26 NATANI
Akatsiura Mambo
‘ZVAKAFAMBA sei kuti munhu akanaka kudai azoita zvinhu zvakaipa kudaro?’ Izvi ndizvo zvinogona kunge zvaiva mupfungwa dzaNatani paaifamba akananga kumba kweshamwari yake Mambo Dhavhidhi. Munguva yakanga yadarika, Jehovha akanga atuma Natani kuna Dhavhidhi nemashoko anofadza. Mashoko acho akanga ari ekuti Dhavhidhi aizova sekuru vaMesiya! (2 Sam. 7:4, 12, 13) Asi pari zvino Dhavhidhi akanga aita zvivi zvakakura, uye Jehovha aida kuti Natani aende kunomutsiura.
Dhavhidhi akaita zvivi izvi pachivande, asi Jehovha aizviona. Mwari anofanira kunge akaudza Natani zvakanga zvaitwa naDhavhidhi. Rimwe zuva huri usiku, Dhavhidhi aifamba-famba pamusoro pedenga reimba yake ndokubva aona mumwe mukadzi achigeza. Akaona kuti mukadzi wacho akanga “akanaka chaizvo,” saka akabva aita kuti aende kunoshevedzwa. Mambo Dhavhidhi aizviziva kuti mukadzi uyu, Bhatishebha, aiva mudzimai wemusoja wechiHiti waaivimba naye ainzi Uriya. Asi pasinei naizvozvo, Dhavhidhi akabva aita upombwe naye. Papera kanguva, Bhatishebha akazoudza Dhavhidhi kuti akanga ava nepamuviri. Dhavhidhi akamboedza kuhwandisa chivi chaakanga aita. Akaita kuti Uriya auye kubva kuhondo, uye paakanga auya akamukurudzira kuti aende kunorara kumba kwake usiku hwacho nemudzimai wake. (Enzanisa na1 Samueri 21:5.) Asi Uriya akaona zvisingaiti kuti aende kumba achisiya mamwe masoja ari kuhondo. Dhavhidhi akabva aruka zano rekuti Uriya aendeswe paipisa hondo kuitira kuti aurayiwe. Zano racho rakabva rabudirira. Uriya paakafa, Dhavhidhi akabva atora Bhatishebha kuti ave mudzimai wake.
Bhaibheri rinoti: “Zvakaitwa naDhavhidhi zvakagumbura Jehovha chaizvo.” Mwari wechokwadi akatuma muprofita Natani kuti anotsiura Dhavhidhi, uye kuti amuudze kuti zvaakaita zvakaipa chaizvo. Natani paaiva munzira kunoona Dhavhidhi angangodaro akanetseka here kuti Dhavhidhi achaita sei paachamutsiura? Kana Dhavhidhi akatomboshinga kuurayisa Uriya, aizoita sei kuna Natani kana akauya achida kufumura zvaakaita uye kumutsiura. Natani aida kutaura zvinonyatsosvika pamwoyo waDhavhidhi uye kumubatsira kuona kuipa kwezvaakanga aita. Muprofita wacho anofanira kunge akatanga anyengetera nezvenyaya yacho asati ataura naDhavhidhi. Akabva afunga nezvemuenzaniso waaigona kuzoshandisa paanenge achitaura namambo.
Natani akaudza Dhavhidhi kuti pane vamwe varume vaviri vaigara mune rimwe guta. Mumwe wacho ainge akapfuma zvekuti, aine makwai nemombe zvakawanda. Mumwe wacho ainge ari murombo uye aingova negwayana rimwe chete raaida chaizvo zvekuti aitorichengetera mumba. Rimwe zuva mupfumi uya akashanyirwa nevaenzi asingazvitarisiri uye aida gwai rekuti aurayire vaenzi vake kuti vadye. Haana kutora gwai racho pamakwai ake. Asi “akatora gwayana remurombo wacho,” ndokuriuraya akabva arigadzira kuti muenzi wake awane chekudya. Natani akazopedza kutaura nyaya yacho Dhavhidhi atoita kuguta nehasha. Akabva ati, “NaJehovha mupenyu, munhu akaita zvakadaro anofanira kufa!” Akagumbuka nekuti mupfumi iyeye ‘haana kunzwira murombo wacho tsitsi.’
Natani aitofanira kushinga kuti atsiure mambo waaida chaizvo uye waairemekedza
Natani akanyatsogona kusarudza muenzaniso wekushandisa. Dhavhidhi akambovawo mufudzi wemakwai uye aisafarira kuona vanhu vachibatwa zvisina kunaka. Saka Natani akabva aratidza ushingi achibva ati dyoo panhongonya yenyaya yake achiti: “Ndimi munhu wacho!” Dhavhidhi anofanira kunge akapindwa nechando. Natani akabudisa pachena zvese zvakanga zvaitwa naDhavhidhi nekuti zvese zvakanga zvaonekwa naJehovha. Muprofita wacho akabva audza Dhavhidhi mutongo waakanga apiwa naJehovha, wekuti mhuri yaDhavhidhi yaizosangana nematambudziko akawanda uye kuti mumhuri make maizova nekurwisana kwemakore aizotevera. Dhavhidhi akabva aita sei paakanzwa mashoko iwayo?
Mambo akabva ati: “Ndakatadzira Jehovha.” Dhavhidhi akarwadziwa chaizvo uye akapfidza nemwoyo wese. Natani anofanira kunge akafara kuudza Dhavhidhi kuti Jehovha akanga amunzwira ngoni. Saka akabva amuudza kuti: “Jehovha akuregereraiwo chivi chenyu. Hamuchafi.” Kunyange zvakadaro, Dhavhidhi akazotambura chaizvo nemhaka yechivi chaakaita naBhatishebha. Mwana akazoberekwa naBhatishebha pashure pekunge vaita upombwe akazofa. Uye kwemakore akawanda akazotevera mumhuri yaDhavhidhi maiva nekurwisana, kupanduka uye kusavimbika.
Pasinei nezvese izvozvo, Dhavhidhi akaramba akatendeka. Akazofemerwa kunyora nziyo dzinobaya mwoyo chaizvo dzinotaura nezvekuregerera kunoita Jehovha vatadzi vanenge vapfidza. (Pisarema 32 uye 51) Akazovazve neushamwari hwepedyo naJehovha uye akaramba achikoshesa zvaakaudzwa naNatani kweupenyu hwake hwese. Dhavhidhi akaramba achishumira Jehovha akatendeka kusvikira paakazofa. (1 Madz. 9:4) Natani akafara chaizvo kuti akava neushingi hwekutsiura mambo paakanga aita chivi.
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Natani akaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. Natani akanyora zvimwe zvikamu zveBhaibheri, asi hapana chatinoziva nezvemhuri yake kana upenyu hwake. Izvi zvinotiratidzei nezvake? (w12 2/15 25 ¶2-3-wcgr)
2. Uriya aiva muHiti. Saka nei aiva muuto raDhavhidhi? (w24.04 31)
3. Natani akaprofita achitaura nezvematambudziko aizosangana nemhuri yaDhavhidhi. Uprofita ihwohwo hwakazadzika sei? (it “Dhavhidhi” ¶29-wcgr)
4. Zvii zvakaitwa naNatani zvinoratidza kuti aiva neushingi Dhavhidhi paakanga ava pedyo nekufa? (w12 2/15 25 ¶1-wcgr) Ona mufananidzo A
Mufananidzo A
Zvidzidzo Zvatinowana
Tinodzidzei kubva pane zvakaitwa naNatani kana tichida kubatsira shamwari yedu inenge yakaita chikanganiso chakakura?
Kana tichida kutaura zvinonyatsoti dyoo pamwoyo pemunhu, tingatevedzera sei Natani? Ona mufananidzo B
Mufananidzo B
Ndepapi pamwe patingatevedzera ushingi hwakaratidzwa naNatani?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Natani paachamutswa?
Dzidza Zvimwe
Zvakaitwa naDhavhidhi zvakakanganisa sei upenyu hwake uye zvakaita kuti shamwari dzake, vemumhuri make, uye Jehovha Mwari vanzwe sei?
Inzwa kuti chii chakaita kuti zano raNatani rinyatsoshanda.
“Ukatsiurwa Teerera Uchizvininipisa” (“Nyaya dzemuBhaibheri Dzekudzidza” dziri pajw.org-wcgr)