33 JEHOYADHA
Akadzivirira Mambo Akanga Asarudzwa naJehovha
JEHOYADHA akanga akwegura, asi akanga achiri nesimba, uye akanga achiri kushingaira pabasa raJehovha. Zvinhu pazvakanga zvisina kumira zvakanaka muJudha, Jehoyadha aitungamirira vanhu vaMwari panyika achishumira semupristi mukuru patemberi yaiva muJerusarema.
Mumwe mukadzi ainzi Atariya ndiye aikonzera zvinhu zvakaipa zvakawanda zvaiitika muJudha panguva yacho. Akanga ari mwanasikana waMambo Ahabhi weIsraeri uye amai vake vainzi Jezebheri. Vaviri ava vakanga vakaipa chaizvo zvekuti Jehovha akanga atsidza kuti vana vavo nevazukuru vavo vese vaifanira kutsakatiswa. Kunyange zvazvo Atariya akanga akaroorwa namambo weJudha, aivenga kunamata kwakachena. Murume wake paakafa, mwana wake akava mambo, asi Jehovha akaita kuti aurayiwe. Atariya akabva abvuta umambo kunyange zvazvo Jehovha aigadza varume chete kuti vave madzimambo, uye vachifanira kunge vari vedzinza raDhavhidhi. Kuti achengetedze utongi hwake, Atariya akauraya vanhu vese vaigona kuzova madzimambo. Vazukuru vake vechikomana vaiva vagari venhaka yeumambo, saka akaita kuti vese vaurayiwe.
Mupristi mukuru nemudzimai wake vakaisa upenyu hwavo pangozi kuti vachengetedze kamwana kuti kasaurayiwa namambokadzi ainge akaipa
Jehoyadha akanga akaroora mudzimai wechidiki aiva neushingi uye akanga ari mwana wamambo, ainzi Jehoshebha uye aizivikanwawo nezita rekuti Jehoshabheyati. Jehoyadha naJehoshebha havana kurega Atariya achiuraya vana vese vechikomana vedzinza raDhavhidhi. Jehovha akanga avimbisa kuti muzukuru waDhavhidhi aizotonga nekusingaperi! (2 Sam. 7:12, 13) Jehosheba akafunga kuchengetedza mumwe wevazukuru vaDhavhidhi uyo aiva nekodzero yekuzova mambo, asi panguva iyi akanga asati asvitsa gore. Akaratidza ushingi, ndokupinda mumuzinda wamambo akatora kacheche aka pasina aimuona. Akabva aenda nemwana wacho pamwe chete nemukadzi aimurera kwaiva nemurume wake Jehoyadha. Jehoyadha akabva asarudza kamuri raiva paro rega mutemberi imomo, mavaigona kuzochengeta kamwana ikako kaikosha kasingaonekwe nevanhu.
Kwemakore 6, Jehoashi akakura achichengetedzwa naJehoyadha muimba yaMwari uye vachiita kuti pasave neanozviziva. Zvinofanira kunge zvaisava nyore kuti vadaro kwemakore ese iwayo nekuti kudai Atariya akangozviziva chete pavo paibva pavaperera. Asi nguva yakazosvika yekuti Jehoyadha agadzirise zvinhu. Akashevedza vakuru 5 vemauto vakavimbika akavaudza kuti pane muzukuru waDhavhidhi akanga achiri mupenyu uyo aifanira kuva mambo weIsraeri! Akavaudza kuti vaise masoja 500 munzvimbo dzakasiyana-siyana, patemberi uye pedyo netemberi. Jehoyadha paaigadza Jehoashi, masoja aya akanga akamira akakomberedza mukomana wacho aine nhoo nezvombo zvaakatora mutemberi. Paiva neruzha rukuru rwekupemberera uye Atariya akabva auya achimhanya.
Paakangoti pindikiti muchivanze chetemberi, akabva akurumidza kuona zvakanga zviri kuitika, saka akaedza kumira-mira kuti avhiringidze kugadzwa kwamambo mutsva uyu. Akashevedzera achiti: “Ndapandukirwa! Ndapandukirwa!” Apa iye ndiye aitova nemhosva yekupanduka. Kana aifunga kuti pane vaizomutsigira, aizvinyepera. Jehoyadha akaramba akashinga. Akabva audza vakuru vemauto kuti vakurumidze kubudisa Atariya kunze kwetemberi uye vakabva vamubudisa. Pavakanga vamubudisa vakabva vanomuurayira ikoko. Jehovha akanga ataura kuti “imba yese yaAhabhi ichaparara.” (2 Madz. 9:8) Atariya ndiye anogona kunge aiva wekupedzisira pavanhu ivavo.
Asi Jehoyadha haana kungogumira ipapo. Akaita kuti vanhu vese namambo uyu akanga achiri mudiki vaite sungano yekuramba vakatendeka kuna Jehovha Mwari. Akaita kuti temberi yaBhaari iparadzwe uye vapristi vake vaurayiwe. Zvadaro, Jehoyadha akaedza kubatsira Jehoashi kuti akure ari mambo akanaka uye akatendeka. Panguva yese yaakanga achiri mupenyu, mupristi mukuru Jehoyadha akaramba achibatsira Jehoashi kuti aite zvakanaka. Asi Jehoyadha akazofa ava nemakore 130. Akavigwa pamwe chete nemadzimambo akatonga muJerusarema. Uku kwaiva kukudzwa nekuti mupristi mukuru aisavigwa pamwe chete nemadzimambo.
Asi zvinorwadza kuti pashure pekunge murume iyeye akavimbika afa, Jehoashi akatsauka. Akatanga kutevedzera zvaiitwa nemachinda eJudha zvekunamata vanamwari venhema uye akabva aitawo kuti vanhu vaaitonga vatevedzere zvaaiita. Haana kuteerera vaprofita vaimutsiura. Mumwe wevanhu vakamutsiura aiva Zekariya mwanakomana waJehoyadha. Akabvunza vanhu kuti: “Sei muri kutyora mirayiro yaJehovha?” Izvi zvakaita kuti Jehoashi agumbuke akabva aita kuti Zekariya aurayiwe! Asi Zekariya akaramba akashinga kusvikira pakufa sezvakaitwa nababa vake. Papfuura mazana emakore, Jesu Kristu akati Zekariya aiva murume akarurama. Jehovha naJesu havambofi vakakanganwa ushingi hunenge hwaratidzwa nevarume uye vakadzi vakatendeka.
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Jehoyadha akaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. Dzimwe nyanzvi dzinotii ‘nezvevarindi veKariya’ vakabatsira Jehoyadha kubvisa Atariya pachigaro? (2 Madz. 11:4, 19; it “Varindi veKariya”-wcgr)
2. ‘Chipupuriro’ chingangodaro chaiva chii uye nei Jehoyadha akachiisa pana Jehoashi? (2 Madz. 11:12, mashoko emuzasi; w91 2/1 31 ¶5-6-wcgr) Ona mufananidzo A
Mufananidzo A
3. Nei Jehoashi akataura kuti imba yaJehovha yaifanira kugadziridzwa? (2 Mak. 24:4-7, 11-14; it “Jehoashi” Nhamba 1 ¶5-wcgr)
4. Zekariya aiva mwanakomana waJehoyadha. Saka nei Jesu akamuti “mwanakomana waBharakiya”? (nwtsty “mwanakomana waBharakiya” Mat. 23:35-wcgr)
Zvidzidzo Zvatinowana
Jehoyadha anofanira kunge akanga ava nemakore anodarika 100 paakahwandisa Jehoashi. Zvaakaita zvingakurudzira sei vashumiri vaJehovha vakwegura? (Pis. 92:12, 14) Ona mufananidzo B
Mufananidzo B
Jehoashi paaiteerera Jehoyadha zvinhu zvaimufambira zvakanaka. Vechidiki vanodzidzei kubva panyanya iyi?
Ndepapi pamwe patingatevedzera ushingi hwakaratidzwa naJehoyadha?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Jehoyadha paachamutswa?
Dzidza Zvimwe
Vana vanodzidzei kubva kuna Jehoashi panyaya yekusarudza shamwari zvakanaka?
“Jehoashi Akasiya Jehovha Nekuti Aishamwaridzana Nevanhu Vakaipa” (w09 4/1 24-25-wcgr)
Ona zvakaitwa naJehoyadha panyaya yekupa zvipo uye kuzvishandisa pakutsigira kunamata kwakachena zvatinogona kutevedzerawo mazuva ano.