RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wcg chits. 46 pp. 208-211
  • “Ndaona Ishe!”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ndaona Ishe!”
  • Famba naMwari Neushingi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Kuongorora
  • Zvidzidzo Zvatinowana
  • Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
  • Dzidza Zvimwe
  • Ndiani Ainzi Mariya Magadharini?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • “Ndaona Ishe!”
    Tevedzerai Kutenda Kwavo
  • Akashinga Kubvuma
    Famba naMwari Neushingi
  • “Aita Zvaagona”
    Famba naMwari Neushingi
Ona Zvimwe
Famba naMwari Neushingi
wcg chits. 46 pp. 208-211

46 MARIYA MAGADHARINI

“Ndaona Ishe!”

Rakaprindwa
Rakaprindwa

NYAYA yaMariya Magadharini inotangira pakusunungurwa kwaakaitwa kubva padambudziko rinorema raaiva naro. Bhaibheri rinotiudza kuti Mariya “akanga abuda madhimoni manomwe.” Zviri pachena kuti Jesu Kristu ndiye akanga amusunungura padambudziko iroro raaiva naro. Saka akasarudza kushandisa rusununguko rwaakanga ava narwo kutevera Jesu kwese kwaaienda achiita zvese zvaaigona kuti amutsigire uye aizviita neushingi.

Aishevedza Tenzi wake waaida chaizvo kuti Rabhoni. Iri ishoko rinoreva kuti “Mudzidzisi,” uye rinoburitsa pfungwa yekuremekedza zvakanyanya. Jesu nevaapostora vake 12, vaitenderera munharaunda yacho yese vachidzidzisa vanhu nezveUmambo hwaMwari. Mariya akaona kuti varume ava vakanga vasiya mabasa avo avaiita kuti vazviriritire kuitira kuti vashandise nguva yavo nesimba kuita basa iri rinokosha. Mariya akaita sei kuti avabatsire?

Mariya Magadharini aimborarama upenyu hwakaoma asi akazoshandisa upenyu hwake kubatsira Jesu nevateveri vake

Mariya aiva mumwe wevakadzi ‘vaishumira Jesu vachishandisa zvinhu zvavo.’ Izvi zvinoreva kuti vaishandisa mari yavo kuti vatsigire Jesu nevaapostora vake. Vakadzi ava vaifamba pamwe chete naJesu ‘vachitenderera maguta ese nemisha yese’ uye vese pamwe chete vaiva vadzidzi vanogona kusvika 20 kana kudarika. Patsika dzavo zvakanga zvisina kujairika kuti vakadzi vafambe nemudzidzisi wezvechitendero. Saka vakadzi ava vanofanira kunge vaitoshorwa zvakanyanya. Asi Mariya nevamwe vakadzi vaaiva navo, vakanga vasina basa nekushorwa nekuti vaitoona kufamba naJesu iri ropafadzo chaiyo. Vakashinga kutsigira Jesu pasinei nezvaifungwa nevanhu.

Mariya anofanira kunge akarwadziwa chaizvo Jesu paakasungwa usiku musi wePaseka kuJerusarema, achipomerwa kunzi munhu anomhura, uye achibva atongerwa kuti arovererwe. Asi akaramba akashinga. Akabatana nevamwe vakadzi vainge vakatendeka, kusanganisira Mariya amai vaJesu, vachibva vaenda kunzvimbo yaizourayirwa Jesu, vachiratidza kuti vaimutsigira, vainge vakatendeka uye kuti vaimuda. Kunyange paakanga arovererwa, achitambura zvakanyanya, Mariya Magadharini nevamwe vakadzi ivava vakaramba varipo, havana kumbobvira vamusiya. Vakaona Jesu achifa akaperera kuna Baba vake, achizadzisa zvaakanga atumwa kuti aite.

Mariya Magadharini achinyaradza amai vaJesu pavari kuona Jesu achitambura ari padanda. Vatungamiriri vechitendero chechiJudha vakavatarisa, uye pane masoja eRoma akamira pedyo nevamwewo vari kutarisa zviri kuitika vari nechekure vachiratidza kuti vari kushungurudzika.

Vakadzi ava vakaratidza ushingi pakuti havana kumbozeza kuchema Jesu pamberi pemasoja eRoma uye vakuru vechiJudha. Kunyange zvazvo Mariya akanga akasuruvara, ane chimwe chinhu chaaida kuita kuti aratidze kuti aida Jesu. Munharaunda iyoyo yeJudhiya maipisa zvakanyanya. Izvi zvaiita kuti chitunha chikurumidze kushata chotanga kunhuwa. Saka kuti vanhu vasavhiringwe nekunhuwa kwechitunha chacho, vaichizora mafuta nezvimwe zvinhu zvinonhuwirira vasati vaenda kunoviga. Kunyange zvazvo Jesu akanga atovigwa kare, Sabata parakangopera, Mariya pamwe chete nevamwe vakadzi vaaiva navo vakatenga mafuta nezvimwe zvinonhuwirira. Vakabva vamukira mangwanani, vakaenda nazvo kuguva raJesu.

Mariya ndiye anogona kunge akatanga kusvika paguva racho uye akashamiswa paakaona kuti guva racho rakanga rakavhurika uye mukati makanga musina chinhu! Akabva amhanya kunoudza Petro naJohani. Paakazodzoka kuguva racho, akawana vamwe vakadzi vasisipo. Akaswedera pedyo achibva adongorera muguva racho uye akaona “ngirozi mbiri dzakapfeka zvichena dzakagara paimbova nechitunha chaJesu.” Pashure pekunge ataura nengirozi dzacho, akatendeuka akaona mumwe murume uyo waakafungidzira kuti aiva mushandi wemumunda. Murume wacho akabva amubvunza kuti, “Muri kuchemei nhai amai?” Mariya akapindura achimuudza kuti aitsvaga mutumbi waJesu, achibva azoti: “Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndiudzei kwamamuisa ndinomutora.” Mariya haana kumbofunga kuti aizokwanisa here kusimudza mutumbi wemurume mukuru. Chaaingoziva ndechekuti aifanira kuita zvese zvaaigona kuti agadzirise zvinhu.

Paakatendeuka kuti achienda hake akasuruvara, murume wacho akabva ati kwaari: “Mariya!” Akabva aziva kuti inzwi iri raiva raJesu, achibva ati: “Rabhoni!” achibva amumbundira. Jesu haana kumubvumira kuti arambe akamumbundira. Aiva nebasa rinokosha raaida kumupa. Akaudza Mariya kuti, “Enda kuhama dzangu.” Jesu akatuma Mariya kuti aendese mashoko anokosha chaizvo kuvaapostora vake ekuti Tenzi wavo akanga amutswa! Akabva angoenda ipapo ipapo. Asi pekutanga, vaapostora pavakanzwa mashoko aya, havana kuzvibvuma. Bhaibheri rinoti: “Mashoko aya aiita seenhando kwavari.” Asi izvozvo hazvina kuita kuti Mariya anete. Akaramba achizivisa vanhu mashoko akanaka ekuti Jesu akanga amutswa uye aizviita neushingi.

Verenga nyaya yacho muBhaibheri:

  • Mateu 27:​55, 56

  • Mako 16:​1, 2

  • Ruka 8:​1-3; 24:​1-11

  • Johani 19:25; 20:​1, 2, 11-18

Mubvunzo wekukurukura:

Mariya Magadharini akaratidza sei ushingi?

Wedzera Kuongorora

  1. 1. Mariya Magadharini nevamwe vakadzi vaaiva navo vanogona kunge vaitsigira sei Jesu nevaapostora vake? (ijwia nyaya yechi6 ¶5-6-wcgr) Ona mufananidzo A

    Mariya Magadharini achikwazisa Jesu nevaapostora vake vaviri vari kusvika pamba pake. Vamwe vakadzi varipo vari kubika chingwa nekusona vachifara.

    Mufananidzo A

  2. 2. Nei Mariya asina kuziva Jesu paakatanga kumuona amutswa? (ijwia nyaya yechi6 ¶16-wcgr)

  3. 3. Nei Jesu akaudza Mariya Magadharini kuti asarambe akamubata? (w08 4/15 32 ¶5-wcgr)

  4. 4. Vaapostora vakafunga kuti mashoko aMariya Magadharini ekuti Jesu akanga amutswa ‘aiva enhando.’ Chii chinogona kunge chakaita kuti vave nemafungiro akadaro? (Ruka 24:11; w12 9/1 10 ¶4-5-wcgr)

Zvidzidzo Zvatinowana

  • Mariya Magadharini aiita mabasa akasiyana-siyana achibatsira vamwe. Tingamutevedzera sei? Ona mufananidzo B

    Hanzvadzi 3 dziri kupa hama zvekudya dzichifara pari kuitwa basa rekuvaka.

    Mufananidzo B

  • Tingatevedzera sei Mariya Magadharini kana vanhu vakaramba kana kuti vakasakoshesa mashoko atinoparidza? (Ruka 24:​10, 11)

  • Ungatevedzera sei ushingi hwaiva naMariya Magadharini?

Mibvunzo Yekufunga Nezvayo

  • Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?

  • Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?

  • Nei zvichikufadza kuti Mariya Magadharini anogona kunge akasarudzwa kuti anotongawo naKristu kudenga?

Dzidza Zvimwe

Ona kusiyana kwakaita zvinotaurwa nevanhu nezvaMariya Magadharini nechokwadi chinotaurwa muBhaibheri.

“Ndiani Ainzi Mariya Magadharini?” (ijwbq nyaya yechi172-wcgr)

Mabatiro aiita Jesu Mariya Magadharini nevamwe vakadzi anotidzidzisei nezvemabatirwo anofanira kuitwa vanhukadzi?

“Vakadzi vechiKristu Vanofanira Kukudzwa Nekuremekedzwa” (w95 7/15 15-18 ¶3-8-wcgr)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe