50 SAURO WEKUTASO
Akashandura Pfungwa Dzake
PAKUTANGA, Sauro wekuTaso akanga asiri kutombozvidemba nekubatanidzwa kwaakaitwa pakuurayiwa kwaStefani.a Pane kuti azvidembe, Sauro akatowedzera kuomesa mwoyo. Aiva neshungu “dzekutyisidzira nekuponda vadzidzi vaIshe” muJerusarema achifunga kuti zvaaiita zvaiva nemusoro. Saka akaita kuti vadzidzi vaJesu vakawanda vaiswe mujeri vasina mhosva. Nyaya dzevaKristu padzaitongwa, Sauro aitsigira kuti vaurayiwe. VaKristu vakawanda vakabva vatiza muJerusarema nekuti kutambudzwa kwacho kwakanga kwanyanya. Asi Sauro haana kugumira ipapo. Akabva aenda kuMupristi Mukuru akakumbira tsamba dzaimubvumira kuti aende kunosunga vamwe vaKristu kuDhamasiko.
Akabva asimuka akananga kuchamhembe kweJerusarema kuguta raiva mugwenga reDhamasiko. Akanga asiri kuziva kuti Jesu akanga ari mupenyu uye ari parutivi paBaba vake kudenga. Jehovha naJesu vaiziva zvese zvaiitwa naSauro. Asi zvinoshamisa kuti pasinei nezvaaiita, vakaona kuti aikwanisa kuzova munhu akanaka. Sauro nevamwe vake pavakanga vava kusvika kuDhamasiko, vakangoerekana vapenyerwa nechiedza. Chiedza chacho chaipenya “kupfuura zuva”! Sauro akabva awira pasi, asi akanga asingachaoni.
Sauro akabva anzwa inzwi richiti: “Sauro, Sauro, uri kunditambudzireiko?” Inzwi racho rakaenderera mberi richiti: “Kuramba uchikava zvibayiso kunoita kuti zvikuomere.” Sauro akabva abvunza kuti, “Ndimi ani, Ishe?” Sauro anofanira kunge akavhunduka paakanzwa inzwi racho richiti: “Ndini Jesu, wauri kutambudza.” Jesu akabva amuudza kuti asimuke ndokumutsanangurira nezvebasa raaida kuti aite. Basa racho raizova rekupa uchapupu hwekuti zvese zvakanga zvadzidziswa naJesu zvaiva zvechokwadi. Sauro, uyo akanga ava bofu, akanga ava kufanira kuvhura maziso evaya vasingatendi, kuti vabve murima vachipinda muchiedza.
Zvakafamba sei kuti munhu aimbotambudza vaKristu zvinotyisa azotendeuka kuva munhu aishingaira kuparidza nezvaJesu?
Zvakaitika musi uyu zvakaita kuti murume uyu aizvikudza uye aiva neutsinye azvininipise. Sezvo akanga asisaoni, Sauro akaita zvekutungamirirwa nevamwe kuenda kuDhamasiko, uye paakanga asvika ikoko, akamirira kusvikira mumwe muKristu auya kuzomuona. Sauro akaita mazuva matatu achitsanya. Izvi zvinoratidza kuti ainetseka chaizvo nezvaaimboita, uye kuti akanga apfidza zvivi zvake. Zviri pachena kuti anofanira kunge akanyengetera kwenguva refu achidurura mwoyo wake kuna Jehovha. Sauro akanga ava kuziva kuti aitambudza Mwanakomana waMwari! Jesu akatumira mumwe muKristu ainzi Ananiyasi kuna Sauro. Ananiyasi akaenda akaisa maoko ake pana Sauro kunyange zvazvo akambotanga achitya. Mumaziso aSauro makabva madonha “zvinhu zvinenge makwati,” achibva atanga kuona zvakare! Panguva iyi Sauro akanga achinja, akanga awedzera kuva munhu anozvininipisa, uye uchenjeri hwake hwakanga hwawedzerawo. Akabva “asimuka akabhabhatidzwa.”
Paakangova muKristu, Sauro akabva atotanga kuparidza. Pane kuti adzokere kuJerusarema, Sauro akasarudza kuenda kumasinagogi aiva muDhamasiko kwaanofanira kunge ainyatsozivikanwa. Asi izvozvo zvinofanira kunge zvainge zvakamuomera chaizvo. Anofanira kunge akanyengetera kuti ave neushingi hwekuita izvozvo. Fungidzira kushamisika kwakaita vanhu pavakanzwa Sauro achitaura kuti akanga ava muKristu uye kuti zvese zvaaimboita zvakanga zvisina kunaka! Sauro haana kugumira ipapo asi “akaramba achiwana simba uye aishamisa vaJudha vaigara muDhamasiko paaitsanangura zvinogutsa kuti Jesu ndiye Kristu.”
Pane imwe nguva achiri kugara kuDhamasiko, Sauro akaenda kuArabhiya. Arabhiya inogona kunge yaiva kugwenga reSiriya. Bhaibheri haritiudzi kuti akaenda kunoitei. Asi tinogona kufungidzira Sauro ari ega murenje, achidzamisa pfungwa nekunyengetera uye achifunga nezvebasa guru raaizoita. Kweupenyu hwake hwese, Sauro haana kumbobvira arega kudzidza Magwaro uye kufungisisa zvaaidzidza. Izvi zvakaita kuti anyatsoshandura pfungwa dzake. Pava paya, akazokurudzirawo vaKristu vemuRoma kuti varambe vachishandura pfungwa dzavo.—VaR. 12:2.
Sauro haana kumbobvira akanganwa zvinhu zvakaipa zvaaimboita. Kunyange papfuura makore akawanda, akati: “Ndaimbova munhu anomhura, mutambudzi uye munhu anoita zvakaipa.” (1 Tim. 1:13) Akataura nezvenyaya yekuurayiwa kwaStefani achiratidza kuti aizvidemba. (Mab. 22:19-21) Asi Sauro aiziva kuti Jehovha naJesu vakanga vamuregerera, uye vakaramba vachimukomborera.
Sauro akagara muDhamasiko kwemakore anenge matatu uye akazotiza muguta racho vaJudha pavakanga vava kuda kumuuraya. Akatozoita zvekudzikiswa nepahwindo raiva parusvingo ari mudengu, achibva atizira kuJerusarema. Asi rwendo rwake semuKristu rwakanga ruchiri kutotanga.
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Sauro wekuTaso akaratidza sei ushingi pane zvakaitika muupenyu hwake panguva iyi?
Wedzera Kuongorora
1. Nei Sauro akataura kuti guta raaibva rainge ‘rakakurumbira’? (Mab. 21:39; w99 5/15 30 ¶1-wcgr) Ona mufananidzo A
Todd Bolen/BiblePlaces.com
Mufananidzo A: Mugwagwa wakavakirirwa nematombo uri munharaunda ine matongo eguta reTaso
2. Nei tingati Sauro aiziva zvakawanda nezvetsika dzechiJudha, dzechiGiriki uye dzechiRoma? (bt 62, bhokisi ¶1-3)
3. Sauro airevei paakati Jesu akazviratidza kwaari “sekunge ari kuzviratidza kumunhu akaberekwa nguva isati yakwana”? (1 VaK. 15:8; w22.09 27)
4. Chii chinoratidza kuti zvakataurwa naRuka zvekuti Sauro akazotendeuka kuva muKristu kuDhamasiko ndezvechokwadi? (Mab. 9:11, 24, 25; g03 2/8 28-30-wcgr) Ona mufananidzo B
Photo by ROLOC Color Slides
Mufananidzo B: Gedhi riri kuDhamasiko rinonzi Bab-Sharqi riri panoperera Mugwagwa Wakarurama
Zvidzidzo Zvatinowana
Sauro akabvuma kubatsirwa naAnaniyasi nevamwe vaKristu. (Mab. 9:17, 18; VaK. 4:10, 11) Ndepapi patingadawo kubvuma kubatsirwa nevamwe?
Sauro ane zvikanganiso zvakawanda zvaakaita uye ane zvakawanda zvaakabudirira kuita muupenyu hwake asati ava muKristu. Asi haana kurega izvozvo zvichimutadzisa kushumira Jehovha. (VaF. 3:4-8; 1 Tim. 1:12-16) Tingamutevedzera sei? Ona mufananidzo C
Mufananidzo C
Ndepapi pamwe paunogona kutevedzera ushingi hwakaratidzwa naSauro munyaya iyi?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvii zvawadzidza nezvaSauro munyaya iyi zvinoita kuti ufare kuziva kuti akasarudzwa kuti anotongawo naKristu kudenga?
Dzidza Zvimwe
Ona kuti munhu aimbotambudza vaKristu sezvaiita Sauro akazoshandura sei pfungwa dzake.
Zvakaitwa naSauro zvingatibatsira sei kugara tichidzidza Bhaibheri, kuratidza vamwe rudo uye kuva vanozvininipisa?
“Fambira Mberi Pakunamata Nekutevedzera Muenzaniso waPauro” (w08 5/15 21-25-wcgr)
a Kunyange zvazvo Sauro akazova nezita rekuti Pauro, munyaya ino tichamushevedza nezita rekuti “Sauro.”