RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • es26 pp. 108-118
  • November

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • November
  • Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2026
  • Misoro Midiki
  • Svondo, November 1
  • Muvhuro, November 2
  • Chipiri, November 3
  • Chitatu, November 4
  • China, November 5
  • Chishanu, November 6
  • Mugovera, November 7
  • Svondo, November 8
  • Muvhuro, November 9
  • Chipiri, November 10
  • Chitatu, November 11
  • China, November 12
  • Chishanu, November 13
  • Mugovera, November 14
  • Svondo, November 15
  • Muvhuro, November 16
  • Chipiri, November 17
  • Chitatu, November 18
  • China, November 19
  • Chishanu, November 20
  • Mugovera, November 21
  • Svondo, November 22
  • Muvhuro, November 23
  • Chipiri, November 24
  • Chitatu, November 25
  • China, November 26
  • Chishanu, November 27
  • Mugovera, November 28
  • Svondo, November 29
  • Muvhuro, November 30
Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2026
es26 pp. 108-118

November

Svondo, November 1

Handizorambi ndakatsamwa nekusingaperi.—Jer. 3:12.

Vakuru vanoedza kutevedzera tsitsi dzaJehovha mumwe munhu paanobviswa muungano. Semuenzaniso, vaIsraeri pavakanga vatsauka, Jehovha haana kumirira kuti vatange ivo kutora matanho ekudzoka kwaari. Asi ndiye akatotanga kuedza kuvabatsira vasati vatomboratidza kuti vakanga vapfidza zvivi zvavo. Jehovha paakaudza muprofita Hosiya kuti aende kunoyanana nemudzimai wake, uyo akanga achiri kuita chivi, aitoratidza kuti ndiMwari ane tsitsi. (Hos. 3:1; Mar. 3:7) Vakuru vanotevedzera Jehovha, saka vanoda chaizvo kuti mutadzi adzoke uye havatomboiti kuti zvimuomere kudzoka. Mumufananidzo wakataurwa naJesu wemwanakomana akarasika, baba vacho ‘vakamhanya vakambundira mwanakomana wavo, vakamutsvoda zvinyoronyoro.’ (Ruka 15:20) Ona kuti baba ava havana kumirira kuti mwanakomana wavo aite zvekukumbira kuregererwa. Asi ndivo vakatotanga kumuregerera, sezvaizongoita baba vane rudo. w24.08 27-28 ¶7-8

Muvhuro, November 2

Kana mumwe wenyu asina uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari, . . . nekuti iye anopa munhu wese nemwoyo wese, asingapi mhosva.—Jak. 1:5; mashoko emuzasi.

Sezviri kuratidzwa nemashoko erugwaro rwanhasi, Jehovha haaomeri neuchenjeri hwake. Anohupawo vamwe. Cherechedza kuti kana Jehovha achipa uchenjeri, anozviita “asingazvidzi” kana kuti “asingapi mhosva.” Haamboiti kuti tinyare patinomukumbira kuti atitungamirire muupenyu. Anotoda kuti titsvage uchenjeri kwaari. (Zvir. 2:​1-6) Zvakadini nesu? Tinogona here kutevedzera Jehovha nekuudzawo vamwe zvatinoziva? (Pis. 32:8) Vanhu vaJehovha vane mikana yakawanda yekuudzawo vamwe zvavakadzidza. Semuenzaniso, tinowanzodzidzisa vatsva kuti vangaita sei ushumiri hwavo. Vakuru vanoratidza mwoyo murefu kuvashumiri veungano nehama dzakabhabhatidzwa pavanenge vachivadzidzisa kuita mabasa avo muungano. Uye vaya vane ruzivo rwakawanda mubasa rekuvaka uye rekugadzirisa zvivakwa zvesangano vanobatsira pakudzidzisa vamwe kuti vaitewo basa racho. w24.09 28-29 ¶11-12

Chipiri, November 3

Taikudai chaizvo.—1 VaT. 2:8.

Kuti ukodzere kuva mukuru, unofanira kunge uri munhu “asina chaanopomerwa.” Izvi zvinoreva kuti unofanira kunge uine mukurumbira wakanaka muungano, pasina munhu ane chikonzero chine musoro chekukupomera kuti une zvakaipa zvaunoita. (1 Tim. 3:2) Uyewo unofanira kunge uchipupurirwa zvakanaka nevanhu vari kunze. Vanhu vasingashumiri Jehovha vangasabvumirana nezvaunotenda, asi vanofanira kushaya chinhu chekukupomera nekuti unenge uri munhu akatendeka uye akanaka. (Dhan. 6:​4, 5) Zvibvunzei kuti, ‘Ndine mukurumbira wakanaka here muungano uye kuvanhu vasingashumiri Jehovha?’ Kana uri munhu “anoda zvakanaka,” unotsvaga zvakanaka pane vamwe wovarumbidza. (Tito 1:8) Unodawo kuitira vamwe zvakanaka, kunyange kutopfuura zvavanenge vachitarisira. Nei zvichikosha kuti vakuru vave vanhu vanoda zvakanaka? Nekuti kana vachida zvakanaka vachashandisa nguva yavo yakawanda pakufudza ungano uye pakuita mamwe mabasa muungano. (1 Pet. 5:​1-3) Kunyange zvakadaro, mufaro wavanowana unopfuura nekure chero chavanorasikirwa nacho.—Mab. 20:35. w24.11 20-21 ¶3-5

Chitatu, November 4

Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.—Mab. 20:35.

Vashumiri veungano vanoita mabasa anokosha chaizvo muungano. Zviri pachena kuti muapostora Pauro aikoshesa chaizvo varume ava vakatendeka. Semuenzaniso, paakanyorera vaKristu vekuFiripi, akakwazisa vashumiri veungano pamwe chete nevakuru. (VaF. 1:1) Hama dzakabhabhatidzwa dzinowana mufaro mukuru padzinoshumira sevashumiri veungano, pasinei nezera radzo. Semuenzaniso, Devan akagadzwa semushumiri weungano aine makore 18. Ukuwo, hama inonzi Luis yakagadzwa kuva mushumiri weungano yava kumakore ekuma50. Luis anotaura manzwiro anoita vakawanda achiti, “Ndinofara chaizvo kushumira hama nehanzvadzi dzangu muungano pandinoita basa iri. Vanondida chaizvo uye ini ndinovadawo!” Kana uri hama yakabhabhatidzwa asi usati wava mushumiri weungano, unogona here kuva nechinangwa ichocho? w24.11 14 ¶1-3

China, November 5

Ndinokutetererai, haiwa Jehovha . . . yeukai kuti . . . ndakaita zvakanaka pamberi penyu.—2 Madz. 20:3.

Mambo Hezekiya weJudha akarwara zvakaipisisa paakanga ava nemakore 39. Muprofita Isaya akabva amuudza mashoko aJehovha ekuti aizofa nekurwara kwaaiita. (2 Madz. 20:1) Zvaiita sekuti pakanga pasisina tariro yekuti Hezekiya aizorarama. Hezekiya akanetseka nemashoko iwayo zvekuti akachema chaizvo. Akanyengetera achiteterera kuna Jehovha kuti amubatsire. Jehovha paakanzwa munyengetero waHezekiya uye paakaona misodzi yake, akamunzwira tsitsi achibva ati: “Ndanzwa munyengetero wako. Ndaona misodzi yako. Ndichakuporesa.” Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha akaudza Hezekiya kuti aizomuwedzera makore ake ekurarama uye kuti aizonunura Jerusarema kubva mumaoko evaAsiriya. (2 Madz. 20:​4-6) Une dambudziko reutano riri kuita serisingaperi here? Nyengetera kuna Jehovha. Achakunzwa uye achaona misodzi yako. Bhaibheri rinotiudza kuti “Baba vengoni huru uye Mwari wekunyaradza kwese” achatinyaradza pamatambudziko edu ese.—2 VaK. 1:​3, 4. w24.12 24 ¶15-17

Chishanu, November 6

Ndine tariro kuna Mwari, tariro ine varume avawo, yekuti kuchava nekumuka kwevakarurama nevasina kururama.—Mab. 24:15.

Zvichange zvichifadza chaizvo kugamuchira zvakare vaya vanenge vamutswa! Fungidzira kuti uchanakidzwa sei nekudzidza zvakawanda nezvaJehovha paucharamba uchiongorora zvinhu zvakawanda zvaakasika. (Pis. 104:24; Isa. 11:9) Uye kupfuura zvese, fungidzira kunakidza kwazvinenge zvichiita kushumira Jehovha usina kana chaunokanganisa uye usingatombofaniri hako kukumbira ruregerero! Ungabvuma kurasikirwa nemakomborero ese aya here uchingoda “kufadzwa nechivi kwenguva diki”? (VaH. 11:25) Aiwa, haungambodi kuita zvakadaro! Upenyu hwatichararama panguva iyoyo huchange hwakanaka chaizvo kupfuura chero chii zvacho chatingawana munyika iye zvino. Yeuka kuti hatisi kuzongoramba tichitarisira kuti tichararama muParadhiso mune ramangwana. Asi nguva yacho ichasvika yekuti tinenge tava kutorarama muParadhiso macho. Zvese izvi zvaisazombofa zvakaitika kudai Jehovha asina kutiratidza rudo rwakakura chaizvo nekutipa chipo cheMwanakomana wake! w25.01 29 ¶12

Mugovera, November 7

Ruoko rwaJehovha rwakapfupika here?—Num. 11:23.

Mubhuku raVaHebheru munotaurwa nezvevanhu vakawanda vaiva nekutenda. Mozisi ndemumwe wavo uye aiva nekutenda kunoshamisa. (VaH. 3:​2-5; 11:​23-25) Jehovha haana kurasisa Mozisi asi akaita kuti vanhu vake vawane zvekudya nemvura kuti varambe vachirarama murenje mavaiva. (Eks. 15:​22-25; Pis. 78:​23-25) Kunyange zvazvo Mozisi aiva nekutenda kwakasimba, pashure perinenge gore Mwari anunura vaIsraeri zvinoshamisa, akatanga kunetseka kuti Jehovha aizokwanisa here kupa vanhu vake nyama sezvaakanga avimbisa. Paiva nemamiriyoni evanhu uye vaiva murenje makanga musina zvekudya zvakawanda, saka Mozisi ainetseka kuti aizowana kupi nyama inokwana vanhu vese ava. Jehovha akapindura Mozisi achiti: “Ruoko rwaJehovha rwakapfupika here?” (Num. 11:​21-23) Saka tinogona kuti Jehovha aibvunza Mozisi kuti, ‘Unofunga kuti ndingatadza here kuita zvandakavimbisa kuti ndichaita?’ w25.03 26 ¶1-2

Svondo, November 8

[Mwari] haanawo kurega kuranga nyika yekare.—2 Pet. 2:5.

Tinofanira here kuona sekuti chinhu chimwe nechimwe chakaitika panguva yeMafashamo, chaimiririra chimwe chinhu chaizoitika mune ramangwana? Mhinduro ndeyekuti kwete. Nei tichidaro? Nekuti Bhaibheri haritsigiri izvozvo. Ichokwadi kuti Jesu akafananidza “mazuva aNoa” nenguva yekuvapo kwake. Asi haana kuti Mafashamo ane zvaaifananidzira, munhu mumwe nemumwe uye chiitiko chimwe nechimwe chiine zvachinofananidzira. Uyewo haana kuti kuvharwa kwakaitwa suo reareka kwaifananidzira chimwe chinhu chaizoitika munguva yemberi. (Mat. 24:​37-39) Noa akaitei paakanzwa mashoko akanaka eyambiro akabva kuna Jehovha? Akaratidza kutenda kwake kuburikidza nekuvaka areka. (VaH. 11:7; 1 Pet. 3:20) Saizvozvowo, vanhu vanonzwa mashoko akanaka eUmambo hwaMwari vanofanira kuita zvinoenderana nezvavanenge vanzwa. (Mab. 3:​17-20) Petro akadana Noa kuti “muparidzi wekururama.” Mazuva ano tiri kuitawo basa rekuparidza riri kuitwa pasi rese, uye tinoedza chaizvo kuriita tichishingaira. Asi kunyange tikaedza sei, hatikwanisi kuudza munhu wese ari panyika mashoko akanaka mugumo usati wauya. w24.05 9-10 ¶3-5

Muvhuro, November 9

Anokudza vaya vanotya Jehovha.—Pis. 15:4.

Tinofanira kutsvaga nzira dzekuratidza nadzo kuti tinoda uye tinoremekedza shamwari dzaJehovha. (VaR. 12:10) Tinozviita sei? Imwe nzira inotaurwa pana Pisarema 15:4 ndeyekuti muenzi mutende raJehovha “haadzokeri shure pane zvaanenge avimbisa, kunyange kana zvisina kumunakira.” Kurega kuita zvatinenge tavimbisa kunogona kuita kuti vamwe varwadziwe. (Mat. 5:37) Semuenzaniso, Jehovha anotarisira kuti vaenzi vake vararame zvinoenderana nemhiko yavo yemuchato. Anofarawo kana vabereki vakaita zvese zvavanogona kuti vaite zvavanenge vavimbisa vana vavo. Kuda kwatinoita Mwari uye muvakidzani kuchaita kuti tiite zvese zvatinogona kuti tizadzise zvatinenge tavimbisa. Imwe nzira yekukudza shamwari dzaMwari ndeyekugamuchira vaenzi zvakanaka uye kuva nerupo. (VaR. 12:13) Kutandara nehama nehanzvadzi dzedu kunotibatsira kuti tisimbise ushamwari hwedu nadzo uye naJehovha. Uyewo, patinogamuchira vaenzi zvakanaka, tinenge tichitevedzera Jehovha. w24.06 12 ¶15-16

Chipiri, November 10

Munhu chiiko zvamunomufunga?—Pis. 8:4.

Jehovha anojekesa chokwadi kune vaya vanozvininipisa. (Mat. 11:25) Kuzvininipisa kwakaita kuti tibvume kubatsirwa kudzidza chokwadi. (Mab. 8:​30, 31) Kunyange zvakadaro, tinofanira kungwarira kuti tisazvikudza. Kuzvikudza kunogona kuita kuti tione sekuti mafungiro edu anokosha sezvakangoita mazano eBhaibheri uye mirayiridzo inobva kusangano raJehovha. Kuti tirambe tichizvininipisa, tinofanira kuyeuka kuti tiri vadiki zvakadii kana tichienzaniswa neukuru hwaJehovha. (Pis. 8:​3, 4) Tinogonawo kunyengetera kuti tive vanhu vanozvininipisa uye vanodzidzisika. Jehovha achatibatsira kuti tikoshese mafungiro ake aanotiudza achishandisa Shoko rake Bhaibheri uye sangano rake, kupfuura mafungiro edu. Paunoverenga Bhaibheri, tsvaga pfungwa dzinoratidza kuti Jehovha anoda kuzvininipisa, uye kuti anovenga kuzvikudza nekudada. Uye ngwarira kuti urambe uchizvininipisa kana ukapiwa ropafadzo inoita kuti uzivikanwe nevanhu vakawanda. w24.07 10 ¶8-9

Chitatu, November 11

Mudiki achava chiuru uye akadukupa achava rudzi rune simba. Ini Jehovha ndichaita kuti zvikurumidze panguva yazvo.—Isa. 60:22.

Kubva muna 1919, Jesu ari kushandisa boka diki revarume vakazodzwa kuti aronge basa rekuparidza uye ape vateveri vake zvekudya zvekunamata. (Ruka 12:42) Zviri pachena kuti Jehovha ari kukomborera basa reboka iroro. (Isa. 65:​13, 14) Dai tisina kurongeka, taisazokwanisa kuita basa ratakapiwa naJesu. (Mat. 28:​19, 20) Semuenzaniso, dai panga pasina ndima dzatinopiwa kuti tishande, munhu wese aigona kuparidza chero kwaada. Dzimwe ndima dzaizoshandwa dzashandwazve nevaparidzi vakasiyana-siyana, asi dzimwe dzaisazoshandwa zvachose. Unogona here kufunga nezvekumwe kubatsirwa kwatinoitwa nekuva vanhu vakarongeka? Zvaiitwa naJesu pakuronga vateveri vake paaiva panyika ndizvo zvaari kuitawo mazuva ano. w24.04 8-9 ¶2-4

China, November 12

Kana ukaita zvakanaka handizokufariri here? Asi kana ukasaita zvakanaka, chivi chiri kukuhwandira pasuo, uye chiri kuda kukukunda.—Gen. 4:7.

Kaini aiva mwanakomana wekutanga waAdhamu naEvha. Akaberekwa aine chivi chakabva kuvabereki vake. Uyewo Bhaibheri rinotaura nezvaKaini richiti: “Mabasa ake akanga akaipa.” (1 Joh. 3:12) Pamwe ndizvo zvakaita kuti Jehovha ‘asatombofarira Kaini nemupiro wake.’ Pane kuti achinje nzira dzake, “Kaini akagumbuka chaizvo ndokufundumwara.” Jehovha akabva aita sei? Akataura naKaini. (Gen. 4:​3-7) Ona kuti Jehovha akaudza Kaini zvakanakanaka kuti kana akateerera aizomukomborera uye akamuyambira kuti asakundwa nechivi. Zvinosuwisa kuti Kaini haana kuteerera. Akaramba kuti Jehovha amubatsire kupfidza. Kusateerera kwaKaini kwakabva kwaita kuti Jehovha arambe kubatsira vamwe vatadzi kuti vapfidze zvivi zvavo here? Aiwa! w24.08 10 ¶8

Chishanu, November 13

[Sarudza] upenyu kuti urarame.—Dheut. 30:19.

VaIsraeri vakanga vavimbiswa makomborero akawanda chaizvo naJehovha. Vaikwanisa kuzorarama kwenguva yakareba munyika yaakanga avavimbisa. Yaiva nyika yakanaka chaizvo ine ivhu rakaorera. Mozisi akavaudza nezvenyika iyi achiti: ‘Ine maguta makuru, akanaka amusina kuvaka, dzimba dzakazara zvinhu zvakasiyana-siyana zvakanaka zvamusina kushandira, matsime akacherwa pamatombo amusina kuchera, uye minda yemizambiringa nemiti yemiorivhi yamusina kudyara.’ (Dheut. 6:​10, 11) Mozisi akayambirawo vaIsraeri. Akavaudza kuti vaifanira kuteerera mirayiro yaJehovha kuti varambe vachirarama munyika yavo yakanaka. Mozisi akavakurudzirawo kuti ‘vasarudze upenyu’ kuburikidza nekuteerera Jehovha uye “kunamatira kwaari.” (Dheut. 30:20) Asi vaIsraeri havana kuramba vachiteerera Jehovha. Saka akaita kuti vaAsiriya nevaBhabhironi vavakunde, vachibva vaenda navo senhapwa.—2 Madz. 17:​6-8, 13, 14; 2 Mak. 36:​15-17, 20. w24.11 9 ¶5-6

Mugovera, November 14

Hapana munhu angauya kwandiri, kana Baba vakandituma vasina kumuunza kwandiri.—Joh. 6:44.

Vanhu vakawanda mazuva ano vanofunga kuti ‘kungotenda muna Jesu’ uye kumuona semuponesi wavo ndizvo zvichaita kuti vaponeswe. (Joh. 6:29) Asi vamwe vaiva muboka revanhu vakanga vambotenda muna Jesu muGarireya vakazorega kutenda maari. Nei vakarega kutenda maari? Chikonzero chaiita kuti vakawanda vavo vatevere Jesu ndechekuti aivapa zvavaida. Vaida kuti avaporese, avape zvekudya, uye avaudze zvinhu zvavaida kunzwa. Asi Jesu akaratidza kuti izvozvo handizvo zvega zvinodiwa kuti munhu ave mudzidzi wake wechokwadi. Chinangwa chake chekuuya panyika chaisangova chekuitira vanhu zvavaida. Vaifanira ‘kuenda kwaari,’ izvo zvinoreva kuti vaifanira kuteerera zvese zvaaidzidzisa.—Joh. 5:40. w24.12 12 ¶12-13

Svondo, November 15

Varume, rambai muchida madzimai enyu, sekuda kwakaita Kristu ungano.—VaEf. 5:25.

Chii chinogona kubatsira murume kuti asashungurudza mudzimai wake kana kumurwadzisa? Anofanira kuedza kutevedzera Jesu. Kunyange zvazvo Jesu asina kumbobvira aroora, mabatiro aaiita vadzidzi vake anogona kubatsira murume kuti azive mabatiro aanofanira kuita mudzimai wake. Semuenzaniso, ona kuti varume vanodzidzei kubva pamabatiro aiita Jesu vaapostora vake uye matauriro aaiita navo. Jesu aibata vaapostora vake zvakanaka uye aivaremekedza. Haana kumbobvira avaitira hasha kana utsinye. Kunyange zvazvo aiva Ishe uye Tenzi wavo, Jesu haana kushandisa simba rake kuti avatyisidzire. Pane kudaro, aivashumira achizvininipisa. (Joh. 13:​12-17) Akaudza vadzidzi vake kuti: “[Dzidzai] kwandiri, nekuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo.” (Mat. 11:​28-30) Ona kuti Jesu aiva munyoro. Kana munhu ari munyoro hazvirevi kuti haana simba. Asi munhu munyoro anotoratidza kuti ane simba rekuzvidzora. Vanhu pavanoita zvinhu zvinomugumbura, anoramba akadzikama uye anokwanisa kudzora manzwiro ake. w25.01 10 ¶10-11

Muvhuro, November 16

Isa zvese zvaunoita mumaoko aJehovha.—Zvir. 16:3.

Nyika ino zvairi kuramba ichiswedera pedyo nekumagumo kwayo, tinogona kutarisira kuti matambudziko eupfumi acharamba achiwedzera. Kusagadzikana mune zvematongerwo enyika, hondo, njodzi dzinongoitika dzega uye zvirwere zvinopararira, zvinogona kuita kuti tingoerekana tarasikirwa nebasa redu uye zvinhu zvedu. Pakadaro, chii chinogona kutibatsira kuti tiite chisarudzo chinoratidza kuti tiri kuvimba kuti Jehovha achatitsigira neruoko rwake? Zvinokosha kuti uudze Jehovha zvinhu zvinenge zvichikunetsa. Izvi zvichakubatsira zvikuru. Mukumbire kuti akupe uchenjeri hwekuti usarudze zvakanaka uye mwoyo wakadzikama unoita kuti usarambe ‘uchizvidya mwoyo’ nezvemamiriro ako ezvinhu. (Ruka 12:​29-31) Teterera kwaari kuti akubatsire kugutsikana nezvinhu chaizvo zvaunoda muupenyu. (1 Tim. 6:​7, 8) Tsvakurudza mumabhuku edu kuti uone kuti zvii zvaungaita paunenge uchisangana nematambudziko emari. Vanhu vakawanda vakabatsirwa nenyaya dziri pajw.org dzinopa mazano anobatsira panyaya dzemari. w25.03 28-29 ¶10-11

Chipiri, November 17

Mwari akandiratidza kuti hapana munhu wandinofanira kuti akasviba kana kuti haana kuchena.—Mab. 10:28.

Pakasvika nguva yekuti vanhu vemamwe marudzi vasina kuchecheudzwa vabatane nevanhu vaMwari, muapostora Petro akapiwa basa rekunoparidzira Koniriyasi. Koniriyasi aiva pakati pevanhu vemamwe marudzi vekutanga vakava vaKristu. VaJudha vakanga vasingadyidzani nevanhu vemamwe marudzi saka hazvishamisi kuti Petro aitoda kubatsirwa kuti agadzirire kunoita basa iri raakanga apiwa. Petro paakangonzwisisa kuti kuda kwaMwari ndekupi panyaya iyi, akabva agadzirisa mafungiro ake. Saka ‘haana kumboramba’ kuenda kunoita basa raakanga apiwa. (Mab. 10:​28, 29) Akaparidzira Koniriyasi neimba yake, vachibva vabhabhatidzwa. (Mab. 10:​21-23, 34, 35, 44-48) Papera makore, Petro akakurudzira vaKristu vaainamata navo kuti ‘vabvumirane pane zvavanofunga.’ (1 Pet. 3:​8, mashoko emuzasi) Sevanhu vaJehovha, tinogona kubvumirana pane zvatinofunga kana tikava nemafungiro aJehovha atinodzidza muShoko rake. w25.03 9 ¶7-8

Chitatu, November 18

Musatsauswa nedzidziso dzakasiyana-siyana uye dzisinganzwisisiki.—VaH. 13:9.

Mafungiro enyika nemaitiro ayo zviri kuwedzera kuenda kure nemafungiro aJehovha. (Zvir. 17:15) Saka zvinokosha kuti tizive uye tirambe mafungiro anoshandiswa nevanotipikisa vachiedza kutiodza mwoyo kunyange kutitsausa. Muapostora Pauro akaudza vaHebheru kuti varambe vachikura pakunamata uye isu tinofanira kuitawo izvozvo. Izvozvo zvinosanganisira kuwedzera kuziva chokwadi uye kuva nemafungiro aJehovha. Tinofanira kuramba tichiita izvi kunyange pashure pekunge tazvitsaurira uye tabhabhatidzwa. Pasinei nekuti tava nenguva yakareba sei tiri muchokwadi, tese zvedu tinofanira kugara tichiverenga uye kudzidza Shoko raMwari. (Pis. 1:2) Kuva nepurogiramu yakanaka yekudzidza tiri tega kuchatibatsira kuti tiwedzere kuva nekutenda sezvakakurudzirwa vaHebheru naPauro.—VaH. 11:​1, 6. w24.09 10 ¶7-8

China, November 19

Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.—Jak. 4:8.

Kana tiine ushamwari hwepedyo naJehovha, zvichatiitira nyore kuti tirambe takatendeka kwaari. Izvozvo ndizvo zvakaitika kuna Josefa. Akaramba kuita upombwe. Aiona Mwari seshamwari yake yepedyo, uye aisada kumugumbura. (Gen. 39:9) Kuti tive neushamwari hwepedyo naJehovha, tinofanira kuwana nguva yekunyengetera kwaari uye yekudzidza Shoko rake. Tikadaro, ushamwari hwedu naye huchawedzera kusimba. Kana tiine ushamwari hwepedyo naJehovha sezvainge zvakaita Josefa hatizodi kuita chero chii zvacho chinomugumbura. Zviri nyore kuti vaya vanokanganwa kuti Jehovha ndiMwari mupenyu vaende kure naye. Funga zvakaitika kuvaIsraeri pavaiva murenje. Vaiziva kuti Jehovha aivako, asi vakatanga kusava nechokwadi kana Jehovha aizovapa zvavaida pakurarama. (Eks. 17:​2, 7) Izvi zvakaita kuti vapandukire Mwari. Hatitombodi kutevedzera muenzaniso wavo wakaipa wekusateerera.—VaH. 3:12. w24.06 24 ¶14-15

Chishanu, November 20

Maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo vachida kubatsirwa.—Pis. 34:15.

Tiri kurarama mumazuva ekupedzisira uye tinotarisira kuti zvinhu zvinoita kuti ticheme zvicharamba zvichitowedzera. Jehovha anoona misodzi yedu uye anorwadziwa chaizvo nayo. Misodzi yedu inokosha chaizvo kwaari. Saka patinenge tichishungurudzika, zvinokosha chaizvo kuti tinyengetere kuna Jehovha nemwoyo wese. Ngatisambozviparadzanisa nehama nehanzvadzi dzedu dzemuungano. Uye ngatirambei tichinyaradzwa neShoko raMwari Bhaibheri. Tinogona kuva nechokwadi chekuti kana tikaramba tichitsungirira takatendeka, Jehovha achatipa mubayiro. Mubayiro iwoyo unosanganisira nguva yaachabvisa misodzi inokonzerwa nekushungurudzika, kurwadziswa nevanhu vatinovimba navo, uye inokonzerwa nekushaya tariro. (Zvak. 21:4) Tichange tava kungochema misodzi yekufara chete. w24.12 20 ¶3; 24 ¶19

Mugovera, November 21

“Muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.—Isa. 43:12.

Jehovha akatigadza kuti tive Zvapupu zvake uye anovimbisa kutibatsira kuti tive neushingi. (Isa. 43:​10, 11) Funga nezvenzira ina dzaanotibatsira nadzo kuti tiite izvozvo. Yekutanga, Jesu anenge ainesu pese patinoparidza mashoko akanaka. (Mat. 28:​18-20) Yechipiri, Jehovha akapa ngirozi basa rekuti dzitibatsire. (Zvak. 14:6) Yechitatu, Jehovha akatipa mweya wake mutsvene kuti utibatsire kuyeuka zvinhu zvatakadzidza. (Joh. 14:​25, 26) Yechina, Jehovha akatipa hama nehanzvadzi dzekushanda nadzo. Tichibatsirwa naJehovha uye tichitsigirwa nehama nehanzvadzi dzedu dzine rudo, tine zvese zvatinoda kuti tive neushingi uye tirambe tichiparidza. Asi kana uchiodzwa mwoyo nekushaya vanhu vari padzimba dzavo, zvibvunze kuti: ‘Vanhu vemundima yangu vari kupi iye zvino?’ (Mab. 16:13) ‘Vari kubasa kana kuti vaenda kunotenga here?’ Kana zvakadaro, unogona here kuwana vanhu vakawanda nekuparidza mumugwagwa? w24.04 17 ¶10-11

Svondo, November 22

Kana murume asingagoni kutungamirira imba yake, angazotungamirira sei ungano yaMwari?—1 Tim. 3:5.

Kana uine mhuri, uye uchida kukodzera kuva mukuru, mhuri yako inofanirawo kuva muenzaniso wakanaka. Saka unofanira kuva “murume anotungamirira imba yake zvakanaka.” Unofanira kuva munhu ane rudo uye uchikwanisa kuita zvisarudzo zvakanakira mhuri yako. Izvi zvinosanganisira kutungamirira pazvinhu zvese zvine chekuita nekunamata. Kana uri baba, vana vako vane makore ari pasi pe18 vanofanira kuva “vana vanozviisa pasi nemwoyo wese.” (1 Tim. 3:4) Unofanira kuvadzidzisa nerudo. Hapana chakaipa kuti vana vako vafare, vaseke uye vatambe sezvinongoitwawo nevamwe vana. Asi kana uchinge wavadzidzisa zvakanaka, vachava vana vanoteerera, vanoremekedza vamwe uye vane unhu hwakanaka. Uyewo unofanira kuita zvese zvaunogona kuti ubatsire vana vako kuti vave shamwari dzaJehovha, vararame maererano nezvinotaurwa neBhaibheri, uye vashande nesimba kuti vazosvika pakubhabhatidzwa. w24.11 22 ¶10-11

Muvhuro, November 23

Hapana ane rudo rukuru kupfuura urwu, kuti mumwe munhu ape upenyu hwake achifira shamwari dzake.—Joh. 15:13.

Patinowedzera zvatinoita mubasa raJehovha, tinowedzerawo kuona kutsigira kwaari kutiita uye izvozvo zvinoita kuti tiwedzere kuvimba naye. (1 VaK. 3:9) Yeuka kuti Jehovha haaenzanisi zvaunokwanisa kuita nezvinoitwa nevamwe; anoona zviri mumwoyo mako. Anofadzwa paanoona kuti unoonga nemwoyo wese chipo chaakakupa cherudzikinuro. (1 Sam. 16:7; Mako 12:​41-44) Kudai pasina rudzikinuro tingadai tisingakwanisi kuregererwa zvivi zvedu, kuva neushamwari naJehovha, uye tingadai tisina tariro yeupenyu husingaperi. Saka ngatirambei tichiratidza kuti tinoonga rudo rwaJehovha, urwo rwakaita kuti makomborero ese aya avepo. (1 Joh. 4:19) Uye ngatirambei tichiratidza kuti tinoonga Jesu, uyo akatida zvikuru zvekuti akapa upenyu hwake achiitira isu! w25.01 31 ¶16-18

Chipiri, November 24

Ndaiswera ndichitambudzika.—Pis. 73:14.

Funga nezvemanzwiro aiita munyori wePisarema 73. Aiona vanhu vakanga vasingashumiri Jehovha asi vakapfuma, vaine utano uye vachiita sevasina zvaivanetsa. (Pis. 73:​3-5, 12) Paaivatarisa oona sekuti vari kubudirira, aibva afunga kuti kushumira kwaaiita Jehovha hakuna zvakwaibatsira. Pfungwa idzodzo ‘dzaiswera dzichimutambudza.’ (Pis. 73:​13, 14) Akaita sei kuti agadzirise mafungiro ake? Munyori wepisarema akaenda kunzvimbo tsvene yaJehovha. (Pis. 73:​16-18) Paaiva ikoko, akakwanisa kunyatsofunga zvakanaka. Akaona kuti kunyange zvazvo vamwe vaiita sekuti vari kufambirwa neupenyu, vaisava netariro yekurarama nekusingaperi. Izvozvo zvakaita kuti avezve nechido chekuramba achishumira Jehovha.—Pis. 73:​23-28. w24.10 26-27 ¶11-12

Chitatu, November 25

Vanhu ngavazive kuti imi, mune zita rekuti Jehovha, imi mega ndimi Wekumusorosoro, kumusoro kwenyika yese.—Pis. 83:18.

Jehovha akatisarudza kuti tive “zvapupu” zvake. (Isa. 43:​10-12) Makore adarika, imwe tsamba yakabva kuDare Rinotungamirira yakati: “Kudanwa semumwe weZvapupu zvaJehovha ndiko kukudzwa kunopfuura kumwe kwese kwatingaitwa.” Nei zvakadaro? Funga nezvemuenzaniso uyu. Kana uchida kuti mumwe munhu ave chapupu chako mudare, unosarudza munhu waunoziva uye waunovimba naye, munhu ane mukurumbira unoita kuti vanhu vabvume zvaanotaura. Jehovha paakatisarudza kuti tive Zvapupu zvake, akaratidza kuti anonyatsotiziva uye anovimba kuti tichaudza vamwe kuti iye ndiye chete Mwari wechokwadi. Tinonzwa kuri kukudzwa chaiko kuva Zvapupu zvake zvekuti tinoshandisa mukana wese kuti tiite kuti zita rake rizivikanwe uye tiratidze vanhu kuti zvakataurwa naSatani nezvake inhema. Patinoita izvozvo, tinenge tichirarama zvinoenderana nezita ratinodada naro, rekuti Zvapupu zvaJehovha!—VaR. 10:​13-15. w24.05 18 ¶13

China, November 26

Akarapa vese vairwara.—Mat. 8:16.

Kushumira vamwe kwakaita kuti Jesu afare zvikuru. Pane imwe nguva Jesu haana kungogumira pakudzidzisa vanhu, asi akavapawo zvimwe zvinhu zvavaida. Akaita chishamiso chekuti vanhu vawane zvekudya achibva aita kuti vadzidzi vake vavape. (Mako 6:41) Paakaita izvi, aitodzidzisa vadzidzi vake kushumira vamwe. Akaratidzawo kuti mabasa iwayo ekushumira vamwe, anokosha. Vaapostora vanofanira kunge vakafara chaizvo kushanda naJesu vachiita basa iri rekupa vanhu zvekudya kusvikira ‘vese vadya uye vaguta’! (Mako 6:42) Apa hapasiripo pega Jesu paakakoshesa zvinodiwa nevamwe kupfuura zvake iye. Akaita izvozvo kweupenyu hwake hwese paaiva panyika. (Mat. 4:23) Jesu aifadzwa chaizvo nekudzidzisa vamwe uye kuvabatsira pane zvimwe zvinhu zvavaida. w24.11 16 ¶10-11

Chishanu, November 27

Mumazuva ekupedzisira, nguva dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri dzichasvika.—2 Tim. 3:1.

Zvinhu pazvicharamba zvichiipa ‘mumazuva ano ekupedzisira,’ tichava nemikana yakawanda yekubatsirana. Tinogonawo kunyaradza uye kuratidza rudo kuhama nehanzvadzi dzedu. Imwe nzira yatingaita nayo izvozvo ndeyekutaura navo uye kuvanyaradza pavanouya kumisangano. Saka hama nehanzvadzi dzedu padzinouya kumisangano, tinoda kuita zvese zvatinogona kuti dzinzwe dzichidiwa, dzizorodzwe, uye dzinzwe dzakachengeteka. Vakuru vanogona kuva nzvimbo yekupotera yevaya vari muungano vari kusangana nematambudziko akasiyana-siyana. Panoitika njodzi kana kuti urwere hunoda kukurumidzirwa, vakuru vanomhanya-mhanya kuti vabatsire hama nehanzvadzi dzavo. Vanodzibatsirawo pane zvekunamata. Hama nehanzvadzi dzinonzwa dzakasununguka kutaura nemukuru kana achizivikanwa semunhu munyoro, anonzwira vamwe tsitsi uye anoda kuteerera. Unhu hwakadaro hunoita kuti vamwe vanzwe vachidiwa, zvobva zvava nyore kuti vashandise mazano eBhaibheri avanopiwa nemukuru wacho.—1 VaT. 2:​7, 8, 11. w24.06 29 ¶12-13

Mugovera, November 28

[Haana] kutombozeza kupa Mwanakomana wake.—VaR. 8:32.

Ngatisafunga kuti nemhaka yekuti Jehovha ndiMwari wemasimbaose, haarwadziwewo! Takasikwa nemufananidzo waMwari, tichikwanisa kurwadziwawo panoitika zvimwe zvinhu. Saka zvine musoro kufunga kuti Jehovha anotorwadziwawo. Bhaibheri rinotsanangura nezvaJehovha kuti ‘akatomborwadziswawo.’ (Pis. 78:​40, 41) Jehovha anofanira kunge akarwadziwa chaizvo paaiona Mwanakomana wake achibatwa zveutsinye kusvikira pakufa nevanhu vakanga vasinganamati Mwari! Rudzikinuro rwunotidzidzisa kuti hakuna mumwe anotida kupfuura Jehovha, kunyange hama kana kuti shamwari yedu yepedyo. (VaR. 8:​32, 38, 39) Jehovha anotokuda kupfuura kuda kwaunozviita. Unoda kurarama nekusingaperi here? Jehovha anotoda kuti urarame nekusingaperi kupfuura kuda kwaunoita kurarama nekusingaperi. Unoda kuregererwa zvivi zvako here? Jehovha anoda kukuregerera zvivi zvako kupfuura kuda kwaunoita kuregererwa zvivi zvako. Chaanongotikumbira ndechekuti tigamuchire chipo ichi chaakatipa kuburikidza nekuratidza kutenda uye kumuteerera. Rudzikinuro chipo chakazonaka chinoratidza kuti Mwari wedu anotida.—Mup. 3:11. w25.01 22 ¶8-9

Svondo, November 29

Rambai muchiva nechokwadi chezvinhu zvinogamuchirika kunaShe.—VaEf. 5:10.

Tese zvedu tinoita zvisarudzo zvichibva pane zvinhu zvatinoona kana kunzwa. Asi dzimwe nguva, zvinhu zvatinoona nekunzwa zvinogona kutirasisa. Kunyange kana zvikasatirasisa, kana tichingofamba nekuona, tinogona kupedzisira taita zvinhu zvisingadiwi naMwari. (Mup. 11:9; Mat. 24:​37-39) Asi kana tikafamba nekutenda, tichaita zvisarudzo “zvinogamuchirika kunaShe.” Kuteerera mazano aMwari kuchaita kuti tive nerugare uye kuchaitawo kuti tive nemufaro wechokwadi. (Pis. 16:​8, 9; Isa. 48:​17, 18) Uye kana tikaramba tichifamba nekutenda, tichava neupenyu husingaperi. (2 VaK. 4:18) Tingaziva sei kuti tiri kufamba nekutenda kana kuti nekuona? Tinogona kuzvibvunza kuti: Zvii zvandinotarisa pandinoita zvisarudzo zvangu? Ndinongovimba nezvinhu zvandinoona here, Kana kuti ndinovimba nemazano aJehovha? w25.03 20-21 ¶3-4

Muvhuro, November 30

Garisanai nerugare.—1 VaT. 5:13.

Mumwe nemumwe wedu ane basa rinokosha pakuita kuti vamwe vade kuuya kuparadhiso yemweya. Tinogona kuita izvi kana tikatevedzera Jehovha. Haamanikidzi vanhu kuti vauye kusangano rake. Asi ‘anovaunza’ kwaari zvinyoronyoro. (Joh. 6:44; Jer. 31:3) Vanhu vane mwoyo yakanaka avo vanodzidza nezverudo rwaJehovha uye unhu hwake hunoshamisa, vanongonzwa vachida kuuya kwaari. Unhu hwedu hwakanaka uye zvinhu zvakanaka zvatinoita, zvingabatsira sei vamwe kuti vauye kuparadhiso yemweya? Imwe nzira ndeyekuratidza rudo uye mutsa kuhama nehanzvadzi dzedu. Vatsva pavanopinda misangano yedu, tinoda kuti vasvike pakutaura zvakataurwa nevanhu vaisava vatendi avo vangangodaro vaipinda misangano muKorinde. Vakati: “Chokwadi Mwari ari pakati penyu.” (1 VaK. 14:​24, 25; Zek. 8:23) Saka tinofanira kuramba tichiteerera zano riri murugwaro rwanhasi. w24.04 23-24 ¶16-17

    Mabhuku eChiShona (1973-2027)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe