CHIKAMU 3
Kubva Pana Jesu Kusvika Panguva Yakazofa Muapostora Johani
Muchikamu chino tichaverenga nezvenyaya dzakaitika mumakore anenge 100. Tichatanga nekunzwa nezvemhandara yechiJudha inonzi Mariya. Musikana uyu aizvininipisa uye akapiwa basa rinokosha chaizvo naJehovha risina kumbobvira rapiwa chero mumwe munhu. Muchitsauko chekupedzisira tichazonzwa nezvemudzidzi aidiwa chaizvo naJesu ainzi Johani. Zvimwe zvitsauko zviri pakati zvichange zvichitaura nezvevanhu vaiva neushingi vakadai saJohani Mubhabhatidzi, Petro, Mariya Magadharini, Stefani, uye Pauro. Vaifanira kuratidza ushingi pakutaura kuti Jesu ndiye aiva Mesiya kunyange zvazvo vamwe vanhu vakanga vasingazvibvumi. Vakatevedzera Jesu pakuparidza mashoko akanaka kunyange zvazvo vaipikiswa zvakasimba.