RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wcg chits. 36 pp. 162-165
  • Akabatsira Vanhu Kuti Vadzoke Kuna Jehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Akabatsira Vanhu Kuti Vadzoke Kuna Jehovha
  • Famba naMwari Neushingi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Kuongorora
  • Zvidzidzo Zvatinowana
  • Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
  • Dzidza Zvimwe
  • Josiya Aiva Neshamwari Dzakanaka
    Dzidzisai Vana Venyu
  • Josia Anozvininipisa Aidiwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Josiya Aida Mutemo waMwari
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Josiya Akasarudza Kuita Zvakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Famba naMwari Neushingi
wcg chits. 36 pp. 162-165

36 JOSIYA

Akabatsira Vanhu Kuti Vadzoke Kuna Jehovha

Rakaprindwa
Rakaprindwa

JOSIYA aingova nemakore 6 chete sekuru vake Mambo Manase pavakafa. Anofanira kunge aiziva kuti sekuru vake vakanga vasiya zvakaipa zvavaimboita uye vakanga vatangazve kushumira Jehovha. Izvi zvinofanira kunge zvakaramba zviri mupfungwa dzake kweupenyu hwake hwese. Sekuru vake pavakafa, baba vake, Amoni, ndivo vakabva vazova Mambo. Amoni akanga akaipa chaizvo. Akaita kuti vanhu vatangezve kuita zvakaipa uye kunamata zvidhori. Asi akangotonga kwemakore maviri chete achibva afa. Saka Josiya akabva ava mambo aine makore 8.

Josiya anogona kunge akabatsirwa kuti aite zvakanaka nevanhu vakadai semuprofita Zefaniya, muprofita Jeremiya, muprofitakadzi Huridha uye mupristi mukuru Hirikiya. Bhaibheri rinoti: “Josiya paakanga achiri mukomana,” zvichida aine makore 16, “akatanga kutsvaga Mwari watateguru vake Dhavhidhi.” Paakanga ava nemakore anenge 20, akanga atotanga kuita basa rakakura uye raikosha chaizvo muJudha. Jehovha akaita kuti mambo uyu aiva neushingi uye aiva nechido chekugadzirisa zvinhu amise kunamatwa kwezvidhori neuipi hwakanga hwava kuitwa muJudha.

Haana kungogumira munharaunda yeJudha chete asi akatosvika kunharaunda yeumambo hwemadzinza gumi eIsraeri. VaIsraeri vakawanda vaigara munharaunda iyoyo vakanga vatova nenguva refu vatorwa senhapwa, saka vakawanda vakanga vava kugara imomo vakanga vava vanhu vemamwe marudzi, asi Josiya akangopinda munharaunda yacho zvakadaro, akaparadza nzvimbo dzainamatirwa zvidhori.

Kunyange zvazvo aiva mudiki, Mambo Josiya akaratidza ushingi akabatsira vanhu kuti vadzokere kuna Jehovha

Padarika makore anenge 5 kubva ipapo, Josiya akapa vamwe varume basa rekuti vagadzirise temberi. Payakanga ichiri kugadziriswa, Mupristi Mukuru Hirikiya akawana chimwe chinhu chinokosha chakamushamisa. Chii chaakawana? Akawana bhuku rakanga riine mitemo yakapiwa Mozisi naJehovha. Bhuku racho rakanga rava nemazana emakore riripo, uye rinogona kunge riri iro rakatonyorwa naMozisi pachake. Bhuku racho rakabva raendeswa kuna Mambo achibva averengerwa zvaivamo akanyatsoteerera. Zvaakanzwa zvichiverengwa zvakamurwadza! Zvakaita kuti awedzere kunzwisisa kuti zvaiitwa nevanhu verudzi rwake zvainyatsopesana nezvaiva mumutemo waMwari uye kuti Jehovha ainge akagumbuka nazvo. Saka Josiya aizoshinga here kugadzirisa zvinhu?

Mambo Josiya achibvarura nguo yake paari kunzwa murume ari kuverenga bhuku reMutemo waJehovha. Pane varume vari kutarisa zviri kuitwa naJosiya vachiratidza kunetseka.

Josiya akabva akurumidza kutuma varume 5 kuti vaende kunonzwa kuti Jehovha aiti kudii. Varume vacho vakabva vaenda kunobvunza muprofitakadzi Huridha, uyo akabva avaudza kuti Jehovha ainge akatsamwira vaJudha nemhaka yekuti vakanga vava nenguva yakareba vachiita zvakaipa, saka aida kuparadza Judha neJerusarema. Asi aisazozviita panguva yaitonga Josiya nekuti Josiya akanga aratidza kuti aiteerera uye kuti aiva neushingi hwekuita zvaidiwa naJehovha.

Pasinei nekuti Jehovha akanga atosarudza kuparadza Jerusarema neJudha, Josiya akaramba achiedza kubatsira vanhu kuti vadzoke kuna Jehovha. Josiya nevaJudha vese vakabva vavimbisa Jehovha kuti vaizoita zvese zvakanga zvakanyorwa muMutemo. Zvadaro, akabva atowedzera kushanda nesimba pakurwisa kunamatwa kwezvidhori. Saka mambo akabva aronga kuti paitwe mutambo wakakura wePaseka achiitira kuti akurudzire vanhu kuti vatangezve kunamata kwakachena. Mambo nemachinda ake vakapa mhuka dzakawanda chaizvo dzaizopiwa sezvibayiro kuna Jehovha, uyewo paiva nevaimbi vaiimba nziyo dzekurumbidza Jehovha. Iyi yaiva imwe yemaPaseka akakura chaizvo akanga amboitwa muJudha.

Josiya akaramba achiratidza kuti akashinga uye kuti aiva nekutenda kwakakura paairwisa kunamata kwenhema. Paakazopisira mabhonzo evanhu pane imwe atari achibva aiparadza zvakazadzisa uprofita hwakanga hwava nemakore 300 hwataura kuti ndozvaaizoita. (1 Madz. 13:2) Josiya akatoparadzawo atari nezvidhori zvaiva munyika yeJudha zvaishandiswa pakunamata kwenhema zvakanga zvasiyiwa kare kare nevanhu vakanga vatsauka pakutenda vakararama panguva yaMambo Soromoni. Asi Josiya pane paakazokanganisa. Akaenda kunorwisa Farao wekuIjipiti ainzi Neko. Jehovha akabva ayambira Josiya achishandisa Neko kuti asapindire muhondo yacho. Asi zvinoita sekuti Josiya haana kumbobvunza vaprofita vaJehovha kuti anzwe kuti zvaitaurwa naNeko zvaibva kuna Mwari zvechokwadi here. Pane kuti ateerere zvakataurwa naNeko, akabva atanga kumurwisa. Tinogona kufunga kuti hwaiva ushingi kuti aende kunorwisa uto rine simba zvakadaro, asi kutaura chokwadi kwaiva kuzvikanda mukanwa meshumba. Zvaakasarudza kuita izvozvo zvakamuurayisa angori nemakore 39 chete.

Jehovha akakanganwa here zvinhu zvese zvakanaka zvakanga zvaitwa naJosiya? Aiwa! Muprofita Jeremiya akanyora rwiyo rwekuchema mambo uyu akanga afa. Zvinoita sekuti kwemakore nemakore, vanhu vaMwari vakaramba vachingoimba rwiyo irworwo rwekumuchema. Rimwe zuva Josiya paanenge amutswa anogona kuzoverenga nezvenyaya yeupenyu hwake iri muBhaibheri inotaura nezvekutonga kwaakaita uye rwiyo rwakanyorwa naJeremiya rwekumurumbidza paakafa. Zviri pachena kuti Jehovha aida Josiya uye haana kumbobvira akanganwa kutenda kwaaiva nakwo uye ushingi hwaakaratidza.

Verenga nyaya yacho muBhaibheri:

  • 2 Madzimambo 22:1–23:30

  • 2 Makoronike 33:21–35:27

Mubvunzo wekukurukura:

Josiya akaratidza sei ushingi?

Wedzera Kuongorora

  1. 1. Zvii zvatinoziva nezvaShafani, uyo aishandira Josiya achiita basa rekunyora nekukopa magwaro? (w02 12/15 19 ¶2-6-wcgr)

  2. 2. Nei Josiya akabvarura hembe yake paakaverengerwa zvaiva muMutemo? (w14 4/15 32-wcgr)

  3. 3. Maererano nezvinotaurwa nevanyori venhoroondo, Farao Neko aitovako zvechokwadi here? (2 Mak. 35:22; it “Neko” ¶2-wcgr) Ona mufananidzo A

Matongo eguta rekare rainzi Megidho.

StockStudio/Alamy Stock Photo

Mufananidzo A: Nharaunda yeMegidho, pakarwiswa Farao Neko naJosiya

Mufananidzo A: Nharaunda yeMegidho, pakarwiswa Farao Neko naJosiya

StockStudio/Alamy Stock Photo

  1. 4. Huridha akaprofita kuti Josiya ‘aizoradzikwa muguva rake nerugare.’ Sezvo Josiya akafira muhondo, uprofita ihwohwo hwakazadzika sei? (2 Madz. 22:20; w00 9/15 30 ¶2-3-wcgr)

Zvidzidzo Zvatinowana

  • Vamwe vaKristu vakarerwa nevabereki vakanga vasingashumiri Jehovha. Vechidiki ivavo vanogona kudzidzei kubva pana Josiya, uyo aiva nababa vakanga vasingachashumiri Jehovha?

  • Josiya akashanda nesimba kuti anzwisise Magwaro. (2 Mak. 34:21) Tingamutevedzera sei? Ona mufananidzo B

    Hama iri kunyora manotsi pairi kudzidza Bhaibheri. lri kushandisa “JW Library” yepakombiyuta uyewo Bhaibheri.

    Mufananidzo B

  • Ndepapi pamwe patingatevedzera ushingi hwakaratidzwa naJosiya?

Mibvunzo Yekufunga Nezvayo

  • Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?

  • Nyaya iyi inobatana sei nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?

  • Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Josiya paachamutswa?

Dzidza Zvimwe

Ona zvidzidzo zvaungawana kubva pane zvakasarudzwa naJosiya uye vamwe vechidiki vaviri vakambotonga muJudha.

“Vechidiki—Muchava Neupenyu Hwakaita Sei?” (w23.09 8-13)

Josiya akaita basa rekubvisa kunamata kwenhema nesimba rake here? Ona mhinduro yacho mudhirama iri.

Nyaya yaJosiya: Ida Jehovha; Venga Zvakaipa—Chikamu II—Chidimbu (3:43)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe