20 SAMSONI
Akaratidza Ushingi Paakanga Asina Simba
SAMSONI akanga asisaoni chinhu. Asi aikwanisa kunzwa kushorwa nekutsvinyirwa kwaaiitwa nevaFiristiya vakanga vakaungana. Zvakafamba sei kuti asvike pakadai. Akanga aita upenzi hwekutaura kwaibva simba rake, iro raibva kuna Mwari, saka akabva abatwa akatushurwa maziso, akasungwa ndokukandwa mujeri maaishandiswa semuranda. Iye zvino vaFiristiya vakanga vava kumuseka uye zviri pachena kuti vaisekawo Mwari wake Jehovha. Samsoni aiziva kuti zvimwe zvakanga zvava kuitika yaiva mhosva yake. Murume uyu akanga agara ari munhu aiva neushingi hunoshamisa. Asi panguva iyi paakanga asisina simba aikwanisa here kuratidza zvakare kuti aiva neushingi.
Kwemakore 20, Samsoni aiva mutongi muIsraeri, asi akanga akatosiyana nekure nevamwe vatongi. Vamwe vatongi vakaita saBheraki, Gidhiyoni naJefta, vakanga vatungamirira mauto kuti anorwisa vavengi vaMwari. Asi kwete Samsoni. Kakawanda, Samsoni pachake ndiye aitova uto racho! Jehovha akamushandisa kuti akunde vaFiristiya vakawanda chaizvo ari ega. Akazviita sei?
Pashure pekunge varayirwa naMwari, vabereki vaSamsoni vakamupa kuti ashumire Jehovha kweupenyu hwake hwese semuNaziri. Saka bvudzi rake harina kumbobvira ragerwa. Samsoni aifanira kuramba achichengeta mhiko iyoyo kuti Jehovha arambewo achimukomborera uye achimupa simba rinoshamisa chaizvo. Rimwe zuva, Samsoni akatombobvarura shumba nemaoko ake. Samsoni akashandisa simba iroro raakanga apiwa naMwari kurwisa vaFiristiya avo vaidzvinyirira vanhu vaMwari, vaIsraeri, nekuti vakanga vatsauka.
Pane imwe nguva, vamwe vaIsraeri vakatombosunga Samsoni vakamuendesa kuvaFiristiya nekuti vaivatya. Asi Samsoni akadambura tambo dzavakanga vamusunga nadzo sekunge ari kungodambura shinda, achibva auraya vaFiristiya 1 000, achingoshandisa shaya yedhongi. Rimwe zuva Samsoni paaiva muguta reGaza, vavengi vake vakamuhwandira usiku vachironga kuzomuuraya kunze kwava kuyedza. Asi Samsoni akamuka pakati peusiku akadzura masuo egedhi reguta racho nemagwatidziro aro, zvese nechihuri chacho. Akabva azvisimudza akazviisa pamapfudzi ake akafamba akazvitakura kwemakiromita 60 achikwidza pamusoro pegomo raiva pedyo neHebroni!
VaFiristiya pese pavaiedza kurwisa Samsoni, vaitadza kumukunda. Akaratidza vaFiristiya kuti vanamwari vavo vakaita saDhagoni vakanga vasina simba rekuvabatsira kukunda mushumiri waJehovha akatendeka. VaFiristiya vakazomugona pavakashandisa mukadzi ainzi Dherira.
Samsoni akanyura murudo naDherira, asi Dherira akanga asina kuvimbika uye aiva neunyengeri. Akatambira chiokomuhomwe chaakapiwa nevaFiristiya kuti avabatsire kuziva kwaibva simba raSamsoni. Akaramba achingomunetsa. Samsoni akazoneta nazvo akapedzisira ataura kwaibva simba rake. Akataura kuti kana akagerwa bvudzi rake aizongosara aine simba rakangofanana nerevamwe varume vese. Saka Dherira akamirira kuti Samsoni abatwe nehope achibva aita kuti bvudzi rake refu rigerwe. Bhaibheri rinotiudza kuti, ‘Jehovha akabva amusiya.’ Saka simba raSamsoni rakabva rapera. VaFiristiya vakabva vamhanya vachipinda maaiva vakamubata vachibva vamutushura maziso.
Samsoni akatanga kufondotswa nevavengi vake achiitiswa basa rekukuya zviyo. VaFiristiya vakanga vava kufara zvekufara zviya. Mhandu yavo yaimbova nesimba yakanga yangova muranda akasungwa nezvisungo zvemhangura. Vakabva varonga mutambo mukuru wekukudza mwari wavo mukuru Dhagoni. Zuva racho parakasvika vanhu vakawanda chaizvo vakaungana mutemberi yainge yakakura. Padenga retemberi yacho paiva nevanhu vanenge 3 000. VaFiristiya vakafunga kuti vambovaraidzwa zvavo naSamsoni, saka vakaita kuti abudiswe mujeri achibva aunzwa mutemberi mavaiva, akamiswa pakati pembiru mbiri dzainge dzakakura. Panguva iyi bvudzi remutongi uyu akanga apfidza kukanganisa kwake rakanga ratokura chaizvo.
Samsoni paakakanganisa akapedzisira ava musungwa, asi akatsvaga mumwe mukana wekuti agadzirise zvinhu
Paakanga abata mbiru dzacho akakumbira Jehovha kuti amudzorere simba raaimbova naro. Akanyengetera achiti: “Changamire Ishe Jehovha, ndapota ndiyeukei, uye ndisimbisei ndapota, panguva ino chete, haiwa Mwari.” Akabva azoshevedzera kuti: “Regai ndife pamwe chete nevaFiristiya!” Fungidzira kukaka kwainge kwakaita mhasuru dzake dzese achisundidzira mbiru dzacho kusvikira dzatanga kudonha. VaFiristiya vasati vatombowana mukana wekuti vamumise, mbiru dzacho dzakatanga kuwondomoka pamwe chete netemberi yacho zvese zvichibva zvangoti ngondo ngondo. Apa ndipo paiva pekupedzisira Samsoni paakashandisa simba rake raityisa. Musi uyu Samsoni akauraya vavengi vaMwari vakawanda chaizvo kupfuura vaakanga auraya muupenyu hwake hwese.
Muapostora Pauro paakazonyora nezvevarume vaiva nekutenda kwakasimba, patopera mazana emakore, akataurawo nezvaSamsoni. Uyewo zviri pachena kuti Pauro paakataura ‘nezvevakanga vasina simba vakapiwa simba’ anofanira kunge aifungawo nezvemutongi iyeye aiva neushingi.—VaH. 11:32-34.
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Samsoni akaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. Nei Samsoni aikwanisa kuramba ari muNaziri paaibata zvitunha? (w05 1/15 30 ¶1–31 ¶1)
2. Chii chinoratidza kuti Samsoni aitoda mweya waMwari kuti akwanise kutakura masuo egedhi reguta nemagwatidziro acho kubva kuGaza kusvika kuHebroni? (w04 10/15 15 ¶7-8) Ona mufananidzo A
Mufananidzo A
3. Chii chinoratidza kuti Dherira anogona kunge aiva muIsraeri? (w05 3/15 28 ¶2)
4. Nei Samsoni akanyengetera kuti akwanise kutsiva vaFiristiya nekuda ‘kweziso rake rimwe chete,’ kwete ese ari maviri? (Vat. 16:28; it “Samsoni” ¶10-wcgr)
Zvidzidzo Zvatinowana
Samsoni paakamanikidzwa kuti ataure zvinhu zvaaifanira kuchengeta mumwoyo make, akapedzisira azvitaura. Vakuru nemadzimai avo vanodzidzei panyaya iyi? Ona mufananidzo B
Mufananidzo B
Samsoni akaita chikanganiso chakakura, asi Jehovha akazomushandisa kuita zvinhu zvinoshamisa. Kana muKristu akakanganisa, zvakaitika kuna Samsoni zvingamubatsira sei kuti arege kukanda mapfumo pasi?
Ungatevedzera sei Samsoni?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Samsoni paachamutswa?
Dzidza Zvimwe
Dzidzisa vana vako kuti chii chakabatsira Samsoni kuti ave mumwe wevarume vaiva nesimba kupfuura vamwe varume vese vakamborarama panyika.
“Samsoni Anopiwa Simba Nemweya Mutsvene” (ijwis nyaya yechi14)
Zvii zvimwe zvatinodzidza panyaya yaSamsoni?