RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wcg chits. 30 pp. 138-141
  • Akaratidza Ushingi Munguva Yakaoma

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Akaratidza Ushingi Munguva Yakaoma
  • Famba naMwari Neushingi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Kuongorora
  • Zvidzidzo Zvatinowana
  • Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
  • Dzidza Zvimwe
  • Chirikadzi yeZarefati Yakapiwa Mubayiro Nokuti Yaiva Nokutenda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mwanakomana Wechirikadzi Akamutswa
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • “Mwari Wangu ndiJehovha”
    Famba naMwari Neushingi
  • Jehovha Anoona Zvaunoita Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Famba naMwari Neushingi
wcg chits. 30 pp. 138-141

30 CHIRIKADZI YEKUZAREFATI

Akaratidza Ushingi Munguva Yakaoma

Rakaprindwa
Rakaprindwa

ANOGONA kunge aifunga kuti hapana kana ari kumuona. Pane aionawo matambudziko ake here? Pane aitombovawo nebasa naye here? Akanga ari chirikadzi uye aivawo nemwana. MuIsraeri, chirikadzi dzaigona kubatsirwa nemutemo waMwari waichengetedza chirikadzi nenherera. Asi mukadzi uyu akanga asiri muIsraeri. Aigara kuZarefati, taundi revaSidhoni. Zviri pachena kuti Etibhaari mambo wevaSidhoni aimbova mupristi wamwarikadzi ainzi Ashtoreti. Kunamatwa kwaiitwa Ashtoreti kwakaita kuti vanhu vaite zvinhu zvakaipa zvemarudzi ese. Munyika iyoyo yakanga iine nzara uye maiva nevanhu vakawanda vaiva neutsinye, ndiani aizofungawo kubatsira mukadzi iyeye aiva murombo?

Aitoita zvekutamburira kuti awane zvekudya kuti iye nemwanakomana wake varege kufa. Asi zvinhu zvakaramba zvichiwedzera kuoma, zvekuti panguva iyi zvinoita sekuti akanga atarisana nerufu.

Asi pane chimwe chinhu chinokosha chaizvo chaiita kuti mukadzi uyu asiyane nevamwe. Padarika makore anenge 1 000 Jesu Kristu akati Jehovha akaona kuti mukadzi iyeye akanga akasiyana chaizvo nevanhu vemuIsraeri avo vaisava nekutenda. Zvinoita sekuti akanga ambonzwa nezvaJehovha Mwari wevaIsraeri uye aibayiwa mwoyo nemabatiro aaiita vanhu vake, zvekuti akatosvika pakutenda maari. Asi Jehovha aizoitireiwo mukadzi uyu aigara kune imwe nyika iyo yainamatwa vanamwari venhema? Akaita kuti awane rubatsiro. Akazviita sei?

Jehovha akatuma muprofita wake Eriya kuZarefati uye akamuudza kuti kana asvika ikoko aizowana chirikadzi yaizomupa zvekudya. Muprofita wacho paakasvika kuZarefati akawana mumwe mukadzi achitsvaga huni. Akabva ataura naye zvakanakanaka, akamukumbira kuti: “Ndinokumbirawo kuti undiunzire mvura shomanana mukapu ndinwe.” Akanga asati amboonana naEriya. Asi Bhaibheri rinotiudza kuti: ‘Akaenda kunoitora.’ Pamwe akaziva kuti Eriya aiva mushumiri waJehovha zvichibva pamatauriro aaiita, mashoko aaishandisa uye mapfekero aakanga akaita asingashamisiri. Kuti ndiye here mukadzi waakanga atumwa kunotsvaga naJehovha? Kuti ave nechokwadi chekuti ndiye mukadzi wacho, akabva amukumbira chimedu chechingwa.

Muprofita Eriya achisvika paiva nechirikadzi yekuZarefati iyo iri kutsvaga huni kunze kweguta. Nyika yacho yakati gwa-a kuoma, miti haina mashizha uye kwakangoti zii kusina vanhu.

Chirikadzi iyi yakabva yataura zvese zvaiva pamwoyo payo. Akatanga nekuti, “NaJehovha Mwari wenyu mupenyu,” zvichiratidza kuti aiva nekutenda muna Mwari wechokwadi, “Mwari mupenyu.” (Jer. 10:10) Akabva audza Eriya kuti akanga asina chingwa asi aingova netufurawa tushomanana twaiva muchirongo chihombe uye mafuta mashomanana aiva muchirongo chidiki. Aida kunobatidza moto kuti agadzire zvekudya zvekupedzisira zvekuti iye nemwanakomana wake vadye. Akabva ati, “Kana tadya, tichabva tafa.”

Iye nemwanakomana wake pavakanga vava kupererwa nezvekudya, muprofita waJehovha akamukumbira kuti amugadzirire chekudya

Zvakazotaurwa naEriya zvinofanira kunge zvakamushamisa. Akamuudza kuti, “Usatya.” Aizotadza sei kutya iye achiziva kuti mwanakomana wake aizofa nenzara? Kunyange zvakadaro, akateerera. Eriya akabva audza mukadzi wacho zvaaizoitirwa naJehovha. Aifanira kutanga abikira muprofita waMwari chingwa kuti Jehovha azomukomborera. Aizoita kuti furawa yaiva muchirongo chikuru uye mafuta aiva muchirongo chidiki zvisapera kusvikira nzara yapera.

Apa ndipo paida kuti chirikadzi iyi iratidze kuti ine kutenda kwakadii. Aizoshandisa zvinhu zvishoma zvaakanga asara nazvo here kuti abikire muprofita waJehovha chekudya? Anogona kunge aiziva kuti Jehovha ane zvinhu zvakawanda zvinoshamisa zvaakaitira vanhu vake, zvinodarika kungopa zvekudya kuchirikadzi imwe chete nemwana wayo. Kunyange zvakadaro, aizovimba naJehovha here oteerera zvaakanga audzwa nemuprofita wake? Bhaibheri rinotiudza kuti: “Saka akaenda, akaita zvakanga zvataurwa naEriya.”

Jehovha akapa mukadzi iyeye makomborero akawanda. Akaita kuti mafuta acho nefurawa yacho zvisapera, kuitira kuti chirikadzi iyoyo nemwanakomana wayo pamwe chete naEriya, varambe vachiwana zvekudya kusvikira nzara yapera. Uye Jehovha akatomuitirawo chimwe chinhu chinoshamisa chinopfuura kuvapa kwaakanga aita zvekudya. Mwanakomana wechirikadzi iyi akazongoerekana arwara ndokubva afa. Asi Jehovha akabva ashandisa Eriya kuti amutse mwanakomana wacho. Uyu ndiye munhu wekutanga akamutswa anotaurwa nezvake muBhaibheri. Chishamiso ichocho chinofanira kunge chakaita kuti kutenda kwechirikadzi iyi kuwedzere kusimba. Kutenda kwakaratidzwa nechirikadzi iyoyo kuri kuita kuti vakawanda vavewo neushingi.

Verenga nyaya yacho muBhaibheri:

  • 1 Madzimambo 17:​8-24

  • Ruka 4:​25, 26

Mubvunzo wekukurukura:

Chirikadzi yekuZarefati yakaratidza sei ushingi?

Wedzera Kuongorora

  1. 1. Mwari ainamatwa nevaSidhoni ainzi ani uye manamatiro avo aisanganisirei? Manamatiro avo akakanganisa sei vaIsraeri? (it “Sidhoni” ¶6-wcgr) Ona mufananidzo A

    Penta Springs Limited/Alamy Stock Photo

    Mufananidzo A: Chidhori chaAshtoreti chinofungidzirwa kuti ndechekuma1500 B.C.E.

  2. 2. Ukama hupi hwaivapo pakati paEtibhaari naMambo Ahabhi weIsraeri? (it “Etibhaari”-wcgr)

  3. 3. Vanhu vekuFenikiya vainamata mwarikadzi ainzi Ashtoreti (Astarte). Itsika dzipi dzavaiita pakunamata kwavo dzichiri kuitwa mazuva ano? (g93 12/8 13 ¶2-5-wcgr)

  4. 4. Pakafa mwanakomana wechirikadzi iyi, nei yakabvunza Eriya kuti: “Makauya kwandiri kuti mundiyeuchidze nezvemhosva yangu uye kuti muuraye mwanakomana wangu here?” (1 Madz. 17:18; w14 2/15 15 ¶4-5-wcgr) Ona mufananidzo B

    Chirikadzi yekuZarefati yakabata mwanakomana wayo akanga afa ichikumbira kubatsirwa.

    Mufananidzo B

Zvidzidzo Zvatinowana

  • Jehovha akaona chirikadzi yekuZarefati kunyange zvazvo yaigara mutaundi rainamatwa Bhaari. Izvi zvinokudzidzisei nezvaJehovha uye maonero atinofanira kuita vanhu vemunharaunda yatinoparidza? (Mab. 10:35)

  • VaKristu vari kutamburira kuti vawane chekurarama nacho vanodzidzei kubva paushingi uye kutenda zvakaratidzwa nechirikadzi yekuZarefati? Ona mufananidzo C

    Mifananidzo: Hama yechidiki iri kufunga nezveramangwana rayo. Mifananidzo mitatu inotevera iri kuratidza zvakaitika zvacho kusvikira yazosarudza zvekuita neupenyu hwayo. Hama yacho iri kutaura nemudzidzisi wayo kuchikoro. Mudzidzisi wacho ari kumuratidza kabhuku kekune imwe yunivhesiti. Hama iya inotaura nevabereki vayo yava kumba nezvekabhuku kacho. Vanokurukura naye vachishandisa Magwaro. Pava paya hama iya yava kushanda paBheteri uye iri kugamuchira vaenzi.

    Mufananidzo C

  • Ndepapi pamwe patingatevedzera ushingi hwakaratidzwa nechirikadzi yekuZarefati?

Mibvunzo Yekufunga Nezvayo

  • Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?

  • Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?

  • Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza chirikadzi yekuZarefati paichamutswa?

Dzidza Zvimwe

Tingaratidza sei kuti tinonyanya kukoshesa ushamwari hwedu naJehovha kupfuura zvatinoda pakurarama sezvakaitwa nechirikadzi yekuZarefati?

“Kufarirwa naMwari Kunoita Kuti Tizowana Upenyu Husingaperi” (w11 2/15 13-17-wcgr)

Chii chinoita kuti uve nechokwadi chekuti Jehovha anoona zvese zvaunoita uchiratidza kuti unotenda maari?

“Jehovha Anoona Zvaunoita Here?” (w03 5/1 28-31-wcgr)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe