18 GIDHIYONI
Ainge Akashinga Uye Akangwarira
MUNHU akashinga anongwarirawo zvaanoita. Kana akasangwarira zvaanoita, ushingi hwake hunopedzisira hwangova zvivindi zvinozomupinza mumatambudziko. Gidhiyoni aiva neushingi uyewo aingwarira zvaaiita. Panguva yaakararama, vaIsraeri vakanga vapanduka zvakare vachisiya Jehovha. Saka Jehovha akarega vaMidhiyani vachiita kudirana kupinda munyika yacho, vakadzvinyirira vaIsraeri zvekusvika pekuti vakanga vasisakwanisi kukohwa zvirimwa zvavo muminda. Asi Gidhiyoni akanga asingatyi, akatoshinga kupura gorosi kuti vanhu vawane chekubata. Aiita izvi achingwarira, akahwanda muchisviniro chewaini kuti asaonekwe. Chisviniro chacho chewaini chinofanira kunge chaive pazidombo zihombe rakaita zvekuboorwa.
VaIsraeri vakazopfidza zvakaipa zvavo vakateterera kuna Jehovha kuti avabatsire. Saka Jehovha akatuma muprofita kuti avayeuchidze chikonzero chakanga chaita kuti avasiye; achibva azotuma ngirozi kuti igadze Gidhiyoni kuti anunure vanhu vake. Gidhiyoni akabva akumbira ngirozi yacho kuti imupe chiratidzo. Ngirozi yacho yakabvuma ikabva yaita chishamiso chekuti moto upise chibayiro chakanga chagadzirwa naGidhiyoni. Ngirozi yacho yakabva yanyangarika. Usiku ihwohwo, Jehovha akabva ataura naGidhiyoni akamuudza kuti aputse atari yaBhaari, otema bango rinoyera obva avakira Jehovha atari kuti amupe chibayiro. Gidhiyoni akaita zvaakanga audzwa asi akazviita usiku kuti pasava nemunhu anomuona nekuti aitya baba vake uye varume veguta.
Pashure pekunge Gidhiyoni aita zvinhu izvi achiratidza ushingi, vaMidhiyani vakaunganidza uto rakakura chaizvo pamwe chete nevaAmareki neVekumabvazuva vakauya kuzorwisa vaIsraeri. Masoja avo akazadza bani rese reJezreeri semhashu. Mweya waJehovha wakabva wauya pana Gidhiyoni akatumira nhume kune mamwe madzinza aIsraeri kuti vauye kuzorwa. Semunhu aiita zvinhu zvake akangwarira, Gidhiyoni akabva akumbira Jehovha kuti amupe zviratidzo zviviri zvaizoita kuti ave nechokwadi chekuti Jehovha aimutsigira. Jehovha akaratidza mwoyo murefu akaita zvakanga zvakumbirwa naGidhiyoni. Usiku ihwohwo Gidhiyoni akaisa jira remvere dzemakwai pasi munzvimbo yaishandiswa kupurira zviyo uye Jehovha akaita kuti jira racho ritote kuti nyakata nedova asi pasi pakaramba pakaoma. Usiku hwakatevera hwacho Jehovha akaita kuti jira racho rirambe rakaoma kuti gwa, asi pasi pakanga pakatota pakazara nedova.
Gidhiyoni nevarume vaaiva navo vaiva vashoma chaizvo asi Jehovha akavaudza kuti vakawandisa
Zvishamiso zviviri izvi zvakasimbisa Gidhiyoni, saka akatungamirira uto rake rakanga risina haro kunyanya kukura raiva nevarume 32 000 kunorwisa uto remuvengi raiva nemasoja 135 000. VaIsraeri pavakasvika paChitubu cheHarodhi, Jehovha akaudza Gidhiyoni kuti uto rake raiva nevanhu vakawandisa! Gidhiyoni aifanira kuita kuti varume vese vaitya vadzokere zvavo kumba. Pakabva pasara varume 10 000 chete. Asi Jehovha akati vakanga vachiri vakawandisa. Akabva audza Gidhiyoni kuti anyatsotarisa varume vacho pavanenge vachinwa mvura. Varume vakanwa mvura vakapfugama uye vakakotamisa misoro yavo pasi vakanzi ngavadzokere. Asi vamwe varume vakaratidza kuti vainge vakangwarira, vakanwa mvura yacho vakachonjomara vachiita zvekuichera nemaoko vonwa vakasimudza musoro kuti vakwanise kuona zvaiitika pavaiva. Masoja aya ainge akachenjerera ndiwo akasarudzwa kuti aende kunorwa. Gidhiyoni akasara angova nevarume 300 chete!
Gidhiyoni akaratidza ushingi akatanga kugadzirira kuti arwise. Jehovha ane zvaakabva aita kuti anyatsosimbisa Gidhiyoni. Akaudza Gidhiyoni kuti averevedze achipinda mumusasa wevavengi usiku. Gidhiyoni akabva aita zvaakaudzwa. Akabva anzwa mumwe musoja achitaura hope dzaakanga arota dzairatidza kuti vaIsraeri vaizokunda muhondo yacho. Iye zvino Gidhiyoni ainge ava nechivimbo chakazara chekuti Jehovha aizomubatsira kuti akunde. Saka akabva adzokera kuvarume vaaiva navo ndokuvaudza kuti: “Nditarisei munyatsotevedzera zvandichaita.” Usiku, pakwakanga kwati ndoo, vakabva vakomba musasa wevavengi. Gidhiyoni akabva avapa chiratidzo uye vachishandisa zvirongo zvavaiva nazvo nemwenje nehwamanda vakaita kuti pangoerekana paita ruzha runotyisa nechiedza chakabva chati bhaa. Vakabva vashevedzera vachiti: “Bakatwa raJehovha neraGidhiyoni!” Izvi zvakaita kuti masoja evavengi afunge kuti akanga anyatsokomberedzwa uye kuti akanga ava kutorwiswa. Vakavhunduka vachibva vavhiringika! Jehovha akabva aita kuti vatange kurwisana pachavo. Masoja 15 000 chete ndiwo akapona achibva atiza.
Gidhiyoni akabva atanga kuvatevera. Gidhiyoni akazokunda vavengi vacho akauraya vatungamiriri vacho uye akaranga vese vakanga varatidza kuti vakanga vasina kuvimbika uye vakaramba kumutsigira pahondo iyi yaitungamirirwa naMwari. Vanhu vakanga vava kuda kumuita mambo wavo. Gidhiyoni akaratidza kuzvininipisa akavaudza kuti: “Jehovha ndiye achakutongai.” Mwari akakomborera murume uyu aiva neushingi uye aiita zvinhu akangwarira. MuIsraeri maiva nerugare panguva yese yaitonga Gidhiyoni uye akazofa anyatsokwegura. Muapostora Pauro paakazotaura nezvevarume nevakadzi vaiva nekutenda kwakasimba, akatotaurawo nezvaGidhiyoni.—VaH. 11:32.
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Gidhiyoni akaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. Nei tingati “chingwa chebhari cheraundi” chakarotwa nemumwe musoja chainyatsoratidza zvakanga zvakaita uto raGidhiyoni? (Vat. 7:13; it “Bhari” ¶7-wcgr)
2. Nei kurira kwehwamanda 300 kwakavhundutsa uye kwakavhiringidza vaMidhiyani? (it “Nyanga” ¶3-wcgr) Ona mufananidzo A
Mufananidzo A: Nyanga dzemakondohwe dzairidzwa kuti vanhu vazive zvekuita
3. Gidhiyoni neuto rake vaifanira kuita sei kuti vakunde vaMidhiyani? (w04 10/15 16 ¶9-10) Ona mufananidzo B
Mufananidzo B: Gidhiyoni akadzingirira vaMidhiyani kwemakiromita anenge 80 kusvika kuJogbheha (nzira yacho chaiyo hainyatsozivikanwi)
4. Zvinhu zvipi zvinotaurwa muBhaibheri zvinoratidza kuti nyaya iyi ndeyechokwadi? (w05 4/15 32)
Zvidzidzo Zvatinowana
Gidhiyoni akatungamirira vanhu vaMwari vachibva vakunda. Asi akaramba achizvininipisa uye aitaura nevamwe zvakanaka. (Vat. 8:1-3) Misoro yemhuri nevakuru muungano vangatevedzera sei zvakaitwa naGidhiyoni kana mumwe munhu akagumburwa nezvavanenge vaita?
Ndepapi patingafanira kuratidza ushingi uku tichingwarirawo zvatinoita? Ona mufananidzo C
Mufananidzo C
Ungatevedzera sei ushingi hwaiva naGidhiyoni?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Gidhiyoni paachamutswa?
Dzidza Zvimwe
Ungatevedzera sei Gidhiyoni kana ukapiwa basa rekuita musangano?
Shandisa nyaya ine musoro uri pasi apa kuti ubatsire vana vako kuvimba naMwari.