RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • es26 pp. 57-67
  • June

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • June
  • Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2026
  • Misoro Midiki
  • Muvhuro, June 1
  • Chipiri, June 2
  • Chitatu, June 3
  • China, June 4
  • Chishanu, June 5
  • Mugovera, June 6
  • Svondo, June 7
  • Muvhuro, June 8
  • Chipiri, June 9
  • Chitatu, June 10
  • China, June 11
  • Chishanu, June 12
  • Mugovera, June 13
  • Svondo, June 14
  • Muvhuro, June 15
  • Chipiri, June 16
  • Chitatu, June 17
  • China, June 18
  • Chishanu, June 19
  • Mugovera, June 20
  • Svondo, June 21
  • Muvhuro, June 22
  • Chipiri, June 23
  • Chitatu, June 24
  • China, June 25
  • Chishanu, June 26
  • Mugovera, June 27
  • Svondo, June 28
  • Muvhuro, June 29
  • Chipiri, June 30
Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva—2026
es26 pp. 57-67

June

Muvhuro, June 1

Nekuti makanaka uye makagadzirira kukanganwira, haiwa Jehovha.—Pis. 86:5.

Tiri kutobatsirwa nechibayiro chaKristu cherudzikinuro. Semuenzaniso, achishandisa rudzikinuro Jehovha anoregerera zvivi zvedu. Aisafanira hake kutiregerera. Asi iye anotoda kutiregerera. (Pis. 103:​3, 10-13) Vamwe vanogona kunge vachinzwa vasingakodzeri kuregererwa naJehovha. Chokwadi ndechekuti hapana kana mumwe wedu anokodzera kuregererwa naJehovha. Muapostora Pauro akaratidza kuti ainzwisisa pfungwa iyi paakati, “handina kukodzera kunzi muapostora.” Asi akazoti zvakare: “Nyasha dzaMwari dzakaita kuti ndive sezvandiri.” (1 VaK. 15:​9, 10) Patinopfidza zvivi zvedu, Jehovha anotiregerera. Nei achidaro? Anotiregerera nekuti anotida kwete nekuti tinokodzera kuregererwa. Kana uchimbonzwa sekuti hauna kukodzera kuregererwa naJehovha, yeuka kuti rudzikinuro haruna kubhadharirwa vaya vasingatadzi asi rwakabhadharirwa vanhu vanotadza vane chido chekuchinja.—Ruka 5:32; 1 Tim. 1:15. w25.01 26-27 ¶3-4

Chipiri, June 2

Murume ane mutsa anoita zvinomubatsira, asi munhu ane utsinye anozviunzira dambudziko.—Zvir. 11:17.

Hatigoni kusarudzira munhu kuti achataurei kana kuti achaitei kwatiri, asi tinogona kusarudza kuti tichaitei nezvaanenge aita. Uye kakawanda kacho kuregerera ndiwo mushonga. Nei tichidaro? Nekuti tinoda Jehovha, uye anoda kuti tiregerere vamwe. Kana tikaramba takatsamwa uye tisingaregereri, kazhinji tinozoita zvinhu zvatinozozvidemba, uye tinogona kukanganisa utano hwedu. (Zvir. 14:​17, 29, 30) Patinobvisa chigumbu mumwoyo medu, kurwadziwa kwatinenge taita hakuzokanganisi mabatiro atinoita vamwe. Kusachengeta chigumbu kunotibatsirawo pakuti hatirambe takaisa pfungwa dzedu panyaya iyoyo uye kuchaita kuti tienderere mberi neupenyu. Chii chingakubatsira kuti usarambe wakagumbuka? Imwe nzira ndeyekuzvipa nguva yekuti tipore. Pashure pekunge arapwa, munhu anenge akuvara zvakanyanya anoda nguva yekuti apore. Saizvozvowo, zvinogona kutora nguva kuti tizokwanisa kuregerera mumwe munhu zvichibva pamwoyo. (Mup. 3:3; 1 Pet. 1:22) Nyengetera, uchikumbira Jehovha kuti akubatsire kuregerera. w25.02 16 ¶8-11

Chitatu, June 3

Zvekudya zvikukutu ndezvevanhu vakuru.—VaH. 5:14.

Dzidziso dzatakatanga kudzidza dzinosanganisira kupfidza, kutenda, rubhabhatidzo uye kumuka kwevakafa. (VaH. 6:​1, 2) Zvinhu izvi ndizvo faundesheni yechiKristu. Ndosaka muapostora Petro akataura nezvazvo paaiparidzira vanhu paPendekosti. (Mab. 2:​32-35, 38) Tinofanira kugamuchira dzidziso idzi kuti tive vadzidzi vaKristu. Semuenzaniso, Pauro akayambira kuti vaya vanoramba dzidziso yekuti kuchava nekumuka kwevakafa havagoni kuva vaKristu vechokwadi. (1 VaK. 15:​12-14) Asi hatifaniri kungogumira pakuziva dzidziso idzi dzekutanga. Zvekudya zvikukutu zvinosanganisira mitemo yaJehovha uye chokwadi chake chisingachinji icho chinotibatsira kunzwisisa mafungiro ake. Kuti tibatsirwe nezvekudya izvi, tinofanira kudzidza Shoko raMwari, kurifungisisa uye kuita zvese zvatinogona kuti tishandise zvatinenge tadzidza. Patinoita izvi, tinodzidza kuita zvisarudzo zvinofadza Jehovha. w24.04 5 ¶12-13

China, June 4

Vanhu vekuNinivhi vachamuka pakutongwa.—Mat. 12:41.

Mwari akayeuchidza Jona kuti vaNinivhi ‘vaisaziva musiyano wezvakanaka nezvakaipa.’ (Jona 1:​1, 2; 3:10; 4:​9-11) Pave paya, Jesu akashandisa muenzaniso iwoyo kuti adzidzise nezvematongero aJehovha akarurama uye tsitsi dzake. Zvinorevei kuti vaNinivhi “vachamuka pakutongwa”? Jesu akati pane vanhu “vachamukira kutongwa.” (Joh. 5:29) Aitaura nezveMakore 1 000 Ekutonga kwake, pachamutswa “vakarurama nevasina kururama.” (Mab. 24:15) Vasina kururama “vachamukira kutongwa.” Izvi zvinoreva kuti kana vamutswa, Jehovha naJesu vachange vachitarisa vanhu ava vachiona kuti vari kuteerera uye kushandisa zvinhu zvavanenge vachidzidza here. Kana muNinivhi anenge amutswa akaramba kunamata Jehovha, haazosiyiwi achirarama. (Isa. 65:20) Asi vese vachasarudza kunamata Jehovha vakatendeka vachava nemukana wekurarama nekusingaperi!—Dhan. 12:2. w24.05 5 ¶13-14

Chishanu, June 5

Mwanakomana wemunhu akauya kuzotsvaga nekuzoponesa zvakarasika.—Ruka 19:10.

Jesu akanyatsoratidza vanhu tsitsi sezvinoitwa naBaba vake. (Joh. 14:9) Zvaakataura uye zvaaiita zvakaratidza kuti Baba vake, avo vane tsitsi, vanoda vanhu uye vanoda kubatsira mumwe nemumwe wavo kuti akunde pakurwisa chivi. Jesu aibatsira vanhu vaiita zvivi kuti vachinje maitiro avo uye vamutevere. (Ruka 5:​27, 28) Jesu aiziva zvaizoitika kwaari. Akaudza vateveri vake kakawanda kuti aizotengeswa, orovererwa padanda. (Mat. 17:22; 20:​18, 19) Aiziva kuti chibayiro chaaizopa chaizobvisa chivi chenyika. Jesu akadzidzisawo kuti pashure pekunge apa upenyu hwake, aizoita kuti “vanhu vakasiyana-siyana vauye” kwaari. (Joh. 12:32) Vanhu vane chivi vaikwanisa kufadza Jehovha kuburikidza nekugamuchira Jesu saIshe wavo uye kumutevedzera. Kuita izvi kwaizoita kuti ‘vasunungurwe pachivi.’ (VaR. 6:​14, 18, 22; Joh. 8:32) Saka Jesu akazvipira uye akashinga kufa rufu rwunorwadza.—Joh. 10:​17, 18. w24.08 5 ¶11-12

Mugovera, June 6

Mashoko akanaka anofanira kutanga aparidzwa kumarudzi ese.—Mako 13:10.

Funga nezvemanzwiro awakaita pawakatanga kudzidza chokwadi muShoko raMwari. Wakadzidza zvinhu zvakawanda nezvaBaba vako vekudenga zvakadai sekuti vanokuda, vanoda kuti uve mumhuri yevanamati vavo, vakavimbisa kupedza marwadzo nekutambura, uye kuti unogona kuzoona hama neshamwari dzako dzichimutswa munyika itsva. (Mako 10:​29, 30; Joh. 5:​28, 29; VaR. 8:​38, 39; Zvak. 21:​3, 4) Chokwadi ichocho chakaita kuti ufare chaizvo. (Ruka 24:32) Wakada zvawaidzidza, uye waida kuudza munhu wese nezvazvo! (Enzanisa naJeremiya 20:9.) Kana kuda kwatinoita chokwadi cheBhaibheri kukadzika midzi mumwoyo medu, hatigoni kuramba takanyarara. (Ruka 6:45) Tinonzwa sezvaiita vadzidzi vaJesu avo vakati: “Hatingaregi kutaura pamusoro pezvinhu zvatakaona nezvatakanzwa.” (Mab. 4:20) Tinoda chaizvo chokwadi zvekuti tinoita zvese zvatinogona kuti tichiudze vanhu vakawanda. w24.05 15 ¶5; 16 ¶7

Svondo, June 7

Shumirai Jehovha muchifara.—Pis. 100:2.

Sevanhu vaJehovha, tinoparidzira vamwe nekuti tinoda Baba vedu vekudenga uye tinoda kubatsira vavakidzani vedu kuti vavazive. Asi vamwe vaparidzi havanyatsonakidzwi nebasa rekuparidza. Nei zvakadaro? Vamwe vanogona kunge vachinyara chaizvo uye vanofunga kuti havakwanisi kunyatsodzidzisa. Vamwe vanonzwa vasina kusununguka kuenda mudzimba dzevanhu vasina kukokwa. Vamwe vanotya kuti vanhu vachavatsamwira. Vamwe vanogona kunge vakadzidziswa kuti vasapikisana nevanhu. Hama nehanzvadzi idzi dzinoomerwa nekutaura nevanhu vadzisingazivi nezvemashoko akanaka. Ndiwo manzwiro aunoitawo here? Zvinokuomera kuti uwane mufaro muushumiri here? Kana zvakadaro usaora mwoyo. Kunzwa sekuti haukwanisi kunyatsodzidzisa kunogona kuratidza kuti unozvininipisa uye kuti haudi kuti vamwe vanyanye kufunga nezvako. Kunoratidzawo kuti haudi kuitisana nharo nevanhu. Uye hapana anoda kugumbura vamwe kunyanya paanenge achiedza kuvaitira zvakanaka. Baba vako vekudenga vanonyatsoziva matambudziko aunosangana nawo uye vanoda kukubatsira.—Isa. 41:13. w24.04 14 ¶1-2

Muvhuro, June 8

Vane mwero ndivo vane uchenjeri.—Zvir. 11:2.

Paunoverenga Bhaibheri, pane kuda kuedza kushandisa zvese zvawaverenga panguva imwe chete, unogona kusarudza kushandisa chinhu chimwe chete kana zviviri panguva. Unogona kuedza izvi: Nyora pasi zvinhu zvaunoda kugadzirisa, wobva wasarudza kutanga nechimwe chete kana kuti zviviri. Zvimwe zvacho unozozviita pane imwe nguva. Saka ungatangira papi? Unogona kusarudza kutanga nekuita chinhu chiri nyore kuzadzisa. Kana kuti unogona kusarudza kutanga nechinhu chauri kuona kuti ndicho chinonyanya kukosha pazvinhu zvauri kufanira kugadzirisa. Kana wasarudza kuti ndechipi chauri kuda kutanga kugadzirisa, unogona kutsvakurudza muzvinyorwa zvedu. Nyengetera nezvechinangwa chako, uchikumbira Jehovha kuti akupe “chido chekuita zvinhu uye simba rekuzviita.” (VaF. 2:13) Chibva washandisa zvaunenge wadzidza. Kana ukabudirira pakuzadzisa chinangwa chako chekutanga, zvinogona kukupa simba rekuti uzadzise chimwe chinangwa chako. Tingatoti kana ukawedzera kuva nehumwe unhu hwechiKristu, zvinogona kukuitira nyore kuti ugadzirise pamwe panoda kugadziriswa. w24.09 6 ¶13-14

Chipiri, June 9

Muzvinhu zvese makaratidza kuti makachena panyaya iyi.—2 VaK. 7:11.

Unogona kunge uchinetseka kuti zvimwe zvinhu zvawakaita kare zvakarwadzisa vamwe. Chii chinogona kukubatsira? Ita zvese zvaunogona kuti ugadzirise zvawakakanganisa, wokumbira ruregerero. Kumbira Jehovha kuti abatsire vaya vakarwadziwa nezvawakaita. Anogona kubatsira iwe nevaya vawakarwadzisa kuti murambe muchimushumira uye muvezve nerugare rwemupfungwa. Dzidza pane zvawakakanganisa kare, uye iva nechido chekuita chero zvaunenge wanzi naJehovha uite. Ona zvakaitwa nemuprofita Jona. Pane kuti aende kuNinivhi iyo yaiva kumabvazuva sezvaakanga arayirwa naMwari, Jona akatizira kuTashishi, iyo yaiva kumadokero. Jehovha akaranga Jona, uye Jona akadzidza pane zvaakakanganisa. (Jona 1:​1-4, 15-17; 2:​7-10) Jehovha haana kurega kushandisa Jona semuprofita wake. Akamupa mumwe mukana wekuti aende kuNinivhi uye Jona akabva angoita zvaakanga audzwa. Kunyange zvazvo akademba kukanganisa kwaakanga aita, Jona akaita zvaakanga audzwa naJehovha kuti aite.—Jona 3:​1-3. w24.10 8-9 ¶10-11

Chitatu, June 10

Saka pfidzai zvivi zvenyu, mutendeuke kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva yekuzorodzwa iuye ichibva kuna Jehovha pachake.—Mab. 3:19.

Jehovha haangokanzuri zvikwereti zvedu kana kuti zvivi zvedu, asi anozvidzima. Kana chikwereti chichinge chakanzurwa, zvinoita sekuti pakanyorwa manhamba acho pachekwa. Asi manhamba acho anenge achiri kuoneka nekuti haana kudzimwa. Asi kudzima chimwe chinhu kwakatosiyana nekuchikanzura. Kuti tinzwisise izvi, tinofanira kuyeuka kuti ingi yaishandiswa kare yakanga iri nyore kudzima. Munhu aigona kutora chinhu chinyoro odzima zvinenge zvakanyorwa. Saka chikwereti ‘pachaidzimwa,’ vanhu vaisazokwanisa kuona kuti painge pakanyorwei. Zvaizoita sekuti chikwereti chacho hachina kumbobvira chavapo. Zvinonyaradza chaizvo kuziva kuti Jehovha haangogumiri pakukanzura zvivi zvedu, asiwo anozvidzima zvachose!—Pis. 51:9. w25.02 10 ¶11

China, June 11

Usashatirwa woita zvakaipa.—Pis. 37:8.

Kana vamwe vakatadza kutinzwisisa kana kuti vakasatibata zvakanaka, tine chokwadi chekuti Jehovha anoziva zvinenge zvaitika. Kuziva izvozvo kunotibatsira kuti titsungirire nekuti tinoziva kuti Jehovha achagadzirisa zvinhu. Kusiyira nyaya yacho mumaoko aJehovha kunotibatsira kuti tisatsamwa kana kuchengeta chigumbu. Kuramba takagumbukira vamwe kunogona kuita kuti tizoita zvinhu zvakaipa, toshayiwa mufaro uye tokanganisa ushamwari hwedu naJehovha. Ichokwadi kuti hatigoni kunyatsotevera Jesu zvakakwana. Dzimwe nguva tinogona kuita chimwe chinhu kana kutaura zvinhu zvatinozodemba. (Jak. 3:2) Uye dzimwe nguva mabatirwo atinoitwa nevamwe anogona kuita kuti tirwadziwe uye tishungurudzike kweupenyu hwedu hwese munyika ino. Kana zviri izvo zvakaitika kwauri, iva nechokwadi chekuti Jehovha anoziva zvauri kusangana nazvo. Uye Jesu anoziva manzwiro auri kuita nekuti akaitirwawo zvakaipa. (VaH. 4:​15, 16) Tinofarawo chaizvo kuti Jehovha akatipa Shoko rake iro rine mazano anotibatsira kana tisina kubatwa zvakanaka. w24.11 6 ¶12-13

Chishanu, June 12

Iri ndiro basa raMwari, kuti mutende muna iye waakatuma.—Joh. 6:29.

Kuti “[tive] neupenyu husingaperi” tinofanira kutenda muna Jesu. (Joh. 3:​16-18, 36; 17:3) VaJudha vakawanda havana kubvuma zvaidzidziswa naJesu ‘nezvebasa raMwari’ idzva. Vakatomubvunza kuti: “Muri kuita chiratidzo chipi, kuti tichione titende mamuri?” (Joh. 6:30) Vakataura kuti madzitateguru avo epanguva yaMozisi akapiwa mana, iyo yaifananidzwa nechingwa. (Neh. 9:15; Pis. 78:​24, 25) Zviri pachena kuti vaingofunga nezvekudya chingwa chete. Jesu paakazotaura ‘nezvechingwa chechokwadi chinobva kudenga’ icho chakasiyana nemana pakuti chaizovapa upenyu husingaperi, havana kana kuda kumubvunza kuti airevei. (Joh. 6:32) Pfungwa dzavo dzaingova pane kutsvaga zvekudya zvekuti vakatadza kuteerera chokwadi chavaidzidziswa naJesu icho chaizovabatsira kuti vawane upenyu husingaperi. w24.12 5-6 ¶10-11

Mugovera, June 13

Akavaka zvinhu zvese ndiMwari.—VaH. 3:4.

Mwana wenyu paanenge achidzidza zvimwe zvinhu zvakawanda zvesainzi kuchikoro, anotanga kuona mapatani ari pane zvimwe zvinhu. Semuenzaniso, miti yakawanda yakafanana pamakuriro ainoita. Ine hunde, mapazi, uye tumapazi tudiki. Pane zvimwewo zvinhu zvakawanda zvine kufanana kwazvakaita. Asi ndiani akagadzira zvinhu izvi zvinoshamisa kudaro? Mwana wenyu paanofungisisa nezvekushamisa kunoita zvinhu zvaanoona, anogona kupedzisira ava kunyatsobvuma kuti Mwari ndiye akasika zvinhu zvese. Mwana wenyu paanenge achikura munogona kumubvunza kuti, “Kana Mwari ari iye akatisika, anoziva here mararamiro atinofanira kuita kuti tifare?” Munogona kubva mamutsanangurira kuti Mwari akatipa Bhaibheri kuti ritibatsire kuziva zvatinofanira kuita kuti tifare. w24.12 16 ¶8

Svondo, June 14

Zviri [kunzi] pakati penyu pari kuitwa upombwe, uye upombwe hwakadaro hautombowanikwi kunyange pakati pemamwe marudzi, hwekuti mumwe murume ari kugara nemudzimai wababa vake.—1 VaK. 5:1.

Muapostora Pauro akafemerwa kunyora tsamba achirayira kuti mutadzi akanga asiri kupfidza abviswe muungano. (1 VaK. 5:13) Vamwe vaiva muungano vaifanira kumubata sei? Pauro akavaudza kuti ‘varege kufambidzana’ naye. Airevei? Pauro akatsanangura kuti vaisafanira “kunyange kudya nemunhu akadaro.” (1 VaK. 5:11) Paunodya nemumwe munhu, munokurukura mese uye izvozvo zvinogona kuzoita kuti mupedzisire mava kushamwaridzana. Saka zviri pachena kuti Pauro aireva kuti ungano yaisafanira kutandara nemurume iyeye. Izvi zvaizoita kuti vasazokanganiswa nemaitiro ake akaipa. (1 VaK. 5:​5-7) Uyewo, kusashamwaridzana nemurume iyeye kwaigona kuzobatsira murume wacho kuti azive kuti akanga arwadzisa sei Jehovha uye zvaigona kuita kuti azvidembe, obva ada kupfidza. w24.08 15 ¶4-5

Muvhuro, June 15

Mwari akada nyika kwazvo zvekuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga.—Joh. 3:16.

Gore negore, vaIsraeri vaipemberera Zuva Rekuyananisira. Pazuva iroro, mupristi mukuru aipa zvibayiro zvemhuka achimiririra vanhu. Asi zvibayiro zvemhuka zvaisakwanisa kubvisa zvachose zvivi zvemunhu chero upi zvake nekuti mhuka dzakaderera pane vanhu. Asi vaIsraeri pavaipfidza vopa zvibayiro zvaidiwa naJehovha, aivaregerera zvivi zvavo. (VaH. 10:​1-4) Urongwa ihwohwo hwakabatsira vaIsraeri kuti vaone kuti vaiva vatadzi. Asi Jehovha akaita humwe urongwa hunoita kuti zvivi zvevanhu zvikwanise kuregererwa zvachose. Akaronga kuti Mwanakomana wake waanoda ‘abayirwe kamwe chete zvikabva zvakwana kuti atakure zvivi zvevakawanda.’ (VaH. 9:28) Jesu akapa “upenyu hwake kuti adzikinure vanhu vazhinji.”—Mat. 20:28. w25.02 4 ¶9-10

Chipiri, June 16

Rambai makarinda uye rambai muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.—Mat. 26:41.

“Mweya unoda zvawo, asi nyama haina simba.” (Mat. 26:41b) Nemashoko iwayo, Jesu akaratidza kuti ainzwisisa kuti tine chivi uye tinotadza. Asi mashoko ake anotiyambirawo kuti tisanyanya kuzvivimba. Maawa mashomanana Jesu asati ataura mashoko aya, vadzidzi vake vakanga vavimbisa kuti vaisazombomusiya. (Mat. 26:35) Vaida kuita zvakanaka. Asi havana kuziva kuti panguva iyoyo yakaoma, zvaizova nyore chaizvo kuti vashaye simba rekuita zvakanaka vobva vaita zvakaipa. Ndosaka Jesu akavayambira nemashoko ari murugwaro rwanhasi. Zvinosuwisa kuti vadzidzi vakatadza kuramba vakarinda. Jesu paakasungwa, vakaramba vainaye here kana kuti vakatya ndokutiza? Sezvo vasina kuramba vakarinda, vadzidzi vakaita chaizvo zvavakanga vataura kuti vaisazomboita. Vakasiya Jesu.—Mat. 26:56. w24.07 14 ¶1-2

Chitatu, June 17

Takayananiswa naMwari . . . achishandisa rufu rweMwanakomana wake.—VaR. 5:10.

Adhamu naEvha vakarasikirwa neushamwari hwavaiva nahwo naBaba vavo, Jehovha. Vasati vatadza, Adhamu naEvha vaiva mumhuri yaMwari. (Ruka 3:38) Asi pavakarega kuteerera Jehovha, vakadzingwa mumhuri yake vasati vava nevana. (Gen. 3:​23, 24; 4:1) Sezvo tiri vana vavo, tinofanira kuyananiswa naJehovha. (VaR. 5:​10, 11) Izvi zvinoreva kuti ushamwari hwedu naMwari hunofanira kugadziriswa. Maererano nerimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri, shoko rechiGiriki rakashandurwa pano kuti “kuyanana” rinogona kureva “kuva neushamwari nemunhu aimbova muvengi.” Zvinoshamisa kuti Jehovha ndiye akatanga kutora danho rekuita kuti izvi zviitike. Akazviita sei? Jehovha akaita kuti pave neurongwa hwekuti vanhu vane chivi vakwanise kuva shamwari dzake. Akaita kuti pave nenzira yekuwanazve zvakaraswa naAdhamu kuburikidza nekupa chimwe chinhu chakakosha zvakaenzana nechainge charaswa. w25.02 3-4 ¶7-8

China, June 18

Kusuruvara kunofadza Mwari kunoita kuti munhu apfidze zvivi zvake otungamirirwa kuruponeso.—2 VaK. 7:10.

Muapostora Pauro akaona kuti ‘kutsiurwa kwakanga kwaitwa murume wacho nevakawanda kwakanga kwakamukwanira.’ (2 VaK. 2:​5-8) Tingatoti chirango chakapiwa murume iyeye aimborara nemudzimai wababa vake chakashanda. (1 VaK. 5:1) Chakashandei? Chakamubatsira kuti asvike pakupfidza. (VaH. 12:11) Saka Pauro akabva audza ungano kuti: ‘Nzwirai tsitsi moregerera uye monyaradza’ hama iyi yakatadza uye ‘muratidzei kuti munomuda.’ Ona kuti Pauro akanga asingangodi kuti ungano yacho igumire pakungobvumira kuti murume wacho adzorerwe pakati pevanhu vaJehovha. Asi Pauro aida kuti zvavanotaura uye zvavanoita zviratidze kuti vaida uye vakanga vanyatsoregerera murume wacho akanga apfidza. Izvi zvaizoita kuti zvive pachena kuti vakanga vafara nekudzoka kwaakanga aita muungano. w24.08 15 ¶4; 16-17 ¶6-8

Chishanu, June 19

Maimiswa pamberi peruzhinji mozvidzwa nekutambudzwa.—VaH. 10:33.

Muapostora Pauro aigona kutaura nechivimbo kuti zvii zvaidiwa pakutsungirira. Akayeuchidza vaKristu kuti pavanenge vachitsungirira matambudziko, havafaniri kuzvivimba asi vanofanira kuvimba naJehovha. Pauro aikwanisa kunyatsotaura neushingi kuti: “Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handizotyi.” (VaH. 13:6) Dzimwe hama dzedu dziri kutsungirira kutambudzwa iye zvino. Tinogona kudzitsigira kuburikidza nekudzinyengeterera uye tinogonawo kudzipa zvinhu zvadzinenge dzichida. Asi Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti, “vese vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.” (2 Tim. 3:12) Nekuda kwechikonzero ichocho, tese tinofanira kugadzirira nguva dzakaoma dziri mberi. Ngatirambei tichivimba zvizere naJehovha, tiine chokwadi chekuti achatibatsira kuti titsungirire chero dambudziko ratingasangana naro. Panguva yakakodzera, achazorodza vanamati vake vese vakatendeka.—2 VaT. 1:​7, 8. w24.09 13 ¶17-18

Mugovera, June 20

VaKorinde vakawanda vakanzwa vakatanga kutenda, vakabhabhatidzwa.—Mab. 18:8.

Chii chakabatsira vaKorinde kuti vabhabhatidzwe? (2 VaK. 10:​4, 5) Shoko raMwari uye mweya wake mutsvene une simba zvakavabatsira kuti vachinje zvinhu zvikuru muupenyu hwavo. (VaH. 4:12) Vaya vaiva muKorinde vakagamuchira mashoko akanaka nezvaKristu vakakwanisa kusiya zvinhu zvakaipa zvavaiita zvakadai sekudhakwa, kuba, uye ungochani. (1 VaK. 6:​9-11) Kunyange zvazvo vamwe vaiva muKorinde vaiva netsika dzakadzika midzi dzavaifanira kusiya, havana kufunga kuti kusiya zvinhu izvozvo kwakanga kwakaoma zvekuvatadzisa kuva vaKristu. Vakashanda nesimba kuti vapinde mumugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu husingaperi. (Mat. 7:​13, 14) Une here tsika dzakaipa kana kuti maitiro akaipa auri kurwisa kuti usiye kuitira kuti ukwanise kubhabhatidzwa? Ramba uchiedza! Kumbira Jehovha kuti akupe mweya wake mutsvene kuti ukubatsire kurwisa chido chekuita zvakaipa. w25.03 6 ¶15-17

Svondo, June 21

Kana mumwe wenyu asina uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari.—Jak. 1:5.

Jehovha anovimbisa kutipa uchenjeri kuti tikwanise kunzwisisa kuti ndezvipi zvinomufadza. ‘Anopa munhu wese uchenjeri asingazvidzi.’ Kana wanyengetera kuti Jehovha akubatsire, chinyatsocherechedza kuti anokupindura sei. Ngatitii warasika uchienda kune imwe nzvimbo wobva wabvunza munhu anogara munzvimbo yacho kuti akubatsire. Unobva wangobva paari here asati akupindura? Aiwa. Unonyatsomira woteerera zvaanenge achikurayira. Ndizvo zvimwe chetewo kana ukakumbira Jehovha kuti akupe uchenjeri. Edza kuona kuti anokupindura sei kuburikidza nekutsvaga kuti mitemo ipi yemuBhaibheri kana kuti mazano api eBhaibheri anoshanda panyaya yako. Semuenzaniso, paunenge uchisarudza kuti woenda here kune imwe pati, unogona kufunga kuti Bhaibheri rinoti kudii nezvenyaya yemitambo yekufara zvakapfurikidza, shamwari dzakaipa uye nyaya yekuisa Umambo pekutanga.—Mat. 6:33; VaR. 13:13; 1 VaK. 15:33. w25.01 16 ¶6-7

Muvhuro, June 22

Inzwai! Vashumiri vangu vachadya, asi imi muchava nenzara.—Isa. 65:13.

Uprofita hwaIsaya hunonyatsosiyanisa upenyu hwevaya vari muparadhiso yemweya nehwevaya vari kunze. Jehovha anopa vanamati vake zvese zvavanoda kuti varambe vari pedyo naye. Tine mweya wake mutsvene, Shoko rake rakanyorwa, uye zvekudya zvekunamata zvakawanda kuitira kuti tikwanise ‘kudya, kunwa, uye kupembera nemufaro.’ (Enzanisa naZvakazarurwa 22:17.) Kusiyana naizvozvo, vaya vari kunze kweparadhiso yemweya ‘vane nzara, vane nyota, uye vari kunyara.’ Havasi kuwana zvavanoda pakunamata. (Amo. 8:11) Jehovha anopa vanhu vake zvinhu zvavanoda pakurarama, kusanganisira zvekudya zvekunamata. (Joe. 2:​21-24) Anoita izvozvo achishandisa Bhaibheri nemabhuku edu anotsanangura Bhaibheri, website yedu, uyewo misangano nemagungano. Tinogona kudya zvekudya zvekunamata izvi zuva rimwe nerimwe, uye izvi zvinoita kuti tinzwe tiri pedyo naMwari uye tizorodzwe. w24.04 21 ¶5-6

Chipiri, June 23

Nguva dzese mashoko enyu ngaaratidze mutsa.—VaK. 4:6.

Kana uchida kutanga kudanana nemumwe munhu, unogona kuronga kutaura nemunhu wacho muri panzvimbo yamunogona kuonekwa nevamwe vanhu kana kuti pafoni. Nyatsotaura zvakajeka kuti uri kumuda uye kuti unoda kumuziva zviri nani. (1 VaK. 14:9) Kana zvichiita, mupe nguva yekufunga kuti angapindura sei. (Zvir. 15:28) Uye kana munhu wacho asingadi zvekudanana newe, remekedza manzwiro ake. Ko kana mumwe munhu akataura kuti anokuda? Kakawanda kacho anenge aratidza ushingi kuti akuudze, saka mupindure zvakanaka uye zvine ruremekedzo. Kana uchida nguva yekufunga nezvazvo, muudze. Asi usazotora nguva yakareba usati wamupindura. (Zvir. 13:12) Kana usingadi, muudze zvakanaka uye nyatsotaura zvakajeka. Asi kana uchimuda, muudze uye kurukurai zvamunotarisira pakufambidzana kwenyu. Zvamunotarisira zvinogona kusiyana. w24.05 24 ¶12-13

Chitatu, June 24

Ini ndiri kuuya kuzorwa newe muzita raJehovha wemauto.—1 Sam. 17:45.

Dhavhidhi anogona kunge aiva asati asvitsa makore 20 paakaenda kumusasa waiva neuto revaIsraeri. Akaona kuti vaIsraeri vaitya chaizvo nekuti rimwe zirume rakakura rechiFiristiya rainzi Goriyati rakanga rauya ‘kuzoshora uto rakarongwa raIsraeri.’ (1 Sam. 17:​10, 11) Kutya kwaiita vaIsraeri ava kwaibva pakuti vainge vakaisa pfungwa pakukura kwaGoriyati uye kushora kwaaivaita. (1 Sam. 17:​24, 25) Asi Dhavhidhi aiva nemaonero akasiyana. Mukuona kwaDhavhidhi, Goriyati aisangoshora uto rakarongwa raIsraeri bedzi, asi aishorawo “uto rakarongwa raMwari mupenyu.” (1 Sam. 17:26) Dhavhidhi akaisa pfungwa pana Jehovha. Aivimba kuti Mwari, uyo ainge amubatsira achiri mufudzi, aizomubatsirazve panguva iyi. Aine chokwadi chekuti Jehovha aizomutsigira, Dhavhidhi akarwisa Goriyati uye akakunda!—1 Sam. 17:​45-51. w24.06 21 ¶7

China, June 25

Usatya, nekuti ndinewe. Usanetseka, nekuti ndiri Mwari wako. Ndichakusimbisa, chokwadi ndichakubatsira, chokwadi ndicharamba ndakakubata neruoko rwangu rwerudyi rwekururama.—Isa. 41:10.

Chimbofunga kuti upenyu hwedu hwaizenge hwakaita sei kudai taisashumira Jehovha. Kushumira Jehovha kunotibatsira kuti tirambe takatendeka uye tinogonawo kuzotaura zvakataurwa nemunyori wepisarema kuti: “Kana ndiri ini, kuswedera pedyo naMwari kwakandinakira.” (Pis. 73:28) Tinokwanisa kumisidzana nechero dambudziko ratinosangana naro mumazuva ano ekupedzisira nekuti tiri “varanda vaMwari mupenyu uye wechokwadi.” (1 VaT. 1:9) Mwari wedu ane hanya nesu uye acharamba achitibatsira. Aiva nehanya nevashumiri vake vekare uye anesu mazuva ano. Munguva pfupi iri kuuya, kutambudzika kukuru uko kusati kwamboitika panyika kuchaitika. Asi tichange tisiri tega. Dai tese tikava “vakanyatsoshinga tichiti: ‘Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handizotyi.’”—VaH. 13:​5, 6. w24.06 25 ¶17-18

Chishanu, June 26

[Muchaona] kusiyana kwemunhu akarurama nemunhu akaipa.—Mar. 3:18.

Bhaibheri rinotaura nezvevarume vanopfuura 40 vakatonga semadzimambo eIsraeri. Madzimambo akanaka akaita zvimwe zvinhu zvakaipa. Funga nezvamambo akanaka Dhavhidhi. Jehovha akati: “Muranda wangu Dhavhidhi . . . akanditevera nemwoyo wake wese, achiita zvakarurama chete pamberi pangu.” (1 Madz. 14:8) Asi murume iyeye akaita upombwe nemukadzi akaroorwa, uye akaronga kuti murume wake aurayiwe kuhondo. (2 Sam. 11:​4, 14, 15) Asi paivawo nemadzimambo akawanda asina kutendeka akaita zvimwe zvinhu zvakanaka. Funga nezvaRehobhoamu. Mukuona kwaJehovha, “akaita zvakaipa.” (2 Mak. 12:14) Asi Rehobhoamu akateerera zvaakaudzwa naMwari kuti asarwisa madzinza gumi eIsraeri uye aasiye achitsvaga mumwe mambo. Akasimbisawo maguta aiva muumambo hwake kuitira kuti adzivirire vanhu vaMwari pavavengi vavo. (1 Madz. 12:​21-24; 2 Mak. 11:​5-12) Jehovha aitarisa chii kuti azoti mambo ainge akatendeka mukuona kwake kana kuti kwete? Zviri pachena kuti aitarisa mwoyo wamambo wacho, kupfidza kwaakaita zvivi zvake uye kuramba kwaakaita achinamata Jehovha nenzira yakarurama. w24.07 20 ¶1-3

Mugovera, June 27

Varerei muchivaranga uye muchivarayira sezvinodiwa naJehovha.—VaEf. 6:4.

Vakuru vanoita sei kana mwana akabhabhatidzwa, ari pasi pemakore 18, akaita chivi chakakura? Dare revakuru richaronga kuti vakuru vaviri vaonane nemwana wacho pamwe chete nevabereki vake vari Zvapupu. Vakuru vacho vachaedza kuziva kuti matanho api akatotorwa nevabereki kuti vaedze kubatsira mwana wacho kuti apfidze zvivi zvake. Kana mwana wacho akaratidza kuti ari kuteerera vabereki vake uye kuti ari kuchinja maitiro nemafungiro ake, vakuru vacho vaviri vanogona kusarudza kuti pasaumbwa komiti inoona nezvenyaya yacho. Izvi zvine musoro nekuti vabereki ndivo vakapiwa basa naMwari rekurayira vana vavo. (Dheut. 6:​6, 7; Zvir. 6:20; 22:6; VaEf. 6:​2-4) Vakuru vanozopota vachitaura nevabereki vacho kuti vave nechokwadi chekuti mwana wacho ari kuwana rubatsiro rwaanoda. Asi ko kana mwana wacho akaramba achiita chivi? Pakadaro, komiti yevakuru ichaonana naye pamwe chete nevabereki vake vari Zvapupu. w24.08 24 ¶18

Svondo, June 28

Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.—Mab. 20:35.

Tese tinofara patinopiwa chipo nemumwe munhu. Asi tinotowedzera kufara kana tiri isu tapa. Uye kusikwa kwatakaitwa naJehovha saizvozvo kunotipa mukana wekuti tikwanise kuwedzera mufaro wedu. Tinogona kuwedzera mufaro wedu patinofunga nezvenzira dzekupawo vamwe, tobva tazviita. Zvinofadza chaizvo kuti Jehovha akatisika nenzira iyi! (Pis. 139:14) Bhaibheri rinotaura kuti kupa kunounza mufaro. Saka hazvitishamisi parinoti Jehovha ‘ndiMwari anofara.’ (1 Tim. 1:11) Ndiye akatanga kupa uye hakuna anomupfuura pakupa. Muapostora Pauro akati: “Ndiye akaita kuti tive neupenyu, tifambe uye tivepo.” (Mab. 17:28) Kutaura zvazviri, “zvipo zvese zvakanaka nezvipo zvese zvakakwana” zvinobva kuna Jehovha. (Jak. 1:17) Tese tinoda kuwedzera kuwana mufaro unobva pakupa. Tinogona kuita izvi kana tikatevedzera kupa kunoita Jehovha.—VaEf. 5:1. w24.09 26 ¶1-4

Muvhuro, June 29

Kusvikira patasvika tichienda mberi, ngatirambei tichifamba zvakanaka nenzira iyi.—VaF. 3:16.

Pashure pekuongorora zvinhu zvinotariswa kuti munhu azokodzera kushumira semukuru, vamwe vashumiri veungano vanganzwa sekuti havambofi vakakodzera. Asi yeuka kuti Jehovha nesangano rake havatarisiri kuti uite semunhu asina chivi kuti uzokodzera kuva mukuru. (1 Pet. 2:21) Uye mweya mutsvene waJehovha ndiwo unokubatsira kuti uve nezvinotarisirwa izvi. (VaF. 2:13) Une here paunoona paunofanira kugadzirisa? Nyengetera nezvazvo kuna Jehovha. Tsvakurudza nezvenyaya yacho, uye kumbira mazano kune mumwe mukuru ari muungano ezvaungaita kuti uvandudze. Iva nechinangwa chekuita zvakawanda! Kumbira Jehovha kuti akudzidzise uye akuumbe kuti uwedzere kuita zvakawanda pakumushumira uye pakushumira ungano. (Isa. 64:8) Jehovha ngaakomborere zvese zvauri kuedza kuita kuti ukodzere kuva mukuru. w24.11 25 ¶17-18

Chipiri, June 30

Mwari haasi munhu asina kururama; saka haangakanganwi basa renyu nerudo rwamuinarwo nezita rake, rwamakaratidza nekushumira vatsvene uye kuramba muchivashumira kwamuri kuita.—VaH. 6:10.

Kunyange kana tava nemakore akawanda tichishumira Jehovha, hatifaniri kunzwa sekuti takakodzera kuregererwa naye. Ichokwadi kuti Jehovha anoyeuka zvese zvakanaka zvatinoita mubasa rake. Asi akapa Mwanakomana wake sechipo chepachena kwete semubhadharo wezvese zvakanaka zvatinomuitira. Saka kunenge kuri kukanganisa kana tikafunga kuti tinokodzera kuregererwa naJehovha nekuda kwezvese zvatakamuitira. Kana tikava nemafungiro akadaro, tinenge tichitoti Kristu akafira pasina. (Enzanisa naVaGaratiya 2:21.) Muapostora Pauro aiziva kuti aisakodzera kuregererwa naJehovha pasinei nezvese zvaaimuitira. Saka nei aishanda nesimba chaizvo mubasa raJehovha? Aiita izvi kuti aratidze kuti aionga nyasha dzaakanga aratidzwa kwete kuti aratidze kuti aikodzera kuregererwa. (VaEf. 3:7) Kungofanana naPauro, isuwo tinoramba tichishanda nesimba mubasa raJehovha kuti tiratidze kuti tinoonga nyasha dzatakangoitirwawo, kwete kuti tizokodzera kunzwirwa tsitsi. w25.01 27 ¶5-6

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe