3 SARA
Haana Kufunga Zvekudzokera
SARA akanga akaroorwa nemurume wake waaida chaizvo Abrahamu. Vaigara muguta reUri, munyika yeShinari. Guta racho rakanga rakabudirira, rakakomberedzwa nemasvingo, uye raiva pamahombekombe erwizi rukuru rwaYufratesi. Vanhu vemuguta racho vainge vakanyura mukunamata zvidhori, asi Abrahamu akanga akasiyana navo. Ainamata Mwari mumwe chete wechokwadi, Jehovha. Sara aitendawo muna Mwari wechokwadi. Asi rimwe zuva, pane zvakaitika zvaitoda kuti awedzere kuva nekutenda uye kuti aratidze ushingi.
Abrahamu akamuudza kuti Jehovha ane mashoko aakanga amuudza! Sara anofanira kunge akafara chaizvo. Asi mashoko acho aigona kuzomupedza simba. Vaifanira kusiya musha wavo nehama dzavo muUri, votamira kunyika iri kure chaizvo. Vaizoita rwendo rurefu nengamera vachifamba zvishoma nezvishoma vakaita mudungwe uye vachigara mumatende. Aizofanira kubuda muguta rakachengeteka raiva nemasvingo akakura nevarindi. Aizofanirawo kusiya imba yake yakakura, ine chivanze chakanaka nemvura yemupombi nezvimwe zvaiita kuti upenyu huve nyore. Kwaizenge kusinawo musika wekutenga-tenga! Upenyu hwacho hwaisazova nyore. Asi Sara akabvuma kuenda. Akaratidza kuti aitenda muna Jehovha, akarongedza zvinhu zvake, ndokuonekana nehama neshamwari dzake, achibva apinda munzira naAbrahamu vakananga kwavaisatomboziva.
Sara haana kumanikidzira Abrahamu kuti vadzokere kumba, asi akaramba achimutsigira Jehovha paakavaudza kuti vaende kure nekuUri
Pane zvimwe zvakaitwa naSara zvairatidza kuti aiva neushingi. Muapostora Pauro akazotaura nezvaSara nemurume wake achiti: “Kudai vakaramba vachifunga kwavakanga vabva, vangadai vakava nemukana wekudzokera.” (VaH. 11:15) Sara aigona kurarama upenyu hwake achingodemba imba yake yaakasiya kuUri kwaairarama asina kana chekutya. Asi achiratidza ushingi, haana kufunga zvekudzokera.
Pavakazosvika kunyika yeKenani, Sara akaona kuti kwakanga kwakatosiyana nekuUri kwaiva nerwizi rukuru rwaYufratesi rwaifamba ngarava, dzichiunza zvinhu zvekutenga zvakasiyana-siyana kubva kwakasiyana-siyana. Saka nzara payakazorova munyika yeKenani, pakanga pasina zvekuita kunze kwekutoti vatame. Sara haana kubva atora mukana pakaitika nzara iyoyo kuti amanikidzire murume wake kuti vadzokere kumba kuUri. Akabvuma kuti vadzike vakananga kuIjipiti pamwe chete naAbrahamu.
Sara aiva tsvarakadenga chaiyo, saka Abrahamu akatanga kutyira kuti mumwe munhu aigona kumuuraya kuti atore Sara. Sara aitofanira kunyepedzera kuva hanzvadzi yaAbrahamu chete. Asi mambo Farao weIjipiti paakanzwa nezvekunaka kwakanga kwakaita Sara, zvavaityira zvakabva zvatoitika. Akabva arayira kuti Sara aende kunotorwa kuna Abrahamu, ounzwa kumuzinda wamambo. Zviri pachena kuti upenyu mumuzinda wamambo hwaiva hwemutambarakede pasina chekutya. Izvi zvakanga zvakatosiyana neupenyu hwekugara mumatende, uchingotama-tama. Asi Sara akabva asarudza kusiya Abrahamu kuti agare hake mumuzinda waFarao here? Aiwa haana kudaro. Akaratidza ushingi akaramba akavimbika kumurume wake uye Jehovha akamununura! Pasina nguva, akanga avazve nemudiwa wake Abrahamu.a
Jehovha akanga avimbisa kuti kuna Abrahamu kwaizobva rudzi rukuru. Asi Sara akanga asingabereki. Izvozvo zvainge zvakamuomera. Asi papera makore akawanda vari muKenani, Jehovha akazopa Sara mubayiro. Kunyange zvazvo akanga ava nemakore 90, Jehovha akamukomborera nekumupa chinhu chaaidisisa mumwoyo make. Akabereka mwana mukomana! Jehovha akavaudza kuti vatumidze mwana wacho kuti Isaka nekuti zvinoreva kuti, “Kuseka.” Abrahamu naSara vakanga vaseka nemufaro pavakaziva kuti vaizova nemwanakomana uye Sara aiva nechokwadi chekuti vanhu vaizoseka naye pavaizonzwa nezvechishamiso chaakaitirwa naJehovha.
Sara akazorarama kwemamwe makore akawanda zvekuti akakwanisa kurera mwanakomana wake kusvikira ava murume anoda Jehovha. Aifanira kuratidza ushingi kuti anyatsochengetedza mwana wake sezvinongoitwa navanaamai vese. Uye kusvikira pekupedzisira chaipo, Sara haana kufunga zvekudzokera kuupenyu hwemutambarakede hwaakanga asiya. Pfungwa dzake dzakaramba dziri pazvinhu zvakanaka zvaiva mberi. Sara nemhuri yake havana kuona Jehovha achizadzisa zvese zvaakavavimbisa, asi tine chokwadi chekuti munguva pfupi iri kutevera, vachazviona zvichizadziswa!
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Sara akaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. Zvakanga zvakaipa here kuti Sara aroorwe naAbrahamu kunyange zvazvo aiva hanzvadzi yake? (wp17.3 12 ¶5, mashoko emuzasi-wcgr)
2. Tsanangura kuti Sara anogona kunge akasiyei paakabuda muUri. (wp17.3 13 ¶3–14 ¶1-wcgr) Ona mufananidzo A
Photograph taken by courtesy of the British Museum
Mufananidzo A: Chishongo chakawanikwa nevanochera matongo munharaunda yaiva neguta reUri
3. Chii chinoratidza kuti Abrahamu akaratidza uchenjeri paakaita kuti vanhu vasaziva kuti Sara aiva mudzimai wake? (wp17.3 14 ¶6–15 ¶2-wcgr)
4. Kunyange zvazvo Sara aizviisa pasi paAbrahamu, zvinoreva here kuti aisambotaurawo zvaaifunga? Tsanangura. (g 4/08 19 ¶4-5-wcgr) Ona mufananidzo B
Mufananidzo B
Zvidzidzo Zvatinowana
Enzanisa Sara nemudzimai waRoti.
Vakanga vakafanana papi? (Gen. 12:1; 13:5-7; 19:12, 15)
Vakanga vakasiyana papi? (Gen. 19:17, 26; Ruka 17:28-32)
Tinodzidzei pazvinhu zvavakasarudza uye pane zvakazoitika kwavari?
Sara aiva mukadzi akanaka chaizvo, uye murume wake akanga akapfuma. Tinodzidzei pana Sara nezvemaonero atinofanira kuita runako kana kuti pfuma? (Zvir. 31:30; 1 Tim. 6:17-19)
Ungatevedzera sei ushingi hwaiva naSara? Ona mufananidzo C
Mufananidzo C
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Sara paachamutswa?
Dzidza Zvimwe
Madzimai ndiwo ega anodzidza kubva kuna Sara here? Kana kuti varume vane zvavanodzidzawo kwaari here?
Ona zvakaitwa naAbrahamu naSara kuti varambe vachiratidza kuti vanoremekedzana.
“Itai Kuti ‘Rimi Remoto raJahʼ Rirambe Richibvira” (w23.05 24-25 ¶15-17)
a Sara akazosangana nedambudziko iroro zvakare, mumwe mambo ainzi Abhimereki paakamutora kubva kuna Abrahamu. Akaratidza ushingi akanyatsotevedzera zvaakaudzwa naAbrahamu kuti aite uye Jehovha akamununura zvakare.