RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wcg chits. 2 pp. 20-23
  • Akapa Nyika Mhosva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Akapa Nyika Mhosva
  • Famba naMwari Neushingi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Kuongorora
  • Zvidzidzo Zvatinowana
  • Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
  • Dzidza Zvimwe
  • “Akafamba naMwari Wechokwadi”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • “Akafamba naMwari Wechokwadi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • ‘Akachengetedzwa Pamwe Chete Nevamwe Vanomwe’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Noa Anovaka Areka
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Famba naMwari Neushingi
wcg chits. 2 pp. 20-23

2 NOA

Akapa Nyika Mhosva

Rakaprindwa
Rakaprindwa

INOKI paakanga afa, pane dzimwe ngirozi dzakatanga kupandukira Mwari kudenga. Dzaputirwa neruchiva, dzimwe ngirozi dzakaipa dzakauya panyika, dzikabva dzachinja miviri yadzo kuti ifanane neyevanhu, ndokubva dzatora vakadzi vese vadzaida kuti vave madzimai adzo. Vana vavo vaiva musanganiswa wengirozi nevanhu, uye vainzi vaNefirimu. Vainge vari mazimhitsa, vaine utsinye husingaite, uye vachifarira zvekurwa. Zvakaipa zvaiitwa nevaNefirimu ivavo zvakaita kuti vanhu vese vaiva panyika panguva iyoyo vawedzere kuipa. Mwari paakasika vanhu akavapa chipo chakazonaka cheupenyu. Asi chipo ichocho chakatanga kuparara nemhaka yekunyanya kuipa kwainge kwaita vanhu uye kurwisana kwavaiita. Asi pane mumwe murume ainge akasiyana nevamwe uye aive muzukuruchibvi waInoki. Zita rake rainzi Noa.

Noa akazova murume akarurama sezvakanga zvakaita Inoki. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Noa akafamba naMwari wechokwadi.” Nekufamba kwenguva, Noa akazoroora uye iye nemudzimai wake vakadzidzisa vanakomana vavo vatatu kuti vateererewo Jehovha sezvavaiita. Izvi zvakaita kuti mhuri yavo isiyane nedzimwe mhuri dzese dzaivapo panguva iyoyo.

Rimwe zuva, Jehovha akaudza Noa kuti akanga asarudza kutsvaira vanhu vese vakaipa vaiva panyika. Asi Jehovha akaitawo kuti Noa ave netariro. Akaudza Noa kuti avake areka, kuitira kuti zvimwe zvinhu zvipenyu zvisaparadzwe. Jehovha akaudza Noa kuti paizoitika mafashamo aizozadza pasi rese nemvura. Asi Noa ainge asati amboona zvakadaro. Uye akanga asati amboita basa rekuvaka chinhu chakakura zvakadaro. Asi aiva nechokwadi chekuti zvaivimbiswa naJehovha zvaizoitika saka akabva atanga kuita basa racho.

Noa nemhuri yake vaiva nevavengi vaityisa vaisada kunzwa nezvemashoko avaiparidza uye nezvebasa ravaiita

Kuti vaite basa racho, Noa nemhuri yake vaifanira kuva neushingi nekuti vanhu vakawanda vanogona kunge vaivapikisa zvakasimba uye kuvaseka. Uyewo ngirozi dziya dzakaipa dzaiva nesimba uye dzaityisa chaizvo, uye vana vadzo vainakidzwa nekuitira vanhu utsinye. Asi Noa nemudzimai wake akavimbika, nevanakomana vavo vatatu nemadzimai avowo, vese pamwe chete vari 8, vakaramba vakadzikama vachiita basa ravo. Vakaita makore anenge 50 vachiita basa racho rekuvaka areka. Zvishoma nezvishoma areka yacho yakatanga kuoneka zvayaizenge yakaita.

Noa nevana vake nevaroora vake vari kudhonza chingoro chine zvinhu uye vamwe vanhu vari kuvaseka nekuvatsvinyira. Areka iri kuvakwa ndiyo iri kuoneka nechekumashure.

Asi zvese izvi pazvaiitika, Noa haana kuramba akasona muromo. Pave paya Bhaibheri rinozotiudza kuti Noa akasvika pakuzivikanwa “semuparidzi wekururama.” Semusoro wemhuri akatungamirira mhuri yake pakuyambira vamwe vanhu nezvezvakanga zvava kuda kuitika. Asi hapana kana munhu mumwe chete pavanhu vaakaparidzira akamuteerera. Kunyange hama dzake chaidzo dzakatorambawo kumuteerera. Vanhu vaisada kurega zvakaipa zvavaiita. Kutenda kwakasimba kwaiva naNoa kwakaita kuti ave neunhu hwakasiyana nehwevanhu ivava. Ndosaka Bhaibheri richitaura nezvaNoa richiti: “Nekutenda uku akapa nyika mhosva.”

Areka yacho yakazopera kuvakwa. Noa nemhuri yake vakanga vava kufanira kutsvaga zvinhu zvavaizoda kushandisa vozviisa muareka uyewo zvaizodiwa nemhuka dzese dzaizopinda muareka yacho. Nekufamba kwenguva, pane chimwe chinhu chinoshamisa chakatanga kuitika. Marudzi akasiyana-siyana emhuka, hono nehadzi, akatanga kudirana achienda kwaive neareka! Padzakasvika, “dzakatanga kupinda dziri mbiri mbiri muareka maiva naNoa.”

Mwari akanga atoudza Noa kuti iye nemhuri yake vapinde muareka nekuti mvura yaizotanga kunaya mumazuva 7 aizotevera. Tinogona kufungidzira mhuri yaNoa ichiita chipatapata kupinza zvinhu muareka nekuzvirongedza. Pamwe zvakaita kuti vanhu vatowedzera kuvaseka. Pavakanga vapedza kupinza zvinhu zvese muareka, Jehovha akabva avhara dhoo. Izvozvo zvinogona kunge zvakaita kuti vaye vaimbovaseka vashaye neremuromo. Mvura yakabva yatanga kutsvotsvoma! Pasi rese rakatanga kufukidzwa nemvura. Mvura yacho yakaramba ichiwedzera kwemazuva 40, kutozosvikira makomo ese afukidzwa. Jehovha akashandisa mafashamo iwayo kuti achenese nyika yakanga yazara nevanhu vaiita zvakaipa.

Noa nemhuri yake vainge vakachengeteka vari muareka kwerinodarika gore. Mvura yakabva yatanga kuserera zvishoma nezvishoma. Pave paya, areka yakabva yanogara pamusoro pegomo, uye Jehovha akabva audza Noa kuti vainge vava kukwanisa havo kubuda. Pavakabuda muareka, vakatanga kunamata Jehovha, vachimutenda kuti akanga avaponesa. Jehovha akavimbisa kuti aisazombounzazve mafashamo akadaro saka akabva aita kuti pave nemuraraungu, waizoshanda sechiratidzo chinosimbisa vimbiso iyoyo.

Vanhu vese vari panyika nhasi uno vazukuru vaNoa. Tinotenda chaizvo kuti Noa nemhuri yake vakaratidza ushingi uye vakaramba vachiita zvaidiwa naJehovha pasinei nekuti vamwe vanhu vaiva panyika vaiita zvakaipa!

Verenga nyaya yacho muBhaibheri:

  • Genesisi 6:1–8:22; 9:​8-19

  • VaHebheru 11:7

  • 2 Petro 2:5

Mubvunzo wekukurukura:

Noa akaratidza sei ushingi?

Wedzera Kuongorora

  1. 1. Zvinhu zvakanga zvakamira sei panyika mafashamo asati aitika? (w02 3/1 5 ¶3–6 ¶4-wcgr)

  2. 2. Jehovha akaudza Noa riini kuti avake areka? Ndiriini paakaziva kuti mafashamo aizotanga? (w12 4/15 23 ¶5-8-wcgr)

  3. 3. Tinoziva sei kuti mafashamo akaitika zvechokwadi? (ijwbq nyaya yechi156 ¶2-5, bhokisi-wcgr) Ona mufananidzo A

    Varume 8 vari kutungamirirwa nehove hombe kuenda kunzvimbo yakachengeteka.

    Historic Collection/Alamy Stock Photo

    Mufananidzo A: Imwe ngano yechiHindu inoti pane mumwe murume akavaka chikepe kuti apone pamafashamo. Mafashamo paakapera akabva apa chibayiro uye vanhu vese vakazobva nekwaari

  4. 4. Zvii zvakazoitika papfuura makore 100 kubva pakapera mafashamo, uye zvingangodaro zvakabata-bata sei upenyu hwaNoa? (it “Noa” Nhamba 1 ¶12-wcgr) Ona mufananidzo B

    Varume vaviri vari paBhabheri vari kutadza kunzwanana nemhaka yekusiyana kwemutauro.

    Mufananidzo B

Zvidzidzo Zvatinowana

  • Nguva yatiri kurarama yakafanana papi neyakararama Noa? (Mat. 24:​36-39)

  • Nyaya yaNoa inokudzidzisei nezvekukosha kwekuva munhu . . .

    • akarongeka? Ona mufananidzo C

      Hanzvadzi iri kuverenga rugwaro rwezuva ichinwa tii. Ane bhuku remanotsi riri pamberi pake uye pane karenda riri kumadziro.

      Mufananidzo C

    • anoshanda nesimba? Ona mufananidzo D

      Hanzvadzi iya iri kushandisa muchina wekucheka mapuranga.

      Mufananidzo D

    • ane nemwoyo murefu? Ona mufananidzo E

      Hanzvadzi iri pachingoro iine imwe hanzvadzi.

      Mufananidzo E

  • Ungatevedzera sei ushingi hwaiva naNoa?

Mibvunzo Yekufunga Nezvayo

  • Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?

  • Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?

  • Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Noa paachamutswa?

Dzidza Zvimwe

Ona kushanda nesimba kunoita vamwe baba vachitevedzera Noa.

Tevedzera Vanhu Vaive Nekutenda, Kwete Vakanga Vasina Kutenda—Noa, Kwete Vavakidzani Vake (2:57)

Batsirai vana venyu kuti vawane zvidzidzo kubva kuna Noa.

“Noa Anotenda Muna Mwari” (ijwis nyaya yechi18-wcgr)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe