RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wcg chits. 31 pp. 142-145
  • Kamusikana Kakanga Katapwa Kakataura Neushingi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kamusikana Kakanga Katapwa Kakataura Neushingi
  • Famba naMwari Neushingi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Kuongorora
  • Zvidzidzo Zvatinowana
  • Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
  • Dzidza Zvimwe
  • Mukuru Wemasoja Nemusikana Mudiki
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Aida Kubatsira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Musikana Muduku Uyo Akataura Noushingi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Musikana Anobetsera Gamba
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Famba naMwari Neushingi
wcg chits. 31 pp. 142-145

31 KASIKANA KECHIISRAERI

Kamusikana Kakanga Katapwa Kakataura Neushingi

Rakaprindwa
Rakaprindwa

HATIZIVE zita rake, asi tinoziva chimwe chinhu chinokosha chaakaita. Aiva musikana mudiki aigara muIsraeri panguva yaitonga Mambo Jehoramu. Mambo Jehoramu nevanhu vaaitonga vainge vapanduka, saka Jehovha akabvumira vaSiriya kuti varambe vachivarwisa uye vachipamba zvinhu zvaiva munyika mavo. Rimwe zuva, varume vekuSiriya vakatapa kamusikana aka ndokudzokera nako kuSiriya.

Kamusikana aka kanofanira kunge kaitya uye vanhu vemumhuri mako vanofanira kunge vakasara vachirwadziwa chaizvo. Kakazoendeswa kumba kwaNaamani uyo aiva mukuru weuto aigona basa rake. Naamani akabva aita kuti musikana wacho ave muranda wemudzimai wake. Mwana uyu anofanira kunge akaita zvese zvaaigona kuti ajairane neupenyu hwaakanga ava kurarama. Anofanira kunge akazviona kuti zvinhu zvainge zvisina kumira zvakanaka pamba apa. Naamani airwara nechirwere chakaipisisa chemaperembudzi. Chirwere chacho chaigona kuremadza munhu uye dzimwe nguva chaisarapika.

Kunyange zvazvo akanga ava muranda achigara nevanhu vasinganamati Jehovha, akaramba aine mwoyo wakanaka uye ushingi

Musikana uyu aiva nemwoyo wakanaka. Akanzwira Naamani nemudzimai wake tsitsi kunyange zvazvo aiziva kuti Naamani wacho aiva muvengi wevaIsraeri. Uye aiziva kuti Naamani aigona kuporeswa. Pamwe vabereki vake vakanga vambomuudza nezvezvinhu zvinoshamisa zvakanga zvaitwa naJehovha achishandisa muprofita wake, Erisha. Kunyange zvazvo akanga asingazivi kuti Erisha akanga amboporesa munhu airwara nechirwere chemaperembudzi here, musikana uyu aiva nechokwadi chekuti Mwari wake, Jehovha, aigona kubatsira muprofita wake kuti aporese Naamani.

Ovaudza nezvemuprofita wacho here kana kuti oramba hake akanyarara? Zvinoita sekuti zvaigona kuzomuisa panguva yakaoma kana akataura. Naamani ainamata mwari wevaSiriya ainzi Rimoni, uye aiwanzoperekedza mambo weSiriya kutemberi yaRimoni. Zvinoita sekuti vaSiriya vaiona Rimoni samwari aiva nesimba ainayisa mvura yakawanda ine mabhanan’ana. Naamani aizofungei nezvaJehovha, Mwari ainamatwa nekamusikana aka? Aizogumbuka here paaizonzwa kuti Jehovha aigona kuita zvakanga zvisingakwanisi kuitwa naRimoni. Musikana wacho anofanira kunge akanyengetera achikumbira Jehovha kuti amupe ushingi. Akabva ataura natenzikadzi wake achiti: “Kudai ishe wangu aikwanisa kuenda kumuprofita ari muSamariya! Iye aizomuporesa maperembudzi ake.”

Kamusikana kechiIsraeri kachidongorera zviri kuitika kari mumba maNaamani aiva nemaperembudzi. Kari kutarisa zviri kuitika, mudzimai waNaamani achiedza kunyaradza murume wake, asi kachingwarira kuti kasaonekwe.

Aya ndiwo chete mashoko akataurwa nemusikana uyu atinowana muBhaibheri. Mashoko mashomanana iwayo aakataura angaita seasingakoshi, asi akabatsira chaizvo. Vhesi inotevera yacho inoratidza kuti Naamani akaenda kuna mambo wake ainzi Bhenihadhadhi achinomuudza zvakanga zvataurwa nekamusikana aka. Mambo wacho akabva aendesa Naamani kuna mambo weIsraeri, Jehoramu, aine tsamba yaikumbira kuti Naamani arapwe chirwere chake chemaperembudzi.

Naamani paakaenda, mhuri yake yakangosara ichinetseka kuti saka zvichafamba sei. Vakaramba vakaringa nzira, zvichida kutozosvikira ava mavhiki chaiwo Naamani asati adzoka. Kamusikana aka kanofanira kunge kakanyengetera kanyengeterazve kachikumbira Jehovha kuti aratidze Naamani kuti ndiye ega Mwari wechokwadi. Asi rimwe zuva Naamani akazodzoka. Fungidzira kufara kwavakaita Naamani paakadzoka. Ganda rake rakanga rambokanganiswa nechirwere chemaperembudzi rakanga rachena uye ranaka serekamwana. Naamani akanga arapwa.

Kamusikana kacho kanofanira kunge kakanyatsoteerera zvese zvakarondedzerwa naNaamani, kubvira pakugamuchirwa kwaakaitwa naErisha; zvakaitwa naErisha kuti aone kuti Naamani aizvininipisa here; kugumburwa kwaakanga aitwa nezvaakaudzwa naErisha; kukurudzirwa kwakaitwa Naamani nevashandi vake kuti ateerere zvakanga zvataurwa nemuprofita waMwari; uye kuzvinyudza kwakaita Naamani ka7 muRwizi rwaJodhani kusvikira paakazobuda achena asisina maperembudzi. Asi pamashoko ese akataurwa naNaamani mashoko anofanira kunge akanyanya kufadza kamusikana ikako ndeekuti Naamani akanga avawo mushumiri waJehovha!

Zvese izvi zvakaitika nekuti kamusikana aka kakaratidza ushingi ndokutaura nezvaMwari wakainamata uye muprofita waMwari iyeye. Hatizive hedu zita rekamusikana ikako, asi Jehovha anoriziva. Kana tikatevedzera ushingi hwaiva nemwana iyeye, tichaona zuva raachamutswa naJehovha. Chimbofungidzira kufadza kwazvichaita kusangana nemusikana iyeye achitiudza zita rake uye achirondedzera nyaya yacho yese maiitikire ayakaita!

Verenga nyaya yacho muBhaibheri:

  • 2 Madzimambo 5:​1-19

Mubvunzo wekukurukura:

Kamusikana kechiIsraeri kakaratidza sei ushingi?

Wedzera Kuongorora

  1. 1. Chii chaiitwa nevaSiriya chingangodaro chakanga chisina kujairwa nekasikana aka uye chingangodaro chaiita kuti kanzwe kutya? (w96 5/15 8 ¶3-wcgr) Ona mufananidzo A

    Courtesy of Musée du Louvre, Paris

    Mufananidzo A: Chidhori chekare kare chekuSiriya, icho chinofungidzirwa kuti ndicho chaiva mwari ainzi Rimoni

  2. 2. Chirwere chemaperembudzi chinogona kukanganisa sei munhu? (it “Maperembudzi” ¶3-5-wcgr)

  3. 3. Nei Erisha asina kugamuchira chipo chakauya naNaamani? (w05 8/1 9 ¶2-wcgr)

  4. 4. Nei Erisha aiva nechokwadi chekuti Jehovha aizoregerera Naamani paaizokotama pamberi pamwari ainzi Rimoni? (2 Madz. 5:​18, 19; w05 8/1 9 ¶3-wcgr) Ona mufananidzo B

    Naamani namambo weSiriya uyo akanga akwegura vachipfugama pamberi peatari yekupisira rusenzi. Mambo wacho paanodzikisa musoro pasi kuti anamate mwari wenhema, Naamani anosimudza musoro otarisa mudenga.

    Mufananidzo B

Zvidzidzo Zvatinowana

  • Naamani aiva mukuru weuto reSiriya rakapinda muIsraeri nechisimba. Asi Jehovha akamuporesa. Izvi zvinokudzidzisei nezvengoni dzaJehovha uye kusasarura kwaanoita? Ona mufananidzo C

    Hama yechidiki ichiparidzira mumwe mukomana wepachikoro painodzidza vari mubhazi. Mukomana wacho ane bvudzi refu rakavhara rimwe divi rechiso chake uye ane mhete patsiye dzake, pamuromo, uye panzeve.

    Mufananidzo C

  • Zvakaitwa nekamusikana kechiIsraeri zvinokukurudzira sei kuti uparidze kunyange paunenge uchinzwa kutya?

  • Ndepapi pamwe paungatevedzera ushingi hwakaratidzwa nekamusikana kechiIsraeri?

Mibvunzo Yekufunga Nezvayo

  • Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?

  • Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?

  • Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza kamusikana kechiIsraeri pakachamutswa?a

Dzidza Zvimwe

Chakaita kuti kamusikana kechiIsraeri kasataurwe nezita inyaya yekuti kakanga kasingakoshi here?

“Nei Vamwe Vanhu vemuBhaibheri Vasingataurwi Nemazita Avo?” (w13 8/1 10-wcgr)

Ona kuti mazuva ano vechidiki vangava sei neushingi sehwaiva nekamusikana kechiIsraeri.

Jehovha Achakubatsira Kuti Usatya (11:59)

a Kana kamusikana aka kakazokura kuva mukadzi mukuru, zviri pachena kuti achamutswa ari munhu mukuru.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe