RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • es26 pp. 47-57
  • May

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • May
  • Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2026
  • Misoro Midiki
  • Chishanu, May 1
  • Mugovera, May 2
  • Svondo, May 3
  • Muvhuro, May 4
  • Chipiri, May 5
  • Chitatu, May 6
  • China, May 7
  • Chishanu, May 8
  • Mugovera, May 9
  • Svondo, May 10
  • Muvhuro, May 11
  • Chipiri, May 12
  • Chitatu, May 13
  • China, May 14
  • Chishanu, May 15
  • Mugovera, May 16
  • Svondo, May 17
  • Muvhuro, May 18
  • Chipiri, May 19
  • Chitatu, May 20
  • China, May 21
  • Chishanu, May 22
  • Mugovera, May 23
  • Svondo, May 24
  • Muvhuro, May 25
  • Chipiri, May 26
  • Chitatu, May 27
  • China, May 28
  • Chishanu, May 29
  • Mugovera, May 30
  • Svondo, May 31
Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2026
es26 pp. 47-57

May

Chishanu, May 1

Mwari haasaruri.—VaR. 2:11.

Pashure pekunge anunura vanhu vake muuranda muIjipiti, Jehovha akagadza vapristi kuti vashumire patebhenekeri. VaRevhi vaivawo nemamwe mabasa avaiita patebhenekeri iyoyo. Izvi zvinoreva here kuti vaya vaishumira patebhenekeri kana kuti vaigara pedyo nayo vaifarirwa naJehovha kupfuura vamwe? Kwete! Jehovha haasaruri. Munhu wese aiva mumusasa aiva nemukana wekuva neushamwari naJehovha. Semuenzaniso, Jehovha akava nechokwadi chekuti rudzi rwacho rwese rwaikwanisa kuona shongwe yegore uye shongwe yemoto pamusoro petebhenekeri. (Eks. 40:38) Gore racho paraitanga kufamba, kunyange vaya vaigara kure netebhenekeri vaikwanisa kuzviona, votanga kuunganidza zvinhu zvavo, voputsa matende avo, uye vosimuka pamwe chete nevamwe vanhu vese. (Num. 9:​15-23) Mazuva anowo, pasinei nekwatinogara, Jehovha anotida, ane hanya nesu, uye anotichengetedza. w24.06 4 ¶10-12

Mugovera, May 2

Simukai titize, nekuti tese tingaurayiwa naAbsaromu!—2 Sam. 15:14.

Upenyu hwaDhavhidhi hwaiva pangozi. Mwanakomana wake Absaromu aida kumubvutira umambo. (2 Sam. 15:​12, 13) Dhavhidhi aifanira kubuda muJerusarema nekukurumidza! Varanda vake pavaitiza, Dhavhidhi akaona kuti paifanira kuva nemumwe munhu anosara muJerusarema kuitira kuti arambe achimuudza zvairongwa naAbsaromu. Saka akaudza Zadhoki nevamwe vapristi kuti vadzokere muguta kuitira kuti vapote vachimuudza zvaiitika. (2 Sam. 15:​27-29) Vaifanira kunyatsongwarira. Dhavhidhi akakumbira shamwari dzake dzakavimbika, Hushai naZadhoki, kuti dzimubatsire pane zvaaironga. (2 Sam. 15:​32-37) Achiteerera zano iroro, Hushai akanyepedzera kutsigira Absaromu uye akamupa zano rekuti angarwisa sei Dhavhidhi. Izvi zvakapa Dhavhidhi nguva yekuti agadzirire kurwiswa kwaaizoitwa. Hushai akabva audza Zadhoki naAbhiyatari nezvezano racho. (2 Sam. 17:​8-16) Varume vaviri ava vakabva vatumira shoko kuna Dhavhidhi, iro raikosha pakuchengetedza upenyu hwaDhavhidhi.—2 Sam. 17:​21, 22. w24.07 4-5 ¶9-10

Svondo, May 3

“Chiuyai zvino, tiruramise zvinhu,” anodaro Jehovha.—Isa. 1:18.

Vamwe vashumiri vaJehovha vanozvidemba zvikuru pamusana pezvavakaita kare vasati vabhabhatidzwa, kana kuti vatobhabhatidzwa. Asi ngatiyeukei kuti Jehovha akatipa rudzikinuro nekuti anotida zvikuru. Tinogona kuva nechokwadi chekuti anoda kuti tigamuchire chipo chake. Jehovha anotiudza kuti pashure pekunge ‘taruramisa zvinhu’ naye, haazotipi mhosva yezvivi zvatakaita. Tinotenda chaizvo kuti Baba vedu vane rudo Jehovha havarambi vachiyeuka zvivi zvatakaita. Panguva imwe chete, havatombokanganwi zvinhu zvakanaka zvatakaita. (Pis. 103:​9, 12; VaH. 6:10) Kana uri kunetseka pamusana pezvawakaita kare, ita zvese zvaunogona kuti uise pfungwa pane zvauri kuita iye zvino uye zvauchakwanisa kuita mune ramangwana. Haukwanisi kuchinja zvakaitika kare. Asi unogona kurumbidza Jehovha uye kumufadza iye zvino uye unogona kufunga nezveramangwana rakazonaka raakakuvimbisa. w24.10 8 ¶8-9

Muvhuro, May 4

[Pfekai] unhu hutsva.—VaK. 3:10.

Paunoverenga Bhaibheri, unogona kuora mwoyo kana ukaona kuti une zvinhu zvakawanda zvauri kufanira kugadzirisa. Funga nezvemuenzaniso unotevera: Ngatitii nhasi waverenga pari kutaura nezvekuti hatifaniri kusarura. (Jak. 2:​1-8) Unobva waona kuti unofanira kugadzirisa mabatiro aunoita vamwe, saka unosarudza kuchinja maitiro ako. Mangwana acho unobva waverenga pari kutaura nezvekukosha kwekungwarira matauriro aunoita. (Jak. 3:​1-12) Unoona kuti dzimwe nguva unombotaura zvinhu zvine kakushora vamwe. Saka unosarudza kuti unoda kuwedzera kutaura zvinokurudzira vamwe. Paunoverenga Bhaibheri zuva rinotevera racho, unobva waverenga nezveyambiro yekuti tisava shamwari nenyika. (Jak. 4:​4-12) Unoona kuti unofanira kungwarira zvinhu zvaunozvivaraidza nazvo. Paunozosvika pazuva rechi4, unogona kunzwa sekuti une zvinhu zvakawandisa zvauri kufanira kugadzirisa. Usaore mwoyo. Yeuka kuti kupfeka “unhu hutsva” chinhu chatinoramba tichiita. w24.09 5-6 ¶11-12

Chipiri, May 5

Tsvenesai Kristu saShe mumwoyo menyu, muchigara makagadzirira kupindura munhu wese anokubvunzai nezvetariro yamuinayo, asi muchizviita neunyoro neruremekedzo rukuru.—1 Pet. 3:15.

Jesu aiziva kuti Jehovha aiona zvakaipa zvaaiitirwa. Aiziva kuti Jehovha aizogadzirisa zvinhu panguva yakakodzera. Tinogona kutevedzera Jesu kana tikazvidzora patinoitirwa zvakaipa. Zvimwe zvacho tungori tunhu tudiki twatinogona kungosiyana natwo. Kana kuti tinogona kuramba takanyarara kuitira kuti tisazotaura mashoko anoita kuti zvinhu zviwedzere kushata. (Mup. 3:7; Jak. 1:​19, 20) Dzimwe nguva tinofanira kutaura kuti tibatsire munhu anenge asiri kubatwa zvakanaka kana kuti tinofanira kutaura kuti titsanangure zvatinotenda. (Mab. 6:​1, 2) Kana tasarudza kutaura, tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tirambe takadzikama uye tichiratidza ruremekedzo. Tinogonawo kutevedzera Jesu kana tikavimba ‘neuya anotonga zvakarurama.’—1 Pet. 2:23. w24.11 5-6 ¶10-12

Chitatu, May 6

Ngirozi dzaMwari dzinofara chaizvo kana mutadzi mumwe chete akapfidza zvivi zvake.—Ruka 15:10.

Kana mutadzi akapfidza, panova nemufaro mukuru! (Ruka 15:7) Ndiani anenge aita kuti mutadzi apfidze? Vakuru here? Yeuka zvakataurwa nemuapostora Pauro nezvevatadzi paakati: “Zvimwe Mwari anogona kuita kuti vapfidze zvivi zvavo.” (2 Tim. 2:25) Saka Jehovha, kwete vanhu, ndiye anobatsira muKristu kuti achinje mafungiro ake uye unhu hwake. Pauro akatsanangura zvinhu zvakanaka zvinoitika kana munhu akapfidza zvivi. Akati munhu wacho anogona kusvika pakuva neruzivo rwakarurama rwechokwadi, anogona kupengenuka uye anogona kupukunyuka misungo yaSatani. (2 Tim. 2:26) Mutadzi paanopfidza, komiti icharonga kuti munhu iyeye arambe achifudzwa kuti abatsirwe kurwisa misungo yaSatani uye kuti aruramise nzira dzetsoka dzake.—VaH. 12:​12, 13. w24.08 23 ¶14-15

China, May 7

Hamusi kunditsvaga nekuti makaona zviratidzo, asi nekuti makadya chingwa mukaguta.—Joh. 6:26.

Vanhu vakapiwa zvekudya naJesu vaiisa pfungwa dzavo pakuwana zvinhu zvavaida muupenyu hwavo uye pakugutsa zvido zvavo. Nei tichidaro? Zuva rakatevera, vakaona kuti Jesu nevaapostora vake vakanga vaenda. Saka vanhu vakakwira zvikepe zvaibva kuTibheriyasi, ndokunanga kuKapenaume kunotsvaga Jesu. (Joh. 6:​22-24) Vaimutsvagira kuti vanzwe zvakawanda nezveUmambo hwaMwari here? Aiwa. Vaingoda kupiwa chingwa. Nei tichidaro? Funga zvakaitika pavakasvika kwaiva naJesu pedyo neKapenaume. Jesu akavaudza pachena kuti vaimutsvagira kuti avape chingwa. Akataura kuti ‘makadya chingwa mukaguta’ uye kuti chingwa ichocho chaiva “zvekudya zvinoparara.” Akabva avaudza kuti vaifanira kushandira “zvekudya zvinoramba zviripo kweupenyu husingaperi.” (Joh. 6:​26, 27) Jesu akavaudza kuti Baba vake ndivo vaizovapa zvekudya zvakadaro. w24.12 5 ¶8-9

Chishanu, May 8

Munhu ane mwoyo wakachenjera anopa muromo wake njere uye anowedzera kunyengetedza pamiromo yake.—Zvir. 16:23.

Kuti imi hama muwedzere unyanzvi pakudzidzisa, itai kuti zvamunodzidzisa uye mazano amunopa abve muShoko raMwari. Dzidzai Bhaibheri pamwe chete nemabhuku edu. (Zvir. 15:28) Pamunenge muchidzidza, nyatsoongororai kuti mabhuku edu anotsanangura sei mavhesi eBhaibheri kuitira kuti muzoshandisa mavhesi acho zvakarurama. Uye pamunenge muchidzidzisa, edzai kusvika pamwoyo yevateereri venyu. Unyanzvi hwenyu hwekudzidzisa hunogona kuwedzera kana mukakumbira mazano kune vakuru vane unyanzvi, moshandisa mazano acho. (1 Tim. 5:17) Vakuru vanofanira kunge vachikwanisa kukurudzira hama nehanzvadzi dzavo; asi dzimwe nguva vakuru vanofanira kuvapa mazano kana kuti ‘kuvatsiura.’ Pasinei nezvingaitwa nevakuru, kungava kupa zano kana kuti kutsiura, vanofanira kuzviita nerudo. Kana uri munyoro, uine rudo uye uchiita kuti zvaunodzidzisa zvibve muShoko raMwari, uchava mudzidzisi akanaka nekuti unenge uchitevedzera Mudzidzisi Mukuru, Jesu.—Mat. 11:​28-30; 2 Tim. 2:24. w24.11 24 ¶16

Mugovera, May 9

Zivisai kukudzwa kwake pakati pemarudzi.—Pis. 96:3.

Tinogona kukudza Jehovha nezvatinotaura nezvake. Mumavhesi aya, vanhu vaJehovha vanoudzwa kuti ‘vaimbire Jehovha,’ ‘varumbidze zita rake,’ ‘vazivise mashoko akanaka ekuponesa kwake,’ uye ‘vazivise kukudzwa kwake pakati pemarudzi.’ (Pis. 96:​1-3) Zvese izvi zvinhu zvatinogona kuita kuti tikudze Baba vedu vekudenga nezvatinotaura. (Mab. 4:29) Tinogona kukudza Jehovha nekumupa zvinhu zvedu zvinokosha. Vanamati vechokwadi vagara vachikudza Jehovha nenzira iyi. (Zvir. 3:9) Semuenzaniso, vaIsraeri vakapa mipiro yaizoshandiswa pakuvaka temberi uye kuita kuti igare yakanaka. (2 Madz. 12:​4, 5; 1 Mak. 29:​3-9) Vadzidzi vaKristu vaishumira Jesu nevaapostora vake “vachishandisa zvinhu zvavo.” (Ruka 8:​1-3) VaKristu vekutanga vakaunganidzawo zvinhu zvaizobatsira hama nehanzvadzi dzavo dzakanga dzawirwa nenzara. (Mab. 11:​27-29) Mazuva ano, isuwo tinogona kukudza Jehovha nemipiro yatinopa. w25.01 4 ¶8; 5 ¶11

Svondo, May 10

Pane munhu angarambidza kuti ava . . . vasabhabhatidzwa mumvura here?—Mab. 10:47.

Chii chakabatsira Koniriyasi kuti abhabhatidzwe? Bhaibheri rinoti “aitya Mwari pamwe chete nemhuri yake yese.” Uye Koniriyasi aigara achinyengetera kuna Mwari. (Mab. 10:2) Petro paakamuzivisa mashoko akanaka, iye nemhuri yake vakagamuchira Kristu uye vakabva vatobhabhatidzwa. (Mab. 10:​47, 48) Zviri pachena kuti Koniriyasi akanga akagadzirira kuchinja chero zvaidiwa muupenyu hwake kuitira kuti akwanise kunamata Jehovha pamwe chete nemhuri yake. (Josh. 24:15; Mab. 10:​24, 33) Koniriyasi aigona kurega chinzvimbo chake chichimutadzisa kuti ave muKristu. Asi haana kudaro. Une zvinhu zvikuru zvaunofanira kuchinja muupenyu hwako here kuti ukwanise kugamuchira chokwadi? Kana zviripo, Jehovha achava Mubatsiri wako. Achakomborera chido chauinacho chekurarama maererano nezvinotaurwa neBhaibheri. w25.03 5 ¶12-13

Muvhuro, May 11

Ramba ngano dzekumhura.—1 Tim. 4:7.

Kana ukanzwa zvinhu zvakaipa zvichitaurwa nezvesangano kana kuti nezvehama dziri kutungamirira, yeuka kuti vavengi vaMwari vakaita sei kuna Jesu uye kuvadzidzi vake. Jesu akati vanhu vaizopikisa vaya vanoshumira Jehovha uye vaizotaura nhema nezvavo. Izvi ndizvo chaizvo zviri kuitika mazuva ano. (Mat. 5:​11, 12) Nyaya dzenhema hadzizotitsausi kana tikaziva kwadzinobva uye tikakurumidza kuita chimwe chinhu kuti tizvidzivirire. Tingaitei kuti tizvidzivirire? Ramba nyaya dzenhema. Muapostora Pauro akapa mirayiridzo yakajeka yezvatinofanira kuita kana tikanzwa nyaya dzenhema. Akaudza Timoti kuti ‘arayire vamwe kuti varege kuteerera ngano’ uye ‘varambe ngano dzekumhura.’ (1 Tim. 1:​3, 4) Tinoramba nyaya dzenhema nekuti tinoziva kunobva mashoko acho. Tinobatisisa “mashoko anobatsira” echokwadi.—2 Tim. 1:13. w24.04 11 ¶16; 13 ¶17

Chipiri, May 12

Vanoshandisa kutaura kwekutsvetera nekubata kumeso vachikwezva mwoyo yevanhu vanenge vasingafungiri.—VaR. 16:18.

Ramba wakabatana nevaya vakavimbika kuna Jehovha. Mwari anoda kuti tibatane pakunamata kwedu. Ticharamba takabatana kana tikaramba takabatisisa chokwadi. Vaya vanotsauka vachibva pachokwadi vanoita kuti muungano muve nemapoka, saka Mwari anotiyambira kuti ‘tisiyane navo.’ Kana tikasadaro, tinogona kutsauka tichibva pachokwadi. (VaR. 16:17) Patinoziva kuti chokwadi ndechipi tochibatisisa, tinoramba tiri pedyo naJehovha uye kutenda kwedu kunoramba kwakasimba. (VaEf. 4:​15, 16) Tichadzivirirwa panhema dzinodzidziswa naSatani uye ticharamba takachengeteka mumaoko aJehovha pakutambudzika kukuru. Ramba wakabatisisa zvinhu zvechokwadi, ‘uye Mwari werugare achava newe.’—VaF. 4:​8, 9. w24.07 13 ¶16-17

Chitatu, May 13

Murume uyu akapa chibayiro chezvivi chimwe chete zvikabva zvakwana.—VaH. 10:12.

Jesu aiisa pfungwa pakubatsira vanhu vakanga vakaremerwa nezvivi uye aivapa mukana wekuti vave vateveri vake. Aiziva kuti chivi ndicho chaiita kuti vanhu vatambure. Saka aibatsira varume nevakadzi vaizivikanwa kuti vaiva vatadzi. Achishandisa mufananidzo akatsanangura kuti: “Vanhu vane utano hwakanaka havadi chiremba, asi vaya vanorwara vanomuda.” Akawedzera kuti: “Handina kuuya kuzoshevedza vanhu vakarurama, asi vatadzi.” (Mat. 9:​12, 13) Izvozvo ndizvo zvaiitwa naJesu. Mumwe mukadzi paakageza tsoka dzaJesu nemisodzi yake, Jesu akataura naye zvakanakanaka uye akamuregerera zvivi zvake. (Ruka 7:​37-50) Akadzidzisa mukadzi muSamariya chokwadi chinokosha pavaiva patsime, kunyange zvazvo aiziva kuti mukadzi wacho aigara nemurume asiri wake. (Joh. 4:​7, 17-19, 25, 26) Mwari akatopa Jesu simba rekuti abvise rufu, urwo runokonzerwa nechivi. Saka Jesu aimutsa vanhu vakanga vafa, vangava varume kana vakadzi, vana kana kuti vanhu vakuru.—Mat. 11:5. w24.08 4 ¶9-10

China, May 14

Achatonga nyika nekururama uye achatonga marudzi nekutendeka kwake.—Pis. 96:13.

Jehovha achakudza sei zita rake munguva pfupi iri kuuya? Achazviita achishandisa mitongo yake. Munguva pfupi iri kuuya, Jehovha achapa mutongo kuBhabhironi Guru nekuti rinozvidza zita rake dzvene. (Zvak. 17:​5, 16; 19:​1, 2) Vamwe vachaona Bhabhironi Guru richiparadzwa vanogona kubatana nesu pakunamata kwechokwadi. Pakupedzisira, pahondo yeAmagedhoni, Jehovha achaparadza nyika yese yaSatani. Panguva iyoyo, achaparadza vese vanomupikisa uye vanomhura zita rake, oponesa vaya vanomuda, vanomuteerera uye vanomukudza. (Mako 8:38; 2 VaT. 1:​6-10) Pachapera muedzo wekupedzisira, uyo uchaitika pashure peKutonga kwaKristu Kwemakore 1 000, Jehovha achange atsvenesa zita rake zvizere. (Zvak. 20:​7-10) Panguva iyoyo, “nyika ichazara nekuziva kubwinya kwaJehovha sekufukidzwa kwakaitwa gungwa nemvura. (Hab. 2:14) Tichafara zvikuru pachasvika nguva yekuti munhu wese achange ava kupa Jehovha rukudzo rwakakodzera zita rake! w25.01 7 ¶15-16

Chishanu, May 15

Munofanira kutsungirira nekuti munenge muchiratidza kuti muri kubvuma kurangwa.—VaH. 12:7.

Chii chaizobatsira vaKristu vechiHebheru kuti vatsungirire kupikiswa kwavaiitwa? Muapostora Pauro aida kuti vazive kuti kutsungirira matambudziko kunovabatsira sei. Saka akatsanangura kuti vaKristu pavanenge vari mumatambudziko, Mwari anogona kushandisa izvozvo kuti avadzidzise. Kudzidziswa ikoko kunogona kubatsira munhu kuti awedzere kuva neunhu hunofadza Jehovha. Uye vaKristu ivavo vechiHebheru pavaizoisa pfungwa pamakomborero anobva pakutsungirira matambudziko, zvaizovaitira nyore kuti vaatsungirire. (VaH. 12:11) Pauro akakurudzira vaKristu vechiHebheru kuti vave neushingi uye varambe vachitsungirira matambudziko. Aigona kuvapa mazano akanaka panyaya iyi. Semunhu akanga ambotambudza vaKristu, aiziva kuti zvii zvavaizotarisana nazvo. Aizivawo kuti kutambudzwa kunotsungirirwa sei nekuti akanga apikiswa nenzira dzakasiyana-siyana pashure pekunge ava muKristu.—2 VaK. 11:​23-25. w24.09 12-13 ¶16-17

Mugovera, May 16

Rambai makarinda.—Mat. 25:13.

Zuva rimwe nerimwe parinopfuura, zvinowedzera kukosha kuti tiparidze. Nei zvakadaro? Nekuti nguva iri kupera. Funga zvakataurwa naJesu nezvebasa rekuparidza mumazuva ekupedzisira zvakanyorwa pana Mako 13:10. Maererano nezvakanyorwa naMateu, Jesu akataura kuti mashoko akanaka aizoparidzwa munyika yese “mugumo” usati wasvika. (Mat. 24:14) Shoko iroro rinoreva mugumo wenyika yaSatani. Jehovha akasarudza ‘zuva nenguva’ yezvinhu zvava pedyo kuitika. (Mat. 24:36; Mab. 1:7) Zuva rimwe nerimwe rinotiswededza pedyo nenguva iyoyo. (VaR. 13:11) Asi iye zvino tinofanira kuramba tichiparidza kusvikira mugumo wauya. Patinofunga nezveushumiri hwedu, zvakanaka kuzvibvunza mubvunzo uyu unokosha: Nei tichiparidza mashoko akanaka? Rudo ndirwo rwunoita kuti tiparidze. Zvatinoita mubasa rekuparidza zvinoratidza kuda kwatinoita mashoko akanaka, kuda kwatinoita vanhu, uye kupfuura zvese, kuda kwatinoita Jehovha nezita rake. w24.05 14-15 ¶2-3

Svondo, May 17

Mwari akaona zvinhu zvese zvaakanga aita, uye zvakanga zvakanaka chaizvo.—Gen. 1:31.

Vabereki, kurudzirai mwana wenyu kuti afunge nezvezvinhu zvakasikwa naJehovha. Pamunenge muchifamba zvenyu nemwana wenyu kana kuti muri mugadheni, mubatsirei kuona mapatani anoshamisa ari pane zvimwe zvinhu zviri panyika. Zvakanakirei? Izvi zvinoita kuti aone kuti pane Musiki ane uchenjeri akaita kuti zvinhu izvi zvivepo. Pane zvinhu zvakawanda zvatinoona zvine patani inoita kakutenderera. Masaindisti ava nemakore akawanda achiongorora zvakaita mapatani aya. Mumwe musaindisti anonzi Nicola Fameli akataura kuti kana ukaongorora magadzirirwo akaitwa zvinhu izvi, unoona kuti zvine mapatani akafanana. Masaindisti anoisa manhamba pamapatani aya, uye manhamba iwayo anovabatsira pakuongorora kwavanenge vachiita zvimwe zvinhu. Manhamba acho vanoashevedza kuti Fibonacci. Mapatani iwayo anooneka pazvinhu zvakawanda, zvakadai sepamapoka enyeredzi, pamatemhe edzimwe hozhwa dzemumvura, pamashizha uye pachimusoro chesunflower. w24.12 16 ¶7

Muvhuro, May 18

Iye ndiye upenyu hwako.—Dheut. 30:20.

Mozisi, Dhavhidhi, naJohani vakararama panguva yakasiyana neyedu uye mumamiriro ezvinhu akasiyana needu, asi pane zvavaiita zvakangofanana nezvatiri kuita. Vainamata Mwari wechokwadi sezvatiri kuita. Kungofanana navo, tinonyengetera kuna Jehovha uye tinovimba naye kuti atitungamirire. Sezvaingoitwa nevarume ivavo vekare, tine chokwadi chekuti Jehovha anokomborera vaya vanomuteerera. Saka ngatitevedzerei mazano akataurwa nevarume ava vainge vakwegura kuburikidza nekuteerera mirayiro yaJehovha. Kana tikadaro, Jehovha achatikomborera uye achatibatsira. Tichawana upenyu uye ‘tichagara kwenguva refu,’ kureva kuti nekusingaperi! Tichawana mufaro unobva pakufadza Baba vedu vekudenga vane rudo, avo vanozadzisa zvese zvavanenge vavimbisa kupfuura zvatingatarisira kana kuti zvatingafungidzira.—VaEf. 3:20. w24.11 13 ¶20-21

Chipiri, May 19

Mwari akaisa vanhu vakasiyana-siyana muungano.—1 VaK. 12:28.

Panguva yevaKristu vekutanga, dzimwe hama dzaigadzwa sevashumiri veungano. (1 Tim. 3:8) Zvinoita sekuti ndidzo dzaiita “mabasa anobatsira” akanyorwa nezvawo nemuapostora Pauro. Zviri pachena kuti vashumiri veungano vaiita mamwe mabasa anokosha kuitira kuti vakuru vaise pfungwa pakudzidzisa uye pakufudza. Semuenzaniso, vashumiri veungano vangangodaro vaibatsira pakukopa Magwaro kana kuti pakutenga zvinhu zvaidiwa pakuakopa. Funga nezvemamwe mabasa anobatsira anoitwa nevashumiri veungano muungano yako. (1 Pet. 4:10) Vanogona kupiwa basa rekuona nezveakaunzi dzeungano uye kuona nezvendima, kuodha mabhuku uye kuapa vaparidzi, kuona nezvemamaikorofoni nemichina inoridza mavhidhiyo nemimhanzi, kushumira sevarindiri kana kubatsira pakuita kuti Imba yeUmambo igare yakanaka. Mabasa ese aya anodiwa kuti ungano ishande zvakanaka.—1 VaK. 14:40. w24.10 19 ¶4-5

Chitatu, May 20

Ndine simba rekuita zvinhu zvese nekuti pane anondipa simba.—VaF. 4:13.

Tinogona kutsungirira chero dambudziko, ringava diki kana kuti rakakura, kana tikayeuka kuti Jehovha mupenyu uye aripo kuti atibatsire. Iye ndiye Wemasimbaose uye anogona kutipa simba rekutsungirira. Saka izvi zvinoita kuti tive neushingi hwekumisidzana nedambudziko chero ripi zvaro. Kufunga nezvekubatsirwa kwatinoitwa naJehovha patinosangana nematambudziko madiki kunoita kuti tive nechokwadi chekuti achatibatsirawo patichasangana nematambudziko akakura. Chimbofunga zvakaitika kuna Mambo Dhavhidhi izvo zvakamubatsira kuti awedzere kuvimba naJehovha. Paaifudza makwai ababa vake achiri mudiki, pakauya bheya rikatora gwai uyewo pakauya shumba ikaitawo saizvozvo. Pazviitiko zvese izvi zviri zviviri, Dhavhidhi akava neushingi hwekudzingirira mhuka idzodzo ndokununura makwai acho. Asi haana kufunga kuti akabudirira kuita izvozvo nesimba rake ega. Akaziva kuti Jehovha ndiye ainge amubatsira. (1 Sam. 17:​34-37) Kufungisisa zvinhu izvozvo zvaakasangana nazvo kwakaita kuti Dhavhidhi awedzere kuva nechokwadi chekuti Mwari mupenyu aizomusimbisa mune ramangwana. w24.06 21 ¶5-6

China, May 21

Kana munhu achipindura nyaya asati anzwa mashoko ese, upenzi uye kuzvinyadzisa.—Zvir. 18:13.

Kana ukakokwa kupati, chii chingakubatsira kuti uzive kuti woenda here kana kuti worega? Kana usinganyatsozivani nemunhu wacho anenge akukoka kana kuti usinganyatsozivi nezveurongwa hwaitwa, unofanira kumubvunza mibvunzo yakadai seyekuti: “Pati yacho ichaitirwa kupi uye riini? Pachange paine vanhu vakawanda sei? Ndiani achange achitungamirira zvinhu zvinenge zvichiitwa ipapo? Ndivanaani vachange varipo? Zvii zvichange zvichiitwa ikoko? Pachange paine doro here?” Mhinduro dzemibvunzo iyi dzinogona kukubatsira kuti usarudze nekuchenjera. Kana wawana mashoko awanga uchitsvaga, chinyatsofungisisa nezvenyaya yacho yese. Semuenzaniso, ko kana ukaziva kuti vamwe vanhu vasingaremekedzi zvinodzidziswa neBhaibheri vachange vari kupati yacho kana kuti pachange paine doro asi pasina ari kuona kuti vanhu vari kunwa zvine mwero? Haufungi here kuti kupati iyi vanhu vanogona kupedzisira vava kufara zvakapfurikidza? (1 Pet. 4:3) Kunyatsofunga nezvenyaya yacho yese kuchaita kuti zvive nyore kuita chisarudzo chakanaka. w25.01 15 ¶4-5

Chishanu, May 22

Kunyange zvazvo zvivi zvenyu zvakatsvuka kuti piriviri, zvichacheneswa sechando.—Isa. 1:18.

Jehovha anoshandisa fananidzo dzinotibatsira kuona kuti achishandisa chibayiro cherudzikinuro, anochenesa zvivi zvevatadzi vanenge vapfidza. Zvakaoma chaizvo kubvisa ruvara rutsvuku runenge rwaenda pachipfeko. Asi achishandisa fananidzo iyi, Jehovha anoita kuti tive nechokwadi chekuti zvivi zvedu zvinogona kugezwa, zvochena zvekuti zvinosara zvisisaoneki. Zvivi zvinofananidzwawo ‘nezvikwereti.’ (Mat. 6:12; Ruka 11:4; mashoko emuzasi) Saka pese patinotadzira Jehovha, zvinoita sekuti tiri kuramba tichinyura muchikwereti. Chikwereti chatiinacho naye chakakura chaizvo! Asi Jehovha paanotiregerera, zvinoita sekuti akanzura chikwereti chatainge tichifanira kuzobhadhara. Haazotiti tine chikwereti pazvivi zvaakatotiregerera nechekare. Jehovha paanotiregerera zvivi zvedu seizvi, tinonzwa kuzorodzwa chaizvo! w25.02 10 ¶9-10

Mugovera, May 23

Vana havatarisirwi kuti vachengete pfuma kuti vazochengeta vabereki vavo, asi vabereki ndivo vanofanira kuichengetera vana vavo.—2 VaK. 12:14.

Vabereki vanogona kuzoda kubatsirwa nevana vavo kana vachinge vakura uye vana vakawanda havana dambudziko nekubatsira vabereki vavo. (1 Tim. 5:4) Asi vabereki vechiKristu vanofanira kuyeuka kuti mufaro wavo haubvi pakurera vana vachiitira kuti vana ava vazovachengeta kana vakura, asi unobva pakubatsira vana vavo kuti vashumire Jehovha. (3 Joh. 4) Pamunenge muchibatsira vana venyu kuti vadzidze kuti vangazozviraramira sei, varatidzei kuti munovimba naJehovha. Kubvira vachiri vadiki, varatidzei kukosha kwekushanda nesimba. (Zvir. 29:21; VaEf. 4:28) Pavanenge vachikura, vabatsirei kuti vashande nesimba kuchikoro. Vabereki vanogona kutsvakurudza kuti vaone mazano eBhaibheri avanogona kushandisa kuti vabatsire vana vavo kusarudza zvakanaka panyaya yekuti vodzidza kusvika papi. Izvi zvichabatsira vana vavo kuti vakwanise kuzozviraramira uye vakwanisewo kuzova nenguva yekuparidza kana kuti yekupayona. w25.03 31 ¶15-16

Svondo, May 24

[Pfekai] unhu hutsva.—VaEf. 4:24.

Muna Isaya chitsauko 65 Jehovha anotsanangura kuti upenyu hwaizenge hwakaita sei kune vaya vaizogara muparadhiso yemweya. Uprofita uhwu hwakazadzika kekutanga muna 537 B.C.E. Panguva iyoyo, vaJudha vainge vapfidza vakasunungurwa muutapwa hweBhabhironi ndokudzokera kunyika yavo. Jehovha akakomborera vanhu vake uye akavabatsira kuti vaite kuti guta reJerusarema iro raiva dongo rivezve rakanaka, uye vaite kuti temberi yaro ive nzvimbo yavainyanya kushandisa pakunamata Jehovha muIsraeri. (Isa. 51:11; Zek. 8:3) Kuzadzika kwechipiri kweuprofita hwaIsaya kwakatanga muna 1919 C.E., vanamati vaJehovha vemazuva ano pavakasunungurwa muutapwa hweBhabhironi Guru. Paradhiso yemweya yakabva yatanga kupararira panyika yese zvishoma nezvishoma. Vazivisi veUmambo vaishingaira vakaumba ungano dzakawanda uye vairatidza unhu hwechiKristu. Varume nevakadzi vaimboita zvekurwisana nevamwe uye vaimboita semhuka, ‘vakapfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nekuda kwaMwari.’ w24.04 20-21 ¶3-4

Muvhuro, May 25

Mumwe nemumwe achatakura mutoro wake.—VaG. 6:5.

Mune dzimwe nyika, vabereki kana kuti vamwe vanhu vakuru, vanogona kusarudzira uya anoda kupinda muwanano wekuroorana naye. Mune dzimwewo nyika, hama kana kuti shamwari dzinogona kuwana mumwe munhu wadzinoona seakakodzera kumumwe munhu asiri muwanano, dzoronga kuti vaviri ava vaonane kuitira kuti vaone kana vachipindirana. Kana ukakumbirwa kuti ubatsire vaviri vanoda kupinda muwanano, funga zvinodiwa nevanhu vacho vese vari vaviri. Kana uine munhu waunenge wafunga nezvake seakakodzera, edza kunyatsoziva kuti munhu iyeye akaita sei uye chinonyanya kukosha ndechekuziva kana aine ushamwari hwepedyo naJehovha. Ushamwari hwepedyo naJehovha ndihwo hunokosha chaizvo kupfuura mari, dzidzo, kana mukurumbira. Asi yeuka kuti hama isati yaroora kana kuti hanzvadzi isati yaroorwa ndiyo inofanira kuzoita chisarudzo chekupedzisira chekuti yopinda muwanano here kana kuti yorega. w24.05 23 ¶11

Chipiri, May 26

Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese.—Zvir. 17:17.

Tinogona kutsigira vari kufambidzana nezvatinotaura kana kuti nekusataura zvimwe zvinhu. Dzimwe nguva tingafanira kuzvidzora. (Zvir. 12:18) Semuenzaniso, tingada kuudza vamwe kuti nhingi nanhingi vava kudanana, asi vanhu vacho vangada kufambisa shoko racho vega. Hatifaniri kuita makuhwa nezvevaviri vari kudanana kana kuvatsoropodza panyaya dzisinei nesu. (Zvir. 20:19; VaR. 14:10; 1 VaT. 4:11) Uyewo vaviri vacho vangasafara nazvo kana tikavabvunza mibvunzo kana kutaura mashoko angaita kuti vanzwe sekuti tiri kuvamanikidza kuchata. Ko kana vari kufambidzana vakasarudza kusiyana? Hatifaniri kuvabvunza mibvunzo isinei nesu kana kupomera mumwe wavo kuti ndiye aita kuti vasiyane. (1 Pet. 4:15) Kana vaviri vakasarudza kusiyana, hatifaniri kufunga kuti vakakundikana. Kakawanda kacho zvinoreva kuti kufambidzana kwavo kwakazadzisa chinangwa. Kwakavabatsira kuti vasvike pakuita chisarudzo chakanaka. Asi chisarudzo ichocho chinogona kunge chakaita kuti varwadziwe. Saka tinogona kutsvaga nzira dzekuvatsigira. w24.05 31 ¶15-16

Chitatu, May 27

Kana ukaora mwoyo pazuva rekutambudzika, simba rako rinova shoma.—Zvir. 24:10.

Rimwe rematambudziko akanyanya kuoma ratingasangana naro nderekuti hama yedu yepedyo kana kuti shamwari inosiya Jehovha. (Pis. 78:40) Kana munhu iyeye tichimuda zvikuru, zvinenge zvakaoma chaizvo kuti tigamuchire zvinenge zvavapo. Kana zvinhu zvinorwadza zvakadaro zvakamboitika kwauri, kuvimbika kwaZadhoki kunogona kukusimbisa. Akaramba akavimbika kuna Jehovha, shamwari yake yepedyo Abhiyatari payakasarudza kupanduka. Izvi zvakaitika mumakore ekupedzisira ekutonga kwaDhavhidhi. Mambo Dhavhidhi paakanga akwegura ava pedyo nekufa, mwanakomana wake Adhonija akaedza kutora chigaro cheumambo chakanga chavimbiswa Soromoni naJehovha. (1 Mak. 22:​9, 10) Abhiyatari akasarudza kutsigira Adhonija. (1 Madz. 1:​5-8) Paakaita izvozvo, Abhiyatari aipandukira Dhavhidhi naZadhoki uyewo Jehovha. Zadhoki naAbhiyatari vakanga vashanda pamwe chete sevapristi kwemakore.—2 Sam. 8:17; 15:29; 19:​11-14. w24.07 6 ¶14-15

China, May 28

Anofara munhu anogara akangwarira.—Zvir. 28:14.

Tinogona kuva nechokwadi chekuti kuramba takangwarira miedzo kushandira zviripo. Chivi chinogona ‘kufadza kwenguva diki,’ asi kurarama maererano nezvinodiwa naJehovha kunoita kuti tiwane mufaro wakatokura chaizvo. (VaH. 11:25; Pis. 19:8) Izvi zvakadaro nekuti takasikwa kuti tirarame maererano nezvinodiwa naJehovha. (Gen. 1:27) Saka tichava nehana yakachena uye tichararama nekusingaperi. (1 Tim. 6:12; 2 Tim. 1:3; Jud. 20, 21) Ichokwadi kuti “nyama haina simba.” (Mat. 26:41) Asi izvi hazvirevi kuti hatikwanisi kurwisa zvinodiwa nenyama. Jehovha akagadzirira kutipa simba ratinoda. (2 VaK. 4:7) Asi cherechedza kuti Mwari anotipa simba rakawedzerwa pane ratagara tiinaro. Saka tinofanira kutanga taita zvese zvatinogona kuti tirwise muedzo. Jehovha achapindura minyengetero yedu yekutipa simba rakawedzerwa patinenge tichirida. (1 VaK. 10:13) Tichibatsirwa naJehovha, tinogona kuramba takangwarira miedzo. w24.07 18-19 ¶19-21

Chishanu, May 29

Vaya vanoita chivi vatsiure pamberi pevanhu vese.—1 Tim. 5:20.

Muapostora Pauro akanyorera Timoti, uyo aivawo mukuru, mashoko ari murugwaro rwanhasi achimuudza nezvemabatiro aaifanira kuita “vaya vanoita chivi.” Airevei nemashoko iwayo aakanyora? Paakati “vanhu vese” akanga asiri hake kureva ungano yese. Asi akanga ari kureva vashoma vangangodaro vaiziva nezvechivi chakaitwa. Vanogona kunge vakaona chivi chacho chichiitwa kana kuti vanogona kunge vakaudzwa nemutadzi wacho. Vakuru vanongoudza vanhu ivavo chete kuti nyaya yacho yakaongororwa uye mutadzi wacho akaruramiswa. Dzimwe nguva, chivi chacho chinogona kunge chava kutozivikanwa nevanhu vakawanda muungano kana kuti chinogona kuzozivikanwa. Pakadaro, “vanhu vese” vanosanganisira ungano yese. Saka mumwe mukuru anozivisa ungano kuti hama kana kuti hanzvadzi yacho yatsiurwa. Nei vachifanira kudaro? Pauro anoti: “Kuti vamwe vese vasazozviita.” w24.08 23-24 ¶16-17

Mugovera, May 30

Aya mashoko echokwadi aMwari.—Zvak. 19:9.

Tinofanira kuramba tichishanda nesimba mubasa raJehovha kusvikira kumugumo. VaKristu vakazodzwa vanofanira kuramba vakarinda kuitira kuti Jesu azovatora “oenda navo” kudenga kumubayiro wavo. (Mat. 24:40) Vanotarisira nemwoyo wese ‘kuunganidzwa kwavachaitwa’ kuna Jesu kudenga. Pashure pehondo yeAmagedhoni, vachava mwenga waJesu pamuchato wegwayana. (2 VaT. 2:1) Kunyange zvazvo nguva yekuti Jesu ape mutongo yava kusvika, hatifaniri kutya. Kana tikaramba takatendeka, Baba vedu vekudenga vane rudo vachatipa “simba rakawedzerwa pane ratagara tiinaro” kuti “[tikwanise] kumira pamberi peMwanakomana wemunhu.” (2 VaK. 4:7; Ruka 21:36) Pasinei nekuti tine tariro yekudenga kana kuti yepanyika, tinogona kufadza Baba vedu kana tikateerera yambiro dziri mumifananidzo yakataurwa naJesu. Uye nenyasha dzaJehovha, mazita edu ‘achawanikwa akanyorwa mubhuku’ reupenyu.—Dhan. 12:1; Zvak. 3:5. w24.09 24-25 ¶19-20

Svondo, May 31

Kuswedera pedyo naMwari kwakandinakira.—Pis. 73:28.

Uchibatsirwa neShoko raMwari unogona kuva nerugare rwemupfungwa. Unokwanisa kuva nerugare urwu kana ukafungisisa kukosha kwezvauinazvo iye zvino, kusanganisira pfuma iri kudenga, wozvienzanisa nezvichaitika kune vaya vari kungoraramira zvinhu zviri munyika ino. Vanogona kunge vari kungovimba nekubudirira kwavari kuita iye zvino nekuti havana zvimwe zvavari kutarisira mune ramangwana. Asi Jehovha anokuvimbisa makomborero anopfuura chero chaungafungidzira. (Pis. 145:16) Uyewo funga izvi: Unonyatsoziva here kuti upenyu hwako hungadai hwakaita sei kudai wakaita zvisarudzo zvakasiyana nezvawakaita? Chatinoziva ndeichi: Vaya vanoita zvisarudzo zvichibva pakuda kwavanoita Mwari uye muvakidzani havana kana chakanaka chavacharasikirwa nacho. w24.10 27 ¶12-13

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe