RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wcg chits. 34 pp. 154-157
  • “Akaramba Akanamatira Kuna Jehovha”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Akaramba Akanamatira Kuna Jehovha”
  • Famba naMwari Neushingi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Kuongorora
  • Zvidzidzo Zvatinowana
  • Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
  • Dzidza Zvimwe
  • Kutenda kwaMambo Kunopiwa Mubayiro
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
  • Anotiremekedza Nokutipa Rusununguko Rwokusarudza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mwari Anoyamura Mambo Hezekia
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • “Akaramba Akanamatira Kuna Jehovha”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Famba naMwari Neushingi
wcg chits. 34 pp. 154-157

34 HEZEKIYA

“Akaramba Akanamatira Kuna Jehovha”

Rakaprindwa
Rakaprindwa

PAMADZIMAMBO ese akatonga muJudha, Hezekiya ndemumwe wemadzimambo mashomanana ainyatsoda Jehovha. Asi baba vake Ahazi vaiva mambo akaipa chaizvo aisimudzira kunamata kwenhema. Vakatosvika pakupa mumwe wevanakomana vavo sechibayiro kuna vanamwari venhema. (2 Madz. 16:​2-4; 2 Mak. 28:​1, 3) Saka Hezekiya anofanira kunge akakura achiona zvinhu zvakawanda zvinotyisa. Asi paakanga akura, haana kutevedzera zvakaipa zvaiitwa nababa vake. Ahazi paakafa, Hezekiya akanga ava nemakore 25, uye paakatanga kutonga achiri mudiki kudaro, akaratidza ushingi ndokugadzirisa zvinhu.

Hezekiya akavhurazve temberi yaJehovha muJerusarema akaigadziridza, akabvisa zvidhori zvaivamo, uye akaita kuti vapristi nevaRevhi vatangezve kuita basa ravo. Akabva aronga kuti paitwe mutambo mukuru, akatumira nhume kuumambo hwemadzinza gumi eIsraeri hwaiva kuchamhembe, achikoka vanhu vemuumambo ihwohwo avo vainge vatsauka kuti vauyewo. Vamwe vakaseka nhume dzacho, asi vamwe vakauya. Zvakaitwa naHezekiya zvakakurudzira vanhu kuti vaputse zvidhori zvavainamata nenzvimbo dzakakwirira dzainamatirwa vanamwari venhema muumambo hweJudha nemuumambo hwemadzinza gumi eIsraeri. Mazana emakore izvi zvisati zvaitika, Jehovha akanga arayira Mozisi kuti agadzire nyoka yemhangura, uye panguva iyi vanhu vaMwari vakanga vava kutoinamata. Hezekiya akaipwanya-pwanya kuti pasava nemunhu anoinamata.

Kwemakore akawanda, Hezekiya aizvicherechedza kuti Israeri yaiita seyakananga kumawere. Jehovha akanga atova nenguva refu achiyambira vanhu vekuumambo hwekuchamhembe kuti vavengi vaizouya vovaparadza. Hezekiya achangotanga kutonga, vaAsiriya avo vaiva neutsinye vakauya vakarwisa umambo hwemadzinza gumi eIsraeri, uye vanhu vakawanda vakatorwa senhapwa. Kuti umambo hweJudha ndihwo hwakanga hwava kutevera here? Vanhu vemuumambo hweJudha vainge vasina kutendekawo sezvainge zvakaita vekuumambo hweIsraeri, pamwe vachitovapfuura pakusatendeka. Jehovha ainge avayambira achishandisa vaprofita vake, uye zvese zvaanotaura zvinotozadzika. Iye zvino vaAsiriya vakanga vachingokunda maguta ese avairwisa, uye vakanga vava kutosvika pedyo neJudha.

Pasina kana nguva, uto reAsiriya rakanga ratopinda munharaunda yeJudha, richitungamirirwa namambo waro aityisa ainzi Saniheribhi. VaAsiriya vakatanga kurwisa maguta aiva muumambo hwaitongwa naHezekiya, vachiti vakarwisa guta iri vokunda, voenda vonorwisa rimwe vokunda zvakare. Kunenge kuti panguva iyoyo yainge yakaoma kudaro, Hezekiya akabva asangana nerimwe dambudziko. Akarwara zvekuti akanga ava kutoda kufa. Akanga asati ava nemwana mukomana saka pakanga pasina aizosara achigara nhaka yeumambo hwaDhavhidhi. Achiratidza kuti aiva nekutenda kwakasimba, Hezekiya akateterera kuna Jehovha kuti amubatsire. Jehovha akamunzwa, achibva amuwedzera mamwe makore 15 ekurarama. Asi vaAsiriya vakanga vachiri kungouya kuzorwisa Jerusarema.

Hezekiya akaedzawo zvaaigona, akatumira Saniheribhi mari yakawanda achiitira kuti arege kuuya kuzorwisa Jerusarema, guta dzvene raJehovha. Saniheribhi akatora mari yacho, asi akaramba achironga kurwisa guta iroro raaichiva. Asi Hezekiya akaramba achisimbisa Jerusarema, akavaka rumwe rusvingo rwaipoteredza guta racho, uye akavaka mugero waiunza mvura muguta, kuitira kuti vasazoshaya mvura kana guta racho rakombwa. Uyewo akakurudzira vanhu vake, achivayeuchidza kuti Jehovha ane simba kupfuura chero uto ripi zvaro revanhu.

Hezekiya aida kurwiswa nemuvengi aiva nesimba chaizvo, aityisidzira vanhu vemuJerusarema achivaseka nekuvashora

Asi Saniheribhi akabva atowedzera kuvatyisidzira. Akatumira mumwe mukuru mukuru weuto rake ainzi muRabhisheki kuJerusarema kuti anotyisidzira vanhu nekuvapedza simba. Murume iyeye akanyomba mambo weJerusarema naMwari wake Jehovha kusvika pekupedzisira. Asi Hezekiya akaramba akashinga uye akasimbisa vanhu. Saniheribhi akabva atumira tsamba kuna Hezekiya achimutyisidzira uye achiedza kumupedza simba. Hezekiya akabva atora tsamba dzacho, akaenda akanodzibhedhenura pamberi petemberi yaJehovha, achiita seari kutora dambudziko racho obva ariisa kuna Mwari Wemasimbaose. Jehovha akapindura Hezekiya, akatumira mashoko ekumukurudzira achishandisa muprofita Isaya. Mashoko akabva kuna Mwari aisanganisira vimbiso iyi yekuti: Saniheribhi aisazopinda muJerusarema, kunyange mauto ake aisazopfura miseve yawo imomo.

Hezekiya akapfugama pamasitepisi epatemberi achiteterera kuna Jehovha kuti amubatsire uku akawaridza tsamba dzakabva kuna Saniheribhi pamberi pake. Vamwe vapristi vari kuona vari nechekure.

Usiku ihwohwo, Jehovha akabva atuma ngirozi yake kumusasa wevaAsiriya. Munguva pfupi pfupi, ngirozi iyoyo yakauraya masoja aSaniheribhi 185 000. Fungidzira Saniheribhi achimuka mangwana acho, achiona zvitunha zvakangoti kata-kata. Akabva atiza achidzokera kumusha kwake achishaya pekupinda nekunyara. Pava paya, akazourayiwa nevanakomana vake vaviri, paakanga ari mutemberi yamwari wake Nisroki.

Hezekiya akakunda zvine mutsindo! Pashure pekunge mauto aSaniheribhi aparadzwa, uye chirwere chake charapwa, Hezekiya akazova nemwana mukomana. Asi akazombotanga kuzvikudza. Jehovha akamutsiura, uye akabva azvininipisa. Saka kwemakore ese aakararama kusvikira paakazofa, Hezekiya akaratidza kuti aiva pakati pemadzimambo akanakisisa akatonga muIsraeri. Aiva mambo akaratidza ushingi kunyange pazvainge zvakaomesesa.

Verenga nyaya yacho muBhaibheri:

  • 2 Madzimambo 18:1–19:37

  • 2 Makoronike 29:1–32:33

  • Isaya 38:1–39:8

Mubvunzo wekukurukura:

Hezekiya akaratidza sei ushingi?

Wedzera Kuongorora

  1. 1. Zvii zvakawanikwa nevanochera matongo zvinoratidza kuti zvinotaurwa neBhaibheri nezvaHezekiya ndezvechokwadi? (w11 5/1 15 ¶1-3-wcgr) Ona mufananidzo A

    Zev Radovan/Alamy Stock Photo

    Mufananidzo A: Chisimbiso chevhu chekuma700 B.C.E., chine mashoko ekuti: “NdechaHezekiya [mwanakomana] waAhazi, Mambo weJudha”

  2. 2. Uprofita hwaIsaya hunotaura ‘nezvenyoka yemoto inobhururuka’ hwakazadziswa sei naHezekiya? (Isa. 14:​28, 29; ip-1 190-191 ¶4-6-wcgr)

  3. 3. Vanochera matongo vakawana chicherwa kuNinivhi chine mashoko akataurwa naSaniheribhi. Chii chinoshamisa pane zvaanotaura kuti akaita uye zvaasingatauri? (g 1/11 29 ¶3-5-wcgr) Ona mufananidzo B

    © The Trustees of British Museum. Licensed under CC BY-NC-SA 4.0. Source

    Mufananidzo B: Dombo rakavezwa rinonzi Taylor Prism, rakanyorwa mashoko anotaura nezvekukunda kwakaita Saniheribhi

  4. 4. Muna 2003, boka remasayendisiti rakaongorora mugero unozivikanwa seMugero waHezekiya vachida kuona kuti mugero wacho wakavakwa panguva yaitonga Hezekiya here. Vakawanei pakutsvakurudza kwavakaita? (w09 5/1 27 ¶3-5-wcgr)

Zvidzidzo Zvatinowana

  • Nyaya yaHezekiya ingakurudzira sei muKristu ana baba kana amai vasiri mushumiri waJehovha? Ona mufananidzo C

    Mumwe mukomana ari kufamba zvine chivimbo achibva pane vemumhuri make avo vari kupemberera pazuva rekuberekwa. Akabata bhuku rinonzi “Rarama Nekusingaperi Uchifara!” Mumwe wemumhuri macho asiri kufara nezviri kuitwa nemukomana iyeye anoramba akamutarisa uku akapeta maoko.

    Mufananidzo C

  • Hezekiya ainyanya kunetseka nezvei vaAsiriya pavaida kurwisa Jerusarema? (2 Madz. 19:​15-19) Tingamutevedzerawo sei mazuva ano?

  • Ungatevedzera sei ushingi hwaiva naHezekiya?

Mibvunzo Yekufunga Nezvayo

  • Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?

  • Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?

  • Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Hezekiya paachamutswa?

Dzidza Zvimwe

Ona zvakaitika munhoroondo inonakidza iri pana 2 Madzimambo 19:​14-36 muvhidhiyo iyi.

“Tapota Tiponesei” (5:38)

Uprofita huri pana Mika 5:5 hwakazadzika sei munguva yaHezekiya, uye huri kuzadzika sei mazuva ano?

“Vafudzi Vanomwe Nemachinda Masere Ndivanaani Mazuva Ano?” (w13 11/15 18-20 ¶9-18-wcgr)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe