April
Chitatu, April 1
Uku ndiko kuda kwaBaba vangu, kuti munhu wese anobvuma Mwanakomana otenda maari ave neupenyu husingaperi.—Joh. 6:40.
Tinofanira kuva nekutenda murudzikinuro kuti tiwane upenyu husingaperi. (VaEf. 1:7) Vaya vakadanwa naJesu kuti “mamwe makwai” havadyi chingwa nekunwa waini panoitwa Kudya kwaShe Kwemanheru gore negore uye havafaniri kudaro. (Joh. 10:16) Kunyange zvakadaro, vanobatsirwa nenyama uye neropa raJesu Kristu. Izvi zvinoitika pavanova nekutenda muchibayiro cherudzikinuro chaKristu. (Joh. 6:53) Asi vaya vanofanira kudya chingwa nekunwa waini vanenge vachiratidza kuti vakapinda musungano itsva uye vane tariro yekutonga muUmambo hwekudenga. Saka pasinei nekuti tiri vakazodzwa kana kuti vemamwe makwai, tinofanira kuva nekutenda kuti tiwane upenyu husingaperi. w24.12 12-13 ¶14, 16
Kuverenga Bhaibheri kweChirangaridzo: (Zvakaitika masikati: Nisani 12) Mateu 26:1-5, 14-16; Ruka 22:1-6
MUSI WECHIRANGARIDZO
Zuva Ranyura
China, April 2
Musatya, imi boka diki, nekuti Baba venyu vanofara kukupai Umambo.—Ruka 12:32.
Jesu paaiita Kudya kwaShe Kwemanheru, akapa vaapostora vake chingwa chisina mbiriso uye akavaudza kuti chinomiririra muviri wake. Akabva avapa waini akataura kuti yaimiririra ‘ropa resungano.’ (Mako 14:22-25; Ruka 22:20; 1 VaK. 11:24) Sungano itsva iri pakati paJehovha “neimba yaIsraeri,” kureva vaya chete vachatonga naJesu “muUmambo hwaMwari.” (VaH. 8:6, 10; 9:15) Zvakataurwa naJesu paKudya kwaShe Kwemanheru zvinoshanda ‘kuboka diki.’ Boka iroro rakatanga nevaapostora vakatendeka vaiva naJesu mumba paakatanga Kudya kwaShe Kwemanheru. Ndivo vachava pamwe chete naJesu kudenga. w24.12 11 ¶9-10
Kuverenga Bhaibheri kweChirangaridzo: (Zvakaitika masikati: Nisani 13) Mateu 26:17-19; Mako 14:12-16; Ruka 22:7-13 (Zvakaitika zuva ranyura: Nisani 14) Johani 13:1-5; 14:1-3
Chishanu, April 3
Mwari akada nyika kwazvo zvekuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wese anotenda maari arege kuparadzwa asi ave neupenyu husingaperi.—Joh. 3:16.
Jesu akatengeswa, akasungwa, akatukwa, akapomerwa zvenhema, akatongerwa rufu, uye akarohwa. Masoja akaenda naye kwavakanomuroverera padanda kuti afe. Paaitsungirira zvese izvozvo achirwadziwa, Jehovha aitorwadziwawo zvakanyanya. Aikwanisa kushandisa simba rake kuti mwana wake asatambura, asi haana kuita izvozvo. Chii chakaita kuti adaro? Inyaya yekuti anotida. Chibayiro chaJesu ndicho chinhu chikuru pane zvese chinoratidza kuti Jehovha anokuda chaizvo. Akapa Mwanakomana wake waanoda, achizvirwadzisa zvikuru kuti akununure pachivi nerufu. (1 Joh. 4:9, 10) Anoda kubatsira mumwe nemumwe wedu kuti arambe achimushumira kunyange zvazvo tiine chivi. w24.08 6 ¶13-14.
Kuverenga Bhaibheri kweChirangaridzo: (Zvakaitika masikati: Nisani 14) Johani 19:1-42
Mugovera, April 4
Kristu . . . akakutambudzikirai.—1 Pet. 2:21.
Tinogona kuwedzera kunzwisisa kudiwa kwatinoitwa naJehovha kana tikafunga kuti akanzwa sei paaiona Mwanakomana wake achirwadziwa. Satani anoti hakuna mushumiri waMwari anoramba akavimbika kana zvinhu zvikamuomera. Kuti Jehovha abudise pachena nhema idzodzo, akabvumira Jesu kuti atambure asati afa. (Job. 2:1-5) Jehovha aizviona Jesu paaitsvinyirwa nevanhu vaiita zvechitendero, pavaimupikisa, paakarohwa nemasoja, uye paakarovererwa padanda. Jehovha akaonawo Mwanakomana wake waanoda achifa rufu runorwadza. (Mat. 27:28-31, 39) Jehovha aiva nesimba rekuita kuti zvinhu izvi zvirege kuitika. (Mat. 27:42, 43) Asi kudai Mwari akamununura, hapana rudzikinuro rwaizobhadharwa uye tingadai tisina tariro. Saka Jehovha akabvumira kuti Mwanakomana wake atambure kusvikira pakufa. w25.01 22 ¶7
Kuverenga Bhaibheri kweChirangaridzo: (Zvakaitika masikati: Nisani 15) Mateu 27:62-66 (Zvakaitika zuva ranyura: Nisani 16) Johani 20:1
Svondo, April 5
Akaonekwa navo kwemazuva 40.—Mab. 1:3.
Musi wacho ndiNisani 16, muna 33 C.E. Vadzidzi vaJesu vakasuwa uye vari kutya. Vaviri vavo vanobuda muJerusarema vakananga kuEmausi. Mumwe murume wavasingazivi anotanga kufamba navo. Vadzidzi vanotanga kuudza murume wacho nezvezvinhu zvinorwadza zvakanga zvaitika kuna Jesu. Murume wacho anotanga kuvaudza zvinhu zvavasingazombokanganwi. “Achitangira pane zvakanyorwa naMozisi neVaprofita vese,” murume wacho anovatsanangurira kuti nei Mesiya aifanira kutambura uye kufa. Pavanozosvika kuEmausi, vanozoziva kuti murume uya wavanga vasiri kuziva, ndiJesu akanga amutswa. (Ruka 24:13-35) Mumazuva 40 ekupedzisira ari panyika, Jesu akazviratidza kakawanda kuvadzidzi vake. Panguva iyoyo, Jesu akakurudzira vadzidzi vake avo vaitya uye vainge vakasuwa, zvikaita kuti vaparidze uye vadzidzise mashoko eUmambo vachifara, vaine ushingi uye vaine chivimbo. w24.10 12 ¶1-3
Kuverenga Bhaibheri kweChirangaridzo: (Zvakaitika masikati: Nisani 16) Johani 20:2-18
Muvhuro, April 6
Zvivakei pakutenda kwenyu kutsvenetsvene.—Jud. 20.
Nekufamba kunenge kuchiita makore, mwana wese anozosvika pakuva munhu mukuru, asi hapana munhu anongoerekana ava muKristu akakura pakunamata. Semuenzaniso, hama nehanzvadzi dzemuKorinde, dzakagamuchira mashoko akanaka, dzikabhabhatidzwa, dzikagamuchira mweya mutsvene, uye dzikabatsirwa nekudzidziswa kwadzaiitwa nemuapostora Pauro. (Mab. 18:8-11) Asi papera makore pashure pekunge vabhabhatidzwa, vakawanda vavo vainge vasati vakura pakunamata. (1 VaK. 3:2) Kuti tizova vaKristu vakakura pakunamata tinofanira kutanga tava nechido chekukura pakunamata. Vaya ‘vanoramba ruzivo’ uye vanoda kuramba vari vacheche havatombofi vakakura pakunamata. (Zvir. 1:22) Hatidi kuita semunhu uya anenge akura asi achida kuramba achiitirwa zvisarudzo nevabereki. Ibasa redu rekuva nechokwadi chekuti ushamwari hwedu naJehovha huri kuramba huchikura. Kana uchiri kushanda kuti uzova muKristu akakura pakunamata, nyengetera kuna Jehovha kuti akupe “chido chekuita zvinhu uye simba rekuzviita.”—VaF. 2:13. w24.04 4 ¶9-10
Chipiri, April 7
Jehovha . . . [haana] waanoda kuti aparadzwe.—2 Pet. 3:9.
Panyaya yematongero aanoita vanhu, Jehovha anotiudza manzwiro ake. (Ezek. 33:11) Jehovha haazoparadzi mumwe munhu zvachose kunze kwekunge paine chikonzero chakanaka chekuti adaro. Azere netsitsi, uye anodziratidza pese pazvinenge zvakakodzera. Tinozivei nezvevanhu vasiri kuzomutswa? Bhaibheri rinongotaura mienzaniso mishomanana. Jesu akaratidza kuti Judhasi Iskariyoti haasi kuzomutswa. (Mako 14:21; onawo Johani 17:12 uye study note.) Judhasi akaita zvinopesana nezvaidiwa naJehovha Mwari neMwanakomana wake achiziva hake. (Ona Mako 3:29 uye mastudy notes.) Saizvozvowo, Jesu akati vamwe vatungamiriri vechitendero vainge vamupikisa vaizofa vasina tariro yekumuka. (Mat. 23:33; ona Johani 19:11 uye study note yakanzi “the man.”) Muapostora Pauro akayambira kuti vanhu vanenge vatsauka pakutenda vasingapfidzi havazomutswi.—VaH. 6:4-8; 10:29. w24.05 4 ¶10-11
Chitatu, April 8
Jehovha anochengetedza vakatendeka.—Pis. 31:23.
Patinoramba tiri pedyo naJehovha, hapana chingaitwa naSatani chingatikuvadza zvachose. (1 Joh. 3:8) Munyika itsva, Jehovha acharamba achichengetedza shamwari dzake dzakatendeka kuti dzisakanganiswa pakunamata uyewo kuti dzisafa. (Zvak. 21:4) Kuva muenzi mutende raJehovha iropafadzo yakakura chaizvo. Tinogona kuva neushamwari hwepedyo naye uhwo hunogara nekusingaperi. (Ezek. 37:27) Tinofanira kuitei kana tichida kuramba tiri vaenzi vake? Kana ukakokwa nemumwe munhu kumba kwake, unoda kuziva kuti anoda kuti uitei. Saizvozvowo, tinoda kuziva kuti Jehovha anotarisira kuti vaya vanoda kuramba vari vaenzi vake vaitei. Kuda kwatinoita Jehovha kuchaita kuti tiite zvese zvatinogona ‘kuti tinyatsomufadza.’ (VaK. 1:10) Tinofanira kugara tichimuremekedza zvikuru. Kumuremekedza saizvozvo kuchatibatsira kuti tisaita zvinhu zvinomugumbura. Tinoda chaizvo ‘kuva nemwero pakufamba’ naMwari wedu.—Mika 6:8. w24.06 4 ¶8-9
China, April 9
Akareverera vadariki.—Isa. 53:12.
Jehovha akakumbira Abrahamu kuti ape mwanakomana wake Isaka sechibayiro. Izvi zvinofanira kunge zvakaita kuti Abrahamu ashungurudzike chaizvo. Kunyange zvakadaro, Abrahamu akasarudza kuteerera Jehovha. Abrahamu paakanga ava kuda kuuraya mwanakomana wake, Mwari akabva amuti arege. Nyaya iyoyo inodzidzisa vanhu vese vane kutenda chimwe chokwadi chinokosha chekuti Jehovha aizozvipira kupa Mwanakomana wake waanoda sechibayiro. Izvozvo zvinoratidza kuti Jehovha anoda vanhu chaizvo. (Gen. 22:1-18) Papera mazana emakore, maererano neMutemo wakapiwa rudzi rwevaIsraeri, vanhu vaMwari vaifanira kupa zvibayiro zvemhuka kuti vayananise zvivi zvavo. (Revh. 4:27-29; 17:11) Zvibayiro izvozvo zvairatidza kuti Jehovha aizopa chibayiro chikuru pane zvese, icho chaizoponesa vanhu pachivi zvachose. Achitaura nezveMwanakomana wake anokosha, Mwari akaudza vaprofita vake kuti vanyore nezvemwana akavimbiswa. Vaprofita vacho vakatsanangura kuti mwana iyeye, aizofanira kutambura ourayiwa kuti aponese vanhu, kusanganisira iwewe, kubva pachivi nerufu!—Isa. 53:1-12. w24.08 4 ¶7-8
Chishanu, April 10
Ndinoda chaizvo mutemo wenyu! Ndinoswera ndichiufungisisa.—Pis. 119:97.
Paunoverenga Bhaibheri, zvinokosha kuti ufunge kuti ungashandisa sei zvaunenge waverenga. Paunenge uchiverenga chikamu cheShoko raMwari, zvibvunze kuti, ‘Zvandaverenga izvi ndingazvishandisa sei iye zvino uye mumazuva anotevera?’ Semuenzaniso, ngatitii pawanga uchiverenga Bhaibheri, waverenga pana 1 VaTesaronika 5:17, 18. Paunenge waverenga mavhesi iwayo maviri, unogona kumbomira wofunga kuti unowanzonyengetera kakawanda sei, uye minyengetero yako yakadzama zvakadini. Uyewo unogona kufunga pamusoro pezvinhu zvaunotenda kuti wakaitirwa. Pamwe unogona kusarudza kuti ndezvipi zvinhu zvitatu zvauchatenda Jehovha nezvazvo. Kunyange ukaita izvozvo kwemaminitsi mashomanana, zvichakubatsira kuti uve munzwi uye muiti weShoko raMwari. Funga kuti ungabatsirwa sei kana ukaita izvi zuva rega rega paunenge uchiverenga Bhaibheri! Izvi zvichakubatsira kuti ukure pakuva muiti weShoko raMwari. w24.09 4-5 ¶9-10
Mugovera, April 11
Ngwarirai, kuti murege kurasikirwa nezvatakashandira, asi kuti muwane mubayiro wakazara.—2 Joh. 8.
Jehovha akatisika nenzira inoshamisa. Kunyange zvazvo tichiwana mufaro patinogamuchira chimwe chinhu, tinowana mufaro wakatokura patinopa vamwe. Tinofara patinokwanisa kubatsira hama nehanzvadzi dzedu. Uye tinofarawo pavanotenda zvatinenge tavaitira. Asi kunyange vakatenda kana kusatenda, tinofara kuti takaita zvataifanira kuita. Usambokanganwa kuti paunopa, “Jehovha anokwanisa [kukupa] zvakatowanda kupfuura ipapo.” (2 Mak. 25:9) Hatimbofi takakwanisa kupfuura Jehovha pakupa! Uye hapana chinofadza kupfuura kupiwa mubayiro naJehovha pachake. Saka ngativei nechido chekuramba tichitevedzera kupa kunoita Baba vedu vekudenga. w24.09 30-31 ¶20-21
Svondo, April 12
Ndinokurumbidzai, haiwa Jehovha Mwari wangu, nemwoyo wangu wese, ndichakudza zita renyu nekusingaperi.—Pis. 86:12.
Jehovha ane tsitsi nengoni. (Pis. 103:13; Isa. 49:15) Patinorwadziwa, anorwadziwawo. (Zek. 2:8) Anoita kuti zvive nyore kuti tiswedere pedyo naye uye tive shamwari dzake. (Pis. 25:14; Mab. 17:27) Uye anozvininipisa; “anokotama kuti atarise denga nenyika, achisimudza munhu akaderera kubva muguruva.” (Pis. 113:6, 7) Zvese izvi zvinoita kuti tide kukudza Mwari wedu mukuru. Tinokudza Jehovha nekuti tinoda kuti vamwe vamuzive. Vanhu vakawanda havazivi chokwadi nezvaJehovha. Nei zvakadaro? Nekuti Satani akapofumadza pfungwa dzavo nekutaura nhema nezvaMwari. (2 VaK. 4:4) Satani anoita kuti vanhu vafunge kuti Jehovha akangomirira kuranga vanhu, haana rudo, uye kuti ndiye ari kukonzera matambudziko ese ari panyika. Asi isu tinoziva chokwadi nezvaMwari wedu! Tine mukana wekubatsira vanhu kuti vazive kuti Jehovha ndiMwari akaita sei, vomukudza.—Isa. 43:10. w25.01 3 ¶6-7
Muvhuro, April 13
Satani . . . ari kutsausa nyika yese.—Zvak. 12:9.
Kunyange zvazvo Mwanakomana waMwari, Jesu, ainge asina chivi uye aiita zvishamiso, Satani akashandisa vamwe vanhu kuti vaparadzire nhema nezvake. Semuenzaniso, vatungamiriri vechitendero vakaudza vanhu kuti simba raJesu rekudzinga madhimoni akaripiwa ‘nemutongi wemadhimoni.’ (Mako 3:22) Jesu paaitongwa, vatungamiriri vechitendero vakamupomera kuti aimhura uye vakanyengetedza vanhu kuti vaite kuti Jesu aurayiwe. (Mat. 27:20) Pave paya, vateveri vaKristu pavaiparidza mashoko akanaka, vaya vaivapikisa ‘vakakusvudzira vanhu uye vakavafurira’ kuti vatambudze vaKristu ivavo. (Mab. 14:2,19) Nharireyomurindi yaDecember 1, 1998, yakatsanangura Mabasa 14:2 ichiti: “Vaya vaitsigira Satani vakaramba mashoko aiparidzwa nevaKristu uye vakatotaura zvinhu zvakaipa nezvavo kuitira kuti vanhu vasavateerere uye vavavenge.” Satani achiri “kutsausa nyika yese”mazuva ano. w24.04 11 ¶15-16
Chipiri, April 14
Mutongi wenyika yese angatadza kuita zvakarurama here?—Gen. 18:25.
Mukana wemunhu wekurarama nekusingaperi haubvi pakuti afa riini. Jehovha ndiye Mutongi akakwana uye matongero ake akarurama. (Pis. 33:4, 5) Tinogona kuva nechivimbo chekuti “Mutongi wenyika yese” achaita zvakarurama. Zvinewo musoro kuti titi mukana wemunhu wekurarama nekusingaperi haubvi pakuti anogara kupi. Jehovha haambotongi mamiriyoni evanhu sembudzi nekungoti chete vanogara munyika dzavasingambofi vakawana mukana wekudzidza nezvemashoko eUmambo. (Mat. 25:46) Mutongi akarurama wenyika yese anotova nehanya nevanhu ava kupfuura zvatingaita. Hatizivi kuti Jehovha achafambisa sei zvinhu pakutambudzika kukuru. Zvimwe vamwe vevanhu ava vachawana mukana wekudzidza nezvaJehovha, kutenda maari uye kumutsigira paachazvitsvenesa pamberi pemarudzi ese.—Ezek. 38:16. w24.05 12 ¶14-15
Chitatu, April 15
[Dananai].—Joh. 15:12.
Vanhu vaJehovha vanoda kubatsirana. (2 VaK. 8:4) Asi dzimwe nguva, zvinoda ushingi kuti vadaro. Semuenzaniso, panoitika hondo, vakuru vanoona kuti hama nehanzvadzi dzavo dzinoda kukurudzirwa kana kutsigirwa, uye pamwe pacho kupiwa zvekudya zvekunamata kana kuti zvinhu zvekurarama nazvo. Vakuru vanoda hama dzavo uye izvi zvinoita kuti vaise upenyu hwavo pangozi kuitira kuti vadzipe zvadzinoda. Kana tiri mumamiriro ezvinhu ane ngozi, zvinokosha kuti tirambe takabatana. Tevedzera mirayiridzo yatinopiwa nehofisi yebazi. (VaH. 13:17) Vakuru vanofanira kugara vachidzokorora mirayiridzo ine chekuita nekugadzirira njodzi uye kuziva zvekuita panoitika njodzi. (1 VaK. 14:33, 40) Iva neushingi asi ramba wakangwarira. (Zvir. 22:3) Shandisa pfungwa. Ita zvese zvaunogona kuti usava pangozi. Vimba naJehovha. Anogona kukubatsira kuti uyamure hama dzako nenzira isina ngozi. w24.07 4 ¶8; 5 ¶11
China, April 16
Ndakashevedzera kuna Jehovha pandaitambudzika, . . . uye kuchemera kwangu kubatsirwa kwakasvika munzeve dzake.—Pis. 18:6.
Mambo Dhavhidhi aiziva Jehovha uye aivimba naye. Paaidzingirirwa nevavengi vake, kusanganisira Mambo Sauro, Dhavhidhi akanyengetera kuna Jehovha achikumbira kubatsirwa. Pashure pekunge Mwari apindura munyengetero wake uye amununura, Dhavhidhi akati: “Jehovha mupenyu!” (Pis. 18:46) Nemashoko aya, Dhavhidhi aibvuma kuti Mwari ariko uye sezvinotaurwa nerimwe bhuku, Dhavhidhi airatidzawo kuti anovimba naJehovha “samwari mupenyu anogara achibatsira vanhu vake.” Dhavhidhi aiziva kubva pane zvakaitika kwaari kuti Jehovha ndiMwari mupenyu, uye izvozvo zvakaita kuti arambe aine chido chekushumira Jehovha uye kumurumbidza. (Pis. 18:28, 29, 49) Kuva nechokwadi chekuti Jehovha ndiMwari mupenyu kunotibatsira kuti timushumire tichishingaira. Tichava nesimba rekutsungirira matambudziko uye chido chekuramba tichishanda nesimba mubasa rake. Uyewo, tichava nechido chekuramba tiri pedyo naJehovha. w24.06 20-21 ¶3-4
Chishanu, April 17
Ngaparege kuva nemunhu anotombokutsausai.—2 VaT. 2:3.
Tinodzidzei pane zvakanyorerwa vaTesaronika nemuapostora Pauro? Patinonzwa chimwe chinhu chisingaenderani nezvatakadzidza muBhaibheri kana kuti patinonzwa mashoko anovhundutsa, tinofanira kushandisa uchenjeri. Munyika yainzi Soviet Union, vavengi vedu vakambofambisa tsamba yaiita seyaibva kumahofisi makuru. Tsamba yacho yakaita kuti dzimwe hama dziumbe sangano rakazvimiririra. Tsamba yacho yaiita seyechokwadi. Asi hama dzakatendeka hadzina kunyengerwa. Dzakaona kuti mashoko etsamba yacho aisaenderana nezvadzakanga dzadzidziswa. Mazuva ano, vavengi vechokwadi vanogona kushandisa Indaneti uye social media kuti vativhiringidze uye vatiparadzanise. Pane kuti ‘titsauswe nyore nyore pakufunga kwedu,’ tinogona kuzvidzivirira nekuongorora kana zvatinonzwa kana kuverenga zvichienderana nechokwadi chatakadzidza.—2 VaT. 2:2; 1 Joh. 4:1. w24.07 12 ¶14-15
Mugovera, April 18
Kana munhu akatadza, tine mubatsiri.—1 Joh. 2:1.
Chinhu chinokosha kupfuura zvese chinogona kusarudzwa nemunhu kuzvitsaurira kuna Jehovha uye kubatana nemhuri yake yevanhu vanomunamata. Jehovha anoda kuti munhu wese adaro. Nei zvakadaro? Anoda kuti vave shamwari dzake uye kuti vararame nekusingaperi. (Dheut. 30:19, 20; VaG. 6:7, 8) Asi Jehovha haana waanomanikidza kuti amunamate. Anoda kuti mumwe nemumwe asarudze zvaachaita. Ko kana muKristu akabhabhatidzwa akaita chivi chakakura? Kana akasapfidza chivi chake, anofanira kubviswa muungano. (1 VaK. 5:13) Kunyange zvakadaro, Jehovha anoda chaizvo kuti mutadzi wacho adzoke kwaari. Tingatoti chimwe chikonzero chinokosha chakaita kuti atipe rudzikinuro ndechekuti akwanise kuregerera vatadzi vanenge vapfidza zvivi zvavo. Mwari wedu ane rudo anokurudzira vatadzi kuti vapfidze.—Zek. 1:3; VaR. 2:4; Jak. 4:8. w24.08 14 ¶1-2
Svondo, April 19
Kana mwoyo wako ukachenjera, mwoyo wangu uchabva wafara.—Zvir. 23:15.
Muapostora Johani paakazonyora tsamba yake yechitatu, vamwe vanhu vakanga vava kuparadzira dzidziso dzenhema vachiita kuti muungano muve nemapoka. Asi pane vamwe vakaramba ‘vachifamba muchokwadi.’ Vaiteerera Jehovha uye ‘vakaramba vachiteerera mirayiro yake.’ (2 Joh. 4, 6) VaKristu ivavo vakatendeka vakaita kuti Johani afare uyewo Jehovha afare. (Zvir. 27:11) Tinodzidzei? Kana takatendeka kuna Jehovha tinofara uye tinoita kuti vamwe vafarewo. (1 Joh. 5:3) Semuenzaniso, tinowana mufaro unobva pakuziva kuti tiri kufadza Jehovha. Anofara paanotiona tichirega kuita zvakaipa toteerera mitemo yake. Ngirozi dzinofarawo kudenga. (Ruka 15:10) Isuwo tinofara patinoona mumwe nemumwe wedu achiramba akatendeka. (2 VaT. 1:4) Pachaguma nyika ino, tichafara kuziva kuti takaramba takatendeka kuna Jehovha munyika inotongwa naSatani. w24.11 12 ¶17-18
Muvhuro, April 20
Mumwe nemumwe ngaarege kuramba achitsvaga zvinobatsira iye chete, asiwo zvinobatsira mumwe.—1 VaK. 10:24.
Unofanira kutora nguva yakareba sei uchicherechedza mumwe munhu usati wamuudza kuti unomufarira? Kana ukanyanya kukurumidza, angaona sekuti unoita zvinhu usati wanyatsofunga. (Zvir. 29:20) Asiwo kana munhu wacho akaona kuti unomufarira, iwe wotora nguva yakanyanya kureba usati wamuudza, angafunga kuti unonyanya kuzeza kuita zvisarudzo. (Mup. 11:4) Yeuka kuti usati wataura nemunhu wacho, haufaniri hako kunge utori nechokwadi chekuti uchapinda naye muwanano. Asi unofanira kunge uine chokwadi chekuti wagadzirira kupinda muwanano, uye kuti munhu wacho akakodzera kuroorana naye. Unofanira kuitei kana ukaona kuti mumwe munhu ari kukufarira? Kana usingamufariri, edza kuita kuti zvive pachena kuburikidza nezvaunoita. Hazvina kunaka kuita kuti mumwe munhu afunge kuti munogona kudanana asi iwe usingadi zvekudanana naye.—VaEf. 4:25. w24.05 22 ¶9-10
Chipiri, April 21
Ndichadzoka ndozokutambirai kuti muve kwandinenge ndiri.—Joh. 14:3.
VaKristu vakazodzwa zvechokwadi uye vakatendeka, ndivo chete vachagamuchirwa naJesu muUmambo hwekudenga. MuKristu akazodzwa asingarambi akamuka pakunamata haazounganidzwi pamwe chete ‘nevakasarudzwa.’ (Mat. 24:31) Uyewo vanhu vaMwari vese pasinei netariro yavo vanofanira kuteerera yambiro yaJesu yekuti varambe vakarinda uye vakatendeka. Tava kuziva Jehovha zvekuti tava kukwanisa kuvimba kuti matongero ake akarurama. Saka hatinetseki nazvo kana Jehovha akasarudza kuzodza vamwe vaKristu vakatendeka mumakore ano. Tinoyeuka zvakataurwa naJesu nezvevashandi vakatorwa paawa yechi11 pamufananidzo wake wemunda wemizambiringa. (Mat. 20:1-16) Vaya vakapedzisira kuuya kuzoshanda vakawana mubayiro wakafanana newevaya vakanga vatanga kupiwa basa. Saka pasinei nekuti munhu azodzwa riini, achapiwa mubayiro wekudenga kana akaramba akatendeka. w24.09 24 ¶15-17
Chitatu, April 22
Kristu pachake akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti mufambe muchitevera maakatsika namo.—1 Pet. 2:21.
Jesu akatisiyira muenzaniso wakanaka wezvatingaita patinobatwa zvisina kunaka. Chimbofunga zvaakaitirwa nevanhu vemumhuri nevamwewo. Hama dzake dzaimupomera kuti ainge arasika pfungwa, vatungamiriri vechitendero vaimupomera kuti aishanda pamwe chete nemadhimoni, masoja eRoma akamutsvinyira achimurova uye akamuuraya. (Mako 3:21, 22; 14:55; 15:16-20, 35-37) Asi Jesu akatsungirira zvinhu zvese izvi asingatsivi. Tinodzidzei pane zvaakaita? (1 Pet. 2:21-23) Jesu akatisiyira muenzaniso wakanaka wekutevedzera patinenge tisina kubatwa zvakanaka. Aiziva nguva yekunyarara uye yekutaura. (Mat. 26:62-64) Pane dzimwe nguva aisapindura paaipomerwa. (Mat. 11:19) Paaitaura, aisatuka vaya vaimutambudza kana kuvatyisidzira. w24.11 4-5 ¶9-10
China, April 23
Kristu Jesu akauya panyika kuzoponesa vatadzi.—1 Tim. 1:15.
Chimbofungidzira uchipa mumwe munhu waunoda chipo chakazonaka uye chinobatsira. Waizorwadziwa chaizvo kudai waizoziva kuti munhu wacho pashure pekunge atambira chipo chawakamupa, haana kuzombobvira achishandisa asi akachirongedza hake mumba! Asi kana munhu wacho akashandisa chipo chawakamupa uye akatokutenda, unofara chaizvo. Muenzaniso uyu unotidzidzisei? Jehovha akatipa Mwanakomana wake kuti azotifira. Jehovha anofanira kunge achifara chaizvo paanotiona tichiratidza kuti tinotenda chipo chaakatipa uye kuti tinotenda rudo rwaakatiratidza paakatipa rudzikinuro! (Joh. 3:16; VaR. 5:7, 8) Asi nekufamba kunenge kuchiita makore, tinogona kutanga kusakoshesa chipo ichi cherudzikinuro. Izvozvo zvinenge zvakafanana nekutambira chipo ichocho chatakapiwa naMwari, tobva tachiisa pekuti hatichione kana kufunga nezvacho. Kuti izvozvo zvisaitika kwatiri tinofanira kuramba tichifunga zvese zvatakaitirwa naMwari uye naKristu. w25.01 26 ¶1-2
Chishanu, April 24
Fungisisa zvinhu izvi; nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako kunyatsoonekwa nevanhu vese.—1 Tim. 4:15.
Hama inokodzera kuva mukuru inenge isiri murume achangobva kutendeuka. Izvi hazvirevi hazvo kuti unofanira kunge wava nemakore akawanda wabhabhatidzwa, asi unoda nguva yekuti usvike pakuva muKristu akasimba pakunamata. Usati wagadzwa semukuru, unofanira kuratidza kuti uri munhu anozvininipisa uye unofanira kumirira Jehovha kuti akupe mamwe mabasa muungano. Izvi ndizvo zvakaitwa naJesu. (Mat. 20:23; VaF. 2:5-8) Unogona kuratidza kuti wakavimbika paunoramba wakatendeka kuna Jehovha uchirarama maererano nemitemo yake uye uchiteerera zvatinoudzwa nesangano rake. Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti vatariri vanofanira kunge vachikwanisa kudzidzisa. Izvi zvinoreva here kuti unotofanira kunge uchipa hurukuro dzemhando yepamusoro? Aiwa. Vakuru vakawanda, kunyange zvazvo vasingakwanisi kupa hurukuro dzemhando yepamusoro, vanodzidzisa zvakanaka chaizvo muushumiri uye pakufudza. w24.11 23-24 ¶14-15
Mugovera, April 25
[Ndinoda] mirayiro yenyu kupfuura goridhe, kunyange goridhe rakanatswa.—Pis. 119:127.
Paunenge uchiverenga muBhaibheri woona paunenge usiri kunyatsonzwisisa, tsvakurudza. Zvadaro, unogona kuswera uchifungisisa zvaunenge wawana uye kuti zvinokudzidzisei nezvaJehovha, Mwanakomana wake, uye kuda kwavanokuita. (Pis. 119:97, mashoko emuzasi) Usaora mwoyo kana ukasawana chinhu chitsva kana kuti chinokunakidza pese paunoverenga kana kutsvakurudza. Zvauri kuita zvakada kufanana nemunhu anenge achitsvaga goridhe. Kazhinji munhu anotsvaga goridhe anoita maawa kana kuti mazuva akawanda asati awana kana kachidimbu kadikidiki kegoridhe. Kunyange zvakadaro, anoramba achitsvaga nekuti anoziva kuti kunyange kachidimbu ikako kanokosha chaizvo. Pfuma iri muShoko raMwari inotokosha kupfuura goridhe! (Zvir. 8:10) Saka ramba uchiverenga Bhaibheri uye ramba uchitsvaga zvinhu zvitsva zvaungadzidza.—Pis. 1:2. w25.01 24-25 ¶14-15
Svondo, April 26
Sezvo Jehovha akakuregererai nemwoyo wese, imiwo itai saizvozvo.—VaK. 3:13.
Jehovha anoda kuti tigare takagadzirira kuregerera vaya vanotirwadzisa. (Pis. 86:5; Ruka 17:4; VaEf. 4:32) Tinogona kurwadziwa nezvinenge zvataurwa kana kuti zvinenge zvaitwa nemumwe munhu, kunyanya kana ari shamwari yedu kana kuti munhu wemumhuri. (Pis. 55:12-14) Dzimwe nguva, marwadzo acho tinogona kuafananidza nemunhu anenge abayiwa nebanga. (Zvir. 12:18) Tinogona kuedza kuita sekuti hatina kurwadziwa nezvinenge zvaitika. Asi kuita izvozvo kwakafanana nekurega banga racho rakubaya riri ipapo parakabaya. Saizvozvowo, hatingatarisiri kuti kurwadziwa kwatinenge tichiita kuchangodzikira kana tikangokusiya kwakadaro. Kana mumwe munhu akatitadzira, tinogona kumbogumbuka. Bhaibheri rinobvuma kuti tinogona kutsamwa. Asi rinotiyambira kuti tisarambe takatsamwa. (Pis. 4:4; VaEf. 4:26) Nei tisingafaniri kudaro? Nekuti kutsamwa kunogona kuita zvinhu zvatinozozvidemba. (Jak. 1:20) Yeuka kuti kuitirwa zvakaipa kunogona kukugumbura, asi unogona kusarudza kuti woramba wakatsamwa here kana kuti kwete. w25.02 15 ¶4-6
Muvhuro, April 27
Uchenjeri hunochengetedza upenyu hwemuridzi wahwo.—Mup. 7:12.
Jesu akataura mufananidzo unoratidza kusachenjera kwekuunganidza pfuma panyika asi tisina “kupfuma kuna Mwari.” (Ruka 12:16-21) Hakuna munhu anoziva zvichaitika mune ramangwana. (Zvir. 23:4, 5; Jak. 4:13-15) Uyewo Jesu akataura kuti vese vaida kumutevera vaifanira kunge vakagadzirira ‘kusiya zvinhu’ zvavo. (Ruka 14:33, mashoko emuzasi) VaKristu vekutanga vemuJudhiya vakasangana nemamiriro ezvinhu ekuti vaitofanira kusiya zvinhu zvavo, asi vakazviita vachifara. (VaH. 10:34) Mazuva ano hama dzakawanda dzaifanira kubvuma kurasikirwa neupfumi hwavo nemhaka yekuti vairamba kutsigira rimwe bato rezvematongerwo enyika. (Zvak. 13:16, 17) Chii chakavabatsira kuti vakwanise kuita izvozvo? Vaivimba zvakazara nemashoko aJehovha ekuti: “Handizokusiyi, uye handizokurasi.” (VaH. 13:5) Tinoita zvese zvatinogona kuti tironge ramangwana redu. Asi kana zvimwe zvinhu zvatisingatarisiri zvikaitika, tinovimba naJehovha kuti achatitsigira. w25.03 29-30 ¶13-14
Chipiri, April 28
Sezvo takapfuura dzidziso yekutanga pamusoro paKristu, ngatishandei nesimba kuti tikure, tisingavakizve faundesheni.—VaH. 6:1.
Jehovha ane rubatsiro rwaanotipa kuti tikure pakunamata. Vaya vanoshumira sevafudzi uye sevadzidzisi muungano yechiKristu vakagadzirira kutibatsira kuti ‘tikure zvakakwana’ pakunamata ‘tiine chimiro chakazara chaKristu.’ (VaEf. 4:11-13) Jehovha anotipawo mweya wake mutsvene uyo unotibatsirawo kuti tive ‘nepfungwa dzaKristu.’ (1 VaK. 2:14-16) Uye Mwari akaitawo kuti Evhangeri ina dzinyorwe kuti tidzidze pamafungiro, matauriro uye maitiro aJesu paaiita ushumiri hwake panyika. Kana ukava nemafungiro aJesu uye ukatevedzera zvaaiita, uchava muKristu akakura pakunamata. Asi kuti tisvike pakuva vaKristu vakakura pakunamata, tinofanirawo ‘kupfuura dzidziso yekutanga pamusoro paKristu.’ w24.04 4-5 ¶11-12
Chitatu, April 29
Kukwanisa kunyatsofunga kucharamba kuchikurinda, uye ungwaru huchakuchengetedza.—Zvir. 2:11.
Zuva nezuva tinofanira kuita zvisarudzo. Zvimwe zvacho zviri nyore kuita, zvakadai sekusarudza zvekudya mangwanani kana kusarudza nguva yekurara. Zvimwe zvacho zvakaoma kuita. Zvinogona kuita kuti isu nevemumhuri medu tive neutano kana kutokanganisa utano hwedu. Zvinogona kuita kuti tifare kana kutotitorera mufaro wedu. Uye zvinogona kuita kuti tishumire Jehovha zvakanaka kana kutotitadzisa kumushumira. Tinoda kuita zvisarudzo zvinobatsira isu nevemumhuri medu. Asi kupfuura zvese, tinoda kuti zvisarudzo zvedu zvifadze Jehovha. (VaR. 12:1, 2) Danho rinokosha raunofanira kutora kana uchida kuita chisarudzo chakanaka nderekutsvaga mashoko nezvenyaya yacho. Nei izvi zvichikosha? Chimbofungidzira murwere anoenda kuna chiremba nekuti ane dambudziko rakakura reutano raainaro. Chiremba wacho angangotanga kurapa murwere wacho asina kumbotanga amuongorora kana kumubvunza mibvunzo here? Aiwa. Kungofanana nachiremba anonyatsogona basa rake, uchaita zvisarudzo zvakanaka kana ukatanga watsvaga mashoko nezvenyaya yacho. w25.01 14 ¶1-3
China, April 30
Jehovha [akuregererai] chivi chenyu. Hamuchafi.—2 Sam. 12:13.
Chii chatinoziva nezvetsitsi dzaJehovha? Akaratidza sei kuti ‘haana waanoda kuti aparadzwe’? (2 Pet. 3:9) Funga nezvetsitsi dzaakaratidza vanhu vakaita zvivi zvakakura. Mambo Dhavhidhi akaita zvivi zvakakura zvakawanda zvaisanganisira upombwe uye kuuraya munhu. Asi Dhavhidhi akapfidza, saka Jehovha akamunzwira tsitsi ndokumuregerera. (2 Sam. 12:1-12) Mambo Manase aiita zvinhu zvakaipa chaizvo kwemakore akawanda muupenyu hwake. Asi pasinei naizvozvo, Jehovha akaratidza tsitsi uye akakanganwira Manase nekuti akanga apfidza. (2 Mak. 33:9-16) Mienzaniso iyi inotiyeuchidza kuti Jehovha anoratidza tsitsi pese paanoona paine chikonzero chekuti adaro. Achamutsa vanhu vakadaro nekuti vakaziva kuti vakanga vaita zvivi zvakakura vachibva vapfidza. w24.05 4 ¶12