RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • es26 pp. 98-108
  • October

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • October
  • Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2026
  • Misoro Midiki
  • China, October 1
  • Chishanu, October 2
  • Mugovera, October 3
  • Svondo, October 4
  • Muvhuro, October 5
  • Chipiri, October 6
  • Chitatu, October 7
  • China, October 8
  • Chishanu, October 9
  • Mugovera, October 10
  • Svondo, October 11
  • Muvhuro, October 12
  • Chipiri, October 13
  • Chitatu, October 14
  • China, October 15
  • Chishanu, October 16
  • Mugovera, October 17
  • Svondo, October 18
  • Muvhuro, October 19
  • Chipiri, October 20
  • Chitatu, October 21
  • China, October 22
  • Chishanu, October 23
  • Mugovera, October 24
  • Svondo, October 25
  • Muvhuro, October 26
  • Chipiri, October 27
  • Chitatu, October 28
  • China, October 29
  • Chishanu, October 30
  • Mugovera, October 31
Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2026
es26 pp. 98-108

October

China, October 1

Ndicharamba ndichitarisira kuna Jehovha.—Mika 7:7.

Vakuru, mutariri wedunhu, hofisi yebazi, uye Dare Rinotungamirira, vanowanzotipa mirayiridzo inotibatsira kuti tikwanise kushumira Jehovha. Asi dzimwe nguva tinogona kusanzwisisa kuti nei tiri kupiwa mirayiridzo iyi. Tinogona kusava nechokwadi chekuti mirayiridzo yatiri kupiwa inotibatsira here. Tinogona kutotanga kuisa pfungwa pane zvinokanganiswa nehama dzinenge dzatipa mirayiridzo iyoyo. Patinofamba nekutenda, tinoratidza kuti tinovimba kuti Jehovha ndiye ari kutungamirira sangano rake uye kuti anoziva mamiriro edu ezvinhu. Saka izvozvo zvinoita kuti tikurumidze kuteerera patinopiwa mirayiridzo, uye tizviite tichifara. (VaH. 13:17) Tinoziva kuti patinoteerera tinoita kuti ungano yedu irambe yakabatana. (VaEf. 4:​2, 3) Uye kunyange zvazvo tichiziva kuti vaya vari kutitungamirira vanhu vanokanganisa, Jehovha achatikomborera kana tikateerera. (1 Sam. 15:22) Kana kuri kuti pane zvinoda kugadziriswa, tinoziva kuti Jehovha achazvigadzirisa panguva yakakodzera. w25.03 23-24 ¶13-14

Chishanu, October 2

Mwari . . . anozivisa zvakavanzika.—Dhan. 2:28.

Tiri kurarama panguva inonakidza zvikuru! Zuva rimwe nerimwe tiri kuona uprofita hweBhaibheri huchizadzika. Semuenzaniso, tinoona “mambo wekuchamhembe,” ‘namambo wekumaodzanyemba’ vachirwira kuva nesimba pamusoro penyika yese. (Dhan. 11:​40, mashoko emuzasi.) Tiri kuona mashoko akanaka eUmambo hwaMwari achiparidzwa zvisati zvamboitwa uye mamiriyoni evanhu achisarudza kushumira Jehovha. (Isa. 60:22; Mat. 24:14) Uye tiri kuwana zvekudya zvekunamata zvakawanda “panguva yakakodzera.” (Mat. 24:​45-47) Jehovha ari kuramba achitibatsira kuti tiwedzere kunzwisisa zvichaitika munguva pfupi iri kuuya. (Zvir. 4:18) Tinogona kuva nechokwadi chekuti pachatanga kutambudzika kukuru, tichange tichiziva zvese zvatinofanira kuziva kuitira kuti titsungirire takatendeka uye tirambe takabatana panguva iyoyo yakaoma. Asi tinofanira kubvuma kuti pane zvimwe zvinhu zvatisingazivi nezveramangwana rava pedyo. w24.05 8 ¶1-2

Mugovera, October 3

Haashandisi rurimi rwake kusvibisa zita remumwe.—Pis. 15:3.

Munyori wepisarema anotaura nezvemunhu anosvibisa zita remumwe. Kakawanda kacho munhu anosvibisa zita remumwe anotaura mashoko enhema anokanganisa mukurumbira wemumwe. Pisarema 15:3 inotiyeuchidzawo kuti vaenzi vaJehovha havaitire vavakidzani vavo zvakaipa uye havarevi shamwari dzavo kana kuti kusvibisa mazita adzo. (Pis. 15:1) Izvozvo zvinosanganisirei? Tinogona kureva mumwe munhu tisingazivi kana tikaparadzira mashoko akaipa nezvake. Funga nezvemienzaniso inotevera: (1) hanzvadzi inomira basa renguva yakazara, (2) murume nemudzimai havachashumiri paBheteri, kana kuti (3) hama haichashumiri semukuru kana kuti mushumiri weungano. Zvakanaka here kuti tifungidzire zvikonzero zvingangodaro zvakaita kuti vamire kuita mabasa aya, tobva tatanga kuzviudzawo vamwe? Panogona kunge paine zvikonzero zvakawanda zvatisingazivi zvakaita kuti vamire kuita mabasa iwayo. Uyewo zvakanaka kuyeuka kuti muenzi mutende raJehovha “haaitire muvakidzani wake zvakaipa, uye haarevi shamwari dzake.” w24.06 11-12 ¶11-13

Svondo, October 4

Ndinoita kuti Jehovha agare ari pamberi pangu. Handizombozununguswi nekuti ari kuruoko rwangu rwerudyi.—Pis. 16:8.

Kuti tiwedzere kutya Jehovha, tinofanira kufunga kuti ndezvipi zvichamufadza pazvisarudzo zvese zvatinoita. Paunoverenga nyaya dzemuBhaibheri, zvibvunze kuti, ‘Kudai ndaiva mumamiriro ezvinhu iwayo, ndaizosarudza kuitei?’ Fungidzira uchiteerera machinda 10 eIsraeri achipa mushumo wakaipa pashure pekusora nyika iyo Jehovha ainge avimbisa kupa vaIsraeri. Waizotenda here mushumo wacho wotanga kutya vanhu? Kana kuti kuda kwaunoita Jehovha uye chido chekumufadza zvaizodzikira here? Chizvarwa chese chevaIsraeri chakatadza kuona chokwadi chakataurwa naJoshua naKarebhi. Izvi zvakaita kuti varasikirwe nemukana wekupinda muNyika Yakavimbiswa.—Num. 14:​10, 22, 23. w24.07 10 ¶7

Muvhuro, October 5

Jehovha ndiye muongorori wemwoyo.—Zvir. 17:3.

Gomeri, mudzimai wemuprofita Hosiya, akasiya Hosiya achibva anotanga kugara nemumwe murume. Akanga asingachabatsiriki here? Jehovha, uyo anoona mwoyo, akaudza Hosiya kuti: “Enda kumukadzi ari kudanana nemumwe murume uye ari kuita upombwe umude zvakare, sezviri kuitwa naJehovha uyo anoda vaIsraeri kunyange zvazvo vachienda kune vamwe vanamwari.” (Hos. 3:1; Zvir. 16:2) Cherechedza kuti mudzimai waHosiya akanga achiri kuita zvivi zvakakura. Asi Jehovha akaudza Hosiya kuti aende kwaari omuregerera uye odzokerana naye. Jehovha akashandisa muenzaniso uyu kuti adzidzise vanhu vake kuti aivaona sei. Kunyange zvazvo vakanga vachiri kuita zvivi zvakakura, akanga achiri kuvada uye akaramba achiedza kuvabatsira kuti vapfidze zvivi zvavo, vochinja nzira dzavo. Izvi zvinoratidza kuti Jehovha, “muongorori wemwoyo,” anoedza kubatsira munhu anenge achiri kuita chivi chakakura kuti asvike pakupfidza. w24.08 10 ¶7

Chipiri, October 6

Mutemo . . . mumvuri wezvinhu zvakanaka zvichauya.—VaH. 10:1.

VaKristu vekutanga vaigara muJerusarema nemuJudhiya vakasangana nerimwe dambudziko rakakura. Pane imwe nguva, vaJudha vaiva vanhu vaJehovha vaakasarudza. Jerusarema raiva nzvimbo inokosha zvikuru nekuti mambo aimiririra Jehovha aitonga ari mariri. Uye vanhu vaida kunamata Jehovha vaifanira kuita izvozvo patemberi yaiva muJerusarema. VaJudha vese vakatendeka vaiteerera Mutemo waMozisi sekutsanangurwa kwawaiitwa nevanhu vaivatungamirira pakunamata. Paiva nemirayiro yaitaura nezvezvinhu zvavaidya, maonero avaiita nyaya yekuchecheudzwa, uye kunyange mabatiro avaifanira kuita vanhu vemamwe marudzi. Asi Jehovha akanga asingachagamuchiri zvibayiro zvaipiwa nevaJudha pashure pekunge Jesu afa. Izvozvo zvaisava nyore kuvaJudha vakanga vava vaKristu kuti vachinje manamatiro avo. (VaH. 10:​1, 4, 10) Kunyange vaKristu vainge vakasimba pakunamata, vakadai semuapostora Petro, vaiva nezvimwe zvinhu zvaivaomera kuti vafambirane nazvo. (Mab. 10:​9-14; VaG. 2:​11-14) Pamusana pezvinhu zvavakanga vava kutenda, vaKristu ivavo vakatambudzwa nevatungamiriri vechitendero chechiJudha. w24.09 9 ¶4

Chitatu, October 7

Yeukai vaya vari kukutungamirirai, vakakutaurirai shoko raMwari.—VaH. 13:7.

Jehovha paanopa vanhu vake basa rekuita, anotarisira kuti variite nenzira yakarongeka. (1 VaK. 14:33) Semuenzaniso, Mwari anoda kuti mashoko akanaka aparidzwe munyika yese. (Mat. 24:14) Jehovha akaita kuti Jesu atungamirire basa iroro. Jesu ari kuva nechokwadi chekuti raitwa nenzira yakarongeka. Panguva yevaKristu vekutanga ungano padzaiumbwa munzvimbo dzakasiyana-siyana, vakuru vaigadzwa kuti vape mirayiridzo uye vatungamirire. (Mab. 14:23) MuJerusarema, dare raitungamirira, iro raiumbwa nevaapostora nevarume vakuru, raiita zvisarudzo zvaifanira kuteererwa neungano dzese. (Mab. 15:2; 16:4) “Ungano dzakaramba dzichisimbiswa pakutenda uye dzichiwedzera” nekuti dzaiteerera mirayiridzo yadzaipiwa.—Mab. 16:5. w24.04 8 ¶1

China, October 8

Mariya Magadharini akaenda akanoudza vadzidzi kuti: “Ndaona Ishe!”—Joh. 20:18.

Musi waNisani 16, achiri mangwanani-ngwanani, vakadzi vakawanda vakavimbika vakaenda kwainge kwavigwa Jesu. (Ruka 24:​1, 10) Ngationei zvakaitika kune mumwe wevakadzi ava ainzi Mariya Magadharini. Mariya paakasvika paguva raJesu akaona musina chinhu. Saka akamhanya kunoudza Petro naJohani. Varume ava vakamhanya vachienda kuguva racho iye achitevera ari kumashure. Varume vacho pavakaona kuti muguva makanga musina chinhu vakabva vadzokera kumba. Asi Mariya akaramba ari ipapo achichema. Haana kuziva kuti Jesu aimuona. Jesu akaona kuchema kwaiita mukadzi uyu uye izvozvo zvakaita kuti ade kumunyaradza. Saka akazviratidza kwaari ndokubva aita chimwe chinhu chakakurudzira Mariya chaizvo. Akataura naye uye akamupa basa rinokosha rekunoudza hama dzake nezvekumutswa kwake.—Joh. 20:​17, 18. w24.10 13 ¶7

Chishanu, October 9

Ndichaita kuti zviratidzo nezvishamiso zvangu zviwande munyika yeIjipiti.—Eks. 7:3.

Mozisi akashanda semuprofita, mutongi, mutungamiriri, uye munyori wenhoroondo dzekare. Akatungamirira vaIsraeri pakubuda muIjipiti mavaiva varanda uye akazvionera ega zvishamiso zvakawanda zvakaitwa naJehovha. Jehovha akaita kuti anyore mabhuku 5 ekutanga eBhaibheri, Pisarema 90, uye zvichida nePisarema 91. Anofanirawo kunge ari iye akanyora bhuku raJobho. Nguva pfupi asati afa, paainge ava nemakore 120, Mozisi akaunganidza vaIsraeri vese kuti avayeuchidze nezvezvinhu zvavakanga vaona Jehovha achivaitira. Vakanga vazvionera vega zvishamiso nezviratidzo zvakawanda zvakaitwa naJehovha achirwisa Ijipiti. (Eks. 7:4) Vakanga vayambuka Gungwa Dzvuku nepakaoma, uye vakanga vaona Jehovha achiparadza Farao neuto rake rese. (Eks. 14:​29-31) Vakanga vazvionera vega kuchengetedzwa uye kubatsirwa kwavakaitwa naJehovha murenje. (Dheut. 8:​3, 4) Sezvo vakanga vava kuda kupinda munyika yavakanga vavimbiswa, Mozisi akavakurudzira kekupedzisira asati afa. w24.11 8-9 ¶3-4

Mugovera, October 10

Kana munhu akadya chingwa ichi achararama nekusingaperi . . . Chingwa chandichapa inyama yangu kuti nyika iwane upenyu.—Joh. 6:51.

Zvakataurwa naJesu kuvaapostora vake paKudya kwaShe Kwemanheru zvinosiyana nezvaakataura kuboka revanhu vakawanda muGarireya, paaitaura achifunga nezvevanhu vazhinji. Jesu paaiva muGarireya muna 32 C.E., akanga achinyanya kutaura nevaJudha vaida kuti avape chingwa. Asi akavabatsira kuti vafunge nezvechimwe chinhu chinokosha kupfuura chingwa, icho chaizoita kuti vakwanise kurarama nekusingaperi. Uye Jesu akataura kuti vaya vanofa vanogona kumutswa pazuva rekupedzisira vorarama nekusingaperi. Akanga asiri kutaura nezvevanhu vashoma, sezvaakazoita paKudya kwaShe Kwemanheru. Asi paaiva kuGarireya aitaura nezvekukomborerwa kwaigona kuitwa vanhu vese. w24.12 11 ¶10-11

Svondo, October 11

Varume, rambai muchida madzimai enyu.—VaK. 3:19.

Jehovha anovenga munhu wese anoita zvemhirizhonga. (Pis. 11:5) Haatombodi zvachose kuti varume vashungurudze madzimai avo. (Mar. 2:16) Kana murume asingabati mudzimai wake zvakanaka, izvozvo zvinokanganisa ushamwari hwake naMwari. Jehovha anogona kusatoteerera minyengetero yake. (1 Pet. 3:7) Vamwe varume vanoshungurudza madzimai avo nekutaura navo zvehasha, vachivaudza magaramwoyo. Asi Jehovha anovenga “kutsamwa, hasha, kupopota, nekutuka.” (VaEf. 4:​31, 32) Murume anotaura nemudzimai wake nehasha, anokanganisa wanano yake uye ushamwari hwake naMwari. (Jak. 1:26). Izvi ndizvo zvakangofananawo nemurume anoona zvinonyadzisira. Anokanganisa ushamwari hwake naJehovha uyewo anodzikisira mudzimai wake. Jehovha anoda kuti murume arambe akavimbika kumudzimai wake pane zvaanoita uye zvaanofunga. Jesu akati murume anoramba akatarisa mukadzi asiri wake zvekuti anomuchiva, anenge atoita upombwe naye “mumwoyo make.”—Mat. 5:​28, 29. w25.01 9 ¶6-8

Muvhuro, October 12

Munhu [anonzi] akarurama . . . nekutenda muna Kristu Jesu chete.—VaG. 2:16.

Bhaibheri rinoti vashumiri vaJehovha vanonzi vakarurama. Izvi zvinoreva kuti Jehovha haatarisiri kuti tibhadhare zvivi zvatinoita. Kunyange zvakadaro, matongero ake anoramba akarurama. Hapana chinhu chatakaita chinoita kuti tikodzere kunzi takarurama. Izvi hazvirevi kuti Jehovha anopembedza zvivi zvedu, asi anoda kutiregerera nekuti tine kutenda mune zvatakaitirwa naiye naJesu pakutipa rudzikinuro. (VaR. 3:24) Izvi zvinorevei kune mumwe nemumwe wedu? Vaya vakasarudzwa kuti vatonge naJesu kudenga vakatonzi vakarurama sevana vaMwari. (Tito 3:7; 1 Joh. 3:1) Zvivi zvavo zvakaregererwa. Zvinoita sekuti havana kumbobvira vatadza, uye vanokwanisa kuva muUmambo. (VaR. 8:​1, 2, 30) Vaya vane tariro yekurarama panyika vakanzi vakarurama seshamwari dzaMwari, uye zvivi zvavo zvakaregererwawo.—Jak. 2:​21-23. w25.02 5 ¶17; 18

Chipiri, October 13

Haufungi zvinofungwa naMwari, asi zvinofungwa nevanhu.—Mat. 16:23.

Chimbofunga pamwe muapostora Petro paakatadza kuratidza mafungiro aJehovha. Jesu akanga audza vaapostora vake kuti aizofanira kuenda kuJerusarema, oiswa mumaoko evatungamiriri vezvitendero, vomutambudza, uye ozourayiwa. (Mat. 16:21) Petro aiziva kuti Jesu ndiye aiva Mesiya akavimbiswa uye kuti ndiye aizonunura vanhu vaMwari, saka zvinofanira kunge zvakanga zvakamuomera kubvuma kuti Jehovha aizorega Jesu achiurayiwa. (Mat. 16:16) Petro akabva atora Jesu padivi ndokumuudza kuti: “Musabva mazvidaro Ishe; izvi hazvingamboitiki kwamuri.” (Mat. 16:22) Nemhaka yekuti Petro aisava nemafungiro aJehovha panyaya iyi, mafungiro ake akanga asiri kuenderana neaJesu. Petro anogona kunge aiva nevavariro dzakanaka, asi Jesu akaramba kuita zvaakaudzwa naPetro. Pane zvatinodzidza panyaya iyi. Kwaisava kuda kwaJehovha kuti Jesu ararame upenyu husina matambudziko; aitofanira kutambudzwa ofa. Saka panguva iyi, Petro akadzidza chidzidzo chinokosha chekuti aifanira kuita kuti mafungiro ake aenderane neaMwari. w25.03 9 ¶5-6

Chitatu, October 14

Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakasuruvara.—Pis. 34:18.

Uri kushungurudzika nekuti mumwe munhu wawaivimba naye akakurwadzisa here? Kana wakarwadziswa nemumwe munhu wawaivimba naye, nyaradzwa nekuziva kuti Jehovha haazombokusiyi. Kana takarwadziswa nemumwe munhu wataivimba naye, tinogona kunyaradzwa nemashoko aDhavhidhi ari murugwaro rwanhasi. Rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinoti, “vaya vakasuruvara” vanogona kunge vari “vaya vasisina tariro.” Jehovha anobatsira sei vanhu vakadaro? Sezvinongoita mubereki ane rudo uyo anobata mwana wake achimunyaradza paanenge achirwadziwa, Jehovha “ari pedyo” nesu, anotinzwira tsitsi uye akagadzirira kutibatsira paya patinenge tarwadziswa nemumwe munhu wataivimba naye. Anoda kutinyaradza patinenge takaora mwoyo uye patinenge tichiona sekuti hatichabatsiri. Uye anoita kuti tive nezvinhu zvakawanda zvekutarisira paya patinenge tichitsungirira matambudziko edu.—Isa. 65:17. w24.12 23 ¶13-14

China, October 15

Jehovha ndiye achakupai . . . [mubayiro].—VaK. 3:24.

Mazuva ano, vakuru vanogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anoona uye anokoshesa basa rakanaka ravanoita. Kuwedzera pakufudza, kudzidzisa, uye kuparidza, vakuru vakawanda vanotsigira mabasa ekuvaka zvivakwa zvesangano uye ekuyamura vanhu panoitika njodzi. Vamwe vanoshumira muMapoka Ekushanyira Varwere kana kuti muMakomiti Ekukurukura Nezvipatara. Vakuru vanoita mabasa aya vanoona ungano seurongwa hwaJehovha. Vanoita mabasa acho nemweya wese uye vane nechivimbo chekuti Mwari achavapa mubayiro wezvavari kuita. (VaK. 3:​23, 24) Haasi munhu wese anogona kuva mukuru. Asi tese tinogona kupa Jehovha chimwe chinhu. Mwari wedu anofadzwa patinoita zvese zvatinogona pakumushumira. Anoona patinopa mipiro kubasa remunyika yese kunyange kana tisiri kukwanisa kupa zvakawanda. Uye anofara patinoregerera munhu anenge atikanganisira. Iva nechokwadi chekuti Jehovha anokoshesa zvaunokwanisa kuita. Izvozvo zvinoita kuti akude uye achakupa mubayiro.—Ruka 21:​1-4. w24.06 23 ¶12-13

Chishanu, October 16

Usarega mwoyo wako uchitsaukira kunzira dzake. Usarasikira mumakwara ake.—Zvir. 7:25.

Nyaya yakataurwa naSoromoni inoratidza zvinogona kuitika kumunamati waJehovha chero upi zvake. Anogona kuita chivi chakakura ozonzwa sekunge kuti zvinhu zvese zvangoerekana zvaitika. Kana kuti angataura kuti, “Zvakangoitika.” Asi kana akafunga zvakanyatsoitika zvacho, achaona kuti ane zvisarudzo zvisina uchenjeri zvakamutungamirira kuchivi. Zvisarudzo izvozvo zvingasanganisira ushamwari hwakaipa, kuvaraidzwa nezvinhu zvisina kunaka kana kuti kupota achienda panzvimbo dzinomutsa mubvunzo, dzingava nzvimbo chaidzo kana kuti dzepaIndaneti. Zvimwe anogonawo kunge akarega kunyengetera, kuverenga Bhaibheri, kupinda misangano kana kuita ushumiri. Kufanana nejaya rinotaurwa muna Zvirevo, anogona kunge asina kungoerekana aita chivi. Chii chatinodzidza? Hatifaniri kungogumira pakudzivisa chivi asiwo zvinhu zvinogona kuita kuti tipedzisire taita chivi. Izvi ndizvo chaizvo zvakataurwa naSoromoni pashure pekutsanangura zvakaitika.—Mat. 5:​29, 30. w24.07 16 ¶10-11

Mugovera, October 17

Tine pfuma iyi mumidziyo yevhu.—2 VaK. 4:7.

Pfuma iri kutaurwa murugwaro rwedu rwanhasi ndeipi? Ibasa rekuparidza mashoko eUmambo iro rinoponesa upenyu. (2 VaK. 4:1) Midziyo yevhu chii? Inomiririra vashumiri vaMwari avo vanoudza vamwe mashoko akanaka. Panguva yaPauro, vatengesi vaishandisa midziyo yevhu pakutakura zvinhu zvinokosha zvakadai sechikafu, waini, uye mari. Saizvozvowo, Jehovha akatipa mashoko akanaka ayo anokosha. Tichibatsirwa naJehovha tinogona kuva nesimba ratinoda kuti tirambe tichiparidza. Dzimwe nguva tinogona kutya vanhu. Tingakurira sei kutya ikoko? Funga nezvemunyengetero wevaapostora pavakaudzwa kuti vasaparidza. Vaapostora havana kutya asi vakakumbira Jehovha kuti avabatsire kuramba vachitaura neushingi. Jehovha akabva angopindura munyengetero wavo. (Mab. 4:​18, 29, 31) Kana kutya vanhu kuchimboita kuti uzvidye mwoyo paunenge uchiparidza, kumbira Jehovha kuti asimbise kuda kwaunoita vanhu kuitira kuti usatya kuvaudza mashoko akanaka. w24.04 16 ¶8-9

Svondo, October 18

Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngaritsveneswe.—Mat. 6:9.

Kuda kwatinoita Jehovha kunoita kuti titsvenese zita rake. Tinoda kuita zvatinogona kuti tichenese zita rake pakusvibiswa kwarakaitwa nenhema dzakataurwa naSatani. (Gen. 3:​1-5; Job. 2:4; Joh. 8:44) Muushumiri hwedu, tinoda chaizvo kuudza vanhu nezvaMwari tichitaura chokwadi nezvake kuvanhu vese vachatiteerera. Tinoda kuti munhu wese azive kuti rudo ndihwo unhu hukuru kupfuura humwe hwese huna Jehovha, kuti matongero ake akarurama, uye kuti munguva pfupi iri kuuya, Umambo hwake huchapedza kutambura kwese hwoita kuti vanhu vave nerugare nemufaro. (Pis. 37:​10, 11, 29; 1 Joh. 4:8) Patinoudza vanhu zvinhu izvi nezvaJehovha, tinotsvenesa zita rake. Tinogutsikanawo patinoziva kuti tiri kurarama zvinoenderana nezita redu. w24.05 18 ¶12

Muvhuro, October 19

Kana waita mabiko, koka varombo, mhetamakumbo, vanokamhina, mapofu; uye uchafara, nekuti havana chekukubhadhara nacho. Nekuti uchabhadharwa pachamutswa vakarurama.—Ruka 14:​13, 14.

Hama, munoratidza kuti muri munhu ‘anogamuchira vaenzi zvakanaka’ pamunoitira vamwe zvakanaka, kusanganisira vaya vasiri shamwari dzenyu dzepedyo. (1 Pet. 4:9) Rimwe bhuku rinoti munhu anogamuchira vamwe zvakanaka “anogara akavhura dhoo remba yake uye remwoyo wake kuitira kuti vanhu vaasingazivi vapinde.” Zvibvunze kuti, ‘Ndinozivikanwa sei panyaya yekugamuchira vaenzi?’ (VaH. 13:​2, 16) Munhu anogamuchira vamwe zvakanaka anoitira vaenzi zvakanaka, kusanganisira varombo uye vashumiri vaMwari vanoshanda nesimba, vakadai sevatariri vematunhu uye vakurukuri vanenge vashanya.—Gen. 18:​2-8; Zvir. 3:27; Mab. 16:15; VaR. 12:13. w24.11 21 ¶6

Chipiri, October 20

Mhandara dzakanga dzakagadzirira dzakapinda naye mumabiko emuchato.—Mat. 25:10.

Mumufananidzo wemhandara, Jesu akataura nezvemhandara gumi dzakaenda kunochingura murume aichata. (Mat. 25:​1-4) Dzese dzaitarisira kuva pamabiko pamwe chete nemurume aichata. Jesu akati shanu dzacho dzainge “dzakangwara” uye dzimwe shanu dzainge “dzakapusa.” Mhandara dzakangwara dzainge dzakagadzirira uye dzakarinda, dzakamirira murume aichata kunyange kana akasvika pakati peusiku. Saka dzakauya nemarambi emafuta kuitira kuti dzirambe dziine chiedza. Dzakatouya nemamwe mafuta ekuwedzera kuitira kana murume aichata akanonoka. Saka dzainge dzakagadzirira kuti marambi adzo arambe achibvira. (Mat. 25:​6-10) Pakazosvika murume aichata, mhandara dzakangwara dzakapinda naye mumabiko emuchato. Saizvozvowo, vaKristu vakazodzwa vanenge varatidza kuti vakagadzirira uye kuti vakatendeka kusvikira pachauya Jesu, vachawana mubayiro wavo wekubatana nemurume ari kuchata, kureva Jesu, muUmambo hwake hwekudenga.—Zvak. 7:​1-3. w24.09 21 ¶6

Chitatu, October 21

Ndakaona boka guru revanhu . . . vanobva kumarudzi ese.—Zvak. 7:9.

Patinofunga nezvekubatsirwa kuri kuitwa vanhu vakawanda pasi rese nebasa redu rekuparidza, zvinobva zvaita kuti tide kuramba tichiparidza. Gore rega rega, mamiriyoni evanhu vanoda chokwadi ari kupinda Chirangaridzo uye tiri kudzidza navo Bhaibheri. Mazana ezviuru zvevanhu ari kubhabhatidzwa uye ari kubatana nesu pakuita basa rekuparidza. Hatizivi kuti kuchiine vanhu vangani vanogona kuteerera mashoko atinoparidza, asi tinoziva kuti Jehovha ari kuunganidza boka guru richapona pakutambudzika kukuru kuri kuuya. (Zvak. 7:​9, 14) Jehovha ndiye Tenzi wekukohwa uye ane chivimbo chekuti kune vanhu vakawanda vanogona kugamuchira mashoko akanaka, saka izvi zvinoita kuti tide kuramba tichiparidza. (Ruka 10:2) Vateveri vaJesu vagara vachizivikanwa sevanhu vanoshingaira pakuparidza. Vanhu pavakaona vaapostora vachiparidza vasingatyi, “vakabva vaziva kuti vaimbova naJesu.” (Mab. 4:13) Dai vanhu pavachationa tiri muushumiri, vakaona kuti tiri kutevedzera Jesu pakuparidza tichishingaira. w25.03 18 ¶15; 19 ¶17-18

China, October 22

Haiwa Jehovha, munhu chiiko zvamuine hanya naye?—Pis. 144:3.

Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha anoona vaya vangaonekwa nevamwe sevasingakoshi. Semuenzaniso, Jehovha akatuma muprofita Samueri kuti aende kuimba yaJese kunozodza mumwe wevanakomana vake kuti azova mambo wevaIsraeri. Jese akadana vanakomana vake 7 kuti vauye kuzoonana naSamueri asi akasiya Dhavhidhi, uyo aiva mudiki pavari vese. Asi Jehovha akasarudza Dhavhidhi. (1 Sam. 16:​6, 7, 10-12) Jehovha aiona zvakaita mwoyo waDhavhidhi. Aiziva kuti mukomana uyu ainyatsomuda. Funga zvinoitwa naJehovha zvinoratidza kuti anokuona. Anokupa mazano anonyatsoenderana nemamiriro ako ezvinhu. (Pis. 32:8) Angakupa sei mazano anoenderana newe kana iye asingakuzivi? (Pis. 139:1) Paunoshandisa mazano aunopiwa naJehovha, woona kuti ari kukubatsira, uchava nechokwadi chekuti Jehovha anokuda. (1 Mak. 28:9; Mab. 17:​26, 27) Jehovha anoona zvese zvaunoita kuti umushumire uye umuteerere. Anoona unhu hwako hwakanaka uye anoda kuti uve shamwari yake.—Jer. 17:10. w24.10 25 ¶7-9

Chishanu, October 23

Akasiririswa navo, nekuti vakanga vakaita semakwai asina mufudzi.—Mako 6:34.

Zviri pachena kuti unoda Jehovha uye unoda kushumira vamwe. Chii chingakubatsira kuti uve nechido chekuita basa iri? Unogona kufunga nezvemufaro unobva pakushumira hama nehanzvadzi dzako. Jesu akati: “Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.” (Mab. 20:35) Izvi ndizvo zvaaiita. Akawana mufaro wechokwadi unobva pakushumira vamwe. Ngatimboonai muenzaniso uri pana Mako 6:​31-34. Panguva iyi, Jesu nevaapostora vake vainge vaneta. Saka akasarudza kuenda navo kwavo vega kuti vambonozorora. Asi vanhu vakavatangira kusvika ikoko, vachida kudzidziswa naJesu. Aigona kuramba kuvadzidzisa nekuti iye neshamwari dzake “vakanga vasina kana nguva yekuzorora kuti vadye.” Kana kuti Jesu aigona kungoita kuti vanhu vaende pashure pekuvadzidzisa zvinhu zvishoma. Asi kuda kwaaiita vanhu kwakaita kuti ‘atange kuvadzidzisa’ kusvikira ‘nguva dzafamba.’—Mako 6:35. w24.11 16 ¶9-10

Mugovera, October 24

Muchapiwa mubayiro webasa renyu.—2 Mak. 15:7.

Vabereki, kurudzirai mwana wenyu kuti atsvage mikana yekuudza vamwe zviri muBhaibheri. (VaR. 10:10) Munogona kumuudza kuti zvaanoedza kuita kuti audze vamwe chokwadi chiri muBhaibheri zvakafanana nekudzidzira kuridza gitare. Munhu ari kudzidzira gitare anogona kutanga nekudzidza kuridza mimhanzi iri nyore. Anozowedzera unyanzvi hwake nekufamba kunenge kuchiita nguva. Izvi ndizvo zvinogona kuitwawo nemuKristu wechidiki. Anogona kutanga nenzira dziri nyore paanenge achiudza vamwe zvaanotenda. Anogona kubvunza mumwe wekuchikoro kwake kuti: “Unozviziva here kuti mainjiniya anowanzogadzira zvinhu achitevedzera zvinhu zvipenyu zviripo? Imboona vhidhiyo iyi.” Paanenge amuratidza vhidhiyo iri pakanzi Zvakangoitika Zvega Here?, anogona kumubvunza kuti: “Kana musaindisti achirumbidzwa nekuti agadzira chimwe chinhu achitevedzera chimwe chinhu chipenyu, ko kuzoti akaita kuti pave nechinhu chipenyu chacho?” Nzira iyi iri nyore uye inogona kuita kuti wechidiki ade kudzidza zvakawanda nezvaJehovha. w24.12 19 ¶17-18

Svondo, October 25

Chivi chakapinda munyika nemunhu mumwe chete uye rufu rwakapinda nechivi.—VaR. 5:12.

Kuti tisunungurwe pachivi nerufu, Jehovha akaronga kuti Jesu atidzikinure. Asi rufu rwemunhu mumwe chete akanga asina chivi rwaizodzikinura sei vanhu vakawanda pachivi nerufu? Muapostora Pauro akatsanangura kuti: “Nekuti kusateerera kwemunhu mumwe chete [Adhamu] kwakaita kuti vakawanda vanzi vatadzi, saka kuteerera kwemunhu mumwe chete [Jesu] kuchaitawo kuti vakawanda vanzi vakarurama.” (VaR. 5:19; 1 Tim. 2:6) Nemamwe mashoko, kusateerera kwemunhu mumwe chete akanga asina chivi kwakaita kuti tive varanda vechivi nerufu. Saka kuteerera kwemunhu mumwe chete akanga asina chivi kwakatisunungurawo pachivi nerufu. Jehovha aitadza here kungoita kuti vana vaAdhamu vanoteerera vararame nekusingaperi? Kwatiri sevanhu vane chivi, izvozvo zvaigona kuita sezvakanaka uye zvine musoro. Asi kana tikava nemaonero iwayo, tinenge tiri kukanganwa kuti Jehovha ndiMwari anotonga zvakarurama. Kudai akasiya Adhamu asina kupiwa mutongo unoenderana nekutadza kwake, zvaizoita sekuti Adhamu haana kumbobvira atadza uye kuti vana vake havana kumbokanganiswa nechivi chaakaita. w25.01 21 ¶3-4

Muvhuro, October 26

Tiri kufamba nekutenda, kwete nekuona.—2 VaK. 5:7.

Pane imwe nguva, muapostora Pauro aiziva kuti akanga ava pedyo kuurayiwa, asi aigutsikana neupenyu hwaakanga ararama. Paaitarisa shure, aigona kutaura kuti: “Ndamhanya kusvika kumagumo, ndachengeta kutenda.” (2 Tim. 4:​6-8) Pauro akanga aita zvisarudzo zvakanaka kubva paakava muKristu uye aiva nechokwadi chekuti Jehovha aifara naye. Isuwo tinoda kuita zvisarudzo zvakanaka zvinoita kuti Mwari afare nesu. Tingazviita sei? Achitaura nezvake uye nezvevamwe vaKristu vakatendeka, Pauro akati: “Tiri kufamba nekutenda, kwete nekuona.” MuBhaibheri, dzimwe nguva shoko rekuti “kufamba” rinoreva mararamiro anosarudzwa nemunhu. Munhu anofamba nekutenda, anoita zvisarudzo zvichibva pakuvimba kwaanoita naJehovha Mwari. Zvaanoita zvinoratidza kuti ane chokwadi chekuti Mwari achamupa mubayiro, uye kuti achabatsirwa kana akateerera mazano aJehovha ari muShoko rake.—Pis. 119:66; VaH. 11:6. w25.03 20 ¶1-2

Chipiri, October 27

Pfungwa dzenyu ngadzishandurwe, kuti muve vatsva.—VaR. 12:2.

Vachibatsirwa nemweya waMwari, vanhu vakawanda vaimbova neunhu hweumhuka vakachinja zvinoshamisa. (Isa. 65:25) Vakashanda nesimba kuti vabvise unhu husina kunaka hwavaiva nahwo. (VaEf. 4:​22-24) Asi vanhu vaMwari vachiine chivi, saka ticharamba tichikanganisa. Kunyange zvakadaro, Jehovha anobatanidza “vanhu vakasiyana-siyana” vanomuda uye vanodanana, uye izvi zvinoita kuti vave nerugare rwechokwadi uye vabatane. (Tito 2:11) Mwari wemasimbaose ndiye chete anoita chishamiso chakadai! Mashoko ake agara achizadzika. (Isa. 55:​10, 11) Paradhiso yemweya itoripo iye zvino. Jehovha akaita kuti pave nemhuri yevanamati vake yakasiyana nedzimwe dzese. Sezvo tiri vamwe vemumhuri yake, tine rugare iye zvino uye tinonzwa takachengeteka munyika ino yakaipa. (Pis. 72:7) Ndosaka tichida kubatsira vanhu vakawanda kuti vabatane nesu muungano yechiKristu. Tinoita izvi patinoramba takaisa pfungwa pabasa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi.—Mat. 28:​19, 20. w24.04 23 ¶13, 15

Chitatu, October 28

Tine pfungwa dzaKristu.—1 VaK. 2:16.

Jesu aida Jehovha nepfungwa dzake dzese. Aiziva zvaidiwa naMwari uye aiita zvese zvaaigona kuti azviite kunyange zvazvo zvaizoreva kuti aizotambudzirwa kuita zvinhu zvakanaka. Nemhaka yekuti Jesu akanga akaisa pfungwa dzake pakuita kuda kwaBaba vake, haana kurega chero chii zvacho chichimutadzisa kuti aite izvozvo. Petro nevamwe vaapostora vakava neropafadzo yekufamba naJesu uye kunyatsodzidza mafungiro ake. Petro paakanyora tsamba yake yekutanga yakafemerwa akakurudzira vaKristu kuti vazvishongedze nemafungiro aKristu. (1 Pet. 4:1) Petro paakanyora kuti, “zvishongedzei,” akashandisa mashoko anotsanangura zvaiitwa nemasoja paaipakata zvombo achigadzirira kunorwa. Saka kana vaKristu vakava nemafungiro aJesu, vanenge vaita sevakatakura chombo chine simba chinovabatsira pahondo yavo yekurwisa zvido zvakaipa uye nyika inotongwa naSatani.—2 VaK. 10:​3-5; VaEf. 6:12. w25.03 8-9 ¶1-3

China, October 29

Pfungwa dziri mumwoyo memunhu dzakaita semvura yakadzika, asi munhu ane ungwaru anodzibudisa.—Zvir. 20:5.

Ndezvipi zvaunofanira kuziva nezvemumwe munhu pamunenge muchifambidzana? Usati wanyanya kuda munhu wacho, ungada kuti mukurukure zvimwe zvinhu zvinokosha zvakadai sezvinangwa zvake muupenyu. Ungasvika sei pakuziva zvakanyatsoita mumwe munhu nechemukati? Imwe nzira yakanaka zvikuru ndeyekukurukura muchibudirana pachena, muchibvunzana mibvunzo uye muchinyatsoteererana. (Jak. 1:19) Kuti muwane nguva yekukurukura, munogona kutsvaga zvinhu zvamunoita pamwe chete, zvakadai sekudya pamwe chete, kufamba pamwe chete munzvimbo dzine vamwe vanhu, uye kuparidza pamwe chete. Munogonawo kudzidzana pamunenge muchitandara neshamwari uye neveukama. Uyewo, ronga kuita zvimwe zvinhu zvichakuratidza kuti mumwe wako anoita sei mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana uye paanenge aine vanhu vakasiyana-siyana. w24.05 28 ¶6-7

Chishanu, October 30

Ivai vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa.—VaEf. 5:1.

Mumazuva ari mberi, tichasangana nemiedzo ichada kuti tiwedzere kuvimba naJehovha kupfuura zvatiri kuita. Nyaya dzemuBhaibheri uye dzeZvapupu zvemazuva ano dzichatibatsira kuona kuti Jehovha akaratidza sei kuti idombo paaitsigira vashumiri vake. Fungisisa nyaya idzodzo. Kuita izvi kuchakubatsira kuti uite kuti Jehovha ave Dombo rako. Uyewo, kuchaita kuti ukwanise kusimbisa vamwe muungano. Semuenzaniso, Jesu akapa Simoni zita rekuti Kefasi (rinoshandurwa kuti “Petro”) zvichireva kuti “Dombo.” (Joh. 1:42) Jesu aireva kuti Petro aizonyaradza vamwe muungano uye aizosimbisa kutenda kwavo. Vakuru vemuungano vanotsanangurwa nezvavo “semumvuri wedombo guru.” Izvi zvinoreva kuti vanochengetedza vaya vari muungano. (Isa. 32:2) Asi tese zvedu tinogona kukurudzirana kana tikatevedzera Jehovha pakuva sedombo. w24.06 28 ¶10-11

Mugovera, October 31

Jehovha . . . anoda kuzvipira kwakazara.—Dheut. 4:24.

Madzimambo eIsraeri akanzi naJehovha akatendeka akatsigira kunamata kwechokwadi. Madzimambo akawanda akanzi naJehovha akanga asina kutendeka akasiya Mutemo wake ndokutanga kunamata vanamwari venhema. (1 Madz. 21:​25, 26; 2 Mak. 12:1) Nei nyaya yekunamata yaikosha chaizvo kuna Jehovha? Chimwe chikonzero ndechekuti madzimambo aiva nebasa rekutungamirira vanhu vaMwari pakunamata kwechokwadi. Uyewo kunamata kwenhema kwaiita kuti vanhu vaite zvivi zvakakura uye vabate vamwe zvisina kunaka. (Hos. 4:​1, 2) Uyewo madzimambo nevanhu vavaitonga vainge vakatsaurirwa kuna Jehovha. Saka pavainge vasina kutendeka kuna Jehovha vachinamata vanamwari venhema, Bhaibheri rinoti zvaiita sekuti vaiita upombwe. (Jer. 3:​8, 9) Munhu anoita upombwe anorwadzisa zvakanyanya waakaroorana naye. Saizvozvowo, mushumiri waJehovha akazvitsaurira anobatanidzwa mukunamata kwenhema anomurwadzisa zvakanyanya.—Dheut. 4:23. w24.07 22-23 ¶12-15

    Mabhuku eChiShona (1973-2027)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe