RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wcg chits. 32 pp. 146-149
  • “Haiwa Jehovha, Ndapota Svinudzai Maziso Ake”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Haiwa Jehovha, Ndapota Svinudzai Maziso Ake”
  • Famba naMwari Neushingi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Kuongorora
  • Zvidzidzo Zvatinowana
  • Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
  • Dzidza Zvimwe
  • Uto raJehovha Remoto
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Erisha Akaona Ngoro Dzomoto​—⁠Unodzionawo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Muenzaniso Wokuzvipira uye Wokuvimbika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Famba naMwari Neushingi
wcg chits. 32 pp. 146-149

32 ERISHA

“Haiwa Jehovha, Ndapota Svinudzai Maziso Ake”

Rakaprindwa
Rakaprindwa

PANE chimwe chikomo chaiva mubani muIsraeri paiva nerimwe guta rainge rakakomberedzwa nemasvingo rainzi Dhotani. Rimwe zuva ari mangwanani-ngwanani, pane mushandi akamuka akaenda panze, akaona zvinhu zvakamuvhundutsa. Paiva nemabhiza, nengoro, neuto guru revaSiriya rakanga rasvika usiku vakarara. Panguva iyi, rakanga ratokomberedza guta. Uto racho rainge ranyanya kufambira munhu mumwe chete. Munhu wacho wavaitsvaga aiva muprofita Erisha. Apera nekutya, mushandi wacho akamhanya kunoudza tenzi wake uyo aiva muprofita Erisha kuti zvinhu zvakanga zvisisina kumira zvakanaka.

Zvinhu zvinotyisa kudai zvakanga zvisiri zvitsva kuna Erisha. Makore akawanda izvi zvisati zvaitika, Jehovha akanga atuma muprofita Eriya kuti anogadza Erisha kuti azova muprofita panzvimbo yake uye kuti amudzidzise basa racho. Varume vaviri ava vainge vambopikiswa namambo ainge akaipa Ahabhi, nemudzimai wake Mambokadzi Jezebheri, uye nemwanakomana wavo Ahaziya. Ngoro yaMwari yakadzika, ichibva yasvika ikaparadzanisa muprofita uyu wechikuru neshamwari yake yechidiki. Eriya akabva atakurwa akaendeswa kune imwe nzvimbo ari mudutu. Erisha anogona kunge asina kuzombobvira akaonana neshamwari yake yechikuru iyi zvakare. Asi akaenderera mberi nebasa rakanga ratangwa naEriya, achitungamirira “vanakomana vevaprofita” muhondo yaJehovha yakanga ichiri kuenderera mberi yekurwisa kunamatwa kwaBhaari.—2 Madz. 2:15.

Jehovha akaita kuti Erisha akwanise kuita zvishamiso zvakati wandei. Nguva pfupi izvi zvisati zvaitika, muprofita Erisha akanga aporesa Naamani, uyo aiva mukuru weuto aiva nemukurumbira uye ari mushandi anoremekedzwa waBheni-hadhadhi mambo weSiriya. Asi Mambo Bheni-hadhadhi akatoramba achitumira mapoka evanhu vaipamba kuIsraeri pane kuti aratidze kuti aitenda zvaakanga aitirwa. Jehovha akaramba achivhiringidza zvaiitwa naBheni-hadhadhi. Aiita kuti Erisha agare aziva kuti mapoka acho evanhu vaipamba ari kunanga kupi. Izvi zvakaita kuti mambo weSiriya ashatirwe, saka akabvunza vashandi vake kuti ndiani pakati pavo anga achiita basa rekufumura urongwa hwake kuvavengi. Mumwe mushandi wake akamupindura achiti, “Erisha muprofita ari muIsraeri ndiye anoudza mambo weIsraeri zvinhu zvamunotaura muri muimba yenyu yekurara.” Bheni-hadhadhi paakaziva kuti Erisha aiva kuDhotani, akatuma vanhu kuti vaende kunomubata.

Erisha nemushandi wake vaiva vashoma uye vaiita sevasina kwekutiza nako, asi Erisha ane zvaaiziva zvakanga zvisingazivikanwi nemushandi wake

Mushandi waErisha ndiye akatanga kuona uto revaSiriya. Akabva amhanya kuna Erisha achichema achiti: “Maiwee, tenzi wangu kani! Tichaita seiko?” Erisha akaona kuti murume wacho ainge apera basa nekutya, saka akamusimbisa achiti: “Usatya!” Akabva aenderera mberi achitaura mashoko aya asingakanganwiki ekuti: “Nekuti vari kwatiri vazhinji kupfuura vari kwavari.” Pamwe mushandi wacho anogona kunge akatotarisa muprofita wacho achishaya kuti ari kurevei. Varume vaviri vanganzi vakawanda kupfuura uto rakakura here? Saka Erisha akabva anyengetera achiti: “Haiwa Jehovha, ndapota svinudzai maziso ake kuti aone.”

Jehovha akabva angomupindura ipapo ipapo. Akaita kuti mushandi wacho akwanise kuona zvakanga zvisingaoneki nemaziso enyama. Mushandi wacho akangoerekana ava kuona uto raityisa kupfuura chero uto ripi zvaro revanhu ringawanikwa panyika. “Akaona kumakomo kuzere nemabhiza nengoro dzehondo dzemoto zvakapoteredza Erisha.”

Erisha nemushandi wake vakamira pamusoro penzvimbo yekurindira. Mushandi wacho anoona mabhiza akaita kunge mavhu nemarara kuwanda uyewo ngoro dzehondo dzemoto dzichidzika nepamusoro pemakomo dzakananga kwaiva neuto revaSiriya.

Asi uto revaSiriya harina kuona uto raJehovha rengirozi. Vakaramba vachiswedera pedyo neguta racho kuti vatore Erisha. Muprofita wacho akabva anyengetera achikumbira Jehovha kuti avapofumadze. Apa Jehovha haana kuita kuti maziso evaSiriya atadze kuona. Asi zvinoita sekuti akaita kuti vavengi ava vatadze kunzwisisa zvavaitoona nemaziso avo. Vaita sevanhu vabatwa nechadzimira, vakabvuma kuratidzwa nzira naErisha. Akavafambisa makiromita 16 kusvika vasvika kuSamariya chaiko ndokubva akumbira Jehovha kuti achivhura maziso avo. Jehovha paakavhura maziso avo ndipo pavakazopengenuka vachiona kuti vaiva kupi. Vaiva pakati chaipo peguta guru reIsraeri, vasisina kwekubuda nako. Mambo weIsraeri aida kuvauraya, asi Erisha akanzwira tsitsi vapambi vacho akataura kuti vaifanira kupiwa zvekudya vosiyiwa vachidzokera havo kumba. Nyaya yacho inobva yapera nemashoko ekuti: “Mapoka evanhu vaipamba evaSiriya haana kuzombouyazve munyika yeIsraeri kana kamwe chete zvako.”

Muprofita Erisha akanga agara achiziva kuti mauto engirozi akanga agara ariko. Aimaona nemaziso ake ekutenda. Mumakore ese aainge ashumira Jehovha, akanga adzidza kuti Jehovha nengirozi dzake havasi kure naye, uye kuti vanogara vakagadzirira kubatsira vashumiri vaMwari vakatendeka. Kuziva izvozvo kunofanira kunge kwakaita kuti Erisha ave neushingi, uye kunogona kuita kuti isuwo tive neushingi.

Verenga nyaya yacho muBhaibheri:

  • 2 Madzimambo 6:​8-23

Mubvunzo wekukurukura:

Erisha akaratidza sei ushingi?

Wedzera Kuongorora

  1. 1. Erisha paakasarudzwa naJehovha kuti ave muprofita, chii chinoratidza kuti aisanonoka kusarudza, aiita zvinhu asingaverengeri uye kuti aiva munhu anoonga? (1 Madz. 19:​19-21; it “Erisha” ¶2-wcgr) Ona mufananidzo A

Erisha ari kubatidza moto achishandisa zvinhu zvaairimisa. Eriya akagara padombo riri pedyo uye akatarisa zviri kuitwa naErisha.

Mufananidzo A

Mufananidzo A

  1. 2. Nei Erisha akakumbira “chikamu chakapetwa kaviri” chemweya waEriya? (2 Madz. 2:9; w03 11/1 31-wcgr)

  2. 3. Nei zviine musoro kuti titaure kuti Jehovha haana kupofumadza maziso evaSiriya asi kuti akapofumadza pfungwa dzavo? (it “Upofu” ¶6-wcgr)

  3. 4. Tsanangura basa rakaitwa naErisha paaiva muprofita. (it “Erisha” ¶27-28-wcgr)

Zvidzidzo Zvatinowana

  • Ndepapi patingasimbiswa nekuona ngirozi nemaziso edu ekutenda? Ona mufananidzo B

    Hanzvadzi iri pamubhedha muchipatara iri kutsika madziro ichiramba kuwedzerwa ropa. Vanachiremba vakakomberedza mubhedha wacho vachisimbirira kuti hanzvadzi yacho ibvume.

    Mufananidzo B

  • Vakuru nevamwe vangatevedzera sei zvakaitwa naErisha paakasimbisa mushandi wake?

  • Ndepapi pamwe paunogona kutevedzera ushingi hwakaratidzwa naErisha?

Mibvunzo Yekufunga Nezvayo

  • Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?

  • Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?

  • Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Erisha paachamutswa?

Dzidza Zvimwe

Ndezvipi zvakaitwa naErisha zvinogona kutevedzerwawo nehama padzinopiwa mabasa matsva musangano?

Remekedza Varume Vagara Nebasa (4:48)

Ongorora zvimwe zvidzidzo zvatinowana kubva pane zvakaitika muupenyu hwaErisha.

“Erisha Akaona Ngoro Dzemoto—Unodzionawo Here?” (w13 8/15 28-30-wcgr)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe