwaKristu” neimwe zivo yeBhaibheri. (2 VaKorinte 2:14-17) Iye akagumisa nezvinoitika zvakawanda zvinokurudzira izvo zvakafadza vateereri vazhinji.

Mukati mamazuva mashomanene akatevera, kuungana kwakafanana kwakaitwa muDurban neCape Town. Idzi dzaiva nhambo dzisati dzichizotongokanganwiwa neZvapupu zvaJehovha muSouth Africa. Mhuri yeBheteri paRoodekrans ichayeuka zvamazvirokwazvo kwenguva refu zuva retsauriro nokuda kwomusha wavo mutsva. NeZvapupu zvinopfuura 40 000 zvinoshingaira panguva ino muSouth Africa panzvimbo pe 28 000 apo basa rakavamba paRoodekrans, ‘imba iyo Jehovha akavaka’ inoita chinodikanwa chinokosha nechakakomba.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe