51 BHANABHASI
“Mwanakomana Wekunyaradza”
SAURO wekuTaso paakadzokera kuJerusarema pashure pekunge aita makore matatu asiko akatsvaga vaKristu vemuJerusarema. (VaG. 1:15-19) Iye akanga ava kuona vaKristu ivavo sehama nehanzvadzi dzake, asi ivo vakanga vachiri kumuona semunhu aitambudza vaKristu. Zvinoita sekuti vakawanda vavo vakanga vasiri kuziva kuti akanga atochinja. Asi pane mumwe muKristu akamunzwira tsitsi akaratidza ushingi hwekumubatsira. MuKristu wacho akazopiwa zita rekuti Bhanabhasi.
VaKristu vemuJerusarema vaizeza kubatsira Sauro wekuTaso, asi Bhanabhasi akashinga kumubatsira
Bhanabhasi anotanga kutaurwa nezvake muBhaibheri achishevedzwa nezita rekuti Josefa. Panenge panguva yakaitwa Pendekosti yegore ra33 C.E., Josefa akatengesa munda wake achibva apa mari yacho kuti ishandiswe pakubatsira vamwe vaKristu vaida rubatsiro. Vaapostora vakazomupa zita rekuti Bhanabhasi, zvinoreva kuti “Mwanakomana Wekunyaradza,” nekuti vakanga vaona kuti aiva nemutsa uye aida kunyaradza vamwe. Pave paya, munenge mugore ra36 C.E., akaratidza ushingi ndokugamuchira Sauro. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Bhanabhasi ndiye akazomubatsira akaenda naye kuvaapostora.”
Saka kubva ipapo Bhanabhasi naSauro vakabva vava neushamwari hwakasimba. Sauro akashanda nesimba pakuparidza muJerusarema zvekuti vamwe vanhu vainyanya kukoshesa chitendero chavo vakanga vava kuda kumuuraya. Saka hama dzakabva dzaita kuti aende kuTaso kwaakaberekerwa. Papera makore anenge 9, Bhanabhasi akazotumirwa kuAndiyoki yekuSiriya kuti aende kunokurudzira vadzidzi vatsva. Bhaibheri rinotaura kuti Bhanabhasi “aiva munhu akanaka akazara nemweya mutsvene uye kutenda.” Saka vanhu vakawanda kuAndiyoki vakagamuchira mashoko akanaka zvekuti pakanga pava kutodiwa vamwe vaparidzi kuti vanobatsirawo ikoko. Bhanabhasi akabva aenda kuTaso achinotsvaga shamwari yake Sauro. Pavakadzoka, vakabatsirana pakuita basa rekuparidza. Vakabatsirawo pakuita kuti zvinhu zvekuyamura zvakanga zvatumirwa nevamwe vaKristu zvisvike kuvaKristu vaida rubatsiro.
Sauro uyo akazozivikanwa saPauro, akabatsirana naBhanabhasi pabasa reumishinari. Vakasangana nezvinhu zvakawanda zvaida kuti varatidze ushingi. KuIkoniyumu, vamwe vaJudha vaipikisa basa ravo vaida kuvatema nematombo, saka Pauro naBhanabhasi vakabva vatiza vachienda kuRistra. Pakutanga, vanhu vekuRistra vakafunga kuti Bhanabhasi naPauro vaiva vanamwari! Asi vamwe vaJudha vaivapikisa vakauya vachibva kuAndiyoki neIkoniyumu ndokufurira vanhu. Vakatema Pauro nematombo vakamusiya kunze kweguta vachifunga kuti afa. Asi vaKristu vekuRistra pavakaunganira Pauro, akabva amuka akafamba achidzokera muguta. Fungidzira kufara kwakaita Bhanabhasi paakaona kuti Pauro akanga achiri mupenyu! Bhanabhasi naPauro vakazobuda muRistra. Asi pasina nguva refu vakadzokerazve kuRistra kuti vanonyaradza vaKristu vaiva ikoko. Izvozvo zvaitoda ushingi!
Bhanabhasi naPauro vane zvinhu zvakawanda zvavakasangana nazvo zvinonakidza mubasa raJehovha, kunyange zvazvo dzimwe nguva vaimbosangana nezvinhu zvaiisa upenyu hwavo panjodzi. Asi pane zvakamboitika zvakamboti vhiringidzei ushamwari hwavo. Bhanabhasi aida chaizvo kuti vafambe nehama yake Mako parwendo rwavakanga vava kuda kuenda. Asi Pauro akanga asingadi nekuti Mako akanga ambovasiya. Mumwe nemumwe wavo akaramba akatsika madziro. Izvi zvakaita kuti vapopotedzane zvikuru zvekuti vakaparadzana.
Bhanabhasi aizoramba akatsamwira Pauro here kana kuti aizomuregerera? Zvaitoda ushingi kuti amuregerere. Kana muKristu akasawirirana nemumwe, zviri nyore kuti achengete chigumbu, kana kuti ataure zvakaipa nezvewaakakanganisirana naye, kana kutozopedzisira arega kupinda misangano. Zvinoda ushingi kuti muKristu asaite izvozvo asi kuti aite zvese zvaanogona kuti ave nerugare nehama kana kuti hanzvadzi yake yaanenge akanganisirana nayo. Kana akadaro zvinoita kuti Jehovha afare.
Zviri pachena kuti varume ava havana kurega kusawirirana kwavo kuchikanganisa basa raJehovha. Bhanabhasi naMako vakaenda kuSaipurasi nechikepe, vakaramba vachiita basa ravo rekubatsira vanhu kuti vave vadzidzi. Pauro akatora Sirasi ndokuenderera mberi nerwendo rwake uye Jehovha akavabatsira kuti vakurudzire ungano uye kuti vabatsire vanhu vakawanda kuti vanzwe mashoko akanaka.
Varume vaviri ava vakaramba vakachengeterana chigumbu here? Aiwa. Tinodaro nekuti Pauro paakanyorera dzimwe ungano tsamba, akataura zvakanaka nezvaBhanabhasi mutsamba idzodzo. Mune imwe yacho, akataura kuti iye naBhanabhasi vaishanda kuti vakwanise kuzviriritira pavaiita ushumiri hwavo. (1 VaK. 9:6) Mune imwe yacho, akataura zvakanaka nezvaMako “hama yaBhanabhasi.” (VaK. 4:10, 11) Bhanabhasi naPauro vanogona kunge vasina kuzoramba vachiparidza vari vese, asi ushamwari hwavo hwakaramba hwakasimba. Bhanabhasi akaramba achiita zvaienderana nezita rake, zvekuparidzira vamwe mashoko akanaka uye kuvanyaradza. Uye paaishanda naMako akamudzidzisa zvinhu zvakawanda pabasa raJehovha. Muchitsauko chinotevera, tichadzidza nezveushingi hwakaratidzwa naMako.
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Bhanabhasi akaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. VaRevhi havana kupiwa nhaka yemunda. Saka zvakafamba sei kuti Bhanabhasi uyo aiva muRevhi azova nemunda waakazotengesa? (Num. 18:20; Mab. 4:36, 37; w98 4/15 20 ¶4, mashoko emuzasi-wcgr)
2. Nei Bhanabhasi ainzi muapostora? (Mab. 14:14; it “Bhanabhasi” ¶3-wcgr)
3. Bhanabhasi naPauro pavaiva kuSaipurasi vakaparidzira mumwe murume ainzi Segiyo Paurosi. Saka Ruka, munyori webhuku raMabasa, akataura chokwadi here paakataura nezvaSegiyo Paurosi ‘sagavhuna weruwa’? (Mab. 13:7, 12; it “Saipurasi” ¶7-wcgr) Ona mufananidzo A
Bank of Cyprus Cultural Foundation Collection
Mufananidzo A: Mari yesimbi yaishandiswa panguva yaitonga Kraudhiyo, uyo aiva mambo panguva yakashanya Bhanabhasi naPauro kuSaipurasi. Pamari yacho panewo mashoko anotaura ‘nezvagavhuna’ wechitsuwa chacho
4. Nei zvisingashamisi kuti vanhu vekuRistra vakauya kuzogamuchira Bhanabhasi naPauro vaine zvibayiro? (bt 97, bhokisi)
Zvidzidzo Zvatinowana
Tingatevedzera sei rupo rwaiva naBhanabhasi?
Kunyange zvazvo zvichiita sekuti pekutanga Bhanabhasi ndiye aitungamirira parwendo rweumishinari rwavakaita naPauro, Pauro ndiye akazopedzisira ava kunyanya kutaurwa nezvake kudarika Bhanabhasi wacho. Asi zvinoita sekuti Bhanabhasi haana kumbobvira amuitira shanje. Ndepapi patingamutevedzerawo? Ona mufananidzo B
Mufananidzo B
Ndepapi pamwe paungatevedzera ushingi hwakaratidzwa naBhanabhasi?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Nei zvichikufadza kuti Bhanabhasi akasarudzwa kuti anotongawo naKristu kudenga?
Dzidza Zvimwe
Ushamwari hwaBhanabhasi naPauro hunotidzidzisei panyaya yekuti vanhu vane unhu hwakasiyana vanokwanisa kushanda pamwe chete?
“Muchagadzirisa Kusanzwisisana Moita Kuti Pave Nerugare Here?” (w17.06 16-20-wcgr)
Muvhidhiyo iyi, ona kuti mazuva ano hama dzingaita sei kuti dzitangezve kuwirirana sezvakaita Bhanabhasi naPauro.