RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wcg chits. 5 pp. 32-35
  • Akateerera Kunyange Pazvakanga Zvakamuomera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Akateerera Kunyange Pazvakanga Zvakamuomera
  • Famba naMwari Neushingi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Kuongorora
  • Zvidzidzo Zvatinowana
  • Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
  • Dzidza Zvimwe
  • Jehovha Akamuti “Shamwari Yangu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Akaratidza Kuti Aiva Nekutenda
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Munhu Wekutanga Kurwa Hondo yaJehovha
    Famba naMwari Neushingi
  • Mwari Anoidza Kutenda kwaAbrahama
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Famba naMwari Neushingi
wcg chits. 5 pp. 32-35

5 ABRAHAMU

Akateerera Kunyange Pazvanga Zvakamuomera

Rakaprindwa
Rakaprindwa

ABRAHAMU ari kufamba zvishoma nezvishoma, uye nhanho imwe neimwe yaari kufamba iri kumuswededza pedyo nekwaanzi naJehovha aende. Rwendo rwacho rwuchamutorera mazuva mashoma chete. Asi hapana mubvunzo kuti panzendo dzese dzaakambofamba mumakore ese aararama, urwu ndirwo rwakanyanya kumuomera.

Paaifamba kudaro airamba achingofunga nezvemashoko aakanga audzwa naJehovha ekuti: “Ndinokumbirawo kuti utore mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe chete waunoda kwazvo, Isaka, uende kunyika yeMoriya, umupe sechibayiro chinopiswa ikoko pane rimwe gomo randichakusarudzira.” Jehovha aiziva kuti Isaka aiva pamwoyo paAbrahamu. Saka nei Jehovha akazomukumbira kuti aite zvinhu zvakadaro? Uye chii chaizobatsira Abrahamu kuti ave nekutenda uye ushingi hwekuteerera zvaakaudzwa naJehovha?

Abrahamu naIsaka vachikwira gomo. Abrahamu akabata mudziyo une mazimbe emoto, uye Isaka akatakura svinga rehuni. Isaka ari kucheuka achitarisa Abrahamu uyo akatarisa mudenga.

Bhaibheri rinoti Abrahamu ndiye “baba vevaya vese vanotenda.” (VaR. 4:11) Nguva refu izvi zvisati zvaitika, Abrahamu akanga atoratidza kuti aiva nekutenda kwakasimba. Uye Jehovha akamubatsira kuti atowedzera kusimbisa kutenda kwake. Semuenzaniso, rimwe zuva makore akawanda izvi zvisati zvaitika, Jehovha akanga audza Abrahamu kuti aizoparadza maguta akaipa eSodhomu neGomora. Abrahamu akanetseka, saka akabvunza Jehovha kana aizoparadza vanhu vakanaka pamwe chete nevakaipa. Jehovha akaratidza mwoyo murefu, akabatsira Abrahamu kuona kuti aisazoparadza maguta acho kana akawana muine kunyange vanhu vashoma vakarurama. (Gen. 18:​16-33) Abrahamu haana kuzombofa akakanganwa chidzidzo chaakawana musi iwoyo chekuti Jehovha anotonga zvakarurama uye ane ngoni.

Jehovha paakakumbira Abrahamu kuti aite chimwe chinhu chakaoma chaizvo, akawanepi ushingi hwekuteerera?

Pasina nguva izvi zvaitika, Jehovha akaita chishamiso chekupa Abrahamu naSara chipo chavaida chaizvo, kunyange zvazvo Sara akanga ava kutosvitsa makore 90 uye Abrahamu ava kutosvitsa makore 100. Jehovha akaita kuti vavezve nesimba rekubereka, vakakwanisa kuva nemwanakomana, Isaka! Abrahamu akadzidza kuti zvinhu zvese zvinobvira kuna Jehovha. Akakwanisa kuita kuti muviri waAbrahamu waiita sewakanga watofa uvezve nesimba. (VaR. 4:​18, 19) Abrahamu haana kuzombofawo akakanganwa chidzidzo ichocho.

Saka papera makore 25, Abrahamu paakanga ava kufamba achienda kugomo reMoriya, anofanira kunge airamba achingofunga nezvezvidzidzo izvozvo. Akazofunga kuti: Kunyange kana Isaka akafa, Jehovha aikwanisa uye aida kumumutsa! (VaH. 11:19) Saka Abrahamu akaramba achifamba akananga kugomo reMoriya, nekuti tariro iyoyo yaiita kuti ave neushingi.

Paakanga ava pedyo nenzvimbo yakanga yasarudzwa naJehovha, zvekuti akanga ava kutoiona, Abrahamu akaudza varanda vake kuti vambosara iye naIsaka pavaienda kunopa chibayiro. Abrahamu akataura aine chivimbo chizere kuti iye naIsaka vaizodzoka. Pavakanga vava vega mugomo kwakati zii, nguva iya yekuti aite zvaakanga audzwa yakazosvika. Achiratidza kuzviisa pasi, Isaka haana kuita nharo baba vake vakanga vakwegura pavakamusunga vachibva vamuisa paatari. Abrahamu akabva asimudza ruoko rwake, uku banga riri mumaoko, agadzirira kuita chinhu chaasina kumbobvira afunga kuti aizoita. Asati adzikisa ruoko rwake, akabva anzwa inzwi rengirozi ichimushevedza, ikabva yati: “Usauraya mukomana.”

Jehovha akabva arumbidza Abrahamu nekuti aiva nekutenda uye aiteerera. Akabva asimbisazve mashoko aya aakanga avimbisa Abrahamu, ekuti aizoita kuti vana vake vawande chaizvo, uye kuti “marudzi ese epanyika” aizowana makomborero akakura nekuti Abrahamu akateerera zvaakaudzwa kuti aite.

Zvakavimbiswa Abrahamu naJehovha zvichiri kuzadzika nanhasi. Vimbiso iyoyo ichaunza makomborero acharamba aripo nekusingaperi. Asi pane zvimwe zvatinodzidza nezvaJehovha kubva panyaya yaAbrahamu naIsaka. Zvakaitika kuna Abrahamu zvinotibatsira kunzwisisa marwadzo aizofanira kutsungirirwa naJehovha, kuti aponese vanhu vese vakatendeka. Kungofanana naAbrahamu uyo akanga atozvipira kupa mwanakomana wake waaida chaizvo, Jehovha akazvipirawo kupa Mwanakomana wake akaberekwa ari ega, Jesu, kuti abatsire vanhu vese. (Joh. 3:16) Saka patinoverenga nezvekuzvipira kwakaita Abrahamu, tinenge tichitodzidzawo nezverudo rwaJehovha.

SaAbrahamu, kana tikaramba tichifungisisa zvakaitwa naJehovha uye zvaakataura, kutenda kwedu kucharambawo kuchikura. Kutenda kwedu pakunenge kuchikura, ushingi hwedu hunenge huchitowedzerawo. Hatifaniri hedu kutyira kuti Jehovha achazotikumbira kuti tiite zvaakakumbira kuna Abrahamu. Hapana mumwe munhu waakazombokumbira kuti aite izvozvo. Asi chatinoziva ndechekuti pasinei nekuti Jehovha atikumbira kuti tiitei, kana tiine kutenda tichava neushingi hwekuteerera. Uye kana tikateerera tichawana makomborero akakura atisingatombogoni kufungidzira!

Verenga nyaya yacho muBhaibheri:

  • Genesisi 22:​1-19

  • VaHebheru 11:​11, 12, 17-19

Mubvunzo wekukurukura:

Abrahamu akaratidza sei ushingi pane zvakaitika muupenyu hwake panguva iyi?

Wedzera Kuongorora

  1. 1. Chii chinoratidza kuti Abrahamu munhu chaiye, akatomborarama? (g 7/12 26, bhokisi-wcgr; it “Abrahamu” ¶22-23-wcgr) Ona mufananidzo A

    Mufananidzo A: Chidziro chiri muKarnak, kuEgypt, chakanyorwa kuti “Munda waAbramu”

  1. 2. Abrahamu angangodaro akaziva sei nezvaJehovha? (ia 26 ¶4-5-wcgr)

  2. 3. Chii chaiita kuti Jehovha agamuchire kunamata kwaAbrahamu? (rr 20 ¶18)

  3. 4. Zvakavimbiswa Abrahamu naJehovha pana Genesisi 22:17 zvinoratidza sei kuti Bhaibheri rakarurama panyaya dzesainzi? (g88 4/8 25-wcgr) Ona mufananidzo B

Denga rakazara nyeredzi, nechepasi pachioneka mahombekombe.

Mufananidzo B

Mufananidzo B

Zvidzidzo Zvatinowana

  • Kuva netariro kwakabatsira sei Abrahamu kuti ave neushingi? Kuramba tichifunga nezvetariro yatiinayo kunotibatsira sei kuti tive neushingi? Ona mufananidzo C

    Mifananidzo: 1. Murume akafirwa nemudzimai achitarisa pikicha yaakatorwa nemudzimai wake musi wavakachata. 2. Anofungidzira vari muParadhiso, vachifamba vakabatana maoko vari pamahombekombe.

    Mufananidzo C

  • Tingatevedzera sei ushingi hwaiva naAbrahamu topa chibayiro kuna Mwari . . .

    • patinowana mukana wekuudza mumwe munhu nezvaJehovha? (VaH. 13:15)

    • patinenge tichisarudza kuti toshandisa sei pfuma yedu nezvimwewo zvatiinazvo? (Zvir. 3:9)

    • patinoziva kuti hama nehanzvadzi dzedu dzinoda kubatsirwa? (VaF. 4:18)

  • Ndezvipi zvimwe zvaungaita uchitevedzera ushingi hwakaratidzwa naAbrahamu muupenyu hwake panguva iyi?

Mibvunzo Yekufunga Nezvayo

  • Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?

  • Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?

  • Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Abrahamu kana kuti Isaka pavachamutswa?

Dzidza Zvimwe

Ona vhidhiyo inoratidza zvakaitika kuna Abrahamu.

Tevedzera Kutenda Kwavo—Abrahamu, Chikamu 2 (11:10)

Zvakafamba sei kuti Abrahamu azova shamwari yaJehovha yepedyo, uye ungaita sei kuti usimbisewo ushamwari hwako naJehovha?

“Jehovha Akamuti ‘Shamwari Yangu’” (w16.02 8-12-wcgr)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe