17 JAERI
“Akakomborerwa Kupfuura Vamwe Vakadzi”
SISERA akatiza achibuda mubani reJezreeri maakasiya masoja ake achiurayiwa. Zvinofanira kunge zvakanga zvakamuomera chaizvo kubvuma kuti uto rake rakakura raiva nengoro dzehondo 900 dzaityisa rakanga rakundwa neuto revaIsraeri vakanga vasina zvombo zvakakwana apa vachifamba netsoka. Iye zvino chaakanga ava kungofunga ndechekuti oenda kunohwanda kupi. Akamhanya akananga kutende raHebheri muKeni.
VaKeni vakanga vagara vachiwirirana nevaIsraeri. Kuwirirana kwavo kwakatanga kare kare panguva yaMozisi uyo ainge akaroora mukadzi aibva mumhuri yevaKeni. VaKeni vairarama upenyu hwekungotama-tama uye panguva iyi vaigara muIsraeri. Asi Hebheri akanga akasiyana nevamwe vaKeni. Panzvimbo pekuti awirirane nevaIsraeri, aitowirirana hake naJabhini Mambo wevaKenani. Saka sezvo Sisera aiva mukuru wemauto aJabhini, akafunga kuti aikwanisa kuenda kunohwanda kumatende aHebheri. Chaasina kuziva ndechekuti Jaeri mudzimai waHebheri aitova nepfungwa dzakasiyana nedzemurume wake.
Murume waJaeri akanga asipo saka Jaeri aiva ega patende racho. Paakaona Sisera achiuya aitofanira kukurumidza kufunga zvekuita. Jaeri ainyatsoziva Sisera uye aiziva kuti akanga asiri murume wekutamba naye. Anogona kunge akanga asingazivi zvakanga zvataurwa nemuprofitakadzi waJehovha Dhibhora kuti Sisera aizourayiwa nemunhukadzi kwete munhurume. Pasinei nezvaakanga asingazivi, zvinoita sekuti Jaeri ainyatsoziva zvaidiwa naJehovha. Sei tichidaro?
Dhibhora akazonyora rwiyo rwakafemerwa rwaitaura nezvekukundwa kwakaita Sisera naBheraki. Murwiyo rwacho akati: “Jaeri ndiye akakomborerwa kupfuura vamwe vakadzi iye mudzimai waHebheri muKeni; akakomborerwa kupfuura vamwe vakadzi vanogara mumatende.” Saka Jaeri akanga asiri mukadzi ane unyengeri kana kuti ane mwoyo wakaipa sezvinotaurwa nevamwe. Asi aitova mukadzi ane ushingi akarwa hondo dzaJehovha. Sezvakaitwa naRakabhi, Jaeri akasarudza kutsigira Jehovha pane kutsigira vavengi vaMwari. Aiziva kuti Sisera aiva murume akaipa aivenga vanhu vaJehovha uye aizivawo kuti zvaiva kwaari kuti aite zvaaitarisirwa naJehovha kuti aite. Asi nyaya yaiva pakuti aizozviita sei?
Jaeri ainyatsoziva kuti kana akaedza kuda kurwisana naSisera nemaoko, zvaimuipira. Sisera aiva murume akasimba ari murwi ane unyanzvi. Saka akamuti apinde mutende rake kuti ambozorora. Akabva amufukidza negumbeze. Sisera paakakumbira mvura yekunwa, Jaeri akabva amupa mukaka. Sisera akabva audza Jaeri kuti amire pasuo retende uye kuti anyepere chero munhu upi zvake aizomubvunza kana paine murume akanga apinda mutende rake. Sisera akabva atobatwa zvake nehope.
Mwari akasarudza mumwe mukadzi kuti auraye musoja aityisa
Jaeri akabva aona kuti nguva yekuti aite zvaaifanira kuita yakanga yasvika. Akabva atora sando yairema nehoko yetende zvakagadzirwa nemuti uye anofanira kunge aigara achishandisa zvinhu izvozvo. Akabva anyahwaira achienda paiva neshasha iyi yekurwa yainge yakotsira. Akabva apfugama pedyo nemusoro wake agadzirira kuroverera hoko. Kudai aizongoita nhetemwa obva apotsa, pake paibva pamuperera. Asi Jaeri haana kupotsa. Pasina kana nguva, Jaeri akanga atopedza naye, uye Sisera akanga angoti rabada pasi afa uku hoko yetende yakanyura nechepamberi penzeve yake!
Gare gare Mutongi Bheraki akabva angoti pfacha, achitsvaga Sisera. Jaeri akabva abuda kunomuchingura. Akabva ati, “Uyai ndikuratidzei murume wamuri kutsvaga.” Bheraki paakangopinda mutende racho, akabva aona kuti mashoko akanga aprofitwa naDhibhora akanga azadzika ekuti: “Jehovha achaisa Sisera muruoko rwemukadzi.”
Murwiyo rwavo rwekukunda, Bheraki naDhibhora vakarumbidza Jaeri vachiratidza kuti vaimutenda nezvaakaita. Apa ndipo patinopedzisira kunzwa nezvaJaeri muBhaibheri. Asi kunyange nanhasi, patopera makore 3 200, nyaya yaJaeri ichiri kungotaurwa. Mazuva ano, vashumiri vaMwari havarwi hondo vachishandisa zvombo. Asi tine imwe hondo yatiri kurwa, hondo yemweya. Uye iye zvino ndipo patava kutofanira kuratidza ushingi sehwakaratidzwa naJaeri.
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Jaeri akaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. Hondo yakarwiwa naSisera yakafanana papi nehondo yeAmagedhoni uye tinodzidzei pakufanana kwadzakaita? (w19.09 8-9 ¶3-6)
2. Murume waJaeri, Hebheri, aiwirirana nevaKenani avo vaiva vavengi vevaIsraeri. Tsanangura ukama hwaiva pakati paHebheri nevaIsraeri. (it “Hebheri” Nhamba 2-wcgr)
3. Kukunda kwakaita vaIsraeri Sisera pamwe chete naJabhini kwakasimbisa sei kutenda kwevanhu vaMwari patopfuura makore akawanda? (w08 10/15 14-15 ¶12-15-wcgr)
4. Tingadzidzei pana Dhibhora pakurumbidza kwaakaita Jaeri? (w15 8/1 15 ¶2-wcgr) Ona mufananidzo A
Mufananidzo A
Mufananidzo A
Zvidzidzo Zvatinowana
Kana hanzvadzi iine murume asinganamati Jehovha, ndepapi painofanira kuratidza ushingi sezvakaitwa naJaeri?
Jaeri akanga asiri muprofitakadzi saDhibhora uyewo akanga asiri musoja saBheraki, asi akaita zvaaigona. Kana paine zviri kukutadzisa kuita zvakawanda mubasa raJehovha, Ungatevedzera sei zvakaitwa naJaeri? Ona mufananidzo B
Mufananidzo B
Ndepapi pamwe paunogona kutevedzera ushingi hwakaratidzwa naJaeri?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Jaeri paachamutswa?
Dzidza Zvimwe
Muvhidhiyo iyi ona kuti zvakaitwa naJaeri zvakabatsira sei mumwe musikana wechidiki kuti akwanise kuparidza.
Tevedzera Vanhu Vaiva Neushingi Kwete Makwara!—Jaeri Kwete Vanhu vekuMerozi (1:40)
MuBhaibheri munotaurwa nezvevakadzi vakawanda vatinogona kudzidza kubva kwavari uye Jaeri ndemumwe wavo. Verenga unzwe nezvevamwe vacho.
“Vakadzi Vanotaurwa muBhaibheri—Tingadzidzei Kwavari?” (ijwbq nyaya yechi161-wcgr)