RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 32
  • Umambo hwaMwari Hwava Kutonga!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Umambo hwaMwari Hwava Kutonga!
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Maverengerwo Enguva muBhaibheri Anoratidzei Nezvegore ra1914?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Umambo hwaMwari Hwakatanga Kutonga Riini?—Chikamu 2
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Umambo hwaMwari Hunopfuura Humwe Hwose Muzvinhu Zvose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • 1914—Gore Rinokosha Muuprofita hweBhaibheri
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 32
Chidzidzo 32. Jesu Kristu, Mambo weUmambo hwaMwari, akabata tsvimbo yeUmambo achitonga nyika.

CHIDZIDZO 32

Umambo hwaMwari Hwava Kutonga!

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Umambo hwaMwari hwakatanga kutonga kudenga muna 1914. Ndipo pakatangawo mazuva ekupedzisira eutongi hwevanhu. Tinozviziva sei? Ngationgororei uprofita hweBhaibheri uye mamiriro akaita zvinhu panyika neunhu hwakatanga kuva nevanhu kubva muna 1914.

1. Uprofita hweBhaibheri hunoti chii?

Mubhuku raDhanieri, Bhaibheri rakagara rataura kuti Umambo hwaMwari hwaizotanga kutonga panopera dzinonzi “nguva nomwe.” (Dhanieri 4:16, 17) Papfuura mazana emakore, Jesu akazotaura nezvenguva imwe chete iyoyo achiiti “nguva yemamwe marudzi” uye akaratidza kuti yainge isati yapera. (Ruka 21:24) Sezvatichaona nguva nomwe idzodzo dzakaguma muna 1914.

2. Zvinhu zvakamira sei panyika uye vanhu vakatanga kuva neunhu hwakaita sei kubva muna 1914?

Vadzidzi vaJesu vakamubvunza kuti: “Chii chichava chiratidzo chekuti mavapo uye chekuti nyika yava kumagumo kwayo?” (Mateu 24:3) Jesu akavapindura achivaudza zvinhu zvakawanda zvaizoitika paaizotanga kutonga saMambo weUmambo hwaMwari ari kudenga. Zvimwe zvacho zvinosanganisira hondo, nzara, uye kudengenyeka kwenyika. (Verengai Mateu 24:7.) Bhaibheri rakagara rataura unhu hwaizova nevanhu “mumazuva ekupedzisira” uye izvozvo zvaizoita kuti dzive nguva “dzinonetsa kurarama madziri.” (2 Timoti 3:1-5) Zvese izvi zvakatanga kuwedzera muna 1914.

3. Nei zvinhu zvakabva zvaipa kudaro pakatanga kutonga Umambo hwaMwari?

Paakangogadzwa saMambo weUmambo hwaMwari, Jesu akarwa hondo kudenga naSatani nemadhimoni. Satani akakundwa muhondo yacho. Bhaibheri rinoti “akakandwa panyika, uye ngirozi dzake dzakakandwa pasi pamwe chete naye.” (Zvakazarurwa 12:9, 10, 12) Satani akashatirwa chaizvo nekuti ari kuziva kuti achaparadzwa. Saka ari kukonzera nhamo nematambudziko pasi rese. Ndosaka zvinhu zvakaipa kudai panyika! Umambo hwaMwari huchabvisa matambudziko ese aya.

WEDZERA KUONGORORA

Ongorora zvinoratidza kuti Umambo hwakatanga kutonga muna 1914 uye kuti isu tinofanira kuita sei.

4. Bhaibheri rinoratidza kuti Umambo hwakatanga kutonga muna 1914

Ngationei VHIDHIYO.

VHIDHIYO: Umambo hwaMwari Hwakatanga Kutonga Muna 1914 (5:02)

Mwari akaita kuti Mambo Nebhukadhinezari arote hope achimuratidza zvaizoitika mune ramangwana. Patinoverenga nezvehope idzodzo uye kududzirwa kwadzakaitwa naDhanieri, zvinonyatsobuda pachena kuti dzaitaura nezveutongi hwaNebhukadhinezari uyewo Umambo hwaMwari.—Verengai Dhanieri 4: 17.a

Verengai Dhanieri 4:20-26, mozoshandisa chati kupindura mibvunzo inotevera:

  • (A) Nebhukadhinezari akaonei muhope dzaakarota?—Ona vhesi 20 ne21.

  • (B) Muti waizoitwa sei?—Ona vhesi 23.

  • (C) Chii chaizoitika paizopera “nguva nomwe”?—Ona vhesi 26.

Hope dzaNebhukadhinezari Dzinobatana Papi neUmambo hwaMwari?

UPROFITA HWACHO (Dhanieri 4:20-36)

Utongi

(A) Zimuti rakakura

Muti wakareba zvinotyisa.

Utongi hunombomiswa

(B) “Rigai muti,” kusvikira “nguva nomwe dzapera”

Chigutsa chemuti chakasungwa nesimbi nemhangura.

Utongi hunodzorerwa

(C) “Umambo hwenyu huchadzoka kwamuri”

Chigutsa chemuti chakasungwa nesimbi nemhangura.

Pakazadziswa uprofita hwacho kekutanga . . .

  • (D) Ndiani aifananidzirwa nemuti?—Ona vhesi 22.

  • (E) Utongi hwake hwakambomiswa sei?—Verengai Dhanieri 4:29-33.

  • (F) Chii chakaitika kuna Nebhukadhinezari pakapera “nguva nomwe”?—Verengai Dhanieri 4:34-36.

KUZADZISWA KWEKUTANGA

Utongi

(D) Nebhukadhinezari, Mambo weBhabhironi

Mambo Nebhukadhinezari achizvikudza.

Utongi hunombomiswa

(E) Pashure pa606 B.C.E., Nebhukadhinezari anorasika pfungwa kwemakore manomwe zvekutadza kutonga

Nebhukadhinezari akarara pasi achidya uswa semhuka.

Utongi hunodzorerwa

(F) Pfungwa dzaNebhukadhinezari dzinodzoka panzvimbo otangazve kutonga

Nebhukadhinezari akarara pasi achidya uswa semhuka.

Pakazadziswa uprofita hwacho kechipiri . . .

  • (G) Ndivanaani vaifananidzirwa nemuti?—Verengai 1 Makoronike 29:23.

  • (H) Utongi hwavo hwakambomiswa sei? Tinoziva sei kuti pakararama Jesu panyika pano utongi ihwohwo hwakanga huchakamiswa?—Verengai Ruka 21:24.

  • (I) Utongi uhwu hwakazodzorerwa riini uye kupi?

KUZADZISWA KWECHIPIRI

Utongi

(G) Madzimambo evaIsraeri aimiririra utongi hwaMwari

Madzimambo evaIsraeri vachitevedzana pachigaro cheUmambo. Chiedza chiri kupenya nechepamusoro pavo.

Utongi hunombomiswa

(H) Jerusarema rinoparadzwa, zvomisa kutonga kwemadzimambo evaIsraeri kwemakore 2 520

Jerusarema riri kuparadzwa nemoto muna 607 B.C.E, panova ndipo panotangira makore 2 520.

Utongi hunodzorerwa

(I) Jesu anotanga kutonga kudenga saMambo weUmambo hwaMwari

Jesu achitonga nyika ari pachigaro chake cheUmambo kudenga muna 1914 C.E. Chiedza chichipenya chichibva paari.

Nguva nomwe dzakareba zvakadii?

Dzimwe ndima dziri muBhaibheri dzinotibatsira kunzwisisa zvinotaurwa mune dzimwewo ndima. Bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rinoratidza kuti nguva nhatu nehafu dzakaenzana nemazuva 1 260. (Zvakazarurwa 12:6, 14) Saka nguva nomwe dzinenge dzapeta kaviri nhamba iyoyo, zvotisvitsa pamazuva 2 520. Bhaibheri rinomboshandisa zuva richimiririra gore. (Ezekieri 4:6) Ndizvo zvazviriwo pauprofita huri mubhuku raDhanieri. Nguva nomwe dzinomiririra makore 2 520.

5. Zvinhu zvakachinja panyika kubva muna 1914

Ngationei VHIDHIYO.

VHIDHIYO: Zvinhu Zvakachinja Panyika Kubva Muna 1914 (1:10)

Jesu akataura zvinhu zvaizoitika panyika pashure pekunge agadzwa kuva Mambo. Verengai Ruka 21:9-11, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Pane zvataurwa mumavhesi aya, ndezvipi zvauri kuona zvichiitika kana zvawakanzwa nezvazvo?

Pauro akataura nezveunhu hwaizova nevanhu mumazuva ekupedzisira eutongi hwevanhu. Verengai 2 Timoti 3:1-5, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Pane zvataurwa mumavhesi aya ndezvipi zvauri kuonawo muvanhu mazuva ano?

Mifananidzo: Mifananidzo iri kuratidza zviri kuitika panyika mumazuva ekupedzisira. 1. Mutungamiriri wemauto achishevedzera akasimudza ruoko. 2. Zvivakwa zvaparara pashure pekudengenyeka kwenyika. 3. Ndege dzehondo. 4. Vanhu vari kufamba vakavhara muromo nemhuno. 5. Zvivakwa zvinonzi Twin Towers zviri muNew York zvichiparadzwa nemagandanga. 6. Munhu ari kuzvibaya madhiragi. 7. Murume ari kushusha mukadzi. 8. Doro nemadhiragi akasiyana-siyana. 9. Vakadzi vaviri vakapfeka hembe dziri mufashoni vachizvitora pikicha. 10.Vanhu vari pamafaro. 11. Munhu ari kuratidzira akabata chinhu chaari kuda kupotsera.

6. Kuziva kuti Umambo hwaMwari hwava kutonga kunotipa simba

Verengai Mateu 24:3, 14, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Ibasa ripi rinokosha rinoratidza kuti Umambo hwava kutonga?

  • Ungaita sei kuti ubatane nevamwe pakuita basa iri?

Umambo hwaMwari hwakatotanga kutonga uye zuva rekuti nyika yese ive mumaoko ahwo rava pedyo. Verengai VaHebheru 10:24, 25, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Mumwe nemumwe wedu anofanira kuita sei patiri kuona “zuva richiswedera kudai”?

Mifananidzo: 1. Munhu ari kudzidza bhaibheri ari pamusangano weZvapupu zvaJehovha. 2. Iye zvino ava kuparidza.

Kana ukaziva chimwe chinhu chinogona kubatsira kana kuponesa vanhu, unofanira kuita sei?

MUMWE MUNHU ANOGONA KUBVUNZA KUTI: “Sei Zvapupu zvaJehovha zvichingogara zvichitaura nezva1914?”

  • Ungamupindura sei?

PFUPISO

Uprofita hweBhaibheri uye mamiriro akaita zvinhu panyika zvinoratidza kuti Umambo hwaMwari hwava kutotonga. Tinoratidza kuti tinotenda izvi nekugara tichiparidza uye kupinda misangano yeungano.

Kudzokorora

  • Chii chakaitika pakapera nguva nomwe dzinotaurwa mubhuku reBhaibheri raDhanieri?

  • Chii chinoita kuti uve nechokwadi chekuti Umambo hwaMwari hwakatanga kutonga muna 1914?

  • Ungaratidza sei kuti une chokwadi chekuti Umambo hwaMwari hwava kutonga?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Verenga unzwe kuti vanyori vezvakaitika kare nevamwewo vanoti kudii nezvekuchinja kwakaita zvinhu panyika kubva muna 1914.

“Tsika Padzakaderera Zvinooneka” (Mukai!, July 2007)

Verenga unzwe kuti uprofita huri pana Mateu 24:14 hwakachinja sei upenyu hwemumwe murume.

“Hapana Chimwe Chandaida Kupfuura Baseball!” (Nharireyomurindi Nhamba 3 2017)

Tinoziva sei kuti uprofita huri pana Dhanieri chitsauko 4 hunotaura nezveUmambo hwaMwari?

“Umambo hwaMwari Hwakatanga Kutonga Riini? (Chikamu 1)” (Nharireyomurindi, October 1, 2014)

Chii chinoratidza kuti “nguva nomwe” dzinotaurwa muna Dhanieri chitsauko 4 dzakaguma muna 1914?

“Umambo hwaMwari Hwakatanga Kutonga Riini? (Chikamu 2)” (Nharireyomurindi, November 1, 2014)

a Ona nyaya mbiri dziri pekupedzisira pachikamu chakanzi “WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA” muchidzidzo chino.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe