Iwe Unoyeuka Here?
Ko iwe wakawana zvinyorwa zvemisi ichangobva kupfuura iyi zveNharireyomurindi kuva zvoukoshi hunoshanda kwauri here? Ipapo kuregerereiko kuedza yeuko yako nezvinotevera:
◻ Neiko Timotio akanga ari muenzaniso wakadaro wakaisvonaka wokuti pwere dzitevere?
Timotio akarega hunonzi upenyu hwenguva dzose pamusha kuti ave mufambidzani akavimbika, akatendeka waPauro. Iye akanamatirana naPauro muzvitambudzo, achimutsigira mubasa rokuparidzira nokuva anodisa kubatira kwaakagoverwa. (VaFiripi 2:19, 20)—8/15, peji 14.
◻ Ndezvipi zviri zvikwaniriso zvorubhapatidzo?
Anoda kubhapatidzwa anofanira kunzwisisa chinobatanidzwa. Iye anofanira kuda zvirokwazvo kubatira Jehovha nemhaka yokuti anomuda. Iye anoratidzira ikoku kupfurikidza nokunamatira kuzvinodikanwa zvetsika zvaMwari nokugoverana kutenda kwake navamwe. Iyewo anofanira kuita tsauriro yomunhu oga kuna Jehovha mumunyengetero.—8/15, peji 16.
◻ Neiko kwakaipa kuongorora kutenda midzimu?
Kunzvera midzimu kunoguma nokuda izvo Jehovha anovenga. (Zvirevo 6:16-19) Zvomenemene, kwakafanana nokuramba Jehovha nokutsigira muvengi mukuru waMwari navatsigiri vake.—9/1, peji 5.
◻ Chii chiri “bhuku yokurangaridza” inotaurwa nezvayo muna Maraki 3:16?
Kuvambira panguva yaAbheri zvichienda mberi, Mwari ave achinyora, sokunge anonyora mubhuku, avo vorudzi rwomunhu vanodzikinurika vakafanirwa nokuyeukwa kana toreva nezvoupenyu husingaperi. Iyi “bhuku yokurangaridza” ndiimwe cheteyo ne“bhuku roupenyu” uye “mupumburu wamanyoro woupenyu.” (Zvakazarurwa 3:5; 17:8, NW; Mateo 23:35)—9/1, peji 29.
◻ Chii chinoita kuti shamwari yechokwadi ive inokosha zvikuru?
Unogona nguva dzose kutendeukira kushamwari yechokwadi nokuda kwebetsero, pangiro, nyaradzo, uye ushamwaridzani hunodziya.—9/15, mapeji 3, 4.
◻ Chii chiri “mweya” unouraya wenyika ino?
Mudzimu wose, kana kuti chimiro chikuru choudyire nokusateerera, unoratidzirwa navanhu vasina Mwari. (VaEfeso 2:2; 1 VaKorinte 2:12)—9/15, peji 11.
◻ Kuti rudzidziso ruve rwoukoshi hunoshanda chii charunofanira kuita?
Runofanira kubereka zvibereko zvakanaka. Runofanira kuita vanhu vari nani. Runofanira kukwanisa kutsanangura chikonzero nei zvinhu zviri sezvazvakaita pasi pano nhasi. Uye runofanira kuroverera mundangariro dzavanhu nomwoyo tariro yechokwadi yenguva yemberi. (Mateo 7:17-20)—10/1, peji 7.
◻ Chii icho Reformation yakakundikana kuita?
Vamutsidziri vapakuvamba vakafunga nezvokudzokera kumipimo yeBhaibheri, kuchiKristu chechokwadi. Uku kufunga hakuna kutongoitwa. Nokupfuura kwenguva, dzidziso huru dzamachechi ePurotesitendi, dzingave dzorudzi kana kuti dzimwe, dzakawirirana zvikuru neidzo dzeChechi yeRoma Katurike.—10/1, peji 25.
◻ Chii chakatungamirira kurutongeso rwakaipa rwaMosesi naAroni pashure pechinoitika chapaKadhesi-bharnea?
Pisarema 106:32, 33 rinopa nzwisiso muichi chinoitika, richiratidza kuti Mosesi akaita nokushatirwa uye ‘achitaura nokukurumidza nemiromo yake.’ Namashoko okutsamwa, iye akadanira ngwariro kwaari amene naAroni panzvimbo pokuna Jehovha, uyo chaizvoizvo aigona kugovera nenenji mvura. Neiyi nzira Mosesi akakundikana ku‘tsvenesa Mwari pamberi pameso avanhu.’ (Numeri 27:12-14)—10/15, peji 31.
◻ Idonzoi guru rakabatirwa noMutemo waMwari wakapiwa kuna Israeri?
Mutemo wakapiwa kuna Israeri nokuda kwokuchengeta rudzi rwacho rwakachena mumuviri, mumudzimu, mundangariro, uye mutsika.—11/1, peji 12.
◻ Ndedzipi dziri dzimwe yamuro kukuchengeta kusaroora kwakachena?
Nyengetera nguva dzose nokuda kwomudzimu waMwari nebetsero yake yokuratidzira zvibereko zvawo. Fungisisa pamsoro pezano riri muShoko raMwari ndokurishandisa. Dzivisa mabhuku outere nevaraidzo youtere. Ngwarira songaniro dzako. Dzivisa mutauro wose usina kuchena nokutamba kwakaipa.—11/15, peji 20.
◻ Misianoi yakakomba iripo pakati pokurapa kunoshumwa muBhaibheri nouko kunoshumwa navarapi nokutenda nhasi?
Jesu navadzidzi vake havana kutongochaja mari nokuda kwokurapa kwavo. Kurapa kwaiitwa munguva dzeBhaibheri kwaiva kwapakare pakarepo kana kuti zvimwe kwaiitwa mukati menhambo pfupi yenguva.—12/1, mapeji 4, 5.
◻ Ndedzipi dziri dzimwe dzebetsero dzokuimba zvinonzwika mukunamata kwechokwadi?
Batanidzwo yedu yomunhu oga mukunamata kwapachena inova yakasimba zvikuru. Kuimba kunopa uchapupu hwakanaka kuvauyi vatsva. Zvinokosha zvikurusa, rumbidzo huru zvikuru inounzwa kuna Jehovha.—12/1, peji 27.