RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wcg chits. 22 pp. 106-109
  • Zvaitoda Ushingi Kuti Arambe Akavimbika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvaitoda Ushingi Kuti Arambe Akavimbika
  • Famba naMwari Neushingi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Kuongorora
  • Zvidzidzo Zvatinowana
  • Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
  • Dzidza Zvimwe
  • Vaiwirirana Chaizvo
    Tevedzerai Kutenda Kwavo
  • Jonatani—“Ashanda naMwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Jonatani Ainge Akashinga Uye Akavimbika
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • “Hapana Chinotadzisa Jehovha”
    Tevedzerai Kutenda Kwavo
Ona Zvimwe
Famba naMwari Neushingi
wcg chits. 22 pp. 106-109

22 JONATANI

Zvaitoda Ushingi Kuti Arambe Akavimbika

Rakaprindwa
Rakaprindwa

VARUME vaviri, vainge vakapakata zvombo, vakakwidza nepamakata aiva nematombo vachiita zvekukurumidza. Vakanga vachirwisa boka remasoja evaFiristiya. Jonatani, mwanakomana waSauro, uyo aiva mambo wekutanga wevaIsraeri, ndiye aiva mberi achitungamira. Akanga achiteverwa nemurume akashinga, uyo aiita basa rekumutakurira zvombo. Murume uyu akanga akurudzirwa nemashoko aJonatani ekuti: “Hapana chingatadzisa Jehovha kuponesa nevazhinji kana kuti nevashoma.” Pasina kana nguva, Jehovha akaratidza kuti zvakanga zvataurwa naJonatani zvaiva zvechokwadi. Varume ava vaviri vakakwanisa kuuraya masoja anenge 20! Zvavakaita izvozvo zvakabva zvatovhura mukana wekuti vanhu vaMwari vakunde zvine mutsindo.

Nyaya iyi inoratidza kuti Jonatani aiva neushingi hunoshamisa, asi hapasi ipo pega paakaratidza kuti aiva neushingi. Jonatani aiva munhu akavimbika, uye kakawanda kacho zvinotoda ushingi kuti munhu arambe akavimbika. Jonatani akanga akavimbika kuna baba vake Sauro. Asi nekufamba kwenguva, Sauro akatanga kuita zvakaipa akarega kuteerera Jehovha. Jonatani aitofanira kuva neushingi kuti aratidze kuti akanga akavimbika kuna Jehovha kupfuura kuvimbika kwaakanga akaita kuna baba vake.

Papera makore akawanda, Jonatani paakanga ava kutoda kusvitsa makore 50, akatanga kushamwaridzana nemumwe mukomana wechidiki ainzi Dhavhidhi. Mukomana iyeye akanga achangobva kuuraya hofori yechiFiristiya yainzi Goriyati. Zviri pachena kuti Sauro nevanhu vese vakabva vatanga kurumbidza Dhavhidhi. Jonatani akanzwa sei? Haana kana kuratidza kuti ari kumunzwira godo. Pane kudaro, akatopa Dhavhidhi zvinhu zvaaishandisa pakurwa, kusanganisira uta hwake. Zvinoita sekuti Jonatani aizivikanwa seshasha yekupfura neuta. Saka zvinoshamisa kuti akapa Dhavhidhi chipo chakadaro. Kunyange zvazvo Jonatani aiva mukuru kuna Dhavhidhi nemakore anenge 30, varume vaviri ava vakaita mhiko yekuti vaizoramba vari shamwari. Uye vese havana kumbobvira vaputsa mhiko iyoyo.

Jonatani aifanira kuratidza kuti akavimbika kuna Mwari kupfuura kuvimbika kwaakanga akaita kuna baba vake

Pakutanga Sauro aitombodawo Dhavhidhi. Asi pasina kana nguva, rudo rwake rwakapera. Akatanga kuitira Dhavhidhi godo risingaite. Aitarisira kuti ndizvo zvaizoitwawo naJonatani. Asi Jonatani akaramba akavimbika kushamwari yake Dhavhidhi kunyange zvazvo Jehovha akanga asarudza Dhavhidhi kuti azotsiva Sauro pakuva mambo panzvimbo pake. Sauro paakataura kuti aida kuuraya Dhavhidhi, Jonatani akamira neshamwari yake. Izvi zvaitoda ushingi. Kunyange zvazvo Sauro akanga ava kukwegura, akanga achiri murwi ane simba. Rimwe zuva Jonatani paakaratidza kuti aitsigira shamwari yake Dhavhidhi, Sauro akapotsera pfumo rake achida kubaya mwanakomana wake wekubereka! Akabva apotsa, asi Jonatani akarwadziwa chaizvo kuti baba vake vakanga vachitoda kumuuraya. Achingobva ipapo, Jonatani akabva aenda kunoudza Dhavhidhi kuti baba vake vari kuronga kumuuraya. Jonatani akabva akumbira Dhavhidhi kuti azosara achichengeta mhuri yake kana zvikaitika kuti anenge asisipo.

Jonatani akagara pasi patafura ine zvekudya achitaura naMambo Sauro achitsigira Dhavhidhi. Sauro akamira achiratidza kunge ari kuda kurwisa Jonatani uye Abhineri nevamwe vari mumba macho vari kutarisa vachiratidza kuti vari kunetseka.

Dhavhidhi akanga ava kutofanira kutiza Sauro. Mambo akatosvika pakutora uto rake, kuti aende kunovhima Dhavhidhi, zvekuti Dhavhidhi akanga ava kutofanira kugara achitsvaga pekuhwanda kuitira kuti arege kuurayiwa naSauro. Jonatani aibatana navo here pavaienda kunovhima Dhavhidhi? Hatizive hedu, nekuti Bhaibheri harina zvarinotaura nezvazvo. Asi nemaziviro atinomuita aisazombodaro. Pane imwe nguva, Jonatani akaziva kuti shamwari yake Dhavhidhi ainge akahwanda kupi, saka akaenda kunomuona. Nei akaenda? Bhaibheri rinoti paakaenda “akamubatsira kuti awane simba muna Jehovha.” Akaudza Dhavhidhi kuti: “Usatya, nekuti baba vangu Sauro havasi kuzokuwana; iwe uchava mambo weIsraeri, uye ini ndichava wechipiri kubva kwauri.” Zvadaro vakabva vaparadzana, uye musi uyu ndiwo wavakapedzisira kuonana.

Nguva pfupi izvi zvaitika, Jonatani akaratidzazve kuti aiva munhu akavimbika. Akabatana nababa vake pakurwisa vavengi vavo chaivo vaFiristiya. Asi panguva iyi, Sauro akanga atsauka asisashumire Jehovha, uye akanga ava kutoita zvechidhimoni. Saka Jehovha akanga asisakomboreri Sauro. Mambo Sauro akakuvadzwa muhondo, achibva azviuraya. Jonatani nevamwe vanakomana vaviri vaSauro vakafira muhondo musi iwoyo.

Dhavhidhi akarwadziwa zvisingaite. Akabva anyora rwiyo rwekuchema achibudisa shungu dzake uye kuda kwaaiita shamwari yake. Rwiyo rwacho rwainzi “Uta,” uye anogona kunge akarwupa zita iroro achifunga nezvechipo chaakanga apiwa naJonatani paakanga achiri mudiki. Dhavhidhi akanyora kuti: “Ndiri kunetseka chaizvo pamusoro pako, hama yangu Jonatani; ndaikuda chaizvo.” Akachengeta mhiko yaakanga aita kushamwari yake Jonatani. Dhavhidhi paakazova mambo, akatsvaga kuti pane vamwe vemumhuri yaJonatani vakanga vachiri vapenyu here, achibva awana mwanakomana waJonatani ainge akaremara, ainzi Mefibhosheti. Dhavhidhi akamutora akaita kuti agarewo muJerusarema uye kubvira ipapo akatanga kumuchengeta.

Verenga nyaya yacho muBhaibheri:

  • 1 Samueri 13:​2, 19-23; 14:​1-15; 16:21; 18:​1-9; 19:​4-6; 20:​1-42; 23:​16-18; 28:​6-8; 31:​1-6

  • 2 Samueri 1:​17-27; 9:​1-7

Mubvunzo wekukurukura:

Jonatani akaratidza sei ushingi?

Wedzera Kuongorora

  1. 1. VaFiristiya vaiva vanaani? (w95 2/1 31-wcgr)

  2. 2. Shoko rekuti “pimu” rinoratidza sei kuti nyaya iyi ndeyechokwadi? (w05 3/15 29-wcgr) Ona mufananidzo A

    Ruoko rwemunhu akabata dombo raishandiswa pakuyera pimu.

    Mufananidzo A: Dombo raishandiswa kuyera pimu

  1. 3. Chii chaigona kuita kuti zviome kuti munhu akwanise kuyambuka mupata wekuMikmashi? Chii chinogona kunge chakabatsira Jonatani kuti akwanise kuuyambuka? (it “Mikmashi [Mikmasi]” ¶4-wcgr) Ona mufananidzo B

Todd Bolen/BiblePlaces.com

Mufananidzo B: Nharaunda inofungidzirwa kuti ndiyo yaiva nemupata weMikmashi

Mufananidzo B: Nharaunda inofungidzirwa kuti ndiyo yaiva nemupata weMikmashi

Todd Bolen/BiblePlaces.com

  1. 4. Zvii zvakaitwa naDhavhidhi kuti azadzise mhiko yaakaita yekuti aizochengeta mhuri yaJonatani? (it “Mefibhosheti” Nhamba 2 ¶1-wcgr)

Zvidzidzo Zvatinowana

  • Jonatani ainge akavimbika kuna Jehovha kupfuura zvaakanga akaita kuna baba vake Sauro. Ndepapi patingada kuratidza kuti takavimbika kuna Jehovha kupfuura kuvimbika kwatakaita kune vamwe vanhu? Ona mufananidzo C

    Hanzvadzi iri kudzamisa pfungwa iri mumba uye murume wayo ari nechekumashure akapfugama pamberi peatari yechitendero chechiBhudha.

    Mufananidzo C

  • Nyaya yaDhavhidhi naJonatani inokudzidzisei . . .

    • nezveushamwari?

    • nezvekuzvininipisa?

    • nezvekuvimbika?

  • Ndepapi pamwe patingatevedzera ushingi hwakaratidzwa naJonatani?

Mibvunzo Yekufunga Nezvayo

  • Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?

  • Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?

  • Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Jonatani paachamutswa?

Dzidza Zvimwe

Chii chakaita kuti Dhavhidhi naJonatani vave neushamwari hwakasimba kudaro, uye tingaita sei kuti tivewo neushamwari hwakadaro mazuva ano?

“Rambai Muchidanana Nemwoyo Wese” (w21.01 20-25)

Batsira vana vako kuti vanzwisise zvakaitika muupenyu hwaJonatani uye kuti vangadzidzei panyaya iyi.

“Jonatani” (Kadhi remunhu wemuBhaibheri riri pajw.org-wcgr)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe