RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wcg chits. 40 pp. 180-183
  • Akavakazve Masvingo Eguta

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Akavakazve Masvingo Eguta
  • Famba naMwari Neushingi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Kuongorora
  • Zvidzidzo Zvatinowana
  • Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
  • Dzidza Zvimwe
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 16—Nehemia
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • “Ramba Uchikunda Zvakaipa Nezvakanaka”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raNehemiya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Masvingo eJerusarema
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Famba naMwari Neushingi
wcg chits. 40 pp. 180-183

40 NEHEMIYA

Akavakazve Masvingo

Rakaprindwa
Rakaprindwa

NEHEMIYA aigara kuPezhiya muguta rainzi Shushani, asi mwoyo wake wakanga uri kure chaizvo kuJerusarema nekuti ndiko kwaiva netemberi yaJehovha. Vanhu vaMwari vakanga vatomboita makore akawanda vari nhapwa, asi panguva iyi vakanga vabvumirwa kuti vadzokere vanogarazve kuJerusarema. Kunyange zvakadaro pavakanga vadzokera kuJerusarema vakanga vasiri kunyatsonamata Mwari nenzira yaanoda. Ukuwo masvingo eguta racho aiva nepamwe painge pakawondomoka. Mumazuva iwayo guta rakanga risina masvingo raigona kungorwiswa nyore nyore, saka vanhu vakawanda vakanga vasingade kugara muJerusarema

Nehemiya aiva nechinzvimbo chepamusoro uye airemekedzwa chaizvo muhurumende yePezhiya yaitongwa naMambo Atashasta. Asi pasinei nekuti airemekedzwa chaizvo muhurumende yePezhiya, kushumira Jehovha akavimbika ndiko kwainyanya kukosha kwaari. Rimwe zuva Nehemiya akashanyirwa neimwe hama yake ikamuudza kuti zvinhu zvakanga zvisina kumira zvakanaka kuJerusarema. Yakati masvingo eguta racho akanga aine pamwe pakanga pakawondomoka uye vanhu vemuguta racho ‘vaishorwa.’

Nehemiya akarwadziwa chaizvo. Akazonyora kuti: “Ndakagara pasi ndikatanga kuchema, ndikaita mazuva ndichichema.” Akabva anyengetera kuna Jehovha achikumbira kuti ayeuke vanhu vake uye kuti avabatsire. Rimwe zuva Nehemiya paakaenda kunopa Mambo Atashasta waini, mambo akabvunza Nehemiya kuti nei akanga akasuruvara. Nehemiya akarohwa nehana asi akashinga kutaura nyaya yake. Akabva audza mambo kuti “zvinhu zvakanga zvisina kumira zvakanaka” kuJerusarema. Saka mambo akabva amubvunza kuti aifungei nezvazvo. Nehemiya akazonyora kuti, “Ndakabva ndangonyengetera kuna Mwari wedenga.” Akabva audza mambo iyeye aiva nesimba kuti aida kusiya basa kwekanguva, odzokera kuJerusarema kuti anobatsira pakuvakazve masvingo aro uye kugadziridza magedhi eguta racho. Mambo akabvumira Nehemiya kuti aite zvese zvaakanga akumbira!

Saka Nehemiya akabva aenda kuJerusarema. Rwendo rwacho rwakanga rwakareba uye rwaiva nengozi. Rimwe zuva paakanga ava ikoko akatenderera achiongorora masvingo eguta racho huri usiku. Akazoronga mashandiro aizoita vanhu uye akavakurudzira kuti vauye kuzoita basa rekuvakazve masvingo eguta racho. Haana kungopa vanhu basa rekuita iye akagara. Vanhu vakawanda chaizvo vakauya kuzoita basa racho, kusanganisira vairemekedzwa uye vaiva vakapfuma, vakadai sevaigadzira midziyo yegoridhe uyewo machinda. Mumwe muchinda akatouya nevanasikana vake akashanda pamwe chete navo.

VaJudha vaiva nevavengi vakawanda vaivapikisa vaisada kuona Jerusarema richivazve guta rine simba uye rakachengeteka. Saka vakatanga vachivashora uye vachivanyomba. Mumwe wavo akatoti kunyange gavawo zvaro raigona kuwondomora masvingo eguta aivakwa naNehemiya nevaJudha. Asi Nehemiya haana kuvateerera uye akaramba achikurudzira vanhu vaishanda kuti varambe vachiita basa.

Akavaka masvingo eJerusarema pasinei nekuti aishorwa uye aityisidzirwa

Asi vavengi vavo vakatowedzera kuvapikisa. Pavakaona kuti vaJudha vakanga vavaka kusvika pahafu yekukwirira kwerusvingo rwacho, vakabva vatanga kugadzirira kuuya kuzovarwisa. Nehemiya akabva aita kuti pave nevarume vairinda guta racho vakapakata zvombo. Pavakaona kuti ndizvo zvakanga zvarongwa naNehemiya vakabva varega kuuya kuzovarwisa. Kubva ipapo Nehemiya neimwe hafu yevarume vaivapo vakatanga kurinda guta racho vakapakata zvombo uye vakagadzirira kurwa, uku imwe hafu yevarume vacho ichienderera mberi nekuvaka masvingo eguta racho. Asi vavengi vacho havana kukanda mapfumo pasi.

Nehemiya nemubatsiri wake vachiongorora basa riri kuitwa rekuvakazve masvingo eJerusarema. Vari kutarisa varume nevakadzi vari kushanda nesimba vachiunganidza nekugadzira zvinhu zvekushandisa pakuvaka uye pane varume vari kuvaka vari pamanera.

Vakabva varonga rimwe zano kuti vatyisidzire Nehemiya. Vakabhadhara mumwe murume kuti aende kunoudza Nehemiya kuti vavengi vake vakanga vari kuuya kuzomuuraya. Saka aifanira kuenda kunohwanda mutemberi. Asi kuita izvozvo kwaizova kutyora mutemo waMwari, saka Nehemiya akaramba kuenda kunohwanda mutemberi. Akati: “Munhu akaita seni angatiza here?” Akabva aenderera mberi nebasa achiziva kuti vaJudha vaiita zvaidiwa naJehovha kuti vaite uye kuti Jehovha aivatsigira. Jehovha akaratidza kuti aivatsigira zvechokwadi, nekuti mumazuva 52 chete masvingo acho ese akapera kuvakwa, uye vavengi vavo nevanhu vese vaya vaivashora nekuvaseka vakashaya pekupinda nekunyara.

Iye zvino Nehemiya akanga ava kuda ushingi hwekuti abatsire vanhu verudzi rwake. Akanga ava kufanira kuvatungamirira kuti vanyatsoshumira Jehovha. Semuenzaniso, paakanzwa kuti vanhu vakanga vakapfuma vaikweretesa varombo mari vozovabhadharisa yawanda, Nehemiya akashinga kuvatsiura. Pava paya paakazonzwa kuti vamwe vanhu vakanga vasina kuteerera mutemo waJehovha wekuti vasaroore madzimai ekune dzimwe nyika, akavatsiura zvakasimba achiratidza ushingi.

Nehemiya akanyaradzawo vanhu verudzi rwake. Vanhu pavakanzwa mutemo waMwari uchiverengwa uye pavakaziva kuti vaitadzira Mwari zvakanyanya vakatanga kunetseka. Asi Nehemiya akavaudza kuti: “Mufaro waJehovha ndiyo nhare yenyu.” Aiziva kuti kushumira Mwari anofara ndiko kunoita kuti tinzwe takachengeteka. Hapana masvingo kana nhare zvingaita kuti tinzwe takachengeteka kupfuura kuchengeteka kwatinonzwa patinoshumira Jehovha tichifara. Kunyange mazuva ano mufaro waJehovha unoitawo kuti tive neushingi.

Verenga nyaya yacho muBhaibheri:

  • Nehemiya 1:1–6:19; 8:​1-18; 13:​23-31

Mubvunzo wekukurukura:

Nehemiya akaratidza sei ushingi?

Wedzera Kuongorora

  1. 1. Basa raNehemiya rekudirira mambo waini raisanganisirei? (w10 7/1 9 ¶5-7-wcgr) Ona mufananidzo A

    National Museum of Iran, Tehran, Iran/Bridgeman Images

    Mufananidzo A: Mufananidzo wakatemererwa padombo uri kuratidza mudiri wamambo Dhariyasi mukuru, uyo aiva sekuru vaAtashasta

  2. 2. Zvakaitwa nevanasikana vaSharumu zvakasiyana papi nezvakaitwa nevarume vekuTekoa? (Neh. 3:​5, 12; w19.10 23 ¶11)

  3. 3. Vaya vaitakura zvinorema vaikwanisa sei kuita “basa racho neruoko rumwe chete, rumwe rwacho rwakabata chombo”? (Neh. 4:​17, 18; w06 2/1 9 ¶1-wcgr) Ona mufananidzo B

    Munhu akatakura tswanda papfudzi rake neruoko rumwe chete uye rimwe rakabata bakatwa rakasungirirwa muchiuno.

    Mufananidzo B

  4. 4. Nei Nehemiya ainetseka nekuti vamwe vana vechiJudha vaisakwanisa kutaura chiHebheru? (Neh. 13:​23-27; w16.10 14 ¶4-wcgr)

Zvidzidzo Zvatinowana

  • Vakuru vangatevedzera sei Nehemiya . . .

    • pakuvimba naJehovha? (Neh. 1:​4-11; 4:14; 13:​1-3)

    • pakuva nechido chekushanda pamwe chete nehama dzavo? (Neh. 4:​15, 21-23)

    • pakunzwawo zvichemo zvevamwe? (Neh. 5:​1-7) Ona mufananidzo C

      Mukuru ari kunyatsoteerera hanzvadzi mbiri achidzinzwira tsitsi padziri kumuudza dambudziko radzo vari muImba yeUmambo.

      Mufananidzo C

  • Nyaya yaNehemiya inotidzidzisei nezvemakomborero anowanikwa nemunhu anosiya upenyu hwakanaka achida kushumira Jehovha?

  • Ndepapi pamwe patingatevedzera ushingi hwakaratidzwa naNehemiya?

Mibvunzo Yekufunga Nezvayo

  • Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?

  • Nyaya iyi inobatana sei nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?

  • Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Nehemiya paachamutswa?

Dzidza Zvimwe

Nyaya yaNehemiya inotidzidzisei nezvesimba remunyengetero?

“Mwari Akapindura Munyengetero Wake” (Nyaya dziri pajw.org pakanzi “Nyaya dzemuBhaibheri Dzekudzidza”-wcgr)

Muvhidhiyo inotevera ona kuti Nehemiya akaratidza sei ushingi paairamba achingopikiswa.

Nehemiya: “Mufaro waJehovha Ndiyo Nhare Yenyu”—Chikamu I—Chidimbu (5:22)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe