27 MEFIBHOSHETI
Haana Kugumbuka Paakabatwa Zvisina Kunaka
MEFIBHOSHETI aiva muzukuru wamambo. Sekuru vake vainzi Sauro uye vaiva nesimba chaizvo. Baba vake vainzi Jonatani uye vaiva munhu akatendeka aiva neushingi. Asi paakanga ava nemakore 5, upenyu hwake hwakangoerekana hwachinja. Sekuru vake vakakuvadzwa chaizvo vari muhondo ndokubva vazviuraya. Baba vake Jonatani, vakaurayiwawo muhondo iyoyo. Mukadzi airera Mefibhosheti paakanzwa kuti ndizvo zvakanga zvaitika, akavhunduka, ndokubva asimudza mwana, achibva atanga kutiza. Mwana wacho akabva adonha, ndokubva akuvara tsoka zvakanyanya. Akabva aremara makumbo kweupenyu hwake hwese.
Zvinoita sekuti Mefibhosheti haana kubva atoshayiswa mufaro nezvaakasangana nazvo. Mumwe murume wechiIsraeri ainzi Makiri akamupa pekugara. Nekufamba kwenguva, mambo Dhavhidhi akayeuka kuti akanga avimbisa shamwari yake yaaida chaizvo Jonatani kuti aizochengeta vanhu veimba yake vanenge vasara. (1 Sam. 20:14-17) Mambo akabva ashevedza Mefibhosheti.
Mefibhosheti akatya. Anogona kunge akafunga kuti Dhavhidhi akanga achironga kumuuraya nekuti aiva muzukuru wamambo akaipa Sauro. Kunyange zvakadaro Mefibhosheti akateerera, akaenda kuna mambo. Dhavhidhi akataura naye achiratidza kuti aimunzwira tsitsi, achibva amudzorera pfuma yaSauro, uye akamuudza kuti: “Uchadya patafura yangu nguva dzese.” Mefibhosheti akashaya kuti omutenda sei, uye akatobvunza mambo kuti sei akanga asarudza kukudza murume akaderera saiye. Akatotaura kuti aingovawo hake imbwa yakafa.
Mefibhosheti akakura akaremara uye akasangana nematambudziko akadai sekufirwa uye kusabatwa zvakanaka
Asi nekufamba kwenguva akasangana nemamwe matambudziko zvakare. Absaromu mwanakomana waDhavhidhi akapanduka uye mambo Dhavhidhi aitofanira kutiza achibuda muJerusarema. Mushandi waMefibhosheti ainzi Zibha akabva aenda kunobatsira Dhavhidhi, asi haana kuenda naMefibhosheti. Mefibhosheti akanga asingakwanisi kuteverawo, asi akatsvaga nzira yekuratidza nayo kuti akanga akavimbika kuna Dhavhidhi uye kuti airwadziwa nezvakanga zvaitika. Haana kugera ndebvu dzake sezvaiitwa nevarume panguva iyoyo vachiratidza kuti vari kuchema. Absaromu akazokundwa uye Dhavhidhi akadzokera kuJerusarema murugare. Asi Dhavhidhi haana kufara nezvakaitwa naMefibhosheti. Nemhaka yei?
Zibha akanga ataura mashoko akaipa nezvaMefibhosheti. Zibha paakaenda kunobatsira Dhavhidhi, akamuudza kuti Mefibhosheti aiva munyengeri uye kuti akanga asara kuJerusarema nekuti aida kutora umambo. Chimbofunga kuti Dhavhidhi akanzwa sei. Akanga achangobva kupandukirwa nemwanakomana wake uyewo naAhitoferi, shamwari yake yaaivimba nayo uye yaivawo chipangamazano wake. Saka panguva iyi zvaiva nyore kuti afunge kuti Mefibhosheti akanga amupandukirawo. Akabva ataura kuti nhaka yaMefibhosheti yakanga yasiyiwa naMambo Sauro yaifanira kupiwa Zibha.
Mefibhosheti paakanzwa nhema dzakanga dzataurwa naZibha akaenda kunoona mambo, uyo ainge akagumbuka, achida kumuudza zvakanga zvanyatsoitika. Dhavhidhi aida kuziva kuti nei Mefibhosheti akanga asina kuenda naye. Mefibhosheti akatsanangurira Dhavhidhi chikonzero chakaita kuti asaenda naye achiti, “muranda wenyu akaremara,” uye akabva amuudza kuti Zibha akanga amunyengera. Dhavhidhi anogona kunge akazvicherechedza kuti Mefibhosheti akanga asiya ndebvu dzake dzichingokura, asingadzichekereri. Mefibhosheti aizoita izvozvo here kudai akanga asara achiruka mazano ekupandukira mambo? Hazviratidze here kuti akanga achitorwadziwa nezvakanga zvaitika? Hatizive hedu kuti Dhavhidhi akazvicherechedza here kana kuti haana, asi chatinoziva ndechekuti panguva iyi ainge akagumbuka. Asi mambo akabva angomudimburira nekuti akanga asisade kunzwa zvaitaurwa naMefibhosheti. Dhavhidhi akabva achinja zvaakanga ambotaura nezvenhaka yaMefibhosheti, achibva ati vagovane naZibha nhaka yacho.
Zvaiita here izvozvo, kuti agovane nhaka yake nemunyengeri iyeye ainge asvibisa zita rake kuna mambo? Mefibhosheti aigona kugumbuka zvisingaite. Kana munhu ukaitirwa zvakada kufanana nezvakaitika kuna Mefibhosheti, zviri nyore kuti urambe uchirwadziwa, woramba wakachengeta chigumbu. (Dheut. 19:18, 19) Zvinotoda ushingi kuti uise pfungwa dzako panyaya inokosha yekuva nerugare, pane kuti urambe uchingozvinzwira tsitsi uchifunga zvakanganiswa nevamwe. Saka Mefibhosheti akaita sei?
Akapindura Dhavhidhi nemashoko airatidza kuzvininipisa ekuti: “Zibha ngaatore hake nhaka yacho yese, sezvo Ishe wangu adzoka kumba kwake murugare.” Chainyanya kufungwa naMefibhosheti ndechekuti mambo akasarudzwa naJehovha akanga adzoka ari mupenyu. Haana kurega nyaya yekusvibiswa kwakanga kwaitwa zita rake uye kutorwa kwakanga kwaitwa nhaka yake zvichimutorera mufaro wake, asi akaramba achishumira Mwari akatendeka. Mefibhosheti anogona kunge asina hake kumbobvira arwa hondo, asi ushingi hwaakaratidza hunopfuura hwevanhu vakawanda vakarwa hondo!
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Mefibhosheti akaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. Mefibhosheti asati aendeswa kuna Dhavhidhi aigara “kumba kwaMakiri.” Chii chimwe chinoratidza kuti Makiri aiva munhu akavimbika uye anogamuchira vaenzi zvakanaka? (2 Sam. 9:3, 4; it “Makiri” Nhamba 2-wcgr)
2. Nei Mefibhosheti akati akanga akafanana ‘neimbwa yakafa’? (2 Sam. 9:8; it “Imbwa” ¶5-wcgr) Ona mufananidzo A
PhotoStock-Israel/Photodisc via Getty Images
Mufananidzo A: Kare muIsraeri imbwa dzaionekwa semhuka dzisina kuchena dzaingodya zvese zvese
3. Nekuziva kwatinoita unhu hwaMefibhosheti, nei tingati aisazombofa akaedza kutora umambo? (w02 2/15 14 ¶11, mashoko emuzasi-wcgr) Ona mufananidzo B
Mufananidzo B: Jonatani anogona kunge akadzidzisei mwana wake nezvemunhu akanga asarudzwa naJehovha kuti ave mambo?
4. Jehovha akakomborera sei Mefibhosheti pashure pezvakaitika kwaari zvatanzwa munyaya ino? (it “Mefibhosheti” Nhamba 2 ¶3-wcgr)
Zvidzidzo Zvatinowana
Vakawanda vane chirwere chekunyanya kushungurudzika mupfungwa chedepression kana kuti vane mamwe matambudziko anogona kunge asinganyatsonzwisiswe nehama nehanzvadzi dzavo. Zvidzidzo zvipi zvinonyaradza zvatinowana kubva paupenyu hwaMefibhosheti?
Dhavhidhi akagova nhaka yaMefibhosheti pashure pekungonzwa mashoko kubva kumunhu mumwe chete. Izvi zvinotidzidzisei nezvezvakaipira kukurumidza kuita zvinhu tisina kunyatsofunga uye kukosha kwekutanga tawana mashoko akakwana? Ona mufananidzo C
Mufananidzo C
Ungatevedzera sei ushingi hwakaratidzwa naMefibhosheti?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Mefibhosheti paachamutswa?
Dzidza Zvimwe
Ona kuti tingatevedzera sei Mefibhosheti kana tikaona sekuti hatina kubatwa zvakanaka.
Kana mwana achinzwa sekuti izambiringa munyemba, vabereki vake vangamubatsira sei vachishandisa nyaya yaMefibhosheti?
“Wati Wambonzwa Sekuti Uri Zambiringa Munyemba Here?” (w11 6/1 26-27-wcgr)