16 BHERAKI NADHIBHORA
“Chokwadi Ndichaenda Newe”
ZVINHU zvainge zvisina kumira zvakanaka muIsraeri. Vanhu vakanga vapandukira Jehovha. Saka Jehovha akabva arega vavengi vavo vachivadzvinyirira sezvaakanga ambovayambira. Mambo wevaKenani ainzi Jabhini ndiye aitonga panguva iyoyo. Mukuru wemauto ake ainzi Sisera, uye aiva neutsinye husingaiti. Aiva neuto rakakura chaizvo uye aivawo nengoro dzehondo 900 dzaiva nemajeko esimbi.
Uto raitungamirirwa naSisera rakaita makore 20 richionesa vaIsraeri ndondo. Zvinoita sekuti vaiva netsika yekuti kana vakarwisa taundi kana kuti guta, vaibva vatora vakadzi vaivemo nechisimba vovabata chibharo. Izvi zvakaita kuti vanhu vatize misha yavo, vachinohwanda mumasango nemumakomo, zvekuti hapana kana munhu mumwe chete wawaiona achifamba mumigwagwa. Varume vakawanda vechiIsraeri vaiva vasina zvombo saka vaisakwanisa kuzvidzivirira.
Panguva iyoyo, paiva nemumwe mukadzi ainge akashinga ainzi Dhibhora aishumira semuprofitakadzi waJehovha. Aitongawo nyaya dzakaoma dzaiunzwa kwaari. Achishandisa Dhibhora Jehovha akapa murayiridzo kune mumwe murume ainzi Bheraki uyo waakanga asarudza kuti ave mutongi, uye mununuri wevanhu vake. Chimbofungidzira kushamisika kwakaita Bheraki paakaudzwa naDhibhora kuti Jehovha aida kuti aunganidze uto revarume 10 000 oenda naro kuGomo reTabhori. Jehovha aizoita kuti Bheraki akunde Sisera neuto rake!
Bheraki aive murume aizvikudza here, zvekusvika pakuona seadzikisirwa kuudzwa zvekuita nemunhukadzi? Kana. Akatotaura kuti aisazoenda kunorwisa Sisera neuto rake kana Dhibhora akaramba kuenda naye. Izvi hazvirevi kuti Bheraki aisava nekutenda. Muapostora Pauro akazotaura nezvaBheraki semumwe wevanhu vaiva nekutenda kwakakura. (VaH. 11:1, 2, 32) Bheraki aitoratidza kuti aiva nekutenda paakakumbira Dhibhora kuti aende naye neuto rake. Aiziva kuti kana akaenda nemuprofitakadzi waJehovha hapana paaizomborasika asi aizonyatsotungamirirwa naJehovha. Dhibhora akaratidza ushingi akataura kuti: “Chokwadi ndichaenda newe.” Akaudzawo Bheraki kuti kunyange zvazvo aizokunda muhondo yacho, pavarume vake vese hapana aizouraya Sisera, kunyange iye Bheraki wacho. Mwari aizoita kuti aurayiwe nemunhukadzi.
Bheraki akabva aita zvaakanga anzi aite. Akatumira shoko kwese kwese ndokuunganidza uto revarume vakashinga 10 000, achibva aita zvaaigona kuti avabatsire kugadzirira kurwa kunyange zvazvo vaive nezvombo zvishoma. Akabva aita kuti uto racho riungane pamusoro peGomo reTabhori. Gomo iroro rakakura chaizvo uye riri panzvimbo yakati sandara mubani reJezreeri. Rakareba mamita 562, zvekuti kana wakaritarisa rinoita sendiro yakakwidibirwa. Vari pamusoro peGomo iroro, Dhibhora, Bheraki, nevarume vaaiva navo vaikwanisa kuona Sisera neuto rake vachiri nechekure.
Bheraki aizoita sei pakadaro? Kudai aizofunga sezvinowanzoita vatungamiriri vakawanda vehondo, aigona kuzomirira kuti Sisera nengoro dzake dzehondo vatange vasvika mujinga meGomo reTabhori. Zvaizoomera Sisera nevarume vaaiva navo kufambisa ngoro vachikwidza makata, asi Bheraki nevarume vaaiva navo zvaitozovaitira nyore kurwisa Sisera pakadaro vachibva nechekumusoro. Bheraki aiziva kuti vairwa hondo iyi vachimiririra Jehovha. Uye Jehovha chete ndiye aizoita kuti vakunde. Saka Bheraki akateerera zvaaiudzwa naDhibhora. Achishandisa Dhibhora Jehovha akaudza Bheraki kuti vaende kunorwisa! Varume vaBheraki vakamhanya vachidzika mugomo macho vakananga mubani makati sandara kuti vanorwisa varume vaSisera vaiuya vari mungoro dzehondo!
Mutongi nemuprofitakadzi vaifanira kumirisana nemukuru wemauto aiva neutsinye uye aiva nengoro dzehondo
Kumunhu aiziva zvehondo, zvaiita sekuti vakanga vazvikanda mukanwa meshumba. Asi Jehovha akaona kuti vaiva neushingi, saka akavabatsira. Akaita kuti uto revaKenani rivhiringidzike. Mvura yakabva yatanga kutsvotsvoma. Pasina nguva refu bani reJezreeri ainge angova machakwi ega ega, zvekuti ngoro dziya dzehondo dzaityisa dzainge dzava kunyura mumatope. Apa masoja aSisera ainge ava kufanira kurwisana nevarume vaBheraki vakanyatsotarisana, vari pedyo nepedyo, nekuti ngoro dzavo dzehondo dzainge dzisisabatsire. Hapana kana mumwe chete pamasoja aSisera akasara ari mupenyu. Ko Sisera?
Sisera akabva ati tsoka ndibereke, ndokumhanya nemumachakwi achiita zvekutamburira kusvikira asvika panzvimbo yakakwirira. Chaaingofunga kwaiva kuzviponesa, asingatombofungi nezvemasoja ake akanga asara achiurayiwa. Bheraki akabva ati naye. Panguva yese iyi, Jehovha aiona hake. Ane zvaakanga akarongera Sisera.
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Bheraki naDhibhora vakaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. Upenyu hwainge hwakaita sei muIsraeri panguva yaitonga Sisera? (w15 8/1 12 ¶6-wcgr)
2. Nei Dhibhora asingawanzoverengwi pakati pevatongi 12 vakatonga muIsraeri Samueri asati ava muprofita? (w86 6/1 31 ¶6-8-wcgr)
3. Nei zvinganzi Dhibhora aiva “amai muIsraeri”? (Vat. 4:4, 5; 5:7; w15 8/1 13 ¶1-wcgr) Ona mufananidzo A
Mufananidzo A
Mufananidzo A
4. Dhibhora naBheraki vairevei pavakaimba kuti ‘nyeredzi dzakarwa’ naSisera? (Vat. 5:20; w05 1/15 25 ¶5-wcgr)
Zvidzidzo Zvatinowana
Ndepapi pangada kuti hama itevedzere kuzvininipisa kwakaita Bheraki paakabvuma kubatsirwa nemukadzi akatendeka? Ona mufananidzo B
Mufananidzo B
Nei zvaida ushingi kuti Dhibhora aende naBheraki? Ndepapi patingadawo kuratidza ushingi hwakadaro?
Ndepapi pamwe paunogona kutevedzera ushingi hwakaratidzwa naBheraki naDhibhora?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Bheraki naDhibhora pavachamutswa?
Dzidza Zvimwe
Ona kuti nyaya iyi inoratidza sei kuti Jehovha anokoshesa zvese zvatinoedza kumuitira.
“Kuzvipira Kwako Ngakuite Kuti Jehovha Arumbidzwe!” (w17.04 28-32-wcgr)
Zvii zvatinodzidza kubva pana Bheraki naDhibhora panyaya yekuvimbana, kuva nemwero uye kuteerera?
“Nekutenda, Bheraki Akakunda Uto Raiva Nesimba” (w03 11/15 28-31-wcgr)