RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wcg chits. 35 pp. 158-161
  • Akaratidza Ushingi Paakapfidza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Akaratidza Ushingi Paakapfidza
  • Famba naMwari Neushingi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Kuongorora
  • Zvidzidzo Zvatinowana
  • Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
  • Dzidza Zvimwe
  • “Akaita Kuti Anzwirwe Nyasha naJehovha”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Kukanganwira kwaJehovha Kunokubatsira Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Kupfidza Kwechokwadi Kuita Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Zvidzidzo Zvinokosha Zvatinowana Pamadzimambo eIsraeri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
Ona Zvimwe
Famba naMwari Neushingi
wcg chits. 35 pp. 158-161

35 MANASE

Akaratidza Ushingi Paakapfidza

Rakaprindwa
Rakaprindwa

KUDAI Jehovha asina kuita chishamiso chekurebesa upenyu hwaHezekiya, Manase angadai asina kuberekwa. Hezekiya paakarwara zvekuda kufa, Mwari akamuporesa. Pave paya, akazobereka mwana akazotumidzwa kuti Manase. Hezekiya aiva mambo akanaka uye aishumira Jehovha. Asi Hezekiya akazofa Manase ava nemakore 12 chete. Saka Manase akabva ava mambo, uye pasina nguva refu akabva atanga kupandukira Jehovha.

Zvivi zvakaitwa naManase zvakanga zvisingatauriki. Mumakumi emakore aakatonga, akaita zvinhu zvakaipa chaizvo zvakadai sekutsauka pakutenda, kunamata zvidhori, kuita zveuroyi uye kutouraya vanakomana vake chaivo. Muumambo hwake, vanhu vakawanda vakanga vava kuita zvemhirizhonga uye kudeura ropa. Akaita kuti Jerusarema, guta raMwari, rive nemhosva yakakura yeropa nekuti aitoitawo zvemhirizhonga nekudeura ropa, uye aitozvikurudzira. Jehovha akaramba achitumira vaprofita kuti vamuyambire, asi iye akaramba achiisa zvimiti munzeve. Saka zvimwe ungashamisika kuti nei Manase ava kutaurwawo pakati pevanhu vanonzi vakaratidza ushingi hwatinofanira kutevedzera. Ngationei.

Upenyu hwaManase hwakazongoerekana hwachinja. Manase haana kuteerera yambiro yaaipiwa nevaprofita vaJehovha, saka Mwari akaita kuti vaAsiriya varwise Judha. Bhaibheri rinoti: “Vakabata Manase nezvekukochekeresa, vakamusunga nezvisungo zviviri zvemumakumbo zvemhangura, vakaenda naye kuBhabhironi.” Fungidzira kunyara kwaiita mambo iyeye aizvikudza uye marwadzo aaiva nawo paaifamba rwendo rwurefu rwekuenda kuBhabhironi.

Manase ainge akaipa zvekuipa zviya, asi Jehovha akamupa mukana wekuti apfidze

Paakanga ari musungwa muBhabhironi upenyu hwakamuomera, Manase akawana nguva yekufungisisa zvinhu zvaakanga aita muupenyu hwake. Zvimwe aka ndiko kaiva kekutanga kuti Manase ave nhapwa uye anzwe kusurukirwa zvakanyanya. Ko vanamwari vese venhema vaainamata achitopa vanakomana vake sezvibayiro kwavari vakanga vari kupi? Akabva aona kuti aitofanira kupfidza. Chinhu chekutanga chaakaita kwaiva kunyengetera kuna Jehovha. Paakanyengetera haana kuzvikudza asi “akaramba achizvininipisa zvikuru pamberi paMwari wemadzitateguru ake.” Jehovha akaona kuti Manase akanga apfidza uye akanzwa minyengetero yake. Manase paakaramba achiwedzera kuzvininipisa Jehovha akaramba achiswedera pedyo naye. (Pis. 138:6) Manase akanyengetera kuna “Jehovha Mwari wake,” achikumbira kunzwirwa nyasha. Akaramba achinyengetera saizvozvo.

Jehovha akanzwa sei neminyengetero iyoyo? Bhaibheri rinoti: “Akabayiwa mwoyo nekuteterera kwake, akanzwa kukumbira kwake kunzwirwa nyasha.” Saka Mwari wechokwadi akamunzwira tsitsi uye akabva amuitira chimwe chinhu chaakanga asingatarisiri. “Akamudzorera kuJerusarema kuumambo hwake.” Iye zvino Manase akanga awana mukana wekunyatsoratidza kuti akanga anyatsopfidza uye achinja zvechokwadi.

Manase paakanga adzokera kuJerusarema ndipo paanofanira kunge akasangana nemuedzo wakakura chaizvo waida kuti anyatsoratidza kuti ane kutenda kwakasimba. Vanhu vakawanda vaaitonga vakanga vava nemakore vachiita zvakaipa zvaaivafurira kuti vaite. Vaizoita sei pavaizoona kuti Manase akanga achinja? Kana Manase aimbonetseka kuti vanhu vachati kudii, haana kuramba achinetseka asi akaratidza ushingi akabva atanga kushanda kuti agadzirise zvaakanga akanganisa. Akabva avaka rusvingo rwakasimba kuti achengetedze Jerusarema, achibva abvisa zvidhori zvaishandiswa pakunamata zvaiva munyika yacho uye zvaiva mutemberi yaJehovha. Akagadziridzawo atari yaJehovha akatanga kubayira zvibayiro pairi. Uye chinofanira kunge chainyanya kumuomera ndechekuti audze vanhu zvavakanga vava kufanira kuita. Akanyatsobuda pachena achivaudza kuti vasarambe vachiita zvakaipa zvaaimbovafurira kuti vaite, achibva ‘audza vaJudha ivavo kuti vashumire Jehovha Mwari waIsraeri.’ Murume iyeye aimbenge akanyatsodzika midzi mukuita zvakaipa akanga achinja zvechokwadi. Izvi zvakaita kuti Jehovha akudzwe, nekuti akanga aratidza zvakare kuti ndiMwari ‘akanaka uye akagadzirira kukanganwira.’—Pis. 86:5.

Manase achitaura nevanhu vemuJerusarema pamusika unotengeswa zvidhori. Masoja achidonhedza bango rinoyera uye achiparadza zvidhori.

Asi Manase haana kukwanisa kugadzirisa zvinhu zvese zvakaipa zvaakanga akonzera. Jehovha akaregerera Mambo Manase asi haana kurega kuranga vanhu vaiita mhirizhonga uye vaideura ropa vakararama panguva yaitonga Manase. Havana kupfidza uye kuchinja sezvakanga zvaita mambo wavo. Kunyange Mwanakomana waManase chaiye, ainzi Amoni, akaramba kuteerera baba vake akaramba achiita zvakaipa. Asi Manase akaita zvese zvaaigona kuti akurudzire muzukuru wake Josiya kuti aite zvakanaka. Josiya anofanira kunge akaramba achiyeuka kuti sekuru vake vakanga varatidza ushingi kuti vazvininipise uye kuti vapfidze. Manase akanga ava nemakore akawanda achiita zvakaipa, asi panguva iyi akanga anyatsochinja zvechokwadi zvekuti akazorarama upenyu hwake hwese achiziva kuti Baba vake vane rudo vakanga vamuregerera.

Verenga nyaya yacho muBhaibheri:

  • 2 Madzimambo 21:​1-26

  • 2 Makoronike 33:​1-25

Mubvunzo wekukurukura:

Manase akaratidza sei ushingi?

Wedzera Kuongorora

  1. 1. VaAmori vaimbogara munyika yeKenani. Nei zvichishamisa kuti Manase ‘akaita zvakaipa kupfuura vaAmori vese vakamutangira’? (2 Madz. 21:11; w00 10/15 16 ¶5-6-wcgr; gl 10 ¶5, mashoko emuzasi-wcgr)

  2. 2. Zvii zvakawanikwa nevanochera matongo zvinopa uchapupu hwekuti Manase akambovapo uye kuti Asiriya yaiva nyika ine simba panguva iyoyo? (it “Manase” Nhamba 4 ¶2-wcgr) Ona mufananidzo A

    © The Trustees of the British Museum. Licensed under CC BY-NC-SA 4.0. Source

    Mufananidzo A: Zita ‘raManase, mambo weJudha,’ rinowanika padombo rakavezwa panguva yaitonga mambo weAsiriya ainzi Esarihadhoni

  3. 3. Chii chinoratidza kuti vaAsiriya vaiisa zvirauro pavanhu vavanenge vatapa? (2 Mak. 33:11; it “Chirauro” ¶4-wcgr) Ona mufananidzo B

    Mufananidzo uri kuratidza mambo weAsiriya akabata tambo nhatu dzakasungirirwa pazvirauro zvakakochekerwa pamiromo yevasungwa vatatu. Anotushura maziso emumwe wacho nepfumo.

    Mufananidzo B: Mufananidzo wekuAsiriya wakadhirowewa makore ari pakati pa800 B.C.E kusvika 700 B.C.E.

  4. 4. Jehovha akatambanudza sei “tambo yekuyeresa” uye “tambo yekururamisa” paJerusarema? (2 Madz. 21:13; it “Tambo Yekururamisa” ¶2-wcgr)

Zvidzidzo Zvatinowana

  • Tinodzidzei nezvekupfidza kubva panyaya iyi?

  • Kubva panyaya yaManase, nei tingati kunyange zvazvo Jehovha achiregerera, vatadzi vanogona kuzorarama vachitambura nezvinenge zvakonzerwa nezvivi zvavo? (Jer. 15:​3-5) Ona mufananidzo C

    Mifananidzo: 1. Mukomana ari kunwa doro aine shamwari dzake vari mumota usiku. 2. Akagara muwiricheya achipa mhinduro pamusangano weungano padarika makore akawanda. Ruoko rwake rwekuruboshwe rwune matattoo.

    Mufananidzo C

  • Ungatevedzera sei ushingi hwaiva naManase?

Mibvunzo Yekufunga Nezvayo

  • Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?

  • Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?

  • Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Manase paachamutswa?

Dzidza Zvimwe

Ona kuti zvakaitwa naManase zvakabatsira sei imwe hama kuti idzoke kuna Jehovha.

Kupinda Mujeri Kwakandisunungura (5:10)

Kana wakambonzwa seusingakoshi nemhaka yezvawakambokanganisa, nyaya iyi ingakubatsira sei?

“Akaita Kuti Anzwirwe Nyasha naJehovha” (w11 1/1 18-wcgr)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe