29 ERIYA
“Mwari Wangu ndiJehovha”
ERIYA! Vamwe vanoti Eriya akangoerekana anyuka muBhaibheri, achiita semheni yakangoerekana yapenya kusina kana makore. Kusvika panguva iyi, madzimambo 6 ainge atonga muumambo hweIsraeri aingoita zvakaipa chete. Ahabhi ndiye aiva mambo weIsraeri wechi7, uye kuna Jehovha ndiye ainge akaipa kupfuura vamwe vese. Ahabhi akaroora mwanasikana wamambo wekune imwe nyika ainzi Jezebheri uye akanga akaipa chaizvo. Ahabhi ainamata zvidhori, asi mudzimai wake aisimudzira kunamatwa kwaBhaari kwakaipa chaizvo kwakanga kwava kuitwa muIsraeri. Kunamata kwacho kunofanira kunge kwaisanganisira kupa vana sezvibayiro. Rimwe zuva, Eriya akaenda kuna Ahabhi. Akanga atumwa naJehovha kunoudza mambo iyeye kuti zvaaiita zvakanga zvakaipa uye akabva amuudzawo mutongo waaizopiwa naJehovha.
Fungidzira Eriya achifamba rwendo rurefu chaizvo achibva munharaunda yeGiriyedhi ine zvikomo zvine matombo-matombo, achienda kuguta reSamariya, rainge rakakomberedzwa nemasvingo raiva nemuzinda wakakura chaizvo wakanga wavakwa naMambo Ahabhi. Muzinda wacho waitoshevedzwa kuti “imba yenyanga dzenzou,” zvichida nemhaka yekushamisira kwawaiita. (1 Madz. 22:39) Zvino chifungidzira Eriya, akapfeka nguo yake isingashamisiri yemvere dzemakwai nebhandi reganda, achifamba achipinda mumuzinda iwoyo weumbozha, obva anomira pamberi pamambo achimuudza kuti mwari wake Bhaari, haana zvaanobatsira! Ko kana aizowana vari vese naJezebheri. Vaizoita sei pavaizonzwa mashoko aEriya? Muprofita uyu ainge akashinga, akataura mashoko airatidza kuti mwari wavo wavaiti ndiye anonayisa mvura, aisazokwanisa kuvabatsira. Jehovha aizoita kuti mvura irege kunaya munyika yacho, uye paizopera makore isinganaye, kusvikira mushumiri waJehovha Eriya ataura kuti mvura yava kuzonayazve!
Eriya akawanepi ushingi hwekutaura mashoko akadaro? Mashoko aakataura anotibatsira kuwana mhinduro yacho. Akatanga nekutaura mashoko ekuti: “NaJehovha mupenyu, Mwari waIsraeri, wandinoshumira.” Mashoko akashandurwa kuti “wandinoshumira” achitorwa sezvaari muchiHebheru anoreva kuti “wandinomira pamberi pake.” Paaitaura mashoko aya, Eriya ainge akamira pamberi pemunhu ane masimba. Asi muprofita wacho ane chimwe chinhu chinokosha chaizvo chaaiziva. Aiziva kuti ainge akatomira pamberi paJehovha Mwari nekuti aiva mushumiri wake. Ahabhi naJezebheri vaiita sevanotyisa uye vane simba, asi kana vachienzaniswa naJehovha vakanga vasiri chinhu. Kuziva izvozvo kunofanira kunge kwakaita kuti Eriya ave neushingi!
Eriya akaratidza ushingi paaitaura namambo akaipa Ahabhi nemudzimai wake uye nevanhu vaipanduka, uyewo akavimba naJehovha paaitya
Eriya akaramba achiratidza ushingi pakushumira kwaaiita Jehovha. Akaratidza ushingi akateerera Jehovha, akaenda kunohwanda mubani ari ega panguva yakwaiva nenzara mvura isinganaye, achinwa mvura yemurukova uye achiigirwa zvekudya nemakunguo. Akaratidzawo ushingi Jehovha paakamutuma kuti aende kunobatsira chirikadzi yaiva murombo, asi yaiva nekutenda kwakasimba muna Mwari. Zvaitoda ushingi nekuti chirikadzi yacho yaigara kuSidhoni, uko kwaitongwa nababa vaJezebheri. Uye akazoratidzawo ushingi paakamirisana nevaprofita 450 vaBhaari paGomo reKameri. Akamiririra Mwari wake kuti aratidze kuti Jehovha ndiye chete Mwari wechokwadi. Zita rekuti Eriya rinoreva kuti “Mwari wangu ndiJehovha,” uye muupenyu hwake akaramba achiratidza kuti aivimba naJehovha Mwari wake.
Asi Eriya aingovawo “munhu sesu.” (Jak. 5:17) Dzimwe nguva aimbotyawo. Pashure pekunge Eriya aita zvishamiso paGomo reKameri, Mambo Ahabhi haana kana kumbochinja, uye Jezebheri akaita mhiko yekuti aida kuuraya Eriya. Eriya paakanzwa izvozvo, akatanga kutya. Akatanga kutiza kuti asaurayiwe. Akaora mwoyo zvisingaite, zvekuti akasvika pakuudza Jehovha kuti aida kufa zvake, nekuti aizviona semunhu asingabatsire, akangofanana nemadzitateguru ake ainge afa kare kare. Asi Jehovha akanyatsomuteerera nemwoyo murefu. Eriya akazoudza Mwari wake kaviri kese kuti aiva ega, aitya uye aiona sekuti kushanda nesimba kwese kwaainge aita, kwaiva kushandira pasina. Jehovha akamusimbisa, akamuudza kuti paiva nevanhu vakawanda vakanga vakatendeka saiye, uye kuti akanga achiri kumukoshesa, uyewo aiva nebasa rekuti aite. Jehovha akamuudzawo kuti ainge asarudza mumwe munhu kuti amubatsire pabasa rake rekuprofita uye Eriya aifanira kumudzidzisa kuti azoramba achiita basa iroro.
Nguva pfupi izvi zvaitika, Eriya akaenda kunotsvaga murume wacho akanga asarudzwa naJehovha, uyo ainzi Erisha. Varume vaviri ivavo vakaramba vachitsigira Jehovha pamwe chete munguva iyoyo yainge yakaoma. Erisha akabatsira shamwari yake yechikuru Eriya uye akadzidza zvakawanda kubva kwaari. Jehovha akabatsira Eriya kuti avezve neushingi hwaaimbova nahwo, uye akazoramba akashinga kusvika pakupedzisira.
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Eriya akaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. Nei zvaiva nemusoro kuti makunguo ashandiswe kuendesera Eriya zvekudya? (it “Gunguo” ¶5-wcgr) Ona mufananidzo A
Lior Kislev
Mufananidzo A
2. Eriya akaita zvishamiso zvipi? (it “Eriya” Nhamba 1 ¶11-wcgr)
3. Eriya paaiva paGomo reKameri achipikisana nevaprofita vaBhaari, akaudza varume vaivapo kuti vazadze mugero wakakura nemvura. Sezvo mvura yakanga yava nenguva isina kunaya, mvura yacho vanogona kunge vakaiwana kupi? (ba 17 ¶3-wcgr) Ona mufananidzo B
Todd Bolen/BiblePlaces.com
Mufananidzo B: Gomo reKameri uye Gungwa reMedhitereniyeni
4. Nguo yebasa yaipfekwa naEriya yaimiririrei, uye nei akaikanda pamapfudzi aErisha? (w14 2/1 12 ¶3-wcgr)
Zvidzidzo Zvatinowana
Kubva pane zvakaitwa naJehovha achibatsira Eriya, tingaitawo sei kuti hama nehanzvadzi dzedu dzitaure manzwiro adzinenge dzichiita padzinenge dzakaora mwoyo? (1 Madz. 19:1-18) Ona mufananidzo C
Mufananidzo C
Eriya akabvuma kupawo Erisha mamwe mabasa. Tingamutevedzera sei patinenge tichidzidzisa vamwe mabasa uye patinovapawo zvekuita?
Ndepapi pamwe patingatevedzera ushingi hwakaratidzwa naEriya?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Eriya paachamutswa?
Dzidza Zvimwe
Ona vhidhiyo inoratidza kuti Jehovha akasimbisa sei Eriya kuti akwanise kuita basa rake.
Vechidiki vangadzidzei kubva paushingi hwakaratidzwa naEriya paGomo reKameri?
“Tsigira Kunamata Kwechokwadi!” (“Nyaya dzemuBhaibheri Dzekudzidza” dziri pajw.org-wcgr)