RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wcg chits. 39 pp. 176-179
  • “Kana Ndikaparara, Ngandiparare Hangu”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Kana Ndikaparara, Ngandiparare Hangu”
  • Famba naMwari Neushingi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Kuongorora
  • Zvidzidzo Zvatinowana
  • Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
  • Dzidza Zvimwe
  • Akaratidza Uchenjeri, Ushingi, Uye Kuzvipira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 17—Estere
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Akaratidza Uchenjeri, Ushingi Uye Kuzvipira
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Akadzivirira Vanhu vaMwari
    Tevedzera Kutenda Kwavo
Ona Zvimwe
Famba naMwari Neushingi
wcg chits. 39 pp. 176-179

39 ESTERI

“Kana Ndikaparara, Ngandiparare Hangu”

Rakaprindwa
Rakaprindwa

MUKADZI wechidiki ari kufamba akananga kwaiva nechigaro chamambo. Aiziva kuti zvaaiita izvi, zvekuenda kuna Mambo asina kushevedzwa zvaigona kutomuurayisa. Hana yairova, asi akaramba achingofamba. Mukadzi uyu aimbova ani, uye aimboenderei kuna mambo?

Zita rake ainzi Esteri. Vabereki vake vakafa achiri mudiki, uye Modhekai akamutora kuti ‘amuchengete semwanasikana wake.’ Modhekai aiva hanzvadzi yaEsteri asi vakanga vasiri vemudumbu rimwe chete uye aiva mukuru kuna Esteri. Vaigara muguta raigara mambo wePezhiya rainzi Shushani, uye Modhekai aishandira mambo. Esteri aiva “nechimiro chakanaka uye akanaka pachiso.”

Rimwe zuva Mambo Ahashivheroshi (zvichida ndiye Xerxes I) akasarudza kuti aida kuroora mumwe mudzimai, saka akaita kuti patsvagwe mhandara dzakanaka muumambo hwese hwePezhiya. Vashandi vamambo vakacherechedza Esteri nekuti aiva tsvarakadenga chaiyo saka vakamutora vakaenda naye kumuzinda wamambo. Asi asati atorwa, Modhekai akarayira Esteri kuti “asaudze munhu” kuti aiva muJudha.

Paakanga ava kumuzinda wamambo, “Esteri aifarirwa nemunhu wese aimuona.” Pakazopera mwedzi 12 yekutsvindiswa, akabva aendeswa kuna mambo. Paakaonekwa namambo ‘ndiye akabva afarirwa’ kupfuura dzimwe mhandara dzese achibva asarudzwa kuti ave mudzimai wamambo iyeye aiva nesimba chaizvo. Asi Esteri akaramba achiteerera zvaakaudzwa naModhekai, zvekuti asaudze munhu kuti aiva muJudha.

Panguva iyoyo mumwe murume ainzi Hamani, akagadzwa kuti ave mutevedzeri wamambo. Asi Hamani ainge akavenga Modhekai, nekuti airamba kumukotamira. Modhekai airamba kukotamira Hamani nekuti Modhekai aive mushumiri waJehovha akatendeka uye zvinoita sekuti Hamani aiva werudzi rwevanhu vaiva vavengi vaMwari. Hatinyatsozivi hedu chikonzero chacho, asi chatinoziva ndechekuti Hamani akagumbukira Modhekai zvisingaiti, saka akabva aronga zano rekuti vaJudha vese vaiva muumambo hwePezhiya vaurayiwe. Modhekai paakaziva zvairongwa naHamani, akarwadziwa zvisingaiti. Akatumira shoko kuna Esteri, achimuudza kuti aende kunotaura naMambo achimiririra vanhu verudzi rwake. Apa Esteri akanga azopinzwa panguva yakaoma.

Esteri akatsanangurira Modhekai kuti aigona kutourayiwa kana akangoenda kuna Mambo asina kushevedzwa. Mambo uyu aitova nembiri yekuva nehasha. Asi Modhekai akaramba achingomukurudzira kuti aende, akatomuyeuchidza kuti anogona kunge akava mambokadzi nechinangwa chekuti achengetedze vanhu vaJehovha. Saka Esteri akazvishingisa. Achibva ati: “Kana ndikaparara, ngandiparare hangu.” Chaakangokumbira chete ndechekuti vaJudha vamutsanyire kwemazuva matatu. Esteri anofanira kunge akanyengetera anyengeterazve nezvenyaya yacho ukuwo vaJudha vakawanda vachimunyengetererawo, achibva azoenda kunotaura namambo.

Mambokadzi Esteri achinyengetera nechemumwoyo akamira pachivanze chemuzinda wamambo. Akamira nechepadivi pemusuo zvekuti Mambo Ahashivheroshi uyo akagara pachigaro chake haasi kumuona. Vamwe varindi vamambo vari kumutarisa achinyengetera.

Ahashivheroshi paakaona Esteri akamira pachivanze, haana kumutsamwira. Saka izvi zvinoreva kuti Esteri akanga asiri kuzourayiwa. Asi mambo paakamuona, akabva amubvunza kuti aidei. Esteri akabva apindura mambo achiti aida kumukoka iye naHamani kuti vauye kumabiko aakanga avagadzirira. Pamabiko acho, Esteri akaratidza uchenjeri akambomira kutaura nyaya yake. Akangovakumbira kuti vauyezve kune mamwe mabiko aaizoita mangwana acho. Hamani asati aenda kumabiko aizoitwa zuva raitevera racho, akasiya amisa danda raaida kuti Modhekai azoturikwa pariri. Asi zvaaironga izvozvo zvakazoita kuti zvinhu zvitowedzera kumuipira.

Aifanira kunyengetedza murume wake, uyo aiva mambo ane simba, kuti vanhu vaMwari vasatsakatiswe

Pamabiko akazoitwa zuva rakatevera racho, Ahashivheroshi akabvunzazve Esteri kuti aida kukumbirei. Apa Esteri akabva anyatsotaura nyaya yake yese. Akaudza mambo neruremekedzo, kuti pane munhu aironga mazano aizourayisa Esteri nevanhu verudzi rwake. Akataurawo kuti angadai aramba akanyarara zvake, asi zvanga zvichirongwa zvacho zvaitozokanganisawo mambo pachake. Ahashivheroshi akashamisika, akabvunza kuti ndiani iyeye aironga mazano akadaro. Esteri akabva audza mambo kuti Hamani ndiye aiva mhandu yacho. Mambo akabva ashatirwa zvisingaiti, achibva ataura kuti Hamani aifanira kuurayiwa. Zvakabva zvazoitika ndezvekuti Hamani ndiye akazofira padanda raainge amisa achida kuti Modhekai aturikwe pariri.

Hamani aida kutsakatisa Modhekai nevanhu vaMwari vese vaiva muumambo hwese hwePezhiya. Asi Hamani nevanhu vese vaivenga Jehovha uye vaivenga vaJudha ndivo vakazotsakatiswa. Saka Jehovha akashandisa mukadzi uyu wechidiki aiva neushingi uye kutenda kuti adzivirire vanhu vake.

Verenga nyaya yacho muBhaibheri:

  • Esteri 1:1–9:​1, 5, 13-17

Mubvunzo wekukurukura:

Esteri akaratidza sei ushingi?

Wedzera Kuongorora

  1. 1. Chii chinoratidza kuti nyaya iyi ndeyechokwadi? (ia 138, bhokisi-wcgr) Ona mufananidzo A

    Ungnad, Arthur. “Neubabylonische Privaturkunden aus der Sammlung Amherst.” Archiv für Orientforschung, vol. 19, 1959, pp. 74–82

    Mufananidzo A: Chinyorwa chekare chekuPezhiya chine zita rekuti Marduka (Modhekai)

  2. 2. Chii chingangodaro chakaita kuti Modhekai arambe kukotamira Hamani? (ia 131 ¶18-wcgr)

  3. 3. Chii chinoratidza kuti Satani nemadhimoni ake vaiedza kutsakatisa vaJudha? (g02 9/8 22 ¶3–24 ¶2-wcgr) Ona mufananidzo B

    Cube. Lot of Yahali, puru. Neo-Assyrian Clay. (YPM BC 021122). Courtesy of the Peabody Museum, Division of Anthropology, Babylonian Collection, Yale University; peabody.yale.edu

    Mufananidzo B: Dombo raishandiswa pakukanda mijenya

  4. 4. Uprofita hupi hwakazadziswa naEsteri naModhekai? (ia 142, bhokisi-wcgr)

Zvidzidzo Zvatinowana

  • Esteri akaratidza uchenjeri uye akaramba achiteerera kunyange paaiva kure nevamwe vashumiri vaJehovha. Mazuva ano vechidiki vangadzidzei kubva pane zvaakaita?

  • Esteri akakwanisa kuita kuti murume wake amuteerere nekuti akataura naye achiratidza mwoyo murefu, achimuremekedza uye achitaura chokwadi sezvachiri. Madzimai echiKristu angamutevedzera sei? Ona mufananidzo C

    Hanzvadzi iri kutaura nemurume wayo asingatendi vachidziya moto uye vachinwa kofi. Yakavhura Bhaibheri uye iri kuratidza kuti iri kutaura nezvekunaka kwakaita nharaunda yavari.

    Mufananidzo C

  • Ndepapi pamwe patingatevedzera ushingi hwakaratidzwa naEsteri?

Mibvunzo Yekufunga Nezvayo

  • Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?

  • Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?

  • Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Esteri paachamutswa?

Dzidza Zvimwe

Muvhidhiyo iyi yemumhanzi, ona zvinhu zvakawanda zvinogona kudzidzwa nevana kubva pane zvakaitwa naEsteri.

Esteri Aiva Neushingi (2:09)

Zvii zvakaitwa nedzimwe hama dzemazuva ano dzichitevedzera zvakaitwa naEsteri pakuchengetedza vadzinonamata nadzo?

Iva Nemwoyo Murefu Uchitevedzera Vaya Vanogara Nhaka Yezvinhu Zvakavimbiswa—Modhekai naEsteri (3:05)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe