1 INOKI
Akafamba naMwari
INOKI aiva zambiringa munyemba. Ainge akanyatsosiyana nevamwe vanhu vese vaiva panyika panguva yaakararama. Pavanhu vese vaiva panyika panguva iyoyo, Inoki ndiye ega anonzi: “Akaramba achifamba naMwari wechokwadi.” Asi zvingaita here kuti munhu wenyama afambe naMwari? Uyewo tingadzidzei nezveushingi kubva pana Inoki?
Tinogona kuti Inoki akafamba naMwari wechokwadi munzira mbiri. Nzira yekutanga ndeyekuti haana kutevedzera zvaiitwa nevanhu vairarama panguva yaakararama. Inoki aiva wechizvarwa chechi7 kubva kuna Adhamu naEvha; uye panguva yaakararama Adhamu akanga achiri mupenyu kunyange zvazvo akanga akwegura. (Ona chati yakanzi “Kubva Pana Inoki Kusvika Panguva yeVatongi.”) Panguva iyoyo, vanhu vakawanda vaiva panyika vakanga vava kupandukirawo Jehovha vachitevedzera zvakaitwa naAdhamu naEvha. Mwanakomana wavo Kaini akauraya munin’ina wake Abheri, uyo aiva murume wekutanga akaratidza kutenda panyika. Vamwe vana nevazukuru vaKaini vaivawo neunhu hweumhondi sehwaKaini, kana kuti pamwe hwavo hwaitopfuura hwaKaini. (Gen. 4:23, 24) Asi achiratidza ushingi Inoki haana kutevedzera zvaiitwa nevanhu vepanguva iyoyo vaida zvemhirizhonga. Akaramba ari munhu anoda zverugare, uye izvozvo zvakafadza Mwari.
Makore akawanda Inoki asati aberekwa, “vanhu vakatanga kudana zita raJehovha.” (Gen. 4:26) Asi zvinoita sekuti kudana kwavaiita zita raJehovha kwakanga kusiri kwekumurumbidza, asi vaitomushora. Inoki haana kubatana navo pakuita zvinhu zvakadaro. Aida zita dzvene raJehovha, uye airiremekedza chaizvo ndokusaka akanga akasiyana nevamwe vanhu vese vepanguva iyoyo.
Inoki aida kuurayiwa nevanhu nekuti vaimuvengera mashoko aaitaura, asi Jehovha akamudzivirira
Nzira yechipiri ndeyekuti akabvuma kuita basa raakatumwa naJehovha kuti aite. Basa racho raitoda kuti ave neushingi nekuti Jehovha aida kuti ataure mashoko ake kuvanhu vese ivavo vainge vakaipa. Mashoko acho aiva ekuti: “Inzwai! Jehovha akauya nengirozi dzake tsvene dzakawanda chaizvo kuti aitire vese zvaakavatongera, uye kuti ape mhosva vese vasingadi Mwari pamusoro pemabasa avo ese ekusada Mwari avakaita vachipesana nezvinodiwa naMwari, uye pamusoro pezvinhu zvese zvinotovhundutsa zvaitaurwa pamusoro pake nevatadzi vasingadi Mwari.”
Wazviona here kuti Inoki akataura zvinhu zvaizoitwa naJehovha, sekunge kuti zvakanga zvatoitika kare. Izvozvo zvairatidza kuti mashoko acho aitozozadzika chete. Uye mashoko aakataura akanga asiri ekutamba nawo nekuti airatidza kuti Jehovha akanga atsamwa zvakadii. Mumashoko acho Inoki akataura “nezvekusada Mwari” kanenge ka4! Vanhu vakanzwa mashoko iwayo achiparidzwa naInoki vanofanira kunge vakagumbuka chaizvo. Asi haana kumbozeza kuvaudza mashoko acho aibva kuna Jehovha.
Vanhu vacho vakabva vaita sei? Bhaibheri harinyatsotiudzi zvavakaita, asi rinoratidza kuti upenyu hwaInoki hwakanga hwava mungozi. Tinozviziva sei? Bhaibheri rinoti: “Haana kuzoonekwa, nekuti Mwari akamutora.” Akamutora pakuti kudii? Zvinoita sekuti vanhu vaimutambudza. Saka Jehovha haana kubvumira kuti Inoki akuvadzwe kana kupondwa zveutsinye, asi akaita kuti shamwari yake yaaida ife isingarwadziwi. Vavengi vake vakanga vasisina chavaikwanisa kumuita, asi Jehovha aizoramba achimuyeuka uye aizomumutsa.
Inoki asati afa, pane zvaakaitirwa naJehovha zvairatidza kuti aimuda. Bhaibheri rinoti: “Asati atamiswa akapupurirwa kuti akanga anyatsofadza Mwari.” Jehovha anogona kunge akaita kuti Inoki azvione ari muparadhiso achirarama upenyu hune rugare panyika pano! Inoki akafa aine chokwadi chekuti Jehovha aimuda uye aizomukomborera nemhaka yekutenda kwakasimba kwaaiva nako uye ushingi hwaakaratidza!
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Inoki akaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. Zvinorevei kuti “vanhu vakatanga kudana zita raJehovha”? (Gen. 4:26; w01 9/15 29 ¶3-wcgr)
2. lnoki aiva munhu wekutanga kuita basa ripi? Chii chakaita kuti akwanise kuita basa racho? (w01 9/15 31 ¶5-wcgr)
3. Chii chingangodaro chakaita kuti Inoki azive kuti aifanira kuratidza ushingi kunyange paakanga asati atanga kuprofita? (w06 10/1 19 ¶13-14-wcgr) Ona mufananidzo A
Mufananidzo A
4. Ungabatsira sei mumwe munhu kuti azive kuti Inoki haana kuenda kudenga, sezvinofungwa nevamwe? (Joh. 3:13; VaH. 11:5, 13)
Zvidzidzo Zvatinowana
Ndepapi patinganyanya kuda kuva neushingi kuti tiparidze? Tichifunga zvakaitika kuna Inoki, chii chingatibatsirawo? Ona mufananidzo B
Mufananidzo B
Jehovha anonzwa sei patinofamba naye tiine ushingi? (Zvir. 27:11; VaH. 11:5)
Ungatevedzera sei ushingi hwaiva naInoki?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Inoki paachamutswa?
Dzidza Zvimwe
Nyaya yaInoki ingakubatsira sei kana ukasangana nevanhu vanoda kukurwisa?
Tevedzera Vanhu Vaiva Nekutenda, Kwete Vakanga Vasina Kutenda—Inoki, Kwete Rameki (2:53)
Ona kuti chii chakabatsira Inoki kuti ave nekutenda.