4 ABRAHAMU
Munhu Wekutanga Kurwa Hondo yaJehovha
JEHOVHA akapa shamwari yake Abrahamu vimbiso yaizobata-bata upenyu hwevanhu vese vaizorarama panyika. Akamuvimbisa kuti: “Ndichaita kuti uve rudzi rukuru.” Mwari akaratidzawo Abrahamu nyika yakazonaka yaizogarwa nerudzi rwacho. (Gen. 12:2; 13:14, 15) Asi Satani aisatomboda kuti rudzi rwacho ruvepo saka aida kuuraya Abrahamu asati atombova nemwana. Dhiyabhorosi aizviziva kuti murudzi irworwo ndimo maizobuda “mwana” akanga ataurwa nezvake kuti aizoparadza Satani, achigumisa kutonga kwake kwakaipa.—Gen. 3:15.
Saka Satani akabva ati nanga-nanga naAbrahamu nemhuri yake. Mumwe akaoneswawo chitsvuku naSatani ndiRoti, mwanakomana wemukoma waAbrahamu. Abrahamu akanga aita kuti Roti atange hake kusarudza kwaaida kuzogara munyika yacho yakapikirwa. Uye Roti akanga asarudza nyika yakaorera kudarika dzimwe dzese munyika yacho. Yaiva pedyo neguta reSodhomu, kwaiva nevarume “vakanga vakaipa, vachitadzira Jehovha zvikuru.” (Gen. 13:8-13) Mambo weSodhomu akabatana nemamwe madzimambo 4 eKenani, nekuti vakanga vaneta nekubhadhara mutero kuna mambo weEramu. Saka vakabva varuka zano rekumupandukira. Izvi zvakabva zvaita kuti mambo wevaEramu abatane nemamwe madzimambo matatu aibva kwakasiyana-siyana, ndokuenda kunorwisa madzimambo eKenani vakasiya vavarakasha. Mambo weEramu neshamwari dzake idzodzo vakabva vadzokera kunyika dzavo, vaine zvinhu zvakawanda zvavakanga vapamba uye vanhu vakawanda vavakanga vatora senhapwa. Vakanga vatorawo Roti nemhuri yake.
Abrahamu akatungamirira uto revarume 318 paakatevera mauto ane simba emadzimambo 4 akavarwisa
Abrahamu aizoita sei? Aigona kufunga kuti Roti akanga arumwa nechekuchera. Kana kuti anogona kunge akatyira kuti kana akada kuenda kunonunura Roti aitozofanira kurwisana nemadzimambo iwayo, apa mumwe wemadzimambo acho aiva mutongi weShinari. Abrahamu akanga ajaira zvekutama-tama nekufudza zvipfuwo zvake, kwete zvekurwisana nevanhu. Saka aizokwanisa sei kukunda mauto emadzimambo iwayo 4 aiva nesimba? Apa Abrahamu wacho aitobvawo kuShinari. Kudai akanga ari mumwe munhu, aigona kufunga kuti kana akarwisana nemadzimambo iwayo aisazombofa akabvumirwa kutsika muUri. Asi Abrahamu haana kumbofunga saizvozvo. Aiziva kuti Jehovha aida kuti aende kunonunura Roti.
Panguva iyi, vanhu vaigara naAbrahamu vanogona kunge vakanga vava kutopfuura 1 000. Akaunganidza varandarume vake 318 vakadzidziswa kurwa, kuti vaende kunorwisa. Iye nevaranda vake vakatevera mambo weEramu nemamwe madzimambo matatu aakanga akabatana nawo. Pavakanga vafamba rwendo rurefu, vava munharaunda yeDhani, vakabva vaona paiva nemauto emadzimambo iwayo. Abrahamu akabva akamura mauto ake kuti ave mapoka maviri. Uye hwava usiku vakabva vaenda kunorwisa. Kunyange zvazvo mauto aAbrahamu aiva mashoma chaizvo kana tichienzanisa nemauto emadzimambo acho, akavarwisa zvekuti akabva atanga kutiza. Madzimambo acho nemauto awo paakaramba achitiza, Abrahamu akarambawo achivatevera. Pavakanga vava pedyo neDhamasiko, Abrahamu akavarwisa akavakunda achibva avatorera zvinhu zvese zvavakanga vapamba kuKenani. Roti nemhuri yake vakabva vanunurwa!
Jehovha akanzwa sei paakaona ushingi uye kutenda kwaiva naAbrahamu? Mhinduro yacho tinoiwana pane zvakazoitika Abrahamu paakapfuura pedyo neguta reSarema. Mambo weguta iroro ainzi Merekizedheki, akanga ariwo mupristi waJehovha. Merekizedheki akabuda muguta racho kuti anosangana naAbrahamu, achibva amupa chikomborero chaJehovha. Abrahamu akazvininipisa achibva apa Merekizedheki chegumi kubva pazvinhu zvakanakisisa zvaakanga atorera madzimambo aya.
Saka zviri pachena kuti hondo iyoyo yakarwiwa naAbrahamu yakanga iri yaMwari kwete yemunhu. Bhaibheri rinotaura ‘nezvebhuku reHondo dzaJehovha.’ (Num. 21:14) Hondo iyoyo yakarwiwa naAbrahamu, inogona kunge iri iyo yakatanga kunyorwa mubhuku iroro. Papera mazana emakore vazukuru vaAbrahamu pavairwisa vaKenani vaiita zvakaipa vaigara muNyika Yakapikirwa, Jehovha akaita kuti vazukuru vaAbrahamu vakatendeka varambe vachingokunda.
Asi vazukuru ivavo vaAbrahamu pavaitsauka vachisiya Mwari, Mwari aibva aregawo kuvachengetedza. Jehovha akatozopedzisira avasiya pavakaramba Mwanakomana wake Mesiya. Jehovha haana kuzoramba achikomborera rudzi irworwo rwevaIsraeri. Asi akabva atanga kukomborera Israeri waMwari ari kutungamirirwa naKristu. Jesu akarambidza vateveri vake kuita zvekurwa. (Mat. 26:52) Asi akavadzidzisa kuti varwe hondo yemweya. Jesu akaratidza nemararamire ake kuti zvinotodawo ushingi kuti munhu arwe hondo iyoyo.
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Abrahamu akaratidza sei ushingi pane zvakaitika muupenyu hwake panguva iyi?
Wedzera Kuongorora
1. Zvakawanikwa nevanochera matongo zvinoratidza sei kuti nyaya yaAbrahamu ndeyechokwadi? (w89 7/1 5¶4–6 ¶1-wcgr)
2. Zvinhu zvipi zvinoratidza kuti zvinotaurwa neBhaibheri nezveSodhomu neGomora ndezvechokwadi? (it “Gungwa reMunyu” ¶6-wcgr) Ona mufananidzo A
BestTravelPhotography/iStock via Getty Images Plus
Mufananidzo A: Kunyange mazuva ano, michero yemiti yemichindwe nezvimwewo zvinomera zvakazara munharaunda inogona kunge yaiva neSodhomu kare
3. Merekizedheki aiva mambo uye mupristi weSarema. Sarema yaiva kupi? (it “Sarema”-wcgr)
4. Merekizedheki aimiririra Jesu pakuti kudii? (it “Mupristi Mukuru” ¶27-28-wcgr) Ona mufananidzo B
Mufananidzo B
Zvidzidzo Zvatinowana
Abrahamu akaita kuti Roti asarudze hake chikamu chakanakisisa cheNyika Yakapikirwa. Tingatevedzera sei Abrahamu pamabatire atinoita vemumhuri, vatinonamata navo uye vamwewo? Ona mufananidzo C
Mufananidzo C
Tinodzidzei pakuda kwaiita Abrahamu kununura mwana wemukoma wake?
Ndepapi pamwe patingatevedzera ushingi hwakaratidzwa naAbrahamu munyaya iyi?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Abrahamu kana kuti Roti pavanomutswa?
Dzidza Zvimwe
Ona kuti Abrahamu akasvika sei pakuvimba naJehovha zvizere.
Abrahamu akaratidza sei ushingi asati atombobuda muUri?