19 JEFTA NEMWANASIKANA WAKE
Vakazadzisa Mhiko Yakaoma
ZVINHU zvainge zvaita manyama amire nerongo muIsraeri, nekuti vanhu vainge vasiyazve Jehovha. Saka Jehovha akabva arega vaAmoni vachivadzvinyirira kwemakore 18. (Vat. 10:8) Asi vanhu vaMwari vakazobvuma mhosva yavo, vakaparadza vanamwari vavo venhema, ndokutangazve kunamata Jehovha. Kunyange zvakadaro, pasina nguva refu, vaAmoni vakaungana muGiriyedhi kuti varwise vaIsraeri.
Vakuru vekuGiriyedhi vakakumbira mumwe murume ainzi Jefta kuti auye kuzovatungamirira pahondo yacho. Jefta akanga ambobatwa nekuseri kweruoko nevana vababa vake muGiriyedhi, ndokubva atiza achibva munharaunda yacho. Akavatsamwira kana kuvachengetera chigumbu here? Aiwa. Jefta akabvuma kudzokera kuti anovabatsira kurwa. Asi akatanga nekuedza kuita kuti ave nerugare nevaAmoni. Jefta akatumira nhume kuna mambo wevaAmoni kuti dzinonyatsomutsanangurira kuti nei vakanga vasina kodzero yekutora nzvimbo yavaida muIsraeri. Jefta akaratidza kuti ainyatsoziva nhoroondo yekubatsira kwakanga kwamboita Jehovha vanhu vake pavairwisana nemamwe marudzi. Asi mambo wevaAmoni akaisa zvimiti munzeve. Aitoda zvehondo!
Mweya waJehovha wakauya pana Jefta paaigadzirira kuenda kunorwa. Saka hatingati Jefta akaita zvinhu asina kufunga kana kuti akaita zveupenzi paakapa mhiko iyi kuna Jehovha yekuti: “Kana mukaisa vaAmoni muruoko rwangu, chero munhu anobuda mumba mangu ouya kuzondigamuchira pandinodzoka nerugare ndichibva kuvaAmoni, achava waJehovha, uye ndichapa munhu iyeye sechibayiro chinopiswa.”
Jefta aireva here kuti aitozoita zvekupisa munhu achimupa sechibayiro? Aiwa hazvisirizvo. Kupa vanhu sezvibayiro kwairambidzwa naJehovha uye kwaitomusemesa. (Dheut. 18:10, 12) Jefta aireva kuti munhu aizotanga kubuda mumba make ‘aizova waJehovha,’ kureva kuti aizenge akatsaurirwa kuti aite basa raJehovha, zvichida ari patebhenekeri yaiva muShiro. Jefta aizviziva kuti zvaigona kuzomuomera kuti azadzise mhiko iyoyo. Aingova nemwanasikana mumwe chete waaida chaizvo. Saka anogona kunge ari iye aizotanga kubuda, achiuya kuzomuchingura paaidzoka kubva kuhondo.
Jefta paakapedza kupa mhiko, akabva aenda kuhondo. Akaratidza ushingi ndokutungamirira varume vaaiva navo kunorwa. Uye Jehovha akabva aita kuti vakunde zvine mutsindo! Vakarakasha vavengi vavo ndokuenda kunoparadza maguta 20 evaAmoni vakasiya ‘vauraya vanhu vakawanda chaizvo.’
Jefta akadzokera kumba asingabatike nemufaro. Pamwe anogona kunge akatanga kufunga kuti mumwe vevashandi vake ndiye aizotanga kubuda mumba macho. Kana zviri izvo zvaiva mupfungwa dzake, akashamisika paakaona munhu akatanga kubuda. Mwanasikana wake ndiye akabva atanga kubuda achitamba uye achiridza tambureni! Jefta akarwadziwa akabvarura nguo dzake ndokutanga kuchema achiti: “Maiwee, mwanasikana wangu kani! Warwadzisa mwoyo wangu, nekuti ndiwe munhu wandadzinga.”
Jefta nemwanasikana wake vaiva nemhiko yavaifanira kuzadzisa, asi zvainge zvakaoma chaizvo
Mwanasikana waJefta ainyatsonzwisisa kuti mhiko yakanga yaitwa nababa vake yairevei. Aizofanira kuita upenyu hwake hwese achiitira Jehovha basa dzvene. Saka zvinoreva kuti aisazombofa akaroorwa kana kubereka vana. Izvozvo zvaisava nyore kumunhukadzi wechiIsraeri. Asi musikana uyu akaratidza ushingi akabva audza baba vake kuti: “Kana mashama muromo wenyu kuna Jehovha, ndiitirei sezvamavimbisa.” Chaakangokumbira chete ndechekuti amboenda kwake ega nevasikana vaaishamwaridzana navo kuti anochema, nekuti aisazombofa akaroorwa kana kuva nevana.
Mwanasikana waJefta ainyaradzwa uye airumbidzwa nevanhu. Gore negore vasikana vemuIsraeri vaimushanyira voita mazuva 4 vachimurumbidza nekuzvipira kwake uye ushingi hwaairatidza. Uyewo akawana makomborero akawanda nekushumira kwaaiita patebhenekeri achiita basa dzvene. Zvinoita sekuti panguva iyoyo Samueri aigarawo patebhenekeri ipapo kachiri kadiki. Mwanasikana waJefta akabatsirawo here pakudzidzisa uye kukurudzira Samueri sezvaaikura? Hatizive. Kana zviri izvo zvakaitika anofanira kunge akafara chaizvo nekuti anga agara asitorina mwana wake wekubereka. Asi chatinoziva ndechekuti mazuva iwayo patebhenekeri pakanga pava kuitwa unzenza hwakanyanya. (1 Sam. 2:22) Mwanasikana waJefta akatanga kuitawo zveunzenza here? Aiwa. Bhaibheri rinotiudza kuti mwanasikana waJefta “haana kumborara nemurume.”
Muapostora Pauro akataura nezvaJefta paaitaura nezvevarume nevakadzi vaiva nekutenda kwakasimba. (VaH. 11:32) Jefta nemwanasikana wake vaiva neushingi hunoshamisa hwatinogona kutevedzerawo. Jefta akarwira vanhu vaMwari, uye mwanasikana wake akanyatsomutsigira. Baba ava nemwanasikana wavo vakazadzisa mhiko yakaoma yavakanga vaita kuna Jehovha!
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Jefta nemwanasikana wake vakaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. Chii chinoratidza kuti vaAmoni vaisangorwisa vaIsraeri chete, asiwo vairwisa kunamata kwakachena? (it “Jefta” ¶6-wcgr) Ona mufananidzo A
Mufananidzo A: “Vakabvisa vanamwari vekune dzimwe nyika pakati pavo, vakashumira Jehovha.”—Vat. 10:16
2. Maonero aJefta ainge akafanana papi neaJakobho paakaita mhiko kuna Jehovha? (it “Jefta” ¶11-wcgr)
3. Nei kwaiva kuzvipira chaiko kuti Jefta azadzise mhiko yaakanga aita? (w17.04 4 ¶6)
4. Muprofita Samueri akaberekwa munenge muna 1180 B.C.E. Chii chinoratidza kuti iye nemwanasikana waJefta vanogona kunge vakashumira patebhenekeri panguva yakafanana? (it “Jefta” ¶2-wcgr; ona chati yakanzi “Kubva Pana Inoki Kusvika Panguva yeVatongi.”)
Zvidzidzo Zvatinowana
Kana vabereki vakaratidza ushingi sezvakaitwa naJefta zvinobatsirawo sei vana vavo?
VaKristu mazuva ano vangatevedzerawo sei vasikana vechiIsraeri vairumbidza mwanasikana waJefta uye vaimubatsira kuti arambe akashinga? Ona mufananidzo B
Mufananidzo B
Ungatevedzera sei ushingi hwaiva naJefta nemwanasikana wake?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Jefta nemwanasikana wake pavachamutswa?
Dzidza Zvimwe
Zvakaitwa nemwanasikana waJefta zvinobatsira sei vaKristu vasati varoora kana kuroorwa mazuva ano?
Shandisa Zvakanaka Chipo Chekusaroora Kana Kusaroorwa (5:15)
Ona kuti tinodzidzei kubva pana Jefta nemwanasikana wake panyaya yekuramba takatendeka kuna Jehovha.